RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwhf nyaya 22
  • Dzidzisa Vana Vako Kuonga

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Dzidzisa Vana Vako Kuonga
  • Mazano Ekubatsira Mhuri
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Vana vangadzidziswa sei kuti vave vanhu vanoonga?
  • “Tendai Zvese Zvamunoitirwa”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2019
  • Tenda Zvaunoitirwa
    Mukai!—2016
  • Nei Tichiratidza Kuonga?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Iva Munhu Anoonga
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2018
Ona Zvimwe
Mazano Ekubatsira Mhuri
ijwhf nyaya 22
Kamusikana ari kunyemwerera kakabata tsamba yekutenda yakanyora.

MAZANO EKUBATSIRA MHURI | KURERA VANA

Dzidzisa Vana Vako Kuonga

Vanotsvakurudza vakaona kuti vanhu vanoonga vanofara uye vane utano hwakanaka, vanokwanisa kutsungirira matambudziko, uye vanokwanisa kuva neushamwari hwakasimba nevamwe. Mumwe muongorori anonzi Robert A. Emmons anoti kuva munhu anoonga “kunoita kuti munhu asava neunhu hunomukuvadza hwakadai seshanje, kuchengeta chigumbu, makaro uye kugara akatsamwa.”a

Vana vanobatsirwa sei kana vakava vanhu vanoonga? Muongororo yakaitwa mumakore 4 pavana 700 vachiri kuyaruka, zvakaoneka kuti vaya vanoonga havaiti zvemadhiragi, zvedoro, zvemisikanzwa, kana zvekubiridzira pakunyora bvunzo.

  • Mwana akava nemafungiro ekuti ane kodzero yekuitirwa zvimwe zvinhu haazovi munhu anoonga. Vana vakawanda vanofunga kuti ikodzero yavo kuitirwa zvinhu zvakanaka. Mafungiro akadaro anovatadzisa kuona zvinhu zvakanaka zvavanoitirwa sezvipo saka vanopedzisira vasisaongi zvinhu zvavanoitirwa.

    Mafungiro iwayo akazara kwese kwese mazuva ano. Vamwe amai vanonzi Katherine vanoti, “Munyika makazara mafungiro ekuti tinofanira kuwana chero chatada.” Vanoenderera mberi vachiti: “Vanoshambadzira vanotiratidza zvinhu zvakawanda zvavanoti tine ‘kodzero’ yekuti tive nazvo uye vanotiudza kuti tisu tinofanira kuva vekutanga kuva nezvinhu izvozvo.”

  • Vana vanogona kudzidziswa kuva vanhu vanoonga vachiri vadiki. Vamwe amai vanonzi Kaye vanoti: “Vana vanodzidzisika. Kuvadzidzisa tsika dzakanaka vachiri vadiki kwakafanana nekuisa zvimiti pedyo nechirimwa kuti chikure chakatwasuka.”

Vana vangadzidziswa sei kuti vave vanhu vanoonga?

  • Vadzidzise kutaura mashoko ekuonga. Kunyange vana vadiki vanogona kudzidza kuti maita basa pavanenge vapiwa chipo nemumwe munhu kana kuti vaitirwa chimwe chinhu chakanaka. Pavanenge vachikura vanoramba vachiwedzera kuonga zvinhu zvakanaka zvavanenge vachiitirwa nevamwe.

    Amai vakatakura mwanasikana wavo achipihwa chidhori. Vese vari kunyemwerera vachiratidza kuonga.

    Zvinotaurwa neBhaibheri: “Ratidzai kuti muri vanhu vanoonga.”—VaKorose 3:15.

    “Muzukuru wedu ane makore matatu anotaura ega kuti ‘maita basa,’ uye pese paanokumbira chinhu anoti ‘ndinokumbirawo.’ Akazvidzidza kuvabereki vake. Unhu hwavo uye kuratidza kwavo kuonga kuri kumudzidzisa kuti naiyewo ave munhu anoonga.”—Jeffrey.

  • Vadzidzise kuita zvinhu zvinoratidza kuti vanoonga. Unogona kuita kuti vana vako vanyore tsamba yekutenda mumwe munhu paachavapa chipo. Uyewo, kana ukapa vana vako mabasa ekuita pamba, zvichavabatsira kuti vaone kukosha kwebasa rese rinoitwa kuti zvinhu zvifambe zvakanaka pamba.

    Vabereki vari kudzidzisa vana vavo kunyora tsamba dzekutenda.

    Zvinotaurwa neBhaibheri: “Kupa kune mufaro kupfuura kugamuchira.”—Mabasa 20:35.

    “Vana vedu vaviri vari kuyaruka vanobatsira mumhuri nekuronga kuti todyei, kubika, uye kuita mamwe mabasa epamba. Zvinovabatsira kuonga kushanda nesimba kwatinoita sevabereki, uye havazooni zvinhu izvi sezvisina basa.”—Beverly.

  • Vadzidzise kuti vave nemafungiro akanaka. Munhu anokwanisa kuratidza kuonga kana achizvininipisa. Vanhu vanozvininipisa vanoziva kuti vanoda kubatsirwa nevamwe kuti vabudirire pazvinhu zvavanoita, uye izvozvo zvinoita kuti vaonge pavanobatsirwa.

    Baba vari kudzidzisa vanakomana vavo vaviri kugadzira bhasikoro.

    Zvinotaurwa neBhaibheri: “Zvininipisei muchiona vamwe sevakuru kwamuri, musingangofungi zvakakunakirai chete, asi zvakanakirawo vamwe.”—VaFiripi 2:3, 4.

    “Dzimwe nguva patinenge tichidya manheru tinotaura zvinhu zvatinoonga. Mumwe nemumwe anotaura nezvechinhu chaanoonga. Zvinoita kuti munhu wese ave nemafungiro akanaka ekuonga, pane ekungozvifunga.”—Tamara.

Zano: Imi vabereki ratidzai kuti munoonga. Zviri nyore kuti vana vadzidze kuva vanhu vanoonga kana vachikunzwai muchionga vamwe vanhu uye muchiongawo zvavanoita.

a Kubva mubhuku rinonzi Thanks! How Practicing Gratitude Can Make You Happier.

Zvinotaurwa nevamwe vabereki

Jeffrey naKaren.

“Ini nemudzimai wangu takadzidzisa vana vedu kunyora tsamba dzekuonga. Izvozvo zvinobatsira vana kuyeuka kuti haisi kodzero yavo kuti vanhu vavape zvipo kana kuvaitira zvimwe zvinhu. Kana munhu akaratidza mutsa anofanira kutendwa.”—Jeffrey nemudzimai wake, Karen.

Susan naChristopher.

“Kana tikadzidzisa vana kutaura kuti ndinokumbirawo uye kuti maita basa pavanenge vava kungokwanisa kutaura, zvinobva zvaita nyore kuvadzidzisa kuti vakure vari vanhu vanoonga.”—Susan nemurume wake, Christopher.

Kudzokorora: Dzidzisa Vana Vako Kuonga

  • Vadzidzise kutaura mashoko ekuonga. Kunyange vana vadiki vanogona kudzidziswa kutaura kuti maita basa pavanenge vaitirwa zvinhu zvakanaka.

  • Vadzidzise kuita zvinhu zvinoratidza kuti vanoonga. Dzidzisa vana vako kunyora tsamba yekutenda pavanenge vapiwa zvipo. Kuita mabasa epamba kuchavabatsira kunzwisisa kuti kuchengetedza pamba pakanaka ibasa.

  • Vadzidzise kuva nemafungiro akanaka. Kuzvininipisa kuchabatsira vana vako kuona kuti vanoda kubatsirwa nevamwe kuti vabudirire pazvinhu zvavanoita, uye vacharatidza kuonga pavanobatsirwa nevamwe.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe