RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwhf nyaya 21
  • Ungaitei Kana Mumwe Wako Aine Unhu Hunokusvota?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ungaitei Kana Mumwe Wako Aine Unhu Hunokusvota?
  • Mazano Ekubatsira Mhuri
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvaungaita kana mumwe wako aine unhu hunokusvota
  • Zvamungataura nezvazvo
  • Tenda Zvinoitwawo Nemumwe Wako
    Mukai!—2017
  • Vakaroorana Pavanotadza Kuwirirana
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • 3 Kuremekedzana
    Mukai!—2018
  • Zvamungaita Kuti Basa Riperere Kubasa
    Mazano Ekubatsira Mhuri
Ona Zvimwe
Mazano Ekubatsira Mhuri
ijwhf nyaya 21
Murume ari kutsvotwa nekutaurisa kuri kuita kwakaita mudzimai wake.

MAZANO EKUBATSIRA MHURI | WANANO

Ungaitei Kana Mumwe Wako Aine Unhu Hunokusvota?

  • Unongoita zvetsuro yamukira mumakumbo; asi mumwe wako anotanga anyatsoronga asati aita zvinhu.

  • Uri munhu akanyarara, asingafariri kuva pane vanhu vakawanda; asi mumwe wako anofarira kuva nevanhu vakawanda uye anojairana nevanhu zviri nyore.

Mumwe wako ane unhu hwausingafariri here? Kugara uchingofunga nezveunhu ihwohwo kunogona kukanganisa wanano yenyu. Bhaibheri rinotaura kuti “uya anoramba achingodzokorora nyaya anoparadzanisa shamwari dzepedyo.”—Zvirevo 17:9.

Pane kuita kuti unhu hwemumwe wako hwausingafariri hupedzisire hwaita kuti musawarirane, wadii waedza kuona chimwe chakanakira unhu ihwohwo.

Zviri munyaya ino

  • Zvaungaita kana mumwe wako aine unhu hunokusvota

  • Zvinotaurwa nevamwe vakaroorana

  • Zvamungataura nezvazvo

Zvaungaita kana mumwe wako aine unhu hunokusvota

Kana ukatarisa nerimwe divi unogona kuona kuti unhu ihwohwo hunokusvota hune zvahwakanakira zvaunoyemura. Funga nezvemienzaniso iyi mitatu:

“Murume wangu anononoka kupedza kuita zvinhu uyewo kupedza kugadzirira patinenge tichida kubuda. Asi izvozvo zvinoita kuti ave nemwoyo murefu kwandiri nekune vamwe vanhu. Dzimwe nguva manonokero aanoita zvinhu anondibhowa, asi ichocho ndicho chimwe chezvinhu zvinoita kuti ndimude.”—Chelsea.

“Mudzimai wangu anoda kunyatsova nechokwadi chekuti zvinhu zvese zvakanyatsorongeka asati aita chimwe chinhu, izvozvo zvinombondibhowa. Asi izvozvo zvinoita kuti ave munhu akanyatsorongeka, asingangomiriri kuti zvinhu zvingoitika zvega.”—Christopher.

“Murume wangu anomboita kunge munhu asingakendengi, izvozvo handizvifariri. Asi maitiro aanoita zvinhu akadzikama, asina chekumhanyira ndicho chimwe chezvinhu zvakaita kuti ndimude. Ndinoyemura zvaanoita zvekuramba akadzikama zvinhu pazvinombooma.”—Danielle.

Sezvakaonekwa naChelsea, Christopher, naDanielle unhu hunokusvota hwemumwe wako, kana ukahutarisa nerimwe divi unogona kuona kuti hune zvimwe zvahwakanakira. Kana zvakadaro, kubvisa unhu hwausingafariri kunobva kwabvisawo nehwacho hwaunofarira. Kungofanana nemari haukwanisi kubvisa rimwe divi, wosara nerimwe divi.

Asi pane humwe unhu husina kana rimwe divi rahwakanakira. Semuenzaniso, Bhaibheri rinotaura kuti kune vamwe vanhu ‘vasingatani kutsamwa.’ (Zvirevo 29:22) Vanhu vakadaro vanofanira kushanda nesimba kuti vabvise “kuvengana kwese, kutsamwa, hasha, kupopota, nekutuka.”a—VaEfeso 4:31.

Asi kana unhu hwemumwe wako husina kuipa asi huchingokusvotawo, shandisa zano rinotaurwa neBhaibheri rekuti: “Rambai muchinzwisisana . . . kunyange kana paine ane chaakatadzirwa nemumwe.”—VaKorose 3:13.

Uyewo, tsvaga zvakanakira unhu ihwohwo hunokusvota. Zvimwe ndicho chimwe chezvinhu zvakatoita kuti utange kufarira mumwe wako. Mumwe murume anonzi Joseph akati, “Kugara uchingofunga nezveunhu hwemumwe wako hwausingafariri kwakafanana nekutarisa dhaimondi asi woramba wakangotarisa makona aro akapinza uchitadza kuona kunaka kwaro.”

Zvinotaurwa nevamwe vakaroorana

Derrick naHaley.

“Patinombosvotwa neunhu hune mumwe hwatisingafariri, tinoedza kufunga nezvekuti unhu ihwohwo hungatibatsira sei.”—Derrick nemudzimai wake, Haley.

Mikiah naCurtis.

“Kufunga nezveunhu hwakasiyana-siyana hune mumwe hwakaita kuti timude kunotibatsira kuti tisanyanye kufunga nezveunhu hwaainahwo hunotisvota.”—Mikiah nemurume wake, Curtis.

Zvamungataura nezvazvo

Mumwe nemumwe wenyu ngaapindure mibvunzo iyi ari ega, mozokurukura pamwe chete.

  • Mumwe wako ane unhu hwaunofunga kuti huri kuita kuti musawirirane here? Kana huripo, ndehupi?

  • Unhu ihwohwo hwakatoipa here kana kuti hunongokusvota?

  • Pane here zvahwakanakira unhu hwacho? Kana zviripo, ndezvipi, uye nei zvinhu izvozvo uchizvikoshesa?

a Ona nyaya dzakanzi “Zvaungaita Kuti Udzore Hasha,” “Zvaungaita Kuti Usataura Mashoko Anorwadza,” uye “Zvamungaita Kuti Musapopotedzana.”

Kudzokorora: Zvii zvaungaita kuti usasvotwa neunhu hune mumwe wako hwausingafariri?

Ramba uchifunga izvi:

  • Kugara uchingofunga nezveunhu hune mumwe wako hunokusvota kunogona kukanganisa wanano yenyu.

  • Unhu hune mumwe wako hwausingafariri, kana ukahutarisa nerimwe divi unogona kuona kuti pane chimwe chaunoyemura uye pamwe ndicho chakaita kuti umude.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe