RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwex nyaya 14
  • Takasarudza Kurarama Upenyu Husina Twakawanda-wanda

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Takasarudza Kurarama Upenyu Husina Twakawanda-wanda
  • Zvakaitika
  • Mashoko Akafanana
  • Zvatinodzidza kuvaNaziri
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2024
  • Ziso Rako Rakanaka Here?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2010
  • Fungai Vaya Vari Mubasa Renguva Yakazara
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Nzira Dzekuwedzera Nadzo Ushumiri Hwako
    Takarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha
Ona Zvimwe
Zvakaitika
ijwex nyaya 14
Munhu ari kutambira makiyi emudhudhudhu waatenga.

Takasarudza Kurarama Upenyu Husina Twakawanda-wanda

Murume anonzi Madián nemudzimai wake Marcela vairarama upenyu hwemutambarakede muMedellín, kuColombia. Basa raMadián raibhadhara chaizvo, zvekuti vaigara muimba yakanaka. Asi pane chimwe chinhu chakaita kuti vaongorore zvavaikoshesa sevashumiri vaJehovha Mwari. Vanoti: “Muna 2006 takapinda gungano raiva nemusoro wekuti: ‘Ramba Uine Ziso Rakanaka.’ Hurukuro dzakawanda dzakasimbisa pfungwa yekuti tirarame upenyu husina twakawanda-wanda kuti tigone kushumira Mwari zvizere. Patakapedza gungano, takaona kuti takanga tichiita zvakapesana naizvozvo. Taiva vanhu vanoda zvekutenga chaizvo uye taitova nechikwereti chakakura chaida kubhadharwa.”

Zvavakadzidza zvakaita kuti Madián naMarcela vatange kuchinja kuti vararame upenyu husina zvakawanda. Vanoti: “Takatanga kuderedza mari yataishandisa. Takatama tichinogara muimba diki, tikatengesa mota yedu ndokutenga mudhudhudhu.” Uyezve vakarega kuenda muzvitoro zvihombe vachiitira kuti vasava pamuedzo wekungokumba zvinhu. Vakatanga kupedza nguva yakawanda vachitaura nevavakidzani vavo nezveBhaibheri. Uye vakashamwaridzana nevanhu vaishingairira kushumira Jehovha Mwari semapiyona chaiwo.a

Marcela naMadián.

Pasina nguva, Madián naMarcela vakasarudza kuwedzera ushumiri hwavo nekutamira kuungano diki yekumamisha yaida kubatsirwa. Kuti vagone kuita izvi, Madián akasiya basa. Mukuru wake webasa akafunga kuti aipenga kusiya basa. Saka Madián akamubvunza kuti: “Munotambira mari yakawanda, asi muri kufara here?” Akataura kuti akanga asiri kufara nekuti aiva nezvinetso zvakawanda zvaaisagona kugadzirisa. Madián akabva amuti: “Saka haisi nyaya yekuti unotambira mari yakawanda sei. Nyaya iri pakuti chii chinoita kuti ufare. Kudzidzisa vanhu nezvaMwari kunoita kuti ini nemudzimai wangu tifare, uye tinoda kuwedzera mufaro wacho nekushandisa nguva yedu yakawanda tichiita basa iri.”

Madián naMarcela vari kunyatsofara uye kugutsikana nekuti kushumira Mwari ndiko kunonyanya kukosha muupenyu hwavo. Vava nemakore 13 vachishumira muungano dzine vaparidzi vashoma kuchamhembe kweColombia. Uye iye zvino vari kufara kushanda semapiyona chaiwo.

Marcela naMadián vachitaura nemumwe murume kumamisha. Vari kumuratidza bhuku rinonzi ‘Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?’

a Mapiyona chaiwo anogadzwa nehofisi yebazi reZvapupu zvaJehova munyika yacho kuti aparidze mashoko akanaka nguva dzese mune dzimwe nzvimbo. Vanopiwa kamari kekuti vabatsirikane pane zvekurarama nazvo.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe