RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwbq nyaya 195
  • Mashoko Ekuti ‘Idai Vavengi Venyu’ Anorevei?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mashoko Ekuti ‘Idai Vavengi Venyu’ Anorevei?
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mhinduro yeBhaibheri
  • Nei uchifanira kuda vavengi vako?
  • Ndedzipi dzimwe nzira dzaungaratidza nadzo kuti unoda vavengi vako?
  • Unofanira kuenda kuhondo here kuti unorwisana nevavengi vako?
  • Nhema dzinotaurwa nevamwe nezvekuda vavengi vako
  • Rambai Muchiita Zvakanaka
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Kurwisana Hakugadzirise Zvinhu
    Dzimwe Nyaya
  • Zvinoita Here Kuti Munhu Ade Vavengi Vake?
    Mukai!—2010
  • Rudo (Agape)—Charwusiri Uye Charwuri
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
Ona Zvimwe
Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
ijwbq nyaya 195
Vakadzi vaviri vakamira mumwe kune rimwe divi rezigomba uye mumwe kune rimwewo. Mukadzi ari kuruboshwe anokumbira ruregerero asi ari kurudyi anomutarisa achiratidza kuti haasi kuvimba naye.

Mashoko Ekuti ‘Idai Vavengi Venyu’ Anorevei?

Mhinduro yeBhaibheri

MuMharidzo yake Yepagomo, Jesu akati: “Rambai muchida vavengi venyu.” (Mateu 5:44; Ruka 6:27, 35) Mashoko ake anoreva kuti tinofanira kuratidza rudo vaya vanotivenga uye vasingatibati zvakanaka.

Jesu akaratidza rudo kuvavengi vake nekuregerera vaya vaimuitira utsinye. (Ruka 23:33, 34) Zvaakadzidzisa nezvekuda vavengi vedu zvinoenderana neMagwaro echiHebheru, ayo anowanzozivikanwa seTestamende Yekare.—Eksodho 23:4, 5; Zvirevo 24:17; 25:21.

“Rambai muchida vavengi venyu uye muchinyengeterera vaya vanokutambudzai.”—Mateu 5:43, 44.

Zviri munyaya ino

  • Nei uchifanira kuda vavengi vako?

  • Ndedzipi dzimwe nzira dzaunoratidza nadzo kuti unoda vavengi vako?

  • Unofanira kuenda kuhondo here kuti unorwisana nevavengi vako?

  • Nhema dzinotaurwa nevamwe nezvekuda vavengi vako

  • Mavhesi eBhaibheri anotaura nezvekuda vavengi vako

Nei uchifanira kuda vavengi vako?

  • Mwari anotiratidza muenzaniso panyaya iyi. Mwari “anoratidza mutsa kune vasingaongi nevakaipa.” (Ruka 6:35) Mwari ‘anoita kuti zuva rake ribudire vanhu vakaipa.’—Mateu 5:45.

  • Rudo runogona kuita kuti muvengi achinje. Bhaibheri rinotikurudzira kuti tibate vavengi vedu zvakanaka uye patinoita izvozvo, ‘tinenge tichitutira mazimbe emoto pamusoro wake.’ (Zvirevo 25:22) Nyaya yekututira mazimbe inobva pane zvaiitwa kare paipiswa matombo ane simbi, simbi yonyunguduka ichibva pamatombo acho. Ndizvo zvinoitikawo kana tikabata zvakanaka munhu anotivenga, tinogona kunyungudutsa ruvengo rwake zvoita kuti abudise unhu hwakanaka huri maari.

Ndedzipi dzimwe nzira dzaungaratidza nadzo kuti unoda vavengi vako?

  • ‘Itira zvakanaka vaya vanokuvenga.’ (Ruka 6:27) “Kana muvengi wako aine nzara, mupe zvekudya; kana aine nyota, mupe chekunwa,” rinodaro Bhaibheri. (VaRoma 12:20) Unogona kuwana dzimwe nzira dzekuratidza nadzo rudo kumuvengi nekuita zvinotaurwa mumashoko aya ekuti: “Zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, vaitireiwo izvozvo.”—Ruka 6:31.

  • ‘Komborerai vaya vanokutukai.’ (Ruka 6:28) Tinokomborera vavengi vedu patinotaura zvakanaka navo uye patinoratidza kuti tine hanya navo, kunyange pavanotituka. Bhaibheri rinoti: “Musatsiva . . kutuka nekutuka. Panzvimbo paizvozvo, tsivai nechikomborero.” (1 Petro 3:9) Zano iroro rinogona kutibatsira kuti tidzivise kuvengana.

  • ‘Nyengeterera vaya vanokudenha.’ (Ruka 6:28) Kana munhu akakudenha, usadzorera “chakaipa nechakaipa.” (VaRoma 12:17) Pane kudaro, kumbira Mwari kuti aregerere munhu iyeye. (Ruka 23:34; Mabasa 7:59, 60) Pane kuti udzorere chakaipa nechakaipa, siyira nyaya yacho kuna Mwari kuti azoigadzirisa zvinoenderana nemitemo yake yakarurama.—Revhitiko 19:18; VaRoma 12:19.

Mapikicha: 1. Mukadzi anoramba akadzikama achitukwa nemumwe waanoshanda naye. 2. Pava paya, mukadzi uya anonyengetera ari patafura yake.

“Rambai muchida vavengi venyu, muchiitira zvakanaka vaya vanokuvengai, muchikomborera vaya vanokutukai, muchinyengeterera vaya vanokudenhai.”—Ruka 6:27, 28.

  • Iva ‘nemwoyo murefu uye mutsa.’ (1 VaKorinde 13:4) Mumashoko ake akakurumbira anotaura nezverudo, muapostora Pauro, akashandisa shoko rimwe chete rechiGiriki (a·gaʹpe) iro ratinowanawo mumashoko akanyorwa muna Mateu 5:44 uye Ruka 6:27, 35. Tinoratidza rudo rwechiKristu rwakadaro kunyange kuvavengi vedu, nekuva nemwoyo murefu uye mutsa kwete shanje, kuzvikudza kana utsinye.

Mukadzi uya anopa waanoshanda naye tii, uye izvi zvinoshamisa waanoshanda naye.

“Rudo rune mwoyo murefu uye rune mutsa. Rudo haruna godo. Haruzvikudzi, haruzvitutumadzi, haruzvibati zvisina kufanira, harutsvagi zvakarunakira, harutsamwiswi. Haruchengeti chigumbu. Harufariri zvisina kururama, asi runofara nechokwadi. Runoshingirira zvinhu zvese, runotenda zvinhu zvese, rune tariro pazvinhu zvese, runotsungirira zvinhu zvese. Rudo harumboperi.”—1 VaKorinde 13:4-8.

Unofanira kuenda kuhondo here kuti unorwisana nevavengi vako?

Aiwa, Jesu akadzidzisa vateveri vake kuti havafaniri kurwisa vavengi vavo. Semuenzaniso, paakayambira nezvekurwiswa kwaizoitwa Jerusarema, haana kuvaudza kuti varambe varimo kuti varwe, asi akavaudza kuti vatize. (Ruka 21:20, 21) Jesu akaudzawo muapostora Petro kuti: “Dzorera bakatwa rako parinogara, nekuti vese vanotora bakatwa vachaparara nebakatwa.” (Mateu 26:52) Bhaibheri uye zvinyorwa zvekare zvinoratidza kuti vateveri vaJesu vepanguva yakatanga chiKristu havana kuenda kuhondo kuti vanorwisa vavengi vavo.a—2 Timoti 2:24.

Nhema dzinotaurwa nevamwe nezvekuda vavengi vako

Zvavanotaura: Mutemo waMwari waiti vaIsraeri vaifanira kuvenga vavengi vavo.

Chokwadi nezvenyaya iyi: Mumutemo hapana paitaura izvozvo. Asi wairayira vaIsraeri kuti vade vavakidzani vavo. (Revhitiko 19:18) Kunyange zvazvo shoko rekuti “muvakidzani” raingoreva vamwe vanhu, vamwe vaJudha vakanga vava kuona sekuti raingoreva vaJudha chete uye vaiona sekuti munhu wese akanga asiri muJudha akanga ari muvengi saka aifanira kuvengwa. (Mateu 5:43, 44) Jesu akagadzirisa maonero avo ainge asina kunaka nekutaura mufananidzo wemuSamariya akanaka.—Ruka 10:29-37.

Zvavanotaura: Kuda vavengi vako kunoreva kuti unenge uchibvumirana nezvakaipa zvavanenge vachiita.

Chokwadi nezvenyaya iyi: Bhaibheri rinoratidza kuti unogona kuda munhu asi usingabvumirani nezvakaipa zvaanenge achiita. Semuenzaniso, Jesu aishora kurwisana asi akanyengeterera vaya vakamuuraya. (Ruka 23:34) Uye aivenga kusateerera mutemo kana kuti chivi asi akapa upenyu hwake achiitira vanhu vane zvivi.—Johani 3:16; VaRoma 6:23.

a Bhuku rinonzi The Rise of Christianity rakanyorwa naE. W. Barnes rinoti: “Kunyatsoongorora mashoko ese aripo kwakaratidza kuti kusvika panguva yaMarcus Aurelius [uyo aiva mutongi weRoma kubva muna 161 kusvika muna 180 C.E.], hapana muKristu akava musoja; uye hapana musoja akanga atendeuka kuva muKristu akaramba ari muchiuto.”

Mavhesi eBhaibheri anotaura nezvekuda vavengi vako

Eksodho 23:5: “Kana ukaona kuti dhongi remunhu anokuvenga rakatsitsirirwa nemutoro waro, haufaniri kungorisiya woenda. Unofanira kumubatsira kurisunungura.”

Zvazvinoreva: Tinoratidza kuti tinoda muvengi wedu nekumubatsira paanenge achida kubatsirwa.

Zvirevo 24:17, 18: “Kana muvengi wako akawa, rega kufara, uye kana akagumburwa, usafara nechemumwoyo; ukadaro, Jehovhab achazviona akasafara uye achabva arega kumutsamwira.”

Zvazvinoreva: Mwari haadi kuti tifare, kunyange nechemumwoyo, kana vavengi vedu vakasangana nezvakaipa.

Ruka 6:28: ‘Komborerai vaya vanokutukai, uye nyengetererai vaya vanokudenhai.’

Zvazvinoreva: Taura zvine mutsa uye zvine ruremekedzo nevaya vanokuvenga kana kuti vanokuitira utsinye uye kumbira Mwari kuti avaregerere.

1 Petro 2:23: “[Jesu] paaitukwa, haana kutukawo. Paaitambura haana kutyisidzira, asi iye akazviisa mumaoko euya anotonga zvakarurama.”

Zvazvinoreva: Jesu aiva nechivimbo chekuti Mwari aizogadzirisa zvinhu panguva yake.

1 Petro 3:9: “Musatsiva chakaipa nechakaipa kana kutuka nekutuka.

Zvazvinoreva: Pane kudzorera, edza kugadzirisa kusawirirana zvine rugare.

b Jehovha ndiro zita raMwari. (Pisarema 83:18) Ona nyaya inoti “Jehovha Ndiani?”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe