RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwbq nyaya 177
  • Jesu Akati Tinofanira Kubata Sei Vamwe?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jesu Akati Tinofanira Kubata Sei Vamwe?
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mhinduro yeBhaibheri
  • Mashoko aya akataurwa naJesu anorevei?
  • Nei mashoko aya achitibatsira?
  • Mashoko aJesu anongotaura nezvezvatinokwanisa kupiwa nevamwe here?
  • Ungashandisa sei mashoko aya?
  • Kuitira Vamwe Zvaunoda Kuti Vakuitirewo—Kunoshanda
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Kandiro Kanoenda Kunobva Kamwe—Neiko Kuchakanaka?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
  • Kuitira Vamwe Zvaunoda Kuti Vakuitirewo—Dzidziso Inoshanda Kuvanhu Vose
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Itira Vamwe Zvaunoda Kuti Vakuitirewo Paunenge Uchiparidza
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
Ona Zvimwe
Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
ijwbq nyaya 177
Munhu ari kuverenga vhesi yeBhaibheri ine mashoko aJesu ekuti tiitire vamwe zvakanaka.

Jesu Akati Tinofanira Kubata Sei Vamwe?

Mhinduro yeBhaibheri

Mumharidzo yake Yepagomo yakakurumbira, Jesu akati: “Zvinhu zvese zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, vaitireiwo izvozvo.” (Mateu 7:12; Ruka 6:31) Mashoko aya anogona kunzi: “Itirai vamwe zvamunoda kuitirwawo.”—Encyclopedia of Philosophy.

  • Mashoko aya akataurwa naJesu anorevei?

  • Nei mashoko aya achitibatsira?

  • Mashoko aJesu anongotaura nezvezvatinokwanisa kupiwa nevamwe here?

  • Ungashandisa sei mashoko aya?

Mashoko aya akataurwa naJesu anorevei?

Mashoko aya akataurwa naJesu anotikurudzira kuti tiitire vamwe zvatinoda kuti vatiitirewo. Semuenzaniso, vanhu vakawanda vanoda kuti vamwe vavaremekedze, vavabate zvakanaka, uye vavaratidze rudo. Saka tinofanira ‘kuitirawo vamwe izvozvo.’—Ruka 6:31.

Nei mashoko aya achitibatsira?

Mashoko aya anoshanda pazvinhu zvakawanda. Semuenzaniso, anogona . . .

  • Kusimbisa wanano.—VaEfeso 5:28, 33.

  • Kubatsira vabereki pakurera vana.—VaEfeso 6:4.

  • Kubatsira shamwari, vavakidzani uye vanhu vanoshanda pamwe chete kuti vawirirane.—Zvirevo 3:27, 28; VaKorose 3:13.

Mashoko akawanda ari muchikamu cheBhaibheri chinowanzozivikanwa seTestamende Yekare anoratidza mafungiro aMwari ari mumashoko akataurwa naJesu. Zvakataurwa naJesu “ndizvo chaizvo zvinorehwa neMutemo [mabhuku 5 ekutanga eBhaibheri] neVaprofita [mabhuku ane uprofita].” (Mateu 7:12) Tingatoti zvakataurwa naJesu, zvinoratidza dzidziso inokosha iri muTestamende Yekare yekuti tinofanira kuda muvakidzani.—VaRoma 13:8-10.

Mashoko aJesu anongotaura nezvezvatinokwanisa kupiwa nevamwe here?

Aiwa. Mashoko aya anonyanya kutidzidzisa kuti tipewo vamwe. Jesu paakataura mashoko iwayo, aitaura zvatinofanira kuitira vanhu vese, kunyange vavengi vedu. (Ruka 6:27-31, 35) Saka mashoko aJesu anotikurudzira kuti tiitire vanhu vese zvakanaka.

Ungashandisa sei mashoko aya?

  1. 1. Cherechedza. Iva nehanya nezviri kuitika kuvanhu vari pedyo newe. Semuenzaniso, unogona kuona kuti munhu ari kunetsekana nekutakura zvinhu zvaatenga, kunzwa nezvemuvakidzani wako ari muchipatara, kana kuona kuti waunoshanda naye akaora mwoyo. Paunofunga “zvakanakirawo vamwe,” uchawana mikana yekutaura kana kuita zvinovabatsira.—VaFiripi 2:4.

  2. 2. Nzwira vamwe tsitsi. Fungidzira uriwe munhu wacho. Waizonzwa sei uri mumamiriro ezvinhu aari? (VaRoma 12:15) Paunoedza kunzwisisa manzwiro anenge achiita vamwe, unogona kunzwa uchida kuvabatsira.

  3. 3. Iva munhu anonzwisisa. Yeuka kuti vanhu vakasiyana. Vamwe vanogona kuda kuitirwa zvakasiyana nezvawaizoda kuitirwa iwewe. Saka pazvinhu zvakawanda zvaunogona kuvaitira, ona kuti ndezvipi zvavangada kuti uvaitire.—1 VaKorinde 10:24.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe