INDONESIA
Takaramba Kusiya Kutenda Kwedu
Daniel Lokollo
AKABEREKWA MUNA 1965
AKABHABHATIDZWA MUNA 1986
NHOROONDO YOUPENYU Piyona chaiye akaramba akatendeka paaitambudzwa.
MUSI wa14 April 1989, pandaiitisa musangano mutaundi reMaumere, paFlores Island, vakuru vakuru vehurumende vakangoerekana vati pindikiti mumba mataiva vakandisunga pamwe chete nehama mbiri neimwe hanzvadzi.
Magadhi epajeri remunharaunda yacho akaedza kutimanikidza kusaruta mureza. Patakaramba, akatirova, akatikava uye akatimisa muzuva raigocha kwemazuva mashanu. Usiku taigwagwadza nechando takarara pafuroo pasina chakawaridzwa tiri muzvitokisi zvidiki diki, apa tisina kugeza, takaneta uye tichiyuwira nemaronda ekurohwa. Mukuru wemagadhijeri airamba achitiudza kuti tisarute mureza, asi taimupindura kuti, “Hatifi takasaruta mureza.” Kufanana nevaKristu vakawanda vekare nevemazuva ano, takaona kuti ‘kutamburira kururama’ iropafadzo huru.—1 Pet. 3:14.