RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • yb16 p. 145
  • Takateerera Zvatakarayirwa Tikapona!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Takateerera Zvatakarayirwa Tikapona!
  • Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2016
  • Mashoko Akafanana
  • “Fudzai Boka raMwari Ramunotarisira”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Pahofisi Yebazi Panoitwei?
    Ndivanaani Vari Kuita Kuda kwaJehovha Mazuva Ano?
  • Vafudzi, Tevedzerai Vafudzi Vakuru Vanopfuura Vose
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Aimbova Mukuru Mukuru Wematsotsi, Ava Munhu Anoremekedzwa
    Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2016
Ona Zvimwe
Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2016
yb16 p. 145

INDONESIA

Takateerera Zvatakarayirwa Tikapona!

Blasius da Gomes

  • AKABEREKWA MUNA 1963

  • AKABHABHATIDZWA MUNA 1995

  • NHOROONDO YOUPENYU Mukuru aifudza makwai aJehovha nerudo panguva yairwisana zvitendero muAmbon, chimwe chezvitsuwa zveMaluku.

Blasius da Gomes

VAKRISTU nemaMuslim vakanga vava nenguva vachivengana. Ruvengo urwu rwakaramba rwuchikura zvokuti musi wa19 January 1999, vakatanga kurwisana vari makiromita anenge matatu kubva pamba pedu. Zvinhu zvakanga zvakaita manyama amire nerongo.a

Pashure pekunge ndaona kuti mhuri yangu yakachengeteka, ndakafonera vamwe vaparidzi kuti ndinzwe kuti vari sei. Ndakavakurudzira kuramba vakadzikama uye kuti vasaenda munzvimbo dzine ngozi. Pava paya, vakuru vakashanyira makwai vachiasimbisa uye vachiakurudzira kuti aungane achinamata ari mumapoka maduku.

Hofisi yebazi yakatikurudzira kuti titamise vaparidzi vese vaigara munzvimbo dzairwiwa, uye takasvitsa mashoko iwayo kumhuri dzakawanda. Imwe hama yakaramba kutama, uye yakazourayiwa nemhomho yaiva nezvombo. Asi munhu wese akateerera zvakataurwa nehofisi yebazi, akapona.

a Kurwisana kwacho kwakakura kukapararira mupurovhinzi yese yeMaluku kwemakore anopfuura maviri uye zviuru nezviuru zvevanhu zvakatiza misha yazvo.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe