RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • yb16 p. 101
  • Aikoshesa Pfuma Yekunamata

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Aikoshesa Pfuma Yekunamata
  • Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2016
  • Mashoko Akafanana
  • Vavakidzani Vakanaka Chinhu Chakanaka
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • Ndave Ndakatendeka Kuna Mwari Kwemakore Anopfuura 70
    Mukai!—2009
  • Upenyu Hwangu Hwave Huine Zvikomborero Zvakawanda
    Mukai!—2011
  • Sumo Dzokushandisa Mubasa Romumunda
    Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
Ona Zvimwe
Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2016
yb16 p. 101

INDONESIA

Aikoshesa Pfuma Yekunamata

Thio Seng Bie

  • AKABEREKWA MUNA 1906

  • AKABHABHATIDZWA MUNA 1937

  • NHOROONDO YOUPENYU Mukuru weungano akatsungirira kurwisana kwaikonzerwa nerusarura.—Nyaya iyi yakataurwa nemwanasikana wake Thio Sioe Nio.

Thio Seng Bie

MUNA May 1963, muWest Java makamuka mhirizhonga yaikonzerwa nevaivenga vanhu vekuChina. Muguta reSukabumi ndimo makanyanya kutsviriridza mhirizhonga yacho, munova ndimo mataiitira bhizimisi rekutakura zvinhu nemarori. Mazana evanhu vaipengereka, kusanganisirawo vavakidzani vedu, vakapaza ndokupinda pamba pedu. Takabva taungana pamwe chete tichibvunda nekutya, uku vanhu vacho vachiparadza zvinhu zvedu, vamwe vachitibira.

Mhomho yacho payakanga yaenda, vamwe vavakidzani vedu vakauya kuzotinyaradza. Baba vangu vakagara pasi muimba yedu yekutandarira pamwe chete navo. Vakabva vaona Bhaibheri ravo guru rechiSundanese riri pakati pezvinhu zvedu zvakanga zvangoita ungwanda-ngwanda. Baba vakavhurira vavakidzani vedu Bhaibheri racho ndokuvaudza kuti matambudziko iwayo akagara ataurwa. Vakabva vatsanangura nezvetariro inofadza yeUmambo.

Baba vangu havana kumbobvira vaisa pfungwa dzavo pakuunganidza pfuma panyika. Vaigara vachitiudza kuti: “Zvinhu zvekunamata zvinofanira kuenda pekutanga!” Muenzaniso wavo wekushingaira ndiwo wakabatsira amai, nesu vana vavo 6, nababa vavo vakanga vava nemakore 90, uye hama dzedu nevavakidzani vakawanda kuti vagamuchire chokwadi.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe