Sumo Dzokushandisa Mubasa Romumunda
Mashoko: Pakusarudza sumo yokushandisa paunenge uri mubasa romumunda, pane zvinhu zvitatu zvinofanira kunyatsofungwa: (1) Shoko ratinofanira kutaura nezvaro “mashoko akanaka oumambo.” (Mat. 24:14) Kunyange patinenge tisingarikurukuri zvakananga, tinofanira kufunga nezvokubatsira vanhu kuti vaone kuti rinokosha, kana kuti zvichida kubvisa zvipingamupinyi zvinoita kuti vasade kurishandisa. (2) Kuva nehanya nokugara zvakanaka kwevanhu vatinosangana navo kuchatibatsira kusvika pamwoyo yavo, sezvakaitwa naJesu. (Mako 6:34) Kufarira vanhu nemwoyo wose kwakadaro kungaratidzwa nokunyemwerera uye kuva noushamwari, kuda kuteerera pavanenge vachitaura tobva tataura mashoko anoenderana nezvavataura, uyewo nokushandisa mibvunzo inovakurudzira kutaura vakasununguka izvo zvinoita kuti tinzwisise zvavanofunga. Pana 1 VaKorinde 9:19-23 panoratidza kuti muapostora Pauro akachinja mharidzo yake yemashoko akanaka kuti ienderane nemamiriro ezvinhu evanhu vaaitaura navo. (3) Mune dzimwe nyika, vaeni vanotarisirwa kuti vaite dzimwe tsika vasati vataura zvavafambira. Mune dzimwewo, saimba angatarisira kuti mueni asina kuita zvokukokwa abve angotaura zvaafambira.—Enzanisa naRuka 10:5.
Sumo dzinotevera dzinoratidza zvinoitwa nezvimwe Zvapupu zvagara nebasa pakutanga kukurukura nevanhu. Kana sumo dzauri kushandisa iye zvino dzisingawanzoiti kuti utange kukurukura nevanhu, edza mamwe emazano aya. Kana ukadaro, hapana mubvunzo kuti uchada kudzitaura nemashoko ako pachako. Uyewo, uchaona zvichibatsira kuwana mazano kubva kune zvimwe Zvapupu zvomuungano yenyu zviri kubudirira pakutanga kukurukura nevanhu.
AMAGEDHONI
● ‘Vanhu vakawanda vanonetseka nezveAmagedhoni. Vakanzwa vatungamiriri venyika vachishandisa shoko iroro vachireva hondo yenyukireya yepasi rose. Imi munofunga kuti Amagedhoni icharevei kuvanhu? . . . Kutaura zvazviri, zita rokuti Amagedhoni rinobva muBhaibheri, uye rinoreva chimwe chinhu chakasiyana zvikuru nezvinowanzoshandisirwa shoko racho. (Zvak. 16:14, 16) Bhaibheri rinoratidzawo kuti pane zvinhu zvatingaita isu pachedu kuti tipone. (Zef. 2:2, 3)’ (Onawo mapeji 27-32, pasi pomusoro mukuru unoti “Amagedhoni.”)
BASA/POKUGARA
● ‘Tanga tichitaura nevavakidzani venyu pamusoro pezvingaitwa kuti munhu wose ave nebasa uye pokugara. Munodavira here kuti zvine musoro kuti titarisire kuti hurumende dzevanhu dzichaita izvi? . . . Asi pane mumwe munhu anogona kugadzirisa matambudziko aya, ndiye Musiki wevanhu. (Isa. 65:21-23)’
● ‘Tiri kutaura nevavakidzani vedu pamusoro pehurumende yakanaka. Vanhu vakawanda vanoda kuva nehurumende isina uori, inoita kuti vanhu vose vave nemabasa nedzimba dzakanaka. Munofunga kuti ihurumende yorudzii ingaita zvose izvi? . . . (Pis. 97:1, 2; Isa. 65:21-23)’ (Onawo mapeji 81-85, pasi pemusoro mukuru unoti “Hurumende.”)
BHAIBHERI/MWARI
● ‘Kwaziwai. Ndangokushanyirai kwenguva pfupi kuti nditaure nemi mashoko anokosha. Ndapota onai zvinotaurwa neBhaibheri pano. (Verenga rugwaro rwakadai saZvakazarurwa 21:3, 4.) Munofungei pamusoro pazvo? Zvakakunakirai here?’
● ‘Tiri kutaura nevavakidzani vedu pamusoro pekwatingawana mazano anobatsira pakutarisana nematambudziko eupenyu. Kare vanhu vakawanda vaitsvaka muBhaibheri. Asi tiri kurarama munguva apo mafungiro evanhu ari kuchinja. Munofungei nezvazvo? Munotenda kuti Bhaibheri iShoko raMwari here kana kuti munofunga kuti rinongova bhuku rakanaka rakanyorwa nevanhu? . . . Kana richibva kuna Mwari, munofunga kuti munhu angava sei nechokwadi nazvo?’ (Ona mapeji 37-46, pasi pemusoro mukuru unoti “Bhaibheri.”)
● ‘Ndafara kukuwanai muri pamba. Ndiri kukurukura nevavakidzani vangu pfungwa inokurudzira inobva muBhaibheri (kana kuti, Magwaro Matsvene). Makambofunga here kuti: . . . ? (Bvunza mubvunzo unoita kuti mupinde munyaya yauri kuda kukurukura.)’
● ‘Tiri kukurudzira vanhu kuti vaverenge Bhaibheri. Kupindura kwarinoita mimwe mibvunzo inokosha kunowanzoshamisa vanhu. Somuenzaniso: . . . (Pis. 104:5; kana kuti Dhan. 2:44; kana mamwe).’
● ‘Nhasi tiri kungoshanyira vavakidzani vedu kwenguva pfupi. Vamwe vanhu vatinotaura navo vanovimba naMwari. Vamwewo vanoomerwa nokutenda maari. Munofungei? . . . Bhaibheri rinotikurudzira kufunga zvinorehwa nezvinhu zvose zvakasikwa. (Pis. 19:1) Munhu ane mitemo inodzora zvinhu zvomudenga akatipawo mirayiridzo inokosha. (Pis. 19:7-9)’ (Onawo mapeji 258-264, 163-167, pasi pemisoro inoti “Mwari” uye “Kusika.”)
CHIDZIDZO CHEBHAIBHERI CHEPAMUSHA
● ‘Ndauya kuzokuratidzai kosi yeBhaibheri isingabhadharwi. Kana zvichiita, ndingada kukuratidzai mumaminitsi mashomanana chete kuti vanhu munyika dzinopfuura 230 vari kukurukura sei Bhaibheri pamusha semhuri. Tinogona kukurukura musoro chero upi pane iri pano. (Muratidze peji yezviri mukati mubhuku rokudzidza.) Ndoupi wamunonyanya kufarira?’
● ‘Tiri kuratidza vavakidzani vedu bhuku iri rinobatsira pakudzidza Bhaibheri. (Muratidze.) Makamboriona here? . . . Kana muine maminitsi mashomanana chete, ndingada kukuratidzai kuti ringashandiswa sei pamwe chete neBhaibheri renyu.’
HONDO/RUGARE
● ‘Anenge munhu wose mazuva ano ari kutyira kuti hondo yenyukireya ingangotanga. Munofunga kuti tichazomboona rugare chairwo panyika pano here? . . . (Pis. 46:8, 9; Isa. 9:6, 7)’
● ‘Ndiri kutsvaka vanhu vangada kugara munyika isina hondo. Muzana remakore rakapfuura chete makava nemazana ehondo, kusanganisira hondo mbiri dzenyika. Iye zvino tiri kutyira kuti hondo yenyukireya ingangotanga. Munofunga kuti chii chinodiwa kuti pasave nehondo yakadaro? . . . Ndiani anogona kuita kuti nyika ive norugare? . . . (Mika 4:2-4)’
● ‘Tinoona kuti anenge munhu wose anoti anoda kuti munyika muve norugare. Ruzhinji rwevatungamiriri venyika runodarowo. Saka nei rwakaoma zvikuru kuwana? . . . (Zvak. 12:7-12)’
KUKWEGURA/RUFU
● ‘Makambofunga here kuti nei tichikwegura uye tofa? Dzimwe kamba dzomugungwa dzinorarama kwemazana emakore. Mimwe miti yararama kwezviuru zvemakore. Asi vanhu vanongorarama makore 70 kana 80 vobva vafa. Makambozvibvunza here kuti nei? . . . (VaR. 5:12) Izvi zvichazombochinja here? . . . (Zvak. 21:3, 4)’
● ‘Makambobvunza here kuti: Rufu ndiko kuguma kwazvo zvose here? Kana kuti pane zvimwe zvinoitika here pashure porufu? . . . Bhaibheri rinopindura mibvunzo yose yatingava nayo pamusoro porufu. (Mup. 9:5, 10) Rinoratidzawo kuti pane tariro chaiyo kune vanhu vane kutenda. (Joh. 11:25)’ (Onawo mapeji 305-311 uye 128, 129, pasi pemisoro inoti “Rufu” uye “Kukurudzira.”)
KUPARWA KWEMHOSVA/KUCHENGETEKA
● ‘Kwaziwai. Tiri kutaura nevanhu pamusoro penyaya yokuchengeteka kwedu. Tiri kuona kuparwa kwemhosva kwakawanda, uye kuri kukanganisa upenyu hwedu. Munofunga kuti pachazombova nenguva apo vanhu vakaita semi neni tichakwanisa kufamba mumigwagwa usiku takachengeteka here? (Kana kuti, Munofunga kuti pane munhu anokwanisa kupedza chinetso ichi here?) . . . (Zvir. 15:3; Pis. 37:10, 11)’
● ‘Ini ndinonzi——. Ndiri muvakidzani wenyu. Pandanga ndiri kuuya kuno mangwanani ano, ndacherechedza kuti munhu wose ari kutaura nezve-(taura mhosva ichangobva kuparwa munharaunda menyu kana kuti imwewo nyaya iri kunetsa vanhu). Munofungei nezvazvo? . . . Pane zvamunofunga kuti zvingaitwa kuti tive vakati chengetekei here? . . . (Zvir. 1:33; 3:5, 6)’
KUSARURAMISIRA/KUTAMBURA
● ‘Makambozvibvunza here kuti: Mwari ane hanya chaizvo nokusaruramisirwa uye kutambura kuri kuita vanhu here? . . . (Mup. 4:1; Pis. 72:12-14)’ (Onawo misoro mikuru inoti “Kutambura” uye “Kukurudzira.”)
MAZUVA OKUPEDZISIRA
● ‘Tauya kuti tikurukure zvinorehwa nezviri kuitika munyika nhasi. Vanhu vakawanda havachanyanyi kuda Mwari nemararamiro aanoda akanyorwa muBhaibheri. Izvi zvachinja zvikuru maonero avanoita mumwe nomumwe. Ndapota regai ndikuratidzei zvinotsanangurwa pano pana 2 Timoti 3:1-5 mondiudza kana muchifunga kuti zvinoenderana nenyika yanhasi. (Verenga) . . . Pane chikonzero chakanaka chokuti titarisire mamiriro ezvinhu ari nani mune ramangwana here? (2 Pet. 3:13)’
● ‘Vanhu vakawanda vanodavira kuti nyika ino yananga kumawere. Vanoti nguva yatiri ndiwo “mazuva okupedzisira.” Asi maiziva here kuti Bhaibheri rinotiudza kuti tingapukunyuka sei kuguma kwenyika ino torarama panyika ichaitwa paradhiso? (Zef. 2:2, 3)’ (Onawo mapeji 222-231, pasi pemusoro mukuru unoti “Mazuva Okupedzisira.”)
Onawo “Zviri Kuitika Panguva Ino” pasumo dzino dzokuenzanisira.
MHURI/VANA
● ‘Tiri kutaura nevanhu vanofarira kuziva kuti tingararama sei zviri nani nematambudziko omumhuri. Tose tinoedza zvose zvatinogona, asi kana paine chimwe chinhu chinogona kutibatsira kuti tibudirire, tinochifarira, handizvo here? . . . (VaK. 3:12, 18-21) Bhaibheri rinotipa tariro yeramangwana rakanaka remhuri dzedu. (Zvak. 21:3, 4)’
● ‘Tose tinoda kuti vana vedu vave noupenyu hunofadza. Asi munofunga here kuti pane chikonzero chokutarisira kuti pachava nomufaro munyika ine matambudziko nhasi? . . . Saka munofunga kuti vana vedu vachange vari munyika yakaita sei pavachakura? . . . Bhaibheri rinoratidza kuti Mwari achaita kuti nyika ino ive nzvimbo yakanaka yokugara. (Pis. 37:10, 11) Asi kuti vana vedu vachararama mairi here kana kuti kwete zvinoenderana zvikuru nokuti isu tasarudza zvipi. (Dheut. 30:19)’
RAMANGWANA/KUCHENGETEKA
● ‘Mangwanani. Makadini? . . . Tiri kuedza kukurukura nevavakidzani vedu nezvemaonero akanaka eramangwana. Ndiwo maonero amunoedza kuita upenyu here? . . . Munoona paine mamwe mamiriro ezvinhu anoita kuti izvi zviome here? . . . Ndakaona kuti Bhaibheri rinobatsira zvikuru panyaya iyi. Rinorondedzera chaizvoizvo zviri kuitika mazuva ano, uye rinotsanangurawo zvazvinoreva uye rinotiudza kuti zvichaguma nei. (Ruka 21:10, 11, 31)’
● ‘Hesi. Ini ndinonzi——. Ko iwe unonzi ani?. . . Ndiri kukurudzira vechiduku vakaita sewe kuti vafunge nezveramangwana rakanaka ratinoudzwa neBhaibheri. (Verenga rugwaro rwakadai saZvakazarurwa 21:3, 4.) Unozviona zvakanaka here izvi?’
RUDO/MUTSA
● ‘Takaona kuti vanhu vakawanda vanonetseka zvikuru nezvokushayikwa kwerudo chairwo munyika. Munonzwawo saizvozvo here? . . . Munofunga kuti nei zvakadaro? . . . Maiziva here kuti Bhaibheri rakafanotaura nezvazvo? (2 Tim. 3:1-4) Rinotsanangurawo chikonzero chacho. (1 Joh. 4:8)’
● ‘Ini ndinonzi——. Ndiri muvakidzani wenyu. Ndiri kushanyira vavakidzani vangu kwenguva pfupi kuti nditaure navo nezvechimwe chinhu chinondinetsa zvikuru, uye ndine chokwadi chokuti imi makambochicherechedzawo. Hazvina kuoma kuva nomutsa, asi zvinoita sokuti vashoma vanouratidza mazuva ano. Makambozvibvunza kuti nei zvakadaro here? . . . (Mat. 24:12; 1 Joh. 4:8)’
UMAMBO
● ‘Pakutaura nevavakidzani vangu, ndakaona kuti vakawanda vanoshuva kuva pasi pehurumende inogona kunyatsogadzirisa matambudziko makuru atinotarisana nawo nhasi—kuparwa kwemhosva uye kudhura kwezvinhu (kana kuti chero zviri mupfungwa dzevakawanda panguva yacho). Izvi ndizvo zvatingada, handizvo here? . . . Kune hurumende yakadaro here nhasi? . . . Vanhu vakawanda vakatonyengeterera hurumende inogona kuita zvinhu izvozvo. Hapana mubvunzo kuti imi makainyengeterera, asi havasi vanhu vakawanda vanoiona sehurumende. (Dhan. 2:44; Pis. 67:6, 7; Mika 4:4)’ (Onawo mapeji 348-356 uye 81-85, pasi pemisoro mikuru inoti “Umambo” uye “Hurumende.”)
● ‘Tiri kubvunza vavakidzani vedu mubvunzo. Tingaonga zvikuru kunzwa zvamunofunga pamusoro pawo. Munoziva, Jesu akatidzidzisa kunyengeterera Umambo hwaMwari kuti huuye uye kuti kuda kwake kuitwe panyika sezvakunoitwa kudenga. Munofunga kuti munyengetero uyu uchazombopindurwa zvokuti kuda kwaMwari kuchaitwa chaizvoizvo panyika pano here? . . . (Isa. 55:10, 11; Zvak. 21:3-5)’
● ‘Ndiri kukurukura nevavakidzani vangu nyaya yatinofanira kutarisana nayo tose: Tingada hurumende yaMwari here, kana kuti tingada kutonga kwevanhu? Tichitarisa mamiriro ezvinhu ari munyika nhasi, munofunga kuti tinoda chimwe chinhu kunze kwezvakaitwa nevanhu here? . . . (Mat. 6:9, 10; Pis. 146:3-5)’
UPENYU/MUFARO
● ‘Tiri kushanyira vavakidzani vedu kuti tiwane vanhu vari kunetseka zvikuru pamusoro pechinangwa choupenyu. Vanhu vakawanda vanomboti farei. Asi vanotarisanawo nezvinetso zvakawanda. Sezvatinokwegura, tinoona kuti upenyu hupfupi zvikuru. Izvi ndizvo chete zvinofanira kunge zvakaita upenyu here? Munofungei nezvazvo? . . . (Taura nezvechinangwa chaMwari chepakutanga sokuratidzwa kwachakaitwa muEdheni; uyewo zviri pana Johani 17:3 naZvakazarurwa 21:3, 4.)’ (Onawo mapeji 356-362, pasi pemusoro mukuru unoti “Upenyu.”)
● ‘Nhasi tiri kubvunza vavakidzani vedu zvavanofunga pavanoverenga mumaBhaibheri avo mashoko okuti “upenyu husingaperi.” Mashoko acho anokosha zvikuru nokuti anowanika ka40 muBhaibheri. Upenyu hwakadaro hungarevei kwatiri? . . . Tingahuwana sei? (Joh. 17:3; Zvak. 21:4)’
● ‘Tiri kutaura nevanhu vane hanya zvechokwadi nezvakaita upenyu nhasi. Vazhinji tinofara kuti tiri vapenyu, asi vakawanda vanonetseka kuti, Zvinoita here kunyatsofara muupenyu? Munofungei nezvazvo? . . . Chii chamungati ndicho chimwe chezvinhu zvikuru zvinoita kuti vanhu vasafare mazuva ano? . . . (Pis. 1:1, 2; mamwezve magwaro anoenderana nezvinonetsa saimba)’
ZVIRI KUITIKA PANGUVA INO
● ‘Manheru. Ini ndinonzi——. Ndiri muvakidzani wenyu anobva (taura zita romugwagwa kana kuti nharaunda). Makaona nhau paTV nezuro manheru here? . . . Nyaya ye-(taura chimwe chinhu chiri kunetsa vanhu)—munofungei nezvayo? . . . Hazvishamisi kunzwa vanhu vachibvunza kuti, Nyika ino yakananga kupi? Isu Zvapupu zvaJehovha tinodavira kuti tiri kurarama mune anonzi neBhaibheri “mazuva okupedzisira.” Onai kutsanangurwa kwaanoitwa zvizere pana 2 Timoti 3:1-5.’ (Onawo mapeji 222-229.)
● ‘Makaverenga izvi mupepanhau vhiki ino here? (Muratidze nyaya yakakodzera yawakacheka.) Munofungei . . . ?’
● ‘Ndingada kukubvunzai mubvunzo. Dai mainzi musarudze, pamatambudziko mazhinji ari munyika parizvino, nderipi ramungada kuona richitanga kugadziriswa? (Kana waziva chiri kunyanya kunetsa saimba, chishandise kuti mutange kukurukura.)’
VAKAWANDA PAVANOTI: ‘NDINE CHITENDERO CHANGU’
● ‘Mangwanani. Tiri kushanyira mhuri dzose dziri mufurati renyu (kana kuti, munharaunda ino), uye tinoona kuti vazhinji vane chitendero chavo. Hapana mubvunzo kuti imiwo mune chenyu. . . . Asi pasinei nechitendero chedu, tinosangana nematambudziko akafanana—kudhura kwezvinhu, kuparwa kwemhosva, kurwara—handizvo here? . . . Munofunga kuti pane chinganyatsogadzirisa zvinhu izvi here? . . . (2 Pet. 3:13; kana mamwewo.)’
VAKAWANDA PAVANOTI: ‘NDAKABATIKANA’
● ‘Kwaziwai. Tiri kushanyira munhu wose munharaunda ino neshoko rinokosha. Hapana mubvunzo kuti makabatikana, saka ndichataura muchidimbu.’
● ‘Kwaziwai. Ini ndinonzi——. Ndauya kuzokurukura nemi zvikomborero zvoUmambo hwaMwari uye kuti tingazviwana sei. Asi ndinoona kuti makabatikana (kana kuti, mava kuda kubuda). Ndingakusiyirai mashoko mashomanana chete here?’
MUNDIMA INOWANZOSHANDWA
● ‘Ndafara kukuwanai muri pamba. Tiri kushanyira vavakidzani vedu sezvatinoita vhiki nevhiki, uye tine chimwezve chinhu chokukurukura nemi pamusoro pezvinhu zvinoshamisa zvichaitirwa vanhu noUmambo hwaMwari.’
● ‘Kwaziwai. Ndafara kukuonai zvakare. . . . Vamwe vose vakadini havo? . . . Ndangotsaukira pano kuti ndikurukure nemi nezve- . . . ’
● ‘Mangwanani. Makadini henyu? . . . Ndanga ndichitsvaka mumwe mukana wokutaura nemi. (Ibva wataura nyaya yauri kuda kukurukura.)’