RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • yb16 p. 100
  • Bibelkring

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bibelkring
  • Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2016
Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2016
yb16 p. 100

INDONESIA

Bibelkring

MAKORE ekuma1930 ava kuda kunopera, kuLake Toba iri muNorth Sumatra kwakatanga chimwe chitendero chainzi Bibelkring (zita rechiDutch rinoreva “boka revadzidzi veBhaibheri”). Chitendero ichi chakatanga pashure pekunge vamwe vadzidzisi vechikoro vapiwa mabhuku nemumwe piyona ainge ashanya munharaunda yeLake Toba muna 1936, ndokuparidzira ikoko. Piyona wacho anofanira kunge aiva Eric Ewins. Zvavakaverenga mumabhuku aya zvakaita kuti vasiye chechi yavo yeBatak Protestant uye vakatanga mapoka ekudzidza Bhaibheri kudzimba dzavo. Mapoka aya akaramba achikura zvekuti akapedzisira ava nevanhu vanosvika mazana.a

Dame Simbolon, uyo aimbova nhengo yeBibelkring

Dame Simbolon uyo aimbova muBibelkring iye zvino ava hanzvadzi yedu yechiKristu

Pavaiverenga mabhuku akasiyiwa napiyona uyu, vanhu veBibelkring vakaziva chimwe chokwadi cheBhaibheri. “Vakaramba kusaruta mureza uye vakarega kuchengeta Krisimasi nemazuva ekuberekwa. Vamwe vacho vaitoparidza paimba neimba,” akadaro Dame Simbolon, aimbova muchitendero chacho uyo akazogamuchira chokwadi muna 1972. Asi nemhaka yekuti vakanga vasina rutsigiro rwesangano raMwari, vanhu vacho vakatanga kuva nedzimwe dzidziso dzisiri mumagwaro. “Vakadzi vakanga vasingabvumirwi kupoda, kupfeka mhete, kupfeka hembe dzemazuva iwayo, kana shangu chaidzo,” akadaro Limeria Nadapdap, aimbova muchitendero ichocho asi iye zvino ava hanzvadzi yedu yechiKristu. “Vanhu vacho vakanga vasingabvumirwiwo kuva nezvitupa, uye izvi zvakaita kuti hurumende igumbuke.”

Chitendero cheBibelkring chakazopedzisira chava kuita mapoka mapoka uye nekufamba kwenguva chakazoparara. Mapiyona paakazoenda munharaunda yeLake Toba zvakare, vazhinji vaimbopinda chitendero ichi vakagamuchira chokwadi.

a Vamwe vanofungidzira kuti pane imwe nguva vanhu vaipinda chitendero cheBibelkring vakatombosvika zviuru.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe