RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • yb16 p. 82-p. 85 ndim. 5
  • Zvakaita Indonesia

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvakaita Indonesia
  • Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2016
Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2016
yb16 p. 82-p. 85 ndim. 5

INDONESIA

Zvakaita Indonesia

Nyika Indonesia iri pakati peAustralia neAsia uye pasi rose ndiyo nyika ine zvitsuwa zvakawanda, uyewo equator inocheka nepakati payo. Pazvitsuwa zvinopfuura 17 500 zviri ikoko, zvakawanda zvacho zvine makomo uye masango ane miti yakawanda. Kune makomo akamboputika anopfuura 100 uye mamwe acho anogona kuputika zvakare, saka ndiyo nyika inonyanya kuputika makomo kupfuura dzimwe dzose.

Mukadzi wekuIndonesia achipfeka chishongo chemusoro chinopfekwa nevanhu veko

Vanhu Indonesia ine vanhu vakawanda zvokuti pasi rose ndiyonyika iri panhamba 4 (China ndiyo iri pokutanga, kwouya India, kwotevera United States) uye inogara vanhu vemarudzi anopfuura 300. Kana tikabatanidza vanhu verudzi rwechiJavanese nechiSundanese, nhamba yavo inopfuura hafu yevagari vemo.

Chitendero Vanhu vokuIndonesia vanenge 90 muzana maMuslim. Vamwe vacho ndevechiHindu, chiBhudha, uye vamwe vanozviti vaKristu. Vanhu vakawanda vanotevedzerawo manamatiro aiitwa nemadzitateguru avo.

Mutauro Munyika yacho munotaurwa mitauro inopfuura 700. Mutauro wechiIndonesian uyo wakabva muchiMalay, ndiwo unoshandiswa nevanhu vendimi dzakasiyana kuti vanzwanane. Vanhu vakawanda vanoshandisa mutauro wemunharaunda dzavanogara.

Nyama yakabayirirwa patwumiti

Zvinovararamisa Vanhu vakawanda vanoita zvokurima uye zvokutengeserana. Nyika yacho ine zvicherwa zvakawanda, miti yemapuranga, crude oil, negas uye ndiyo inonyanya kutengesa rubber nepalm oil.

Zvokudya Mupunga ndiwo unonyanya kudyiwa nevanhu veko. Zvimwewo zvavanodya zvinosanganisira nasi goréng (mupunga wakafurayiwa une mazai nemiriwo), satay (nyama yakagochwa inenge yakabayirirwa patwumiti), uye gado-gado (salad inoiswa dovi).

Mamiriro Ekunze Kunopisa uye kunonaya. Mhepo inosimuka muIndian Ocean inoita kuti pave nemwaka miviri, mwaka wemvura newekusanaya kwemvura. Kunogara kuchiita mabhanan’ana.

NYIKA

1 910 931 km2

VANOGARAMO

256 000 000

VAPARIDZI MUNA 2015

26 246

RESHIYO, MUPARIDZI MUMWE PA-

9 754

VAKAPINDA CHIRANGARIDZO MUNA 2015

55 864

Mepu yeIndonesia
    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe