Myanmar (Burma)
MYANMAR, iri pakati peIndia neChina, nyika huru dzomuAsia, inyika ine zvose, chizvino-zvino nechinyakare.a Yangon (yaimbonzi Rangoon), ndiro guta guru reko uye mune zvivako zvirefu, zvitoro zvinozara vanhu, uye motokari ibesanwa mumigwagwa. Asi ukabuda muYangon unowana mimwe misha ichiri kurimwa nenyati, ine vanhu vachiri kuverenga nguva nokuona zuva uye vanoshamiswa vakaona vanhu vanobva kune dzimwe nyika.
Myanmar inonyatsoratidza zvakanga zvakaita Asia makore adarika. Migweje yemabhazi inongunduruka mumigwagwa izere makomba ichipfuudzana nengoro dzinodhonzwa nemombe dzinenge dzichiendesa mbesa kumusika uye vafudzi vembudzi vachifudza mbudzi dzavo mumafuro. Varume vakawanda vemuMyanmar vachiri kupfeka jira rechinyakare rinoita zvokumonerwa ravanoti lungi. Vakadzi vanozora kumeso chimwe chizoro chinonzi thanaka chinogadzirwa nemakwati omuti. Vanhu vacho vakanyura muzvitendero zvavo. VaBuddha vanoremekedza mamongi avo uye vanoenda mazuva ose kunokwizira goridhe rakatsetseka pazvifananidzo zvinopenya zvaBuddha.
Vanhu vokuMyanmar vanhu vanyoro, vane hanya nevamwe uye vanhu vanoda kuziva. Mune madzinza makuru masere anozovawo netumwe tumadzinza tunopfuura 127. Dzinza rimwe nerimwe rine mutauro, mapfekero, zvokudya, uye tsika dzaro. Vanhu vakawanda vanogara munzvimbo yakati sandara inowaniswa mvura nerwizi rwukuru rwaAyeyarwady (Irrawaddy) rwakareba makiromita 2 170 rwuchibva mumakomo eHimalaya akachena chando rwuchinodira muGungwa reAndaman. Mamwe mamiriyoni anogara munzvimbo iri mumahombekombe uye mumakomo ari mumuganhu neBangladesh, China, India, Laos, neThailand.
Zvapupu zvaJehovha zvava nemakore angasvika 100 muMyanmar zvichiratidza kutenda kwakasimba uye zvichitsungirira. Vakaramba vasina kwavakarerekera paiitika mhirizhonga dzezvematongerwo enyika. (Joh. 17:14) Pasinei nokuomerwa nezvinhu, kupikiswa nezvitendero, uye kumboparadzaniswa nedzimwe hama dzemunyika yose, vanhu vaJehovha havana kuneta kuparidza mashoko akanaka eUmambo hwaMwari. Nhoroondo inotevera inorondedzera nyaya yavo inobaya mwoyo.
Hama dzedu dzava nemakore angasvika 100 muMyanmar dzichiratidza kutenda kwakasimba uye dzichitsungirira
Matangiro Akaita Basa Rokuparidza
Mugore rinokosha munhoroondo yevanhu ra1914, varume vaviri vekuEngland vakaburuka mungarava yemarasha vachisvika pachiteshi chaipisa cheYangon. Hendry Carmichael nemumwe wake waaipayona naye vakanga vabva kuIndia vapiwa basa rakaoma rokutanga basa rokuparidza muBurma. Ndima yavo yaizova nyika yacho yose.
“Zvinoita, kana muchizoita zvokubhadhara zvakare mari kuti mupinde munyika itsva”
Vachitangira muYangon, Hendry nemumwe wake vakasangana nevamwe varume vaviri vechiAnglo-Indian vakaratidza kufarira shoko roUmambo zvechokwadi.b Varume ava, Bertram Marcelline naVernon French vakabva vasiyana nechiKristudhomu ndokutanga kuparidzira shamwari dzavo zvisina kurongwa. Pasina nguva, vanhu vangasvika 20 vakanga vava kugara vachiungana pamba paBertram vachidzidza Bhaibheri vachishandisa Nharireyomurindi.c
Vaparidzi vomuYangon, 1932
Muna 1928, mumwe piyona wekuEngland aibva kuIndia, George Wright, akashanyira Burma akafamba kwakawanda kwemwedzi mishanu, achipa vanhu mabhuku anotsanangura Bhaibheri. Pakati pemabhuku iwayo panofanira kunge paiva nekabhuku ka1920 kainzi Mamiriyoni Ari Kurarama Iye Zvino Haazombofi!, kaiva kokutanga pamabhuku edu kuiswa muchiBurmese.
Pashure pemakore maviri, mapiyona maviri Claude Goodman naRonald Tippin vakasvika muYangon vakawana kapoka kehama dzaipinda misangano chete dzisingaparidzi. “Takakurudzira hama dzacho kuti dziuye kuzoparidza musi weSvondo wega wega,” akadaro Claude. “Imwe hama yakatibvunza kana zvaiita kuti tiparidze nepayo iyo ichingotipa mari. Ron akaipindura kuti: ‘Zvinoita, kana muchizoita zvokubhadhara zvakare mari kuti mupinde munyika itsva.’” Mashoko iwayo asiri okutenderera akabva abatsira boka racho rose. Pasina nguva Claude naRonald vakanga vava nevakawanda vokubuda navo mubasa rokuparidza.
“Rachel, Ndawana Chokwadi!”
Mugore iroro, Ron naClaude vakasangana naSydney Coote, mukuru wepachiteshi chezvitima muYangon. Sydney akagamuchira mabhuku edu aigoverwa ari gumi aiva noruvara rwakasiyana-siyana. Averenga dzimwe ndima dzerimwe remabhuku acho, Sydney akashevedzera kumudzimai wake kuti, “Rachel, ndawana chokwadi!” Pasina nguva mhuri yose yekwaCoote yakanga yava kushumira Jehovha.
Sydney munhu aidzidza Magwaro zvakasimba. Mwanasikana wake Norma Barber, uyo akaita makore akawanda ari mumishinari uye ava kushanda pabazi romuBritain anoti: “Baba vangu vaiva nebhuku ravakanga varonga magwaro ravakanyora voga. Pose pavaiwana rugwaro rwunotsanangura dzidziso yeBhaibheri vaibva varunyora mubhuku racho pasi pomusoro unoenderana nenyaya yacho. Vakatumidza bhuku racho kuti Rwunowanika papi?”
Sydney Coote (pakati) aidzidza Magwaro zvakasimba; iye nomudzimai wake, Rachel (kuruboshwe), vaiudza vamwe shoko riri muBhaibheri
Sydney aifarirawo kuudza vamwe zvaainge adzidza. Saka akanyorera bazi rokuIndia achibvunza kana muBurma maiva neZvapupu. Akabva angotumirwa zibhokisi remabhuku nepepa rine mazita evanhu. “Baba vakanyorera mumwe nomumwe wavanhu ivavo kuti azotishanyirawo kwezuva rimwe chete,” anodaro Norma. “Hama shanu kana kuti nhanhatu dzakazouya kumba kwedu dzikatiratidza kuti tinoparidza sei zvisina kurongwa. Vabereki vangu havana kumbononoka kupa shamwari nevavakidzani mabhuku aya. Vakatumirawo tsamba nemabhuku kuhama dzedu dzose.”
Hanzvadzi yaSydney, Daisy D’Souza, aigara muMandalay, paakagamuchira tsamba yaSydney nekabhuku keChirungu kainzi The Kingdom, the Hope of the World, akabva apindura tsamba yacho achikumbira mamwe mabhuku neBhaibheri. Mwanasikana wavo Phyllis Tsatos anoti, “Amai vangu vakafara zvokufara zviya pavakaverenga mabhuku acho kusvika pakati pousiku. Vakabva vatidaidza tose vana vavo tiri vatanhatu kuti vatipe chiziviso chaifadza: ‘Ndava kusiya Chechi yeRoma, nokuti ndawana chokwadi!’” Murume waDaisy nevana vake vakazogamuchirawo chokwadi. Iye zvino kune zvizvarwa zvina zvemhuri yekwaD’Souza zviri kushumira Jehovha Mwari zvakatendeka.
Mapiyona Akashinga
Pakazosvika 1930, pakanga pava nemapiyona aishingaira aizivisa vanhu mashoko akanaka achitevedza njanji huru yaibva kuYangon ichienda kuMyitkyina, guta riri pedyo nemuganhu weChina. Vakaparidzawo muMawlamyine (Moulmein) neSittwe (Akyab), maguta ari mumahombekombe ari kumabvazuva nokumavirira kweYangon. Izvi zvakaita kuti ungano duku dzitangwe muMawlamyine neMandalay.
Muna 1938, basa romuBurma rakanga risingachatungamirirwe nebazi reIndia asi nebazi reAustralia, uye mapiyona aibva kuAustralia neNew Zealand akatanga kusvika muBurma. Vashandi ivavo vakanga vakavimbika vaisanganisira Fred Paton, Hector Oates, Frank Dewar, Mick Engel, naStuart Keltie. Hama idzodzo dzakaparidza mumamiriro ezvinhu akaoma.
Frank Dewar
Fred Paton akarondedzera kuti: “Makore mana andaiva kuBurma, ndakaparidza nzvimbo dzakawanda dzemo. Ndakarwara nemarariya, fivha, manyoka ane ropa, nezvimwewo zvirwere. Ndaswera ndiri mubasa romumunda, ndaiwanzoshaya pokurara. Asi, Jehovha aigara achindichengeta achiita kuti ndirambe ndichiita basa rake nesimba romudzimu wake.” Frank Dewar, hama yaibva kuNew Zealand yakanga yakashinga, yakati: “Ndakasangana nevarwi vemusango, vapanduki, uye vakuru vehurumende vaivhundutsira. Asi ndakaona kuti kuva netsika uye kuva munyoro, kuzvininipisa, uye kunzwisisa kunogadzirisa zvipingamupinyi kunyange zvakaoma. Pasina nguva vanhu vakawanda vakanga vava kuona kuti Zvapupu zvaJehovha hazvina basa nemunhu.”
Mapiyona aya akanga akasiyana zvachose nevamwe vanhu vaibva kune dzimwe nyika, avo vaiwanzoshora zvizvarwa zvomuBurma. Mapiyona aibata vanhu norudo noruremekedzo. Maitiro avo omutsa aikwezva vagari vomuBurma vaitarisirwa pasi, avo vanoda zvinhu zvinoitwa nounyoro uye nokungwarira kwete zvokutaura pasina kufunga uye kukakavadzana. Mashoko nezviito zvemapiyona aya zvakaratidza kuti Zvapupu zvaJehovha vaKristu vechokwadi.—Joh. 13:35.
Gungano Risingakanganwiki
Mwedzi mishomanana mapiyona asvika, bazi rokuAustralia rakaronga kuti muYangon muitwe gungano reruwa. Rakaitirwa muYangon City Hall, chivako chakakura chine masitepisi ane tumatombo tunopenya nemadhoo mahombe esimbi. Vanhu vakauya kugungano vachibva kuThailand, Malaysia, neSingapore, uye Alex MacGillivray, mutariri webazi reAustralia, akauya nedzimwe hama kubva kuSydney.
Sezvo zvaiitika zvairatidza kuti hondo ingangotanga, musoro wehurukuro yavose wakaziviswa kwakawanda waiti, “Hondo Yenyika Yose Yava Pedyo” wakaita kuti vanhu vazhinji vade kunzwa. “Handisati ndamboona imba yakakura kudaro ichizara munguva duku zvakadaro,” akadaro Fred Paton. “Pandakavhura madhoo epamberi, mhomho yevanhu yakatsikirirana ichikwira masitepisi ichipinda. Pasati pambopfuura maminiti gumi vanhu vanopfuura 1 000 vakanga vatsvikinyidzirana muimba iyi yaikwana vanhu 850.” Frank Dewar anowedzerawo kuti, “Takatozovhara madhoo epamberi tikavharira vamwe 1 000 kunze. Kunyange zvakadaro vakomana vakangwara vakaverevedza nomumadhoo maduku emumativi.”
Hama dzakafadzwa nekufarira kwakaita vanhu, uye kusiyana siyana kwemarudzi evanhu vaivepo, ayo aisanganisira madzinza akawanda emuBurma. Kusvika panguva iyoyo pakanga pasina vakawanda vemadzinza emo vakanga varatidza kufarira chokwadi sezvo vakawanda vaive vakanyura muchiBuddha. Madzinza emo aizviti vaKristu mazhinji acho ari evaKayin (vaKaren), vaKachin, nevaChin aigara kunzvimbo dziri kure dzakanga dzisati dzamboparidzwa. Zvakanga zvava kuratidza kuti munda uyu wakanga waibva. Pasina nguva “boka guru” rinobva mumarudzi akawanda rakataurwa muBhaibheri raizosanganisira madzinza akawanda emuBurma.—Zvak. 7:9.
VaKayin Vokutanga Kuva Vadzidzi
Vadzidzi vokutanga vechiKayin, Chu May “Daisy” (kuruboshwe) naHnin May “Lily” (kurudyi)
Mumwe musi, muna 1940 mumwe piyona ainzi Ruby Goff aiparidza muInsein, kaguta kari kunze kweYangon. Paakashaya vanonyatsofarira akanyengetera achiti, “Jehovha, ndapota itaiwo kuti ndiwane ‘gwai’ rimwe chete zvaro ndisati ndaenda kumba.” Pamba paakabva aenda akawana Hmwe Kyaing, muKayin aipinda chechi yeBaptist, akafarira shoko roUmambo. Munguva pfupi, Hmwe Kyaing nevanasikana vake, Chu May (Daisy) naHnin May (Lily), vakanga vava kudzidza Bhaibheri vachifambira mberi. Kunyange zvazvo Hmwe Kyaing akafa vachiri kudzidza, Lily, muduku wevanasikana vacho, akazova muKayin wokutanga kubhabhatidzwa semumwe weZvapupu zvaJehovha. Daisy akazobhabhatidzwawo.
Lily naDaisy vakazova mapiyona anoshingaira uye nhaka yavakasiya ichagara narini. Nhasi kune mazana evazukuru vavo uye evanhu vavakadzidzisa Bhaibheri achiri kushumira Jehovha muMyanmar nokune dzimwe nyika.
Matambudziko Munguva yeHondo Yenyika II
Muna 1939, Hondo Yenyika II yakanga yatanga muEurope, zvikatyisa nyika yose. Mumvongamupopoto yaikonzerwa nehondo, vafundisi vechiKristudhomu vemuBurma vakawedzera kufurira kwavaiita hurumende yeBritain yaitonga kuti irambidze mabhuku edu. Aziva izvozvo, Mick Engel, aishanda paisvikira mabhuku edu muYangon, akataura nemumwe mukuru wehurumende yeU.S.A. Akapiwa tsamba yaimupa mvumo yokukwidza mabhuku edu angasvika matani maviri mumotokari dzemasoja dzaifamba mumugwagwa waienda kuChina.
Fred Paton naHector Oates vakaendesa mabhuku acho kunotakurirwa zvinhu zvemasoja kuLashio, guta riri pedyo nemuganhu weChina. Pavakataura nemukuru aiona nezvemotokari dzaienda kuChina, akanga ava kuda kuviruka nehasha! Akataura nezwi riri pamusoro achiti, “Matii? Munofunga kuti ndingakupai nzvimbo yokuisa zvimaturakiti zvenyu mumotokari ini ndichitoshaya pokuisa zvinhu zviri kudiwa nemasoja nemishonga zviri kuorera pano?” Fred akamboti mirei, akabva abudisa tsamba yemvumo mubhegi rake, ndokuudza mukuru uyu kuti akasateerera mukuru mukuru wekuYangon aizozviparira. Paakaudzwa izvi mukuru uyu akabva apa hama idzi imwe motokari duku nemutyairi nezvokushandisa. Vakafamba makiromita 2 400 kusvika kuChongqing (Chungking), pakati peChina nechekwakadziva kumaodzanyemba, vakaparadzira mabhuku iwayo aikosha vakatoparidzira Chiang Kai-shek, purezidhendi webato raitonga muChina.
Vakuru vakuru vakazosara vosvika pasisina mabhuku
Muna May 1941, hurumende yaitonga muIndia yakatumira teregiramu kuYangon, ichiudza vakuru vakuru veko kuti vatore mabhuku edu ose. Hama mbiri dzaishanda kuposvo dzakaona teregiramu yacho ndokukurumidza kuudza Mick Engel. Mick akafonera Lily naDaisy ndokumhanyira kwaichengeterwa mabhuku, vakaisa mabhokisi 40 emabhuku akanga asara mumotokari ndokuaviga mudzimba dzakasiyana-siyana muYangon. Vakuru vakuru vakazosara vosvika pasisina mabhuku.
Musi wa11 December, 1941, mazuva mana pashure pokunge yarwisa Pearl Harbor, Japan yakatanga kuita zvokumwaya mabhomba muBurma. Kupera kwevhiki iroro Zvapupu zvishomanana zvakaungana mukafurati kari nechepamusoro pechiteshi chezvitima chemuYangon. Pashure pehurukuro inoremekedzeka yemuMagwaro, Lily akabhabhatidzirwa mutabhu yokugezera.
Pashure pamavhiki 12, mauto eJapan akapinda muYangon akawana angova matongo. Vanhu vanopfuura zviuru zana vakanga vatiza vakananga kuIndia. Zviuru zvakafira munzira nenzara, kuneta, nokurwara. Sydney Coote, akanga atiza nemhuri yake, akafa nemarariya ava pedyo nemuganhu weIndia. Imwe hama yakapfurwa nemauto eJapan, imwezve ikafirwa nemudzimai nevana pakabhombwa musha wavo.
MuBurma makangosara Zvapupu zvishomanana. Lily naDaisy vakatamira kuPyin Oo Lwin (Maymyo), kaguta kakanyarara kari mujinga megomo kari pedyo neMandalay, kwavakadyara mbeu yechokwadi yakazova nezvibereko. Chimwe Chapupu chechitatu, Cyril Gay, akanogara kuThayarwaddy, kamusha kari kuchamhembe kweYangon kari kure nemakiromita 100, kwaakagara kusvika hondo yapera.
Mufaro Wokusanganazve
Pakapera hondo hama dzakawanda nehanzvadzi dzakanga dzatizira kuIndia dzakatanga kudzoka kuBurma. Pakazosvika April 1946, Ungano yeYangon yakanga yava nevaparidzi vasere vaishingaira. Pakapera gore, ungano payakanga yava nevaparidzi 24, hama dzakaronga kuita gungano.
Gungano racho remazuva maviri rakaitirwa pachimwe chikoro muInsein. Theo Syriopoulos, uyo akadzidza chokwadi muYangon muna 1932 anoyeuka kuti, “Pandakadzoka kubva kuIndia ndakaudzwa kuti ndini ndaizopa hurukuro yavose yaitora awa imwe. Hurukuro mbiri chete dzandakanga ndambopa kuIndia dzaingova dzemaminiti mashanu. Zvisinei, gungano racho rakabudirira uye rakapindwa nevanhu vanopfuura zana.”
Pashure pemavhiki mashomanana, mumwe sabhuku wechiKayin aifarira chokwadi akapa ungano nzvimbo yokunamatira muAhlone, mumwe musha uri pedyo nerwizi nechepakati peYangon. Hama dzakavaka ipapo Imba yoUmambo yemishenjere yaiva nezvigaro zvaikwana vanhu vangasvika zana. Ungano yakafara zvokufara zviya. Vakanga vapona hondo kutenda kwavo kuchakasimba uye vakanga vagadzirira kuenderera mberi nebasa rokuparidza.
Mamishinari Okutanga eGiriyedhi Anosvika
Pamusoro: Mamishinari akadzidza kuGiriyedhi okutanga Hubert Smedstad, Robert Kirk, Norman Barber, naRobert Richards Pazasi: (kumashure) Nancy D’Souza, Milton Henschel, Nathan Knorr, Robert Kirk, Terence D’Souza, (kumberi) Russell Mobley, Penelope Jarvis-Vagg, Phyllis Tsatos, Daisy D’Souza, Basil Tsatos
Kutanga kwa1947, boka rehama rakaungana pachiteshi chengarava muYangon richifara kuti rizotambira Robert Kirk, mumishinari akadzidziswa kuGiriyedhi wokutanga kupinda muBurma. Vangoti garei, mamwe mamishinari matatu akazosvika, Norman Barber, Robert Richards, naHubert Smedstad, pamwe naFrank Dewar, akanga ambopayona muIndia munguva yehondo.
Mamishinari akanga asvika muguta rakanga rasakadzwa nehondo. Dzimba dzakawanda dzakanga dzapiswa. Zviuru zvevanhu zvaigara mumatumba asina kumbosimba emishenjere akatevedza migwagwa. Vanhu vaigara mumigwagwa, vachibikiramo nokuwacha. Asi mamishinari akanga auya kuzodzidzisa chokwadi cheBhaibheri, saka akararamawo sezvaiitwa nevamwe ndokubatikana pakuparidza.
Musi wa1 September, 1947, hofisi yebazi yeWatch Tower Society yakavhurwa pamusha wemamishinari mumugwagwa wainzi Signal Pagoda, nechepakati peguta. Robert Kirk ndiye akagadzwa somutariri webazi. Ungano yeYangon yakazotama kubva kuimba yemishenjere kuAhlone ichienda kune rimwe furati raive muimba yepamusoro muna Bogalay Zay Street. Paive pedyo zvikuru nezimba raiva nemahofisi ehurumende yaitonga yeBritain, iyo yakanga yasarirwa nenguva pfupi muBurma!
Vanhu vomuBurma Vanotanga Kurwisana!
Musi wa4 January, 1948, Britain yakasiyira hurumende itsva yeBurma masimba okutonga. Pashure pemakore 60 ichitongwa neBritain, Burma yakawana rusununguko. Asi vanhu vemo vakatanga kurwisana vega vega.
Madzinza akasiyana siyana airwira kuti azvitonge oga, ukuwo mamwe mauto nemakororo vachiedza kutonga dzimwe nzvimbo. Pakazosvika 1949, mauto evapanduki akanga ava kutonga nzvimbo dzakawanda munyika, uye kurwa kwakatanga kumucheto kweYangon.
Hondo payaipisa hama dzaiparidza nokungwarira. Hofisi yebazi yakatamiswa kubva kuimba yemamishinari ikaendeswa kuchivako chikuru chemunhurikidzwa chaive muna 39th Street, chakanga chakachengetedzeka chiine mahofisi evamiririri vedzimwe nyika dzakati wandei, uye chiri pedyo zvikuru neposvo huru yemo.
Mauto eBurma akatanga kukurira zvishoma nezvishoma achidzingira vapanduki kumakomo. Pakazosvika 1955, hurumende yakanga yava kutonga nzvimbo dzakawanda dzenyika. Asi hondo yakanga isati yatombopera. Nanhasi, vanhu vanorwisana munzvimbo nenzvimbo.
Kuparidza Nokudzidzisa Mumutauro wechiBurmese
Kusvika munenge muna 1955, kakawanda hama dzomuBurma dzaingoparidza neChirungu chete, icho chaitaurwa nevanhu vakadzidza vemumaguta makuru. Asi mamwe mamiriyoni aingotaura chiBurmese (chiMyanmar), chiKayin, chiKachin, chiChin, kana mimwe mitauro yemo. Vaizoudzwa sei mashoko akanaka?
Muna 1934, Sydney Coote akaronga kuti mumwe mudzidzisi wechiKayin ashandurire tumabhuku twakati wandei muchiBurmese nechiKayin. Nokufamba kwenguva vamwe vaparidzi vakazoshandura bhuku rainzi “Mwari Ngaave Wazwokwadi” netumwe tumabhuku muchiBurmese. Muna 1950, Robert Kirk akazokumbira Ba Oo kuti ashandure nyaya dzokudzidza dzeNharireyomurindi muchiBurmese. Zvaaishandura achiita zvokunyora nemaoko zvaizoendeswa kumakambani aipirinda muYangon zvozopiwa vanhu vaipinda misangano yeungano. Hofisi yebazi yakazotenga tapureta ine mavara echiBurmese kuti basa rokushandura rikurumidze.
Ba Oo (kuruboshwe) akashandura nyaya dzokudzidza dzeNharireyomurindi achiisa muchiBurmese
Vashanduri ivavo vokutanga vakasangana nematambudziko akawanda. “Masikati ndaishanda kuti ndiriritire mhuri yangu, ndozoshandura kusvikira pakati pousiku ndichivhenekerwa negirobhu raionera kure,” anoyeuka kudaro Naygar Po Han, uyo akazotanga kushandura Ba Oo asisakwanisi. “Ndakanga ndisingambonyatsozivi Chirungu, saka ndofunga zvandaishandura zvakanga zvisingabudisi pfungwa dzaiva kuChirungu. Asi taive neshungu dzokuti magazini edu asvike kuvanhu vakawanda.” Hanzvadzi Doris Raj pavakakumbirwa naRobert Kirk kuti vashandurire Nharireyomurindi muchiBurmese, vakashaya romuromo zvokuti vakatanga kuchema. Vanoti, “Ndakanga ndisina kumbonyanya kudzidza uye ndisati ndamboita basa rokushandura. Asi Hama Kirk vakandikurudzira kumboedza. Saka ndakanyengetera kuna Jehovha ndokutanga kushanda.” Iye zvino Doris ava kutosvitsa makore 50 achishandura ari paBheteri remuYangon. Naygar Po Han, ava nemakore 93, ari kushandawo paBheteri uye achiri kungofadzwa nokufambisira mberi basa roUmambo.
Muna 1956, Nathan Knorr akabudisa Nharireyomurindi muchiBurmese
Muna 1956, Nathan Knorr aibva kudzimbahwe renyika yose akashanyira Burma akazivisa nezvokubudiswa kweNharireyomurindi muchiBurmese. Akakurudzirawo mamishinari kuti adzidze mutauro wacho kuti anyatsobudirira pakuparidza. Pavakakurudzirwa kudaro vakabva vawedzera kushanda nesimba pakudzidza chiBurmese. Gore rakatevera, Frederick Franz, mumwezve mushanyi akabva kudzimbahwe, ndiye akapa hurukuro inokosha pagungano remazuva mashanu rakaitirwa muYangon Railway Institute Hall. Akakurudzira hama kuti dziite kuti basa rokuparidza riwedzere kupararira nokutumira mapiyona kumaguta ari munzvimbo dzakasiyana siyana. Nzvimbo yakatanga kutumirwa mapiyona matsva aya nderaimbova guta guru reBurma, Mandalay.
Basa Rinova Nezvibereko muMandalay
Kutanga kwa1957, mapiyona chaiwo matsva matanhatu akasvika muMandalay, vakasvikobatana nemamishinari akanga achangoroorana, Robert Richards, nomudzimai wake wechiKayin, Baby, vakanga vatovako. Mapiyona acho akaona kuti ndima yacho yakanga yakaoma. MuMandalay makazara chiBuddha uye ndiko kunogara inenge hafu yemamongi echiBuddha emuBurma. Kunyange zvakadaro mapiyona akaona kuti Jehovha aiva “[ne]vanhu vazhinji muguta rino,” sezvakanga zvakaita muKorinde yekare.—Mab. 18:10.
Mumwe wevanhu ivavo aiva Robin Zauja, muKachin aiva nemakore 21 aienda kuchikoro. Anoyeuka kuti: “Mamwe mangwanani, Robert naBaby Richards vakasvika pamba pangu vakazvisuma seZvapupu zvaJehovha. Vakati vaizivisa mashoko akanaka paimba neimba sezvakarayirwa naJesu. (Mat. 10:11-13) Vakandiparidzira ndokundipa kero yavo nemagazini mashomanana nemabhuku. Ndakatanga kuverenga rimwe remabhuku acho manheru zvokuti zuva rakazobuda ndaripedza. Musi iwoyo chaiwo ndakaenda kumba kwaRobert ndikanomunaya nemibvunzo kwemaawa akati kuti. Akapindura mibvunzo yose achishandisa Bhaibheri.” Pasina nguva Robin Zauja akava muKachin wokutanga kugamuchira chokwadi. Akazova piyona chaiye kwemakore kuchamhembe kweBurma, akabatsira vanhu vangasvika zana kuwana chokwadi. Vamwe vana vake vaviri vari kushanda paBheteri muYangon.
Mumwe muparidzi aishingaira ndiPramila Galliara, musikana aiva nemakore 17, akanga achangodzidza chokwadi muYangon. “Baba vangu vaipinda chitendero chinonzi Jain, uye vakapikisa chitendero changu chitsva zvisingaiti,” anodaro Pramila. “Vakapisa Bhaibheri rangu nemabhuku kaviri, uye vakandirova kakawanda pazere vanhu. Vaindipfigirawo mumba kuti ndisaende kumisangano yechiKristu, uye vakatomboti vaida kupisa imba yaHama Richards! Asi pavakaona kuti vatadza kundisiyisa kutenda kwangu, zvishoma nezvishoma vakazorega kundipikisa.” Pramila akasiya zvidzidzo zvake zvepayunivhesiti akava piyona anoshingaira ndokuzoroorwa nomutariri wedunhu Dunstan O’Neill. Kubvira ipapo akabatsira vanhu 45 kuwana chokwadi.
Basa richifamba kudaro muMandalay, hofisi yebazi yakaendesa mamwe mamishinari nemapiyona kune mamwe maguta akadai sePathein (Bassein), Kalaymyo, Bhamaw, Myitkyina, Mawlamyine, neMyeik (Mergui). Jehovha akakomborera basa iri zvechokwadi nokuti rimwe nerimwe remaguta aya rakazova neungano dzakasimba.
Mamishinari Anodzingwa muBurma!
Basa rokuparidza parairamba richipararira, makakatanwa ematongerwo enyika uye kunetsana kwemadzinza zvakanga zvava kusvika pakaipa zvishoma nezvishoma. Muna March 1962 mauto akasvika pakubvuta masimba ehurumende. Mazana ezviuru zvemaIndia nemaAnglo-Indian akadzoserwa kuIndia nokuBangladesh (yainzi East Pakistan), uye vanhu vaishanya kubva kune dzimwe nyika vaingobvumirwa mavhiza emaawa 24 chete. Burma yakanga yava kucheka ukama nedzimwe nyika.
Hama padzaiona izvi zvichiitika dzakanga dzakangobatira hana mumaoko. Hurumende yemauto yakapa zvitendero rusununguko rwokunamata chero bedzi zvaisazopindira mune zvematongerwo enyika. Sezvinongozivikanwa, mamishinari echiKristudhomu akaramba achipindira mune zvematongerwo enyika. Pakazosvika May 1966, hurumende yakanga yaneta nazvo zvokuti yakadzinga mamishinari ose aibva kune dzimwe nyika! Mamishinari eZvapupu akanga akangwarira kusapindira mune zvematongerwo enyika, asi vakadzingwawo zvakadaro.
Hama dzomuBurma dzakavhiringika asi hadzina kuora mwoyo. Dzaiziva kuti Jehovha Mwari aiva nadzo. (Dheut. 31:6) Zvisinei, dzimwe hama dzaishaya kuti basa roUmambo raizoenderera mberi sei.
Kutungamirira kwaiita Jehovha kwakatanga kuoneka. Maurice Raj, aimbova mutariri wedunhu uyo akanga adzidziswa basa pabazi, akabva agadzwa kuti atungamirire basa pahofisi yebazi. Maurice aibva kuIndia asi akanga asina kudzorerwako pakadzorerwa vamwe vake. Anoti, “Makore mashomanana akanga apfuura ndakanga ndambonyorera kuti ndiwane magwaro okuva chizvarwa chemuBurma. Asi ndakashaya makyat 450d aidiwa kuti ndipiwe magwaro acho, saka ndakangozvisiya. Mumwe musi ndichipfuura zvangu nepamahofisi ekambani yandakanga ndamboshandira, munhu wandaishandira akandiona. Akabva adaidzira kuti: ‘Iwe Raj, huya utore mari yako. Wakakanganwa kutora mari yako yokusiya basa pawakaenda.’ Yaisvika makyat 450.
“Pandakanga ndava kubuda muhofisi macho, ndakafunga kuti ndaizoitei nemakyat 450. Asi sezvo yaiva iyo chaiyo yaidiwa kuti ndipiwe gwaro rokuva chizvarwa chemuBurma, ndakatoona kuti ndiko kwaiva kuda kwaJehovha kuti ndiishandise saizvozvo. Chisarudzo ichi chakazobatsira zvechokwadi. Mamwe maIndia paaidzingwa muBurma, ndaigona kuramba ndirimo, ndichifamba madiro, ndichipinza mabhuku nokuita mabasa aikosha pakuparidza kwedu, nokuti ndaiva chizvarwa chemuBurma.”
Maurice naDunstan O’Neill vakatanga kutenderera nyika yese vachikurudzira ungano imwe neimwe nemapoka ari oga. Maurice anoti, “Takaudza hama kuti: ‘Musatya zvenyu, Jehovha anesu. Kana takavimbika kwaari, achatibatsira.’ Uye zvechokwadi Jehovha akatibatsira! Pasina nguva mapiyona chaiwo akawanda akagadzwa, uye basa rokuparidza rakawedzera nokukurumidza.”
Iye zvino, pashure pemakore 46, Maurice, uyo ari nhengo yeDare Rebazi, achiri kungoshanyira Myanmar yose achisimbisa ungano. Kushingairira kwake basa raMwari hakuna kumboderera. Ari kuita sezvakaitwa naKarebhi wemuIsraeri yekare paakanga akwegura.—Josh. 14:11.
Kuparidza Nzvimbo Inogara vaChin
Imwe yenzvimbo dzakatanga kuendeswa mapiyona chaiwo iChin, nzvimbo ine makomo inoganhurana neBangladesh uye India. Uku kwakawanda vanozviti vaKristu, vakatendeutswa nemamishinari echechi yeBaptist aibva kuBritain panguva dzayaitonga muBurma. Saka vaChin vakawanda vanoremekedza zvikuru Bhaibheri nevanhu vanoridzidzisa.
Gore ra1966 rava kunopera, Lal Chhana, aimbova musoja asi ava piyona chaiye, akasvika muFalam, iro raiva guta guru muChin. Kwakazouyawo Dunstan naPramila O’Neill naThan Tum, uyo aimbovawo musoja uye akanga achangobhabhatidzwa. Vaparidzi ava vaishingaira vakawana mhuri dzaifarira zvokuti pasina nguva pakanga patova nekaungano kaishingaira.
Gore rakatevera, Than Tum akatamira kuHakha, guta riri kumaodzanyemba kweFalam, akatanga kupayona ndokuvamba kaboka. Akazoenderera mberi achiparidza muChin yose akabatsira kuvamba ungano muVanhna, muSurkhua, muGangaw, nedzimwe nzvimbo. Iye zvino pashure pemakore 45, Than Tum achiri kushingaira sapiyona chaiye kumusha kwake kuVanhna.
Pakabva Than Tum kuHakha, Donald Dewar, piyona chaiye aiva nemakore 20, akamutsiva. Sezvo vabereki vaDonald, Frank naLily (aimbonzi Lily May asati aroorwa) Dewar vakanga vadzingwa munyika, munun’una wake Samuel aiva nemakore 18 akauya kuzogara naye. Donald anoti, “Taigara mukamba kemazen’e kaiita kugocha kana chiri chirimo, kana mava muchando kachitonhora zvokutonhora zviya. Asi chainyanya kundiomera kusurukirwa. Ndaiwanzobuda ndoga muushumiri uye ndaisambogona mutauro weko weHakha Chin. Taingopinda misangano tiri vaviri naSamuel, nemumwe muparidzi mumwe chete kana vaviri. Ndakatanga kuora mwoyo zvishoma nezvishoma zvokuti ndakatombofunga zvokusiya nzvimbo yacho.
“Mazuva iwayo ndakaverenga nyaya yaikurudzira muBhuku Regore nezvehama dzedu dzokuMalawi dzairamba dzakatendeka dzichitambudzwa zveutsinye.e Ndakazvibvunza kuti, ‘Kana ndikatadza kutsungirira kusurukirwa, ndingazotsungirira sei kutambudzwa?’ Ndakaudza Jehovha zvose zvaindinetsa ndikatanga kunyevenuka. Ndakasimbiswawo nokuverenga nokufungisisa Bhaibheri nenyaya dzomuNharireyomurindi. Pandakashanyirwa naMaurice Raj naDunstan O’Neill ndisingazvifungiri ndakaita sendaiona ngirozi mbiri! Zvishoma nezvishoma ndakatangazve kuwana mufaro wangu.”
Paakazova mutariri anofambira, Donald akashandisa zvakaitika kwaari pakukurudzira zvimwe Zvapupu zviri kwazvo zvoga. Basa rake muHakha rakazovawo nezvibereko. Iye zvino muHakha mune ungano inoshingaira uye munowanzoitirwa magungano edunhu neeruwa. Vamwe vaparidzi vacho vaviri vaipinda misangano muHakha, Johnson Lal Vung naDaniel Sang Kha, vakazova mapiyona chaiwo aishingaira vakabatsira pakuparadzira mashoko akanaka munzvimbo dzakawanda muChin.
‘Kukwira Makomo’
Chin inzvimbo yakakwirira nemamita 900 kusvika ku1 800 iine mamwe makomo anotosvika mamita 3 000. Mazhinji acho akaita kusosera nemiti yemhando dzakasiyana siyana nemaruva anoyevedza. Nzvimbo yacho masango oga oga uye inonetsa kufamba. Maguta ari munharaunda iyi anobatanidzwa nemigwagwa inopoterera isina tara, isingafambiki kana kwanaya uye inowanzovharwa nematombo anenge akoromoka mumakomo. Misha yakawanda iri kure inongosvikika netsoka chete. Asi zvose izvi hazvitadzisi vashumiri vaJehovha, avo vanoda kusvika nemashoko akanaka kuvanhu, kwose kwose kwavanowanikwa.
Aye Aye Thit, uyo akashanda nemurume wake mutariri wedunhu muChin anoti: “Ndakakurira munzvimbo isina makomo yeAyeyarwady Delta saka ndainakidzwa chaizvo nemakomo anoyevedza ekuChin. Pandakatanga kukwira gomo ndakazviita nemanyawi, asi pandakasvika pamusoro paro ndakafenda ndava kutadza kufema. Pandakazokwira mamwe aitevera ndakanga ndaneta zvokuti ndakafunga kuti ndava kufa. Ndakazopedzisira ndadzidza kuti makomo anokwirwa zvishoma nezvishoma uchichengetedza simba. Ndakazenge ndava kukwanisa kufamba makiromita 32 pazuva parwendo rwemazuva matanhatu kana kupfuura.”
Ungano yeMatupi yaifamba makiromita 270 ichienda kumagungano kuHakha
Mumakore ose aya hama dzomuChin dzanga dzichishandisa zvakasiyana siyana pakufamba, zvinosanganisira manyurusi, mabhiza, mabhasikoro, uye munguva dzichangopfuura, midhudhudhu, nemotokari. Asi kazhinji vanofamba netsoka. Somuenzaniso, kuti vasvike misha yakapoteredza guta reMatupi, mapiyona chaiwo Kyaw Win naDavid Zama vaifamba zvishoma nezvishoma makiromita akawanda vachikwidza nokudzika makomo. Kuti inopinda magungano eruwa muHakha, iri kure nemakiromita anopfuura 270, Ungano yeMatupi yaifamba kwemazuva matanhatu kusvika kumasere kuenda vozodarozve pakudzoka. Vari munzira vaiimba nziyo dzoUmambo dzichidairira nomumakomo anoyevedza.
Nzendo idzodzo dzairwadza dzaiita kuti hama dzitonhorwe nokupiswa uye dzirumwe neumhutu netumwe tunonanaira, zvikuru munguva yokunaya. Myint Lwin, mutariri wedunhu, anoti: “Mumwe musi ndichifamba musango ndakaona zvikwevaropa zvichikwira nemakumbo angu. Pandakazvibvisa, zvimwe zviviri zvakatanga kukwira. Ndakasvetukira pamuti wakanga wakadonha, asi zvimwe zvakawanda zvakatanga kukwira padanda racho. Ndakatanga kumhanya nesango nokutya. Pandakazosvika mumugwagwa ndakanga ndazara zvikwevaropa.”
Mutariri weruwa Gumja Naw nomudzimai wake, Nan Lu, vaifamba kuChin kubva kune imwe ungano kuenda kune imwe
Zvisinei, hama dzaifamba muChin dzaisangosangana nezvikwevaropa chete. MuMyanmar mune njiri hombe, mabheya, mbada neimwe mhuka yakada kufanana nedindingwe, uye vamwe vanoongorora vanoti mune mhando dzakawanda dzenyoka dzine uturu kupfuura imwe nyika ipi zvayo. Paaifamba achibva kune imwe ungano achienda kune imwe muChin, mutariri weruwa Gumja Naw nemudzimai wake, Nan Lu, vaivesa moto usiku wakavakomberedza kuti mhuka dzomusango dzisasvika!
Vaevhangeri ava vaishingaira vakaita basa richiri kuita zvibereko. Maurice Raj anoti, “Vakashumira Jehovha nesimba ravo rose. Kunyange pavakazobva kuChin, mwoyo yavo haina kumbobvako. Basa ravo rakakudza Jehovha zvechokwadi!” Iye zvino, kunyange zvazvo iri iyo imwe yenzvimbo dzinonyanya kugara vanhu vari kure nokure, Chin ine ungano nomwe nemapoka ari oga akati wandei.
“Hamuna ‘Makwai’ muMyitkyina”
Muna 1966 mapiyona chaiwo akati wandei akasvika muMyitkyina, kaguta kakanaka kari pedyo noRwizi rwaAyeyarwady muKachin, pedyo neChina. Makore matanhatu akanga apfuura, Robert naBaby Richards vakanga vamboparidzako kwenguva duku. Vakati: “Hamuna ‘makwai’ muMyitkyina.” Asi mapiyona matsva aya akawana vanhu vaiva nenzara yechokwadi.
Mumwe wevanhu ivavo ndiMya Maung, aiva nemakore 19 uye aipinda chechi yeBaptist uyo ainyengetera kuna Mwari kuti abatsirwe kunzwisisa Bhaibheri. Anorondedzera kuti: “Ndakazofara pandakashanyirwa nemumwe piyona pabasa pangu akati anoda kudzidza neni Bhaibheri. Ndakaona kuti kwaiva kupindurwa kweminyengetero yangu. Ini nomunun’una wangu, San Aye, taidzidza kaviri pavhiki, uye takakurumidza kufambira mberi.
“Takabatsirwa nehama yaigona kudzidzisa yainzi Wilson Thein. Pane kungotiudza zvokuita aitiratidza maitirwo azvo! Taiita mienzaniso yokudzidzira kuparidza zvokuti zvakatibatsira kunyatsoshandisa Bhaibheri, kuparidza noushingi, kuziva zvokuita kana tichipikiswa, uye kugadzirira nokupa hurukuro dzeungano. Wilson Thein aiteerera tichidzidzira kupa hurukuro imwe neimwe ozotipa mazano okuti tivandudze. Kutidzidzisa kwaakaita nomutsa kwakatibatsira kuti tive nezvinangwa zvokunamata.
“Iye zvino maguta anopfuura nechitima anoti Namti, Hopin, Mohnyin, neKatha ane ungano dzinoshingaira”
“Muna 1968, ini naSan Aye takatanga kupayona, muMyitkyina mukabva mava nemapiyona masere. Vadzidzi vedu veBhaibheri vokutanga vaisanganisira amai vedu nevana vemumba medu vanomwe, vose vakazogamuchira chokwadi. Takaparidzawo mumaguta nemisha yakatevedza njanji yaibva kuMyitkyina ichienda kuMandalay tichiita nzendo dzaiita zuva rimwe kusvika kumatatu. Mbeu yatakadyara yakazova nezvibereko. Iye zvino maguta anopfuura nechitima anoti Namti, Hopin, Mohnyin, neKatha ane ungano dzinoshingaira.”
Mumwe musi achiparidza munzvimbo yemabhizimisi muMyitkyina, San Aye akasangana naPhum Ram, muKachin aipinda chechi yeBaptist uye aishanda muhofisi yehurumende. Phum Ram akagamuchira chokwadi nemwoyo wose akatamira kuPutao, kamwe kaguta kari mujinga memakomo eHimalaya. Ikoko akaparidzira vanhu vakawanda voukama zvokuti munguva pfupi vanhu 25 vakanga vava kupinda misangano yechiKristu. Paaipayona, Phum Ram akabatsira mudzimai wake nevana vanomwe nevamwe voukama vakawanda kuwana chokwadi. Iye zvino achiri kupayona kuMyitkyina uye mukuru muungano.
Chitima Chisina Mamwe Matiroko
Zvapupu zvichibva muchitima chakanga chahaiwa kubva kuYangon kuenda kuMyitkyina kunopinda gungano reruwa muna 1969
Kuwedzera kwaiita Zvapupu muKachin kwakaita kuti muna 1969 hofisi yebazi iite Gungano Renyika Dzakawanda raiti “Rugare Pasi Pano” muMyitkyina panzvimbo pokuitira muYangon maiwanzoitirwa. Bazi rakataura neBurma Railways rikahaya matiroko matanhatu echitima kuti atakure vanhu vaizopinda gungano kubva kuYangon kuenda kuMyitkyina, yaiva kure nemakiromita anopfuura 1 100 nechekuchamhembe. Zvikumbiro zvakadaro zvakanga zvisingawanzoitwi. Kachin inharaunda yaiwanzorwiwa nevapanduki zvokuti kupinda mairi nokubuda kwaiongororwa zvikuru. Asi hama dzakashamiswa nokuti vezvitima vakabva vangobvuma chikumbiro chavo.
Boka revakuru vari paGungano Renyika Dzakawanda raiti “Rugare Pasi Pano”muna 1969 muMyitkyina. (Kumashure) Francis Vaidopau, Maurice Raj, Tin Pei Than, Mya Maung, (pakati) Dunstan O’Neill, Charlie Aung Thein, Aung Tin Shwe, Wilson Thein, San Aye, (pamberi) Maung Khar, Donald Dewar, David Abraham, Robin Zauja
Musi waifanira kusvika chitima chacho muMyitkyina, Maurice Raj nedzimwe hama vakaenda kuchiteshi kunotambira vanhu vaiuya kugungano. Maurice anorondedzera kuti: “Takamirira kudaro, mukuru wechiteshi akamhanya ndokusvikotiudza kuti akanga achangogamuchira teregiramu yaiti vakuru vezvitima vakanga vakochonora matiroko akanga aine hama dzedu, dzikangosiyiwa pakati peMandalay neMyitkyina. Kunenge kuti chitima chacho chakanga charemerwa pamukwidza.
“Saka taizoita sei? Chakatanga kupinda mupfungwa dzedu kwaiva kuchinja mazuva egungano. Asi zvaizoreva kunyorerazve kuti tipiwe mvumo, izvo zvaizotora mavhiki akawanda! Tiri pakati pokunyengetera nemwoyo wose, chitima chacho chakabva chati vhuu. Takashaya neromuromo patakaona matiroko ose ari matanhatu aine hama dzedu! Vainyemwerera vachitisimudzira maoko. Patakavabvunza zvaive zvaitika, mumwe wavo akatsanangura kuti, ‘Matiroko matanhatu akochonorwa zvechokwadi, asi handimo matanga tiri!’”
‘Matiroko matanhatu akochonorwa zvechokwadi, asi handimo matanga tiri!’
Gungano iri rakabudirira kupfuura mamwe ose. Mabhuku matatu akabudiswa muchiBurmese uye mashanu muChirungu. Pakanga papfuura makore matatu kubvira pakadzingwa mamishinari, uye mabhuku aipinda muBurma akanga ava mashomanana. Asi iye zvino akanga ava kudirana!
Kudzidzisa vaNaga
Mwedzi mina pashure pegungano rekuMyitkyina, hofisi yebazi yakagamuchira tsamba yaibva kuna mabharani weposvo kuKhamti, guta riri muzasi merwizi rwakatevedza makomo marefu ari pamuganhu weBurma neIndia. Uku ndiko kunogara vaNaga, rudzi rune madzinza akasiyana siyana rwaimbotyiwa nenyaya yokuvhima vanhu vodimbura misoro. Mutsamba yake, mabharani uyu, Ba Yee, uyo aimbopinda chechi yeSabata, aikumbira kubatsirwa kuziva Mwari. Hofisi yebazi yakabva yangotumira mapiyona chaiwo maviri, Aung Naing naWin Pe.
Win Pe anorondedzera kuti: “Pakanhandare kendege keKhamti, takatya zvikuru patakaona varwi vechiNaga vakamira vakangopfeka nhembe chete. Ba Yee akabva amhanya kuzotikwazisa ndokukurumidza kuenda nesu kuti tinoona vamwe vaifarira. Pasina nguva takanga tava kudzidza nevanhu vashanu.
Biak Mawia (ari kumashure, nechekurudyi) neungano yeKhamti pakatanga basa munzvimbo dzinogara vaNaga
“Zvisinei, vakuru vomunzvimbo iyi vakafunga kuti taiva vafundisi veBaptist vaibatsirana nevapanduki. Kunyange zvazvo takavaudza kuti taisambopindira mune zvematongerwo enyika, vakatidzinga tisati tambosvitsa mwedzi.”
Pashure pemakore matatu, pakwakanga kwava nevakuru vatsva munzvimbo iyi, Biak Mawia, piyona aiva nemakore 18, akapfuudzira pakasiyirwa nemapiyona okutanga. Pasina nguva, Ba Yee akasiya basa kuposvo ndokutanga kupayona. Mamwe mapiyona anoverengeka akazosvika. Chikwata ichi chaishingaira chakabva chatanga ungano muKhamti uye mapoka maduku mashomanana mumisha yaive pedyo. Biak Mawia anoti: “Hama nehanzvadzi dzechiNaga dzakanga dzisina kudzidza uye dzisingagoni kuverenga nokunyora. Asi vaida Shoko raMwari uye vaiva vaparidzi vanoshingaira vaishandisa mifananidzo iri mumabhuku edu nounyanzvi. Vaidzidzirawo kubata magwaro uye nziyo dzoUmambo nomusoro.”
Iye zvino magungano eruwa anogara achiitirwa muKhamti, achipindwa nevamwe vanobva kure nechokumaodzanyemba kwakadai sokuHomalin, kunotora maawa 15 munhu achifamba neigwa.
Kupikiswa mu“Golden Triangle”
Kune rumwe rutivi rweBurma basa rokuparidza raipararira richisvika kumakomo ari mumuganhu weChina, Laos, neThailand. Apa ndipo pakati chaipo penharaunda inonzi Golden Triangle, ine zvikomo uye ine mapani akaorera akazongoshatiswa nokurima ruva rinodhaka rinonzi opium, kurwisa kunoita vapanduki, nemamwe mabasa asiri pamutemo. Mapiyona aiparidza chokwadi munharaunda iyi ine ngozi akanga akangwarira. (Mat. 10:16) Asi chinoshamisa ndechokuti vafundisi vechiKristudhomu ndivo vakapikisa basa ravo!
Pakasvika mapiyona Robin Zauja naDavid Abraham muLashio, guta romuShan raiva nevanhu vakawanda, vafundisi vemo vakabva vavati vapanduki. Robin akati: “Takasungwa tikaendeswa kujeri, kwatakasvika tikaratidza mapurisa mapepa airatidza kuti tiri vashumiri. Nechinguva chiduku-duku mumwe mukuru wemauto akapinda. Akati: ‘Hevoi vaZauja. Ndaona kuti Zvapupu zvaJehovha zvava muno muLashio!’ Mukuru iyeye, wandakambodzidza naye pachikoro chimwe, akabva atisunungura.”
Mapiyona aya maviri akatanga kushanda akavamba ungano yakatoti kurei. Vakazovaka Imba yoUmambo. Pashure pemakore maviri, vakadanwa kumuzinda wekanzuru yeko kwakanga kwakaungana vanhu vaipfuura 70 vaisanganisira vakuru vakuru vemauto, masabhuku, nevafundisi. “Vafundisi vakatipomera nehasha kuti taimanikidza vanhu kusiya tsika dzezvitendero zvavo,” anodaro Robin. “Sachigaro paakati tipindure zvataipomerwa, ndakabvunza kana ndaibvumirwa kushandisa Bhaibheri. Akabvuma. Ndakabva ndanyengetera nechemumwoyo ndokutsanangura zvinotaurwa neBhaibheri nezvetsika dzezvitendero zvenhema, chiuto, nemhemberero dzekurumbidza nyika. Pandakapedza sachigaro akasimuka akataura kuti mutemo weBurma unobvumira kuti vanhu vezvitendero zvose vanamate vakasununguka. Takasunungurwa tikabvumirwa kuramba tichiparidza, zvikasvota vafundisi.”
Pava paya, muMongpaw, musha uri pedyo nemuganhu weChina, mhomho yevaBaptist yakanga yakashatirwa yakapisa Imba yoUmambo. Pavakaona kuti utsinye hwavo hauna kudzorera Zvapupu kumashure, vakapisa imba yapiyona chaiye ndokutanga kuvhundutsira hama nehanzvadzi kudzimba dzavo. Hama dzakamhan’ara kumutongi wemunzvimbo macho, asi akatsigira vaBaptist. Zvisinei, hurumende yakazopindira, ikapa hama mvumo yokuvaka imwe Imba yoUmambo pakati chaipo peguta, kwete kunze kwaimbova neyokutanga!
Nechokumaodzanyemba, kuLeiktho, mumwe musha uri kwawo woga mumakomo ari panoganhurana Kayin neGolden Triangle, Gregory Sarilo akapikiswa zvakasimba nevafundisi veChechi yeRoma. “Mupristi wemumusha imomo akaudza makwai ake kuti aparadze bindu rangu remuriwo,” anorondedzera kudaro Gregory. “Vakabva vazondipa zvokudya sechipo, asi imwe shamwari yangu yakandiudza kuti zvakanga zvaiswa chepfu. Mumwe musi varume vaishandiswa nomupristi uyu vakandibvunza kuti ndaizoenda nenzira ipi zuva raitevera. Zuva racho ndakachinja nzira sezvo vakanga vakandivandira vachida kundiuraya. Pandakamhan’ara nyaya idzi, vakuru vomunzvimbo iyi vakaudza mupristi uyu nevateveri vake zvakasimba kuti vasiyane neni. Jehovha akandidzivirira kuvanhu ‘vaivhima mweya wangu.’”—Pis. 35:4.
Kuramba Vasina Divi Ravanotsigira
Mumakore ose aya hama nehanzvadzi muBurma dzakaedzwa kuperera kwadzo neimwe nzira zvekare. Kurwisana kwemadzinza nokusagadzikana kwezvematongerwo enyika kunowanzovaedza panyaya yokusava nedivi ravanotsigira.—Joh. 18:36.
Muguta reThanbyuzayat riri nechokumaodzanyemba, mumwe piyona chaiye Hla Aung akaona ava pakati pemauto ehurumende airwisana nevapanduki pachiteshi chechitima chiri munjanji inobva kuBurma ichienda kuThailand, yakavakwa nguva dzeHondo Yenyika II. “Masoja aingoerekana apinda mumisha usiku otora vanhurume oenda navo akavanongedzera pfuti kuti vanoita basa rokuabikira nokuawachira,” anotsanangura kudaro Hla Aung. “Vakawanda vakabva vatsakatika. Mamwe manheru, masoja akasvika mumusha medu tichiita zvedu nyaya naDonald Dewar. Mudzimai wangu akakurumidza kudaidzira achitinyevera, tikabva tatizira musango. Patakapona nepaburi retsono saizvozvo, ndakabva ndavaka nzvimbo yokuvanda pamba pangu, yandaizotizira kana masoja auya.”
Pakasvika piyona chaiye Rajan Pandit muDawei, guta riri nechokumaodzanyemba kweThanbyuzayat, akabva atanga zvidzidzo zveBhaibheri zvinoverengeka mumusha waiva pedyo wakanga wakazara vapanduki. Anoti: “Mumwe musi ndichibva kumusha iwoyo, ndakasungwa nemasoja ndikarohwa ndichipomerwa kuti ndaishanda nevapanduki. Pandakavaudza kuti ndaive mumwe weZvapupu zvaJehovha, vakandibvunza kuti ndakanga ndauya sei muDawei. Ndakavaratidza tiketi rangu rendege, randakanga ndachengeta. Vakabva vaziva kuti ndakanga ndauya nendege izvo zvavaiziva kuti zvaisaitwa nevapanduki. Vakarega kundirova ndokuzondisunungura. Asi vakazobvunzurudza mumwe wevanhu vandaidzidza navo Bhaibheri, uyo akavaudza kuti takanga tangodzidza Bhaibheri chete. Kubvira ipapo masoja haana kuzondinetsa zvokuti vamwe vavo ndakatozoguma ndava kuvaendesera magazini.”
Dzimwe nguva vakuru veguta vaiedza kumanikidza hama kuti dzitsigire zvematongerwo enyika nokuvhota kana kuti kuita mitambo yokurumbidza nyika. Vakuru veguta reZalun, riri pedyo nerwizi uye riri kure nemakiromita 130 kuchamhembe kweYangon, vakada kumanikidza Zvapupu kuti zvivhote, hama dzikatsika madziro, dzichipa zvikonzero zvomuBhaibheri. (Joh. 6:15) Vakuru vacho vakakwidza nyaya yavo kuvakuru vepurovhinzi. Asi vakuru vepurovhinzi vainyatsoziva kuti Zvapupu zvaJehovha hazvipindiri mune zvematongerwo enyika. Vakabva vangoti hama dzisabatanidzwa musarudzo.
KuKhampat, guta riri pedyo nemuganhu weIndia, vamwe vana vechikoro 23 veZvapupu pavakaramba kukotamira mureza, amai vaiva mukuru wechikoro vakavadzinga. Amai vacho vakazodana vakuru vaviri veungano kuti vamiswe pamberi pevakuru vakuru vakawanda, vaisanganisira mutongi wedzimhosva wemuguta uye mukuru wemauto. Mumwe wevakuru vacho veungano Paul Khai Khan Thang, anoti, “Pataitsanangura zvikonzero zvedu zvomuMagwaro, vamwe vavo vakaviruka. Takazovaratidza gwaro rehurumende raitaura kuti Zvapupu zvaJehovha zvinobvumirwa ‘kumira noruremekedzo zvakanyarara panenge pachikotamirwa mureza.’ Vakamboramba vakati zii. Pavakazotanga kutaura, mukuru wemauto akaudza mukuru wechikoro kuti adzorere vana kuchikoro. Mukuru wacho wechikoro akazopa dhipatimendi rimwe nerimwe rechikoro gwaro iri.”
Iye zvino vakuru vose vehurumende yeMyanmar vanoziva kuti Zvapupu zvaJehovha hazvipindiri mune zvematongerwo enyika. Kutsigira kwevashumiri vaJehovha zvinotaurwa neBhaibheri kwakapa uchapupu sezvakagara zvataurwa naJesu Kristu.—Ruka 21:13.
Masoja Anova vaKristu
Nokurwisana kunogara kuchiitwa muMyanmar vagari vemo vakawanda vakatombova muchiuto kana kuti vakamborwa sevapanduki. Vamwe vavo ‘vakazvipira uye vanotya Mwari’ sezvakanga zvakaita Koneriyasi, mukuru wemauto eRoma anotaurwa muna Mabasa. (Mab. 10:2) Pavanodzidza chokwadi, vanoshanda nesimba kuti upenyu hwavo huenderane nemitemo yaJehovha yakarurama.
Varume vaviri ava vakasunungurwa pakuva noruvengo, uye iye zvino vakanga vabatanidzwa norudo, zvichibva pasimba reShoko raMwari
Mumwe wevanhu ivavo ndiHlawn Mang, aimbova muuto wemungarava, akadzidza chokwadi achishandira kuMawlamyine. Anotsanangura kuti, “Ndaida kubva ndangotanga kuparidza. Asi pandakanga ndava kuda kusiya basa, ndakaudzwa kuti ndakanga ndava kuda kukwidziridzwa uye kuendeswa kuchikoro chechiuto kuimwe yenyika dzakapfuma dzokumadokero! Asi shungu dzangu dzaiva dzokuita basa raMwari. Vakuru vangu vakakatyamadzwa pandakavapa tsamba yokurega basa ndikabva ndatanga kushumira Jehovha. Nanhasi ndichine chokwadi kuti zvandakaita ndizvo chaizvo kunyange papfuura makore 30. Chii chingaenzaniswa nokushumira Mwari wechokwadi?”
Aik Lin (kuruboshwe), naSa Than Htun Aung (kurudyi) vakarwa zvinotyisa kakawanda musango mumwe nomumwe ari kune rimwe divi
La Bang Gam, aiva muchipatara chemauto achinaya paakaratidzwa naRobin Zauja bhuku rainzi Kubva ku Paradiso Yakarasika ku Paradiso Ichawanika Zve. f La Bang Gam akanakidzwa naro ndokurikumbira. Asi sezvo Robin akanga asina rimwe, akabvuma kungomupa kweusiku humwe chete. Mangwana acho pakadzoka Robin, La Bang Gam akataura nomufaro kuti: “Bhuku rako iri. Ini ndava nerangu!” Akanga arara akasvinura achikopa bhuku rose remapeji 250 achinyora mutubhuku tuduku! Pashure penguva pfupi, La Bang Gam akazosiya chiuto ndokushandisa bhuku ra“Paradiso” kubatsira vanhu vakawanda kudzidza chokwadi.
Munzvimbo ine makomo yeShan, Sa Than Htun Aung, kaputeni muuto reBurma, naAik Lin, mukuru muuto revapanduki reUnited Wa State Army, vakarwa zvinotyisa kakawanda musango mumwe nomumwe ari kune rimwe divi. Pakazopera hondo mauto acho aita hurukuro, varume ava vakagara muShan. Mumwe nomumwe wavo akazodzidza chokwadi, akasiya chiuto, ndokubhabhatidzwa. Varume ava vaimbova vavengi vakasangana pagungano redunhu vakambundirana sehama dzechiKristu! Vakasunungurwa pakuva noruvengo, uye iye zvino vakanga vabatanidzwa norudo, zvichibva pasimba reShoko raMwari.—Joh. 8:32; 13:35.
Kubatsira “Vanhu Vemarudzi Ose” Kunzwisisa
Pakati pa1965 na1976, vaparidzi vakawedzera muBurma zvakapetwa kanopfuura katatu. Vakawanda vevaparidzi vatsva ava vakabva muchiKristudhomu. Asi hama dzaiziva kuti Mwari anoda kuti “vanhu vemarudzi ose vaponeswe uye vasvike pakuva nezivo yakarurama pamusoro pechokwadi.” (1 Tim. 2:4) Saka kubvira muna 1975 zvichienda mberi, vakawedzera kuedza kwavaiita kuparidzira vanhu vemuBurma vezvimwe zvitendero zvakawanda, kusanganisira chiBuddha, chiHindu, uye vaya vanonamata zvisikwa.
Mamongi echiBuddha anooneka munzvimbo dzakawanda akapfeka magemenzi
Paiva nezvipingamupinyi zvakawanda. VaBuddha havabvumi kuti kuna Mwari mumwe chete kana kuti Musiki, vaHindu vanonamata mamiriyoni avanamwari, uye vakawanda muBurma vanotenda kuti kune midzimu ine simba. Kutenda mashura, kushopera, uye zvemidzimu hazvizivani muzvitendero izvi. Uye kunyange zvazvo vakawanda vavo vachitenda kuti Bhaibheri ibhuku dzvene, kazhinji kacho havazivi zvakawanda nezvaro, uye dzidziso dzaro.
Zvisinei, hama dzaiziva kuti simba riri muchokwadi cheShoko raMwari rinogona kubaya mwoyo wemunhu chero upi zvake. (VaH. 4:12) Vaingofanira kuvimba nemudzimu waMwari uye kushandisa “unyanzvi hwokudzidzisa,” kureva kunyatsobatsira vanhu kunzwisisa zvinosvika pamwoyo zvovaita kuti vachinje upenyu hwavo.—2 Tim. 4:2.
Somuenzaniso, funga nezvaRosaline, ava nemakore ari piyona chaiye. Achitsanangura kubatsira kwaanoita vaBuddha kunzwisisa anoti: “Ukadzidzisa vaBuddha kuti kune Musiki, vanowanzokubvunza kuti, ‘Ko iye wacho akasikwa naani?’ VaBuddha vanotenda kuti mweya yevanhu inozvarwazve yava mumhuka, saka ndinovabatsira kufunga nekushandisa muenzaniso wemhuka dzavanogara nadzo pamba.
“‘Ndinobvunza kuti, “Mhuka iyi inoziva here kuti ine muridzi?’
“‘Ehe inoziva.”
“‘Asi inoziva here nezvekwaanoshanda, mhuri yake uye dzinza rake?’
“‘Aiwa.’
“‘Saka sezvo vanhu vakasiyana naMwari, nokuti iye Mudzimu, tingatarisira kunzwisisa zvose nezvake uye kwaakabva here?’
“‘Aiwa.’”
“Rudo rwandakaratidzwa nehama rwakandizorodza chaizvo”
Mabvunziro akadaro akabatsira vaBuddha vakawanda vakatendeka kuti vafunge nezvehumwe uchapupu hwokuti Mwari ariko. Kubatsira vanhu kufunga, uye kuvaratidza rudo rwechokwadi rwechiKristu, kune simba rokubaya mwoyo yavo. Ohn Thwin, aimbova muBuddha, anoti: “Pandakaenzanisa zvinotendwa nevaBuddha nezveNirvana nezvinovimbiswa neBhaibheri nezveParadhiso yepasi pano, ndakafarira Paradhiso. Asi sezvo ndaitenda kuti kune nzira dzakawanda dzechokwadi, handina kuda kumboshandisa zvandaidzidza. Ndakazotanga kupinda misangano yeZvapupu zvaJehovha. Rudo rwandakaratidzwa nehama rwakandizorodza chaizvo. Rudo irworwo rwakaita kuti ndiite chimwe chinhu nezvezvandaidzidza.”
Boka reZvapupu muBurma, 1987
Kubatsira vanhu kuti vachinje zvavanotenda kunoda kungwarira kuvagumbura uye kuva nemwoyo murefu. Kumar Chakarabani aiva nemakore gumi apo baba vake, muHindu akazara, vakabvumira kuti adzidziswe kuverenga naJimmy Xavier aishanda paBheteri. Kumar anoti, “Baba vakamuti agumire pakundidzidzisa kuverenga chete, kwete zvechitendero. Saka Jimmy akavaudza kuti Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri rakanaka chaizvo pakudzidzisa vana kuverenga. Jimmy aizotiwo kana apedza kundidzidzisa kuverenga, ombotaura nababa achiratidza kuti anovafarira. Baba vangu pavakatanga kubvunza mibvunzo nezvechitendero, Jimmy aivaudza nokungwarira kuti: ‘Bhaibheri rine mhinduro dzacho. Ngatidzitsvagei tose.’ Nokufamba kwenguva baba vangu vakazogamuchira chokwadi uye vanhu 63 vemumhuri medu vakava Zvapupu zvaJehovha.”
Kuita Magungano Eruwa Kuine Mhirizhonga
Kuma1985, zvematongerwo enyika muBurma zvakawedzera kusagadzikana. Muna 1988, zviuru zvevanhu zvakazopedzisira zvaratidzira mumigwagwa zvichitsutsumwira hurumende. Asi masoja akamisa kuratidzira uku nechisimba, nyika yose ikatanga kutongwa nemauto.
Kyaw Win, anoshanda paBheteri anoti, “Hurumende yakabva yarambidza vanhu kufamba kwasviba, uye kuungana kwevanhu vanopfuura vashanu. Takashaya kuti taizoita sei nemagungano edu eruwa aitevera. Asi nokutenda muna Jehovha, takataura nemukuru wemauto wekuYangon tichikumbira mvumo yokuita gungano revanhu 1 000. Pashure pemazuva maviri takagamuchira gwaro raitipa mvumo! Patairatidza gwaro racho kuvakuru vehurumende vedzimwe nzvimbo, vaibva vabvumirawo kuti magungano aitwe munzvimbo dzavo. Jehovha akatibatsira zvokuti magungano acho ose akabudirira zvikuru!”
Kusarega Kuungana kwechiKristu
Pashure pemhirizhonga yemuna 1988, upfumi hweBurma hwakawedzera kuderera. Kunyange zvakadaro, hama nehanzvadzi dzakaratidza kutenda kwakasimba muna Mwari nokuramba vachiisa Umambo pakutanga muupenyu hwavo.—Mat. 6:33.
Somuenzaniso, funga nezvaCin Khan Dal, uyo aigara nemhuri yake mumusha uri kwawo woga mudunhu reSagaing. “Taida kupinda gungano reruwa kuTahan uko kunotora mazuva maviri kuti usvike uchienda nechikepe, wozokwira motokari,” anotsanangura kudaro. “Asi hapana aizosara achitichengetera huku dzedu kana taenda. Kunyange zvakadaro takavimba naJehovha ndokuenda kugungano. Patakadzoka takawana tarasikirwa nehuku 19, izvo zvakatidzorera shure zvikuru. Asi pashure pegore huku dzedu shomanana dzakanga dzatowanda kupfuura 60. Uye kunyange zvazvo huku dzevakawanda dzakafa nechirwere dzedu hadzina kana kumbofa.”
Imwe mhuri yakaramba ichikoshesa zvokunamata ndeyaAung Tin Nyunt, nomudzimai wake Nyein Mya, vaigara nevana vavo vapfumbamwe muKyonsha, musha uri makiromita 64 kuchamhembe kwakadziva kumavirira kweYangon. Aung Tin Nyunt anorondedzera kuti: “Mhuri yedu yaiwanzodya mupunga nemuriwo chete. Takanga tisina mari kana chinhu chokutengesa. Asi hazvina kutidya mwoyo. Ndaiudza mhuri yangu kuti: ‘Jesu akanga asina pokuisa musoro wake. Saka kunyange ndikagara pasi pomuti kana kuti ndikafa nenzara, ndicharamba ndichinamata Mwari ndakatendeka.’
“Jehovha ndiye mubatsiri wangu; handingatyi. Munhu angandiitei?”—VaH. 13:6
“Asi mumwe musi takanga tisisina chokudya mumba medu. Mudzimai wangu nevana vakanga vangonditarisa vakasuruvara. Ndakavaudza kuti, ‘Musatya, Mwari achatibatsira.’ Tapedza basa romumunda mangwanani, ndakaenda nevanakomana vangu kunobata hove. Asi takabata dzaingokwana kudya kamwe chete. Takasiya maduwo edu pedyo nepaiva nemahapa akawanda, ndikaudza vakomana kuti: ‘Tozodzoka tabva kumusangano.’ Masikati iwayo kwakava nemhepo huru. Patakadzoka, takawana hove dzakawanda dzakavanda mhepo muzasi memahapa. Saka takadzikisa maduwo edu tikabata hove dzakawanda, dzatakatengesa tikakwanisa kutenga zvokudya zvevhiki rose.”
Vashumiri vaJehovha muMyanmar vanogara vachiona kuzadziswa kwezvakavimbiswa naMwari kuti: “Handingambokuregerei kana kumbokusiyai.” Saka vanoti nemwoyo wose: “Jehovha ndiye mubatsiri wangu; handingatyi. Munhu angandiitei?”—VaH. 13:5, 6.
Kuvandudzwa Kwakaitwa Kubudiswa Kwemabhuku
Kubvira muna 1956, vanhu vemuMyanmar vanga vachibatsirwa nezvokudya zvinosimbisa pakunamata zviri muNharireyomurindi yechiMyanmar (chiBurmese). Pasinei nehondo dzemarudzi, kusagadzikana kwemunyika, uye kuderera kweupfumi, hapana payakambotadza kubuda. Magazini yacho yanga ichibudiswa sei?
Kwemakore akawanda hofisi yebazi yaitumira kuhurumende magazini mashomanana ainge ashandurwa ndokutaipwa kuti aongororwe. Kana hurumende yapa mvumo, bazi raizonyorera richikumbira mvumo yokuti ritenge mapepa okudhindira. Kana mapepa avapo, imwe hama yaizoenda nemagazini acho kukambani inodhinda, iyo yaizoisa peji rimwe nerimwe mumavara echiMyanmar (chiBurmese). Hama yacho yaizoverenga mashoko acho kuti ione kana akarurama, magazini acho ozodhindwa nomuchina wakanga wasakara. Mamwe emagazini aya aizoendeswazve kuhurumende kuti anoongororwa, vopiwa gwaro raive nenhamba raivapa mvumo yokuabudisa. Iri basa rakakura raitora mavhiki akawanda, uye pepa raishandiswa rakanga rakashata uye mashoko acho aisaratidzika zvakanaka.
Muna 1989, bazi rakazogamuchira purogiramu yokubudisa mabhuku yakachinja zvachose basa rokudhinda. Purogiramu iyi, yakagadzirwa kudzimbahwe renyika yose, inonzi muChirungu, Multilanguage Electronic Phototypesetting System (MEPS) inoshanda nemakombiyuta kubudisa mashoko anozodhindwa mumitauro 186 inosanganisira chiMyanmar!g
“Kunenge kuti Zvapupu zvaJehovha ndizvo zvokutanga muMyanmar kubudisa mabhuku zvichishandisa makombiyuta,” anodaro Mya Maung aishanda pabazi. “Purogiramu yeMEPS, iyo yaishandisa mavara echiMyanmar anoyevedza akagadzirwa pabazi redu, yakaita kuti zvakawanda zvichinje panyaya dzokudhinda. Vanhu vakatadza kunzwisisa kuti taizviita sei kuti mavara edu anyatsobuda zvakanaka kudaro!” MEPS yaifambiranawo nenzira dzokudhinda itsva zvaiita kuti mavara abude zvakanaka. Yaiitawo kuti pabude mifananidzo yemhando yepamusoro izvo zvakaita kuti Nharireyomurindi iwedzere kuyevedza.
Muna 1991, hurumende yeMyanmar yakapa mvumo yokuti Mukai! ibudiswe uye hama dzakazofara. Kana veruzhinji vakafarawo! Mumwe mukuru mukuru muBazi Rinoona Nezvokubudiswa Kwemashoko akataura manzwiro aiita vaverengi vakawanda achiti: “Mukai! yakasiyana nemamwe mabhuku echitendero. Inotaura nyaya dzakawanda dzinonakidza uye iri nyore kunzwisisa. Ndinozoida.”
Mumakore 20 apfuura, nhamba yemagazini anodhindwa nebazi yakawedzera kubva pa15 000 pamwedzi uye iye zvino yava kupfuura 141 000!
Mumakore 20 apfuura, nhamba yemagazini anodhindwa nebazi mwedzi woga woga yakawedzera kubva pa15 000 uye iye zvino yava kupfuura 141 000! Magazini eNharireyomurindi neMukai! ava kuzivikanwa nevakawanda muYangon uye anoverengwa muMyanmar yose.
Hofisi Yebazi Inoita Duku
Pashure pemhirizhonga yomuna 1988, vakuru vemauto vakati masangano ose muMyanmar, kusanganisira ezvitendero, aifanira kunyoresa kuhurumende. Bazi rakabva rangoteerera, sezvatagara tichingoita. Papfuura makore maviri, musi wa5 January, 1990, hurumende yakanyoresa pamutemo sangano re“Jehovah’s Witnesses (Watch Tower) Society” muMyanmar.
Zvivako zveBheteri zvakanga zvava zviduku zvikuru. Imwe hanzvadzi yaiainira pauriri
Panguva iyi hama dzakanga dzatamisa hofisi yebazi kubva muna 39th Street kuenda kune imwe imba yaiva nenhurikidzwa mbiri iri muna Inya Road, pasitendi yakakura hafu yeeka, mumusha wembozha kuchamhembe kweguta. Asi nzvimbo iyi yakanga yava duku zvikuru. Viv Mouritz, uyo akashanyira Myanmar somutariri anoshanyira mapazi panguva iyoyo anoyeuka kuti: “Vanhu 25 vaishanda paBheteri, vaishanda mumamiriro ezvinhu akaoma. Muimba yokubikira, hanzvadzi yaishandamo yaishandisa kachitofu kemagetsi kepureti imwe chete. Vaisava nemuchina wekuwachisa, zvokuti imwe hanzvadzi yaitowachira mugomba raiva pauriri. Hama dzaida kutenga chitofu nomuchina wokuwachisa, asi zvakanga zvakaoma kupinza zvinhu munyika.”
Zvaive pachena kuti hama dzaida bazi rakati kurei. Saka Dare Rinodzora rakabvuma kuti imba yaivepo yenhurikidzwa mbiri ipazwe pavakwe imwe yenhurikidzwa ina nechimwe chivako chemahofisi. Asi hama dzisati dzaita izvi, pane zvipingamupinyi zvakakura zvaifanira kukurirwa. Chokutanga, vaifanira kupiwa mvumo nemumwe nomumwe wevakuru vehurumende vatanhatu. Chechipiri, makambani emo okuvaka akanga asingagoni kuvaka nenzira yataida yokushandisa simbi kumisa mudhuri. Chechitatu, Zvapupu zvinovaka zvinobva kune dzimwe nyika zvaisabvumirwa kupinda munyika. Uye chekupedzisira, zvokuvakisa zvacho zvakanga zvisingawaniki munyika uye zvaisakwanisa kutengwa kunze kwenyika. Chokwadi ndechokuti basa racho raiita sokuti raisazobudirira. Kunyange zvakadaro, hama dzakavimba naJehovha. Kana Jehovha aida kuti rivakwe, raizovakwa chete!—Pis. 127:1.
‘Hazviitwi Nesimba, Asi Nomudzimu Wangu’
Kyaw Win, wekuDhipatimendi Rezvemitemo pabazi anoenderera mberi nenyaya yacho achiti: “Chikumbiro chedu chokuvaka chakafamba nemumahofisi ehurumende zvakanaka-naka kusvika pane yechishanu, kusanganisira yeBazi Rezvechitendero. Dare Rinoona Nezvekuvakwa Kwemuguta reYangon rakazoti chivako chenhurikidzwa ina chakanga chakarebesa saka rakaramba chikumbiro chedu. Takazoendesazve chikumbiro chedu, chikarambwa. Dare Rebazi rakandikurudzira kuti ndirambe ndichiedza. Saka ndakanyengetera nemwoyo wose kuna Jehovha ndokuendesa chikumbiro chedu kechitatu. Chakazobvumwa!
“Takazoenda kuBazi Rinoona Nezvekupinda Kwevanhu Munyika. Takaudzwa nevakuru veko kuti vanhu vanoshanya vanongopihwa vhiza remazuva manomwe chete vachiona nzvimbo dziri munyika. Asi patakavaudza kuti vamwe vedu vekunze kwenyika vaiva nounyanzvi hwokuvaka vaizodzidzisa vemuMyanmar nzira dzokuvaka nadzo dzounyanzvi, vakabvuma kuvapa mavhiza emwedzi mitanhatu!
“Takazoenda kuBazi Rinoona Nezvokutengeserana Nedzimwe Nyika, tikaudzwa kuti kupinza zvinhu munyika kwakanga kwambomiswa. Asi patakaudza vakuru vacho kuti zvinhu zvatiri kuda zviri kuda kuvakiswei, vakatipa rezinesi rokupinza zvinhu zvokuvakisa zvaikosha madhora ekuAmerica anopfuura miriyoni imwe. Ko mutero? Takashanyira Bazi Rezvemari rikatibvumira kupinza zvinhu zvedu pasina mutero! Zvakaitika izvi nezvimwewo zvakatiratidza kuti zvakataurwa naMwari ndezvechokwadi kuti: ‘“Hazviitwi nehondo, kana nesimba, asi nomudzimu wangu,” Jehovha wemauto adaro.’”—Zek. 4:6.
Hama dzomuMyanmar nedzokune dzimwe nyika dzaishanda pamwe chete
Muna 1997, vanhu vokuvaka vakauya panzvimbo yokuvakira. Hama dzokuAustralia ndidzo dzakapa zvokuvakisa zvakawanda, asi zvimwe zvakabva kuMalaysia, Singapore, nekuThailand. Bruce Pickering, aibatsira pakutungamirira basa racho anoti: “Hama dzakati wandei dzokuAustralia dzakagara dzagadzira simbi dzose dzaizomisa midhuri ndokuzouya kuMyanmar kuzodzisunganidza. Zvinoshamisa ndezvokuti simbi dzacho dzose dzakasvikoti gedye-gedye!” Dzimwe hama dzakauya kuzobatsira dzaibva kuBritain, Fiji, Germany, Greece, New Zealand, neUnited States.
Hama dzakakwanisa kuwadzana nehama dzokune dzimwe nyika izvo zvakanga zvapedzisira kuitwa makore 30 akanga apfuura. Donald Dewar anoyeuka kuti: “Takazofara; taiita kunge tiri kurota. Kuda Jehovha kwaiita hama idzi dzakabva kune dzimwe nyika, uye kuzvipira kwadzo zvakatikurudzira zvikuru.” Imwe hama inowedzera kuti: “Takadzidzawo unyanzvi hwokuvaka. Vaparidzi vakanga vakangojaira kushandisa makenduru vakadzidza kuisa tambo dzemagetsi. Vamwe vakadzidza kuisa zvigadzirwa zvemagetsi zvinoita kuti mumba mutonhorere zvavakanga vasingatombozivi. Takadzidzawo kushandisa maturusi emagetsi!”
Bheteri reMyanmar
Idzo hama dzaibva kune dzimwe nyikawo dzakakurudzirwa chaizvo nokutenda uye rudo rwehama nehanzvadzi dzomuMyanmar. Bruce Pickering anoti: “Hama idzi dzaive varombo, asi dzaiva nemutsa. Vakawanda vavo vaitikoka kudzimba dzavo kuti tizodya tose zvinhu zvaikwana kuti vazodya nemhuri dzavo kwemazuva akawanda. Mienzaniso yavo yakatiyeuchidza zvinhu zvinonyatsokosha muupenyu, zvinoti mhuri, kutenda, ukama hwedu nedzimwe hama, uye chikomborero chaMwari.”
Musi wa22 January, 2000, bazi idzva rakatsaurirwa pamusangano wakaitirwa muNational Theatre. Hama dzemuMyanmar dzakafara kuva naJohn E. Barr weDare Rinodzora achipa hurukuro yokutsaurira.
Kuvaka Dzimba dzoUmambo Itsva
Bazi parakanga rava kupera kuvakwa, hama dzakaisa pfungwa pabasa rokuvaka Dzimba dzoUmambo idzo dzaidiwa zvikuru. Muna 1999, Nobuhiko naAya Koyama vakasvika kubva kuJapan. Nobuhiko akabatsira kuti pabazi pave neDhipatimendi Rokuvakwa kweDzimba dzoUmambo. Anoti: “Takatanga nokuongorora nzvimbo dzaipindirwa misangano muMyanmar yose, izvo zvaisanganisira kufamba nebhazi, ndege, mudhudhudhu, bhasikoro, chikepe uye kufamba netsoka. Taiwanzokumbira magwaro okufambisa kuhurumende, sezvo nzvimbo dzakawanda dzakanga dzisingabvumirwi vanhu vekune dzimwe nyika. Patakangoona kwaidiwa Dzimba dzoUmambo, Dare Rinodzora raitipa mari kubva muhomwe yekubatsira kuvaka munyika dzisina kupfuma.
“Patakasarudza boka rehama dzokuvaka, hama dzacho dzakaungana kuShwepyitha, musha uri muYangon, kuti vatange kuvaka imba yokutanga. Hama dzokune dzimwe nyika dzakashanda nehama dzemuno, zvikashamisa mapurisa zvokuti akatombomisa basa kakati wandei achida kubvunza vakuru vakuru kuti zvinobvumirwa here kuti vanhu vashande vakasangana. Vamwe vanhu vaiona vakarumbidza hama. Mumwe murume akati, ‘Ndaona munhu wekune imwe nyika achigeza chimbuzi! Handisati ndamboona vanhu ivavo vachiita basa rakadaro. Makasiyana nevamwe vose zvechokwadi!’
Kuenda nechikepe kuImba yoUmambo ichangovakwa
“Rimwe boka rokuvaka rakatanga kuvaka Imba yoUmambo kuTachileik, guta riri pamuganhu weThailand. Zvapupu zvakawanda zvokuThailand zvaiyambuka muganhu zuva nezuva kuti vazovaka nehama dzavo dzomuMyanmar. Vakashanda pamwe chete vakabatana kunyange zvazvo vaitaura mitauro yakasiyana. Zvapupu zvenyika mbiri idzi zvichishanda saizvozvo, mauto eThailand neeMyanmar aishandira mumuganhu akatanga kurwisana. Mabhomba nemabara zvakaita kunaya pedyo neImba yoUmambo yacho, asi haina kurohwa. Kurwa pakwakanga kwamboti dzikamei vanhu 72 vakaungana kuzotsaurira chivako chacho kuna Jehovha, Mwari werunyararo.”
Kubvira muna 1999, mapoka okuvaka Dzimba dzoUmambo akavaka dzinopfuura 65 muMyanmar yose
Kubvira muna 1999, mapoka okuvaka Dzimba dzoUmambo akavaka dzinopfuura 65 muMyanmar yose. Vaparidzi vemo vakanzwa sei? Manzwiro avakaita anoratidzwa nezvakataurwa neimwe hanzvadzi misodzi ichiyerera: “Ndakanga ndisingambofungiri kuti taizova neImba yoUmambo yakanaka kudaro! Iye zvino ndichawedzera kushanda nesimba kuti ndikoke vanofarira kumisangano. Ndinotenda Jehovha nesangano rake nomutsa wavatiratidza!”
Mamishinari Anosvika
Kuma1990, pashure pemakumi emakore, Myanmar yakatanga zvishoma nezvishoma kubvumira vanhu vekune dzimwe nyika kupinda. Hofisi yebazi yakabva yakumbira hurumende kuti ibvumire mamishinari kudzoka. Muna January 2003, mamishinari aibva kuGiriyedhi, Hiroshi naJunko Aoki akasvika kubva kuJapan, uye ndivo vakava vokutanga kupinda muMyanmar pashure pemakore 37.
Hiroshi naJunko Aoki, mamishinari okutanga kupinda muMyanmar pashure pemakore 37
“Sezvo munyika maiva nevashomanana vekune dzimwe nyika, taifanira kungwarira kuitira kuti vehurumende vasatifungira zvisizvo pabasa redu rokuparidza,” anodaro Hiroshi. “Saka takatanga nokuperekedza hama nehanzvadzi dzemo padzaidzokera kune vanofarira uye kuzvidzidzo zveBhaibheri. Pasina nguva takatozoona kuti vanhu vomuMyanmar vanoda kutaura nyaya dzokunamata. Musi watatanga kubuda mubasa romumunda, takatanga zvidzidzo zveBhaibheri zvishanu!”
Junko anowedzera kuti, “Taiwanzoona kuti Jehovha ari kutitungamirira. Mumwe musi takaponjerwa nemudhudhudhu tichibva kunoitisa chidzidzo cheBhaibheri pedyo neMandalay. Takausunda kuenda kufekitari yaive pedyo ndokukumbira kuti tibatsirwe kuunama. Mupurisa wepagedhi akabvumira Hiroshi kupinda nemudhudhudhu asi ini ndakanzi ndimumirire pagedhi. Murindi wacho aida kuzivurura.
“‘Muri kuitei muno (muMyanmar)?’ akandibvunza.
“‘Takashanyira shamwari dzedu,’ ndakamupindura.
“‘Nezvei?’ akaramba achibvunza. ‘Ndezvekunamata here?’
“Sezvo ndaisaziva kuti ari kubvunzirei, handina kumupindura.
“‘Taura chokwadi!’ akadaro. ‘Muri vesangano ripi?’
‘Ndakabudisa Nharireyomurindi mubhegi ndokumuratidza.
“‘Ndanga ndazviziva!’ akataura achifara. Akabva adanidzira kune vamwe vaaishanda navo kuti: ‘Honai! Ngirozi yaponjesa vhiri kuti ititumire Zvapupu zvaJehovha!’
“Murume wacho akabva atora bhegi rake ndokubudisa Bhaibheri neturakiti redu. Akanga ambodzidza neZvapupu kune imwe nzvimbo asi akanga arasana navo paakatamira kuMandalay. Takabva tangotanga kudzidza naye Bhaibheri ipapo. Vamwe vaaishanda navo vakazopedzisirawo vava kudzidza.”
Muna 2005, mamwe mamishinari mana akasvika muMyanmar, panguva ino achibva kuChikoro Chokudzidzisa Vashumiri (chava kunzi Chikoro cheBhaibheri Chehama Dzisina Kuroora) kuPhilippines. Mumwe wehama dzacho, Nelson Junio, akasangana nedambudziko rinowanzova nemamishinari akawanda rokusuwa kumusha. “Ndaiwanzochema, ndonyengetera kusvikira ndabatwa nehope,” anodaro. “Imwe hama ine mutsa yakazondiratidza VaHebheru 11:15, 16. Inotaura kuti Abrahamu naSara havana kuramba vachifunga nezvemusha wavakanga vasiya kuUri asi vakaramba vachifambirana nechinangwa chaMwari. Pandakangoverenga rugwaro irworwo handina kuzombochema. Ndakatanga kuona kwandaishandira sekumba kwangu chaiko.”
Muenzaniso Wavo Wakabatsira Vakawanda
Muapostora Pauro akapa Timoti zano rokuti: “Zvinhu zvawakanzwa kwandiri . . . zvipe vanhu vakatendeka, avo vachanyatsokwanisawo kudzidzisa vamwe.” (2 Tim. 2:2) Achishandisa mashoko aya, mamishinari akashanda kuti abatsire ungano dzomuMyanmar kuti dziite zvinhu dzichinyatsotevedzera mirayiridzo yesangano inoshandiswa nevanhu vaJehovha pasi pose.
Somuenzaniso, mamishinari akacherechedza kuti hama dzaidzidzisa Bhaibheri dzichiita zvokuti mudzidzi averenge mhinduro yakanyorwa mubhuku, inova nzira yokudzidzisa inoshandiswa muzvikoro zvakawanda muMyanmar. Joemar Ubiña anoti: “Takakurudzira vaparidzi nemwoyo murefu kuti vashandise mibvunzo inobatsira kufunga kuti vazive zviri mupfungwa nemwoyo zvomudzidzi. Vaparidzi vakabva vashandisa zano iroro vakabudirira pakudzidzisa.”
Mamishinari akaonawo kuti ungano dzakawanda dzaingova nomukuru kana mushumiri anoshumira mumwe chete. Vamwe vehama idzodzo dzakanga dzakagadzwa, kunyange zvazvo vaive vakatendeka uye vachishanda nesimba, vaibata makwai kunge vanhu vavo. Izvi zvinofanirawo kunge zvaiitikawo pakati pevaKristu vokutanga pakazokurudzirwa vakuru nomuapostora Petro kuti: “Fudzai boka raMwari ramunotarisira . . . musingazviiti madzishe pane vaya vari nhaka yaMwari, asi muchiva mienzaniso kuboka.” (1 Pet. 5:2, 3) Mamishinari aizobatsira sei hama dzavo? Benjamin Reyes anoti: “Takashanda nesimba kuti tiratidze muenzaniso wakanaka nokuwedzera kuva nemutsa, kuva vanyoro, uye kuva vanhu vanotaurika navo.” Zvishoma nezvishoma, hama dzakatanga kutevedzera muenzaniso wavo wakanaka. Vakuru vakawanda vakachinja zvavaiita ndokutanga kubata makwai nounyoro.
Kuvandudzwa Kweshanduro Kunobatsira
Kwemakore akawanda hama dzomuMyanmar dzaishandisa Bhaibheri rakashandurwa kuma1800 nemumishinari wechiKristudhomu achibatsirwa nemamongi echiBuddha. Bhaibheri iri rine mashoko omutauro wekare uye rakaoma zvikuru kunzwisisa. Saka pakabudiswa Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro echiKristu echiGiriki muchiMyanmar muna 2008, hama dzakazofara. “Vanhu vakatora nguva vachiombera, vamwe vakatochema nomufaro pavakapiwa maBhaibheri avo,” anoyeuka kudaro Maurice Raj. “Shanduro yacho itsva yakajeka, iri nyore, uye yakarurama. Kunyange vaBuddha vanoona iri nyore kunzwisisa!” Shanduro iyoyo ichingobudiswa, nhamba yezvidzidzo zveBhaibheri yakawedzera nezvikamu zvinopfuura 40 muzana.
Iye zvino Doris ava kutosvitsa makore 50 achishandura ari paBheteri remuYangon
Sezvakangoita mimwe mitauro yakawanda, chiMyanmar chine mutauro wevakadzidza uyo wakabva pamapazi omutauro echiPali nechiSanskrit, pozoita unongoshandiswa pakutaura kwezuva nezuva. Yose zvayo inotaurwa uye inonyorwa. Akawanda emabhuku edu ekare aishandisa wevakadzidza uyo usingachanzwisiswi nevakawanda. Izvi zvakaita kuti munguva ichangobva kupfuura, bazi ritange kushandurira mabhuku muchiMyanmar chinotaurwa zuva nezuva, icho chinonzwisiswa nevakawanda.
Boka revashanduri repabazi reMyanmar
Mabhuku matsva aya akabva angofarirwa. Mutariri weDhipatimendi Reshanduro, Than Htwe Oo, anotsanangura kuti: “Vanhu vaiwanzoti, ‘Mabhuku enyu ndeemhando yepamusorosoro, asi handianzwisisi.’ Iye zvino ukangovapa vanofara zvokuti vanobva vatotanga kuverenga. Vakawanda vanoti, ‘Mabhuku aya ari nyore kunzwisisa zvokuti!’” Kunyange mhinduro dzinopiwa nevanhu kumisangano dzachinja, sezvo vanhu vava kunyatsonzwisisa zviri mumabhuku edu.
Iye zvino, Dhipatimendi Reshanduro rine vashanduri 26 vanoshandurira muchiMyanmar, chiHakha Chin, nechiSgaw Kayin. Mabhuku akashandurirwawo mune mimwe mitauro 11 yomuMyanmar.
Dutu reNargis
Musi wa2 May, 2008, muMyanmar makava nedutu rakapiwa zita rokuti Nargis raiva nemhepo yaimhanya makiromita 240 paawa, ikauraya vanhu nokuparadza zvinhu kubva kuAyeyarwady Delta kusvika kumuganhu weThailand. Dutu iri rakakanganisa upenyu hwevanopfuura mamiriyoni maviri rikaita kuti vanhu 140 000 vafe kana kuti vashayikwe.
Zviuru zveZvapupu zvaJehovha zvaive munzvimbo dzakaitika dutu iri, asi hapana kana akakuvadzwa. Vakawanda vakaponera muDzimba dzoUmambo itsva. KuBothingone, musha uri mumahombekombe kuAyeyarwady Delta, Zvapupu 20 nevamwe vemumusha imomo 80 vakahwanda musirin’i yeImba yoUmambo kwemaawa mapfumbamwe sezvo mvura yairamba ichikwira zvaityisa kusvika pedyo nesirin’i ndokuzoserera.
May Sin Oo paivakwa imba yavo
Boka rokuyamura rakamira naHama naHanzvadzi Htun Khin pamberi pemba yavo yakanga yavakwazve yamboparadzwa neDutu reNargis
Hofisi yebazi yakatumira pakarepo boka rokuyamura kunzvimbo dzakanga dzanyanya kuparadzwa. Boka racho rakafamba nomunzvimbo dzaive dzisisina vanhu, zvitunha zvakangoti kata kata ndokusvika mumusha uyu nezvokudya, mvura, nemishonga. Ndiro raiva boka rokuyamura rokutanga kusvika munzvimbo iyi. Vakapa hama nehanzvadzi zvavakanga vauya nazvo, vakavakurudzira nehurukuro dzemuMagwaro, ndokuzovapa maBhaibheri nemabhuku, sezvo zvinhu zvavo zvose zvakanga zvakukurwa nedutu.
Kuti basa rokuyamura rakakura kudaro rifambe zvakanaka, hofisi yebazi yakaronga Matare Okuyamura muYangon nomuPathein. Matare aya akaita kuti mazana ehama dzakazvipira aendese mvura, mupunga, nezvimwe zvinhu kuvanhu vakanga vawirwa nenjodzi iyi. Vakarongawo kuti pave nemapoka okuvaka aifamba achivakira Zvapupu dzimba dzainge dzaparadzwa nedutu.
Tobias Lund, mumwe wehama dzakazvipira kuyamura anoti: “Ndiine mudzimai wangu, Sofia, takawana May Sin Oo aiva nemakore 16, uyo aiva oga Chapupu mumba mavo, achiyanika Bhaibheri rake pazuva ari paungwandangwanda hwemusha wavo wakanga waparadzwa. Akanyemwerera paakationa, asi tumisodzi twaiyerera nepadama rake. Pasina nguva, rimwe remapoka edu okuvaka rakasvika nemaheremeti, maturusi emagetsi, nezvokuvakisa ndokutanga kuvakira mhuri iyi imba itsva. Vavakidzani vakashaya romuromo! Vanhu vakatombogara kwemazuva pedyo neimba iyi yaingotariswa nemunhu wose ari kupfuura. Vanhu vaiona vaingoti: ‘Hatisati tamboona zvakadai! Sangano renyu rakabatana uye rine rudo zvechokwadi. Nesuwo tava kuda kuva Zvapupu zvaJehovha.’ Vabereki vaMay Sin Oo nevamwe vana vavo vava kupinda misangano, uye mhuri yacho iri kuita zvakanaka panyaya dzokunamata.”
Basa rokuyamura rakaitwa kwemwedzi yakati wandei. Hama dzakapa vanhu matani ezvinhu dzikavakazve nokugadzirisa misha 160 neDzimba dzoUmambo sere. Dutu reNargis rakaonesa vanhu nhamo tsvuku muMyanmar, asi rakaita kuti rudo rwunobatanidza vanhu vaMwari uye rwunokudza zita raJehovha rwuoneke.
Chiitiko Chisingakanganwiki
Kutanga kwa2007, hofisi yebazi yeMyanmar yakagamuchira tsamba yaifadza zvikuru. Jon Sharp uyo akanga asvika pabazi iri nomudzimai wake Janet muna 2006 anoti: “Dare Rinodzora rakatikumbira kuti tironge gungano renyika dzakawanda muYangon. Gungano iri, raizoitwa muna 2009, raizosanganisira mazana evanhu vaibva kunyika gumi, izvo zvakanga zvisati zvamboitika munyika ino!”
Jon anoenderera mberi achiti: “Takazvibvunza mibvunzo yakawanda: ‘Nzvimbo inokwana vanhu vakawanda tingaiwana kupi? Ko vaparidzi vari kure vachapinda here? Vanozogara kupi? Vachafamba sei? Vachawanepi zvokudya zvekupa mhuri dzavo? Ko hurumende yeMyanmar? Ichabvumira here kuungana kwakadaro?’ Zvipingamupinyi zvacho zvakanga zvakawandisa. Asi takayeuka mashoko aJesu okuti: ‘Zvinhu zvisingabviri kuvanhu zvinobvira kuna Mwari.’ (Ruka 18:27) Saka tichivimba naMwari, takatanga kunyatsogadzirira.
“Pasina nguva takawana nzvimbo yaikodzera, National Indoor Stadium, inokwana vanhu 11 000, ine zvokutonhodza mhepo zvemagetsi uye iri pedyo nepakati peguta. Takabva tangonyorera vakuru venhandare yacho tichikumbira kuishandisa. Asi takatozopindurwa pashure pemwedzi yakawanda, patosara mavhiki mashomanana kuti gungano ritange. Ndipo patakagamuchira mashoko akatipedza simba: Nhandare yacho yakanga yarongerwa mutambo wetsiva pamazuva ataizova negungano! Sezvo takanga tisisina nguva yokutsvaga imwe nzvimbo, takataura nevakanga vakaronga mutambo wacho nevamwe vakuru vakuru vakawanda kuti tigadzirise dambudziko iri. Aironga mutambo wacho akabvuma kuti aizoita kuti mutambo uyu uitwe pane imwe nguva kana vatambi vacho 16 vabvuma kuchinja zvibvumirano zvavo. Vatambi vacho pavakanzwa kuti Zvapupu zvaJehovha zvaida kuitira gungano munhandare yacho, vose vakabvuma kuchinja.”
Dare Rebazi, kubva kuruboshwe kuenda kurudyi: Kyaw Win, Hla Aung, Jon Sharp, Donald Dewar, naMaurice Raj
Mumwe weDare reBazi, Kyaw Win anoti: “Asi takanga tisati tapiwa mvumo nehurumende yokushandisa nhandare yacho uye chikumbiro chedu chakanga chatorambwa kana! Tanyengetera kuna Jehovha, takaonana nemukuru wemauto anoona nezvenhandare dzose muMyanmar. Pakanga pangosara mavhiki maviri kuti gungano riitwe uye ndipo patakatotangawo kupiwa mvumo yokutaura nemunhu ari pamusoro zvakadaro muhurumende. Akatipa mvumo tikafara zvokufara zviya!”
Vasingazivi zvose zvaiitika izvi, zviuru zvevanhu kubva muMyanmar yose nokunze kwenyika zvaiuya kuYangon nendege, zvitima, zvikepe, mabhazi, motokari uye netsoka. Mhuri dzakawanda muMyanmar dzakanga dzaita mwedzi yakawanda dzichichengeta mari kuti dzizoenda kugungano. Dzimwe hama dzakarima, vamwe vakapfuya nguruve, vamwe vakasona mbatya, vamwe vashoma vakatsvaga goridhe murwizi. Vakawanda vakanga vasati vamboenda kuguta guru kana kumboona vanhu vokune dzimwe nyika.
Vanhu vaipfuura 1 300 vaibva muMyanmar nechokuchamhembe vakaungana pachiteshi chezvitima muMandalay kuti vakwire chitima chakanga chahaiwa kuti chivaendese kuYangon. Vamwe vaibva kuMakomo eNaga vakanga vafamba kwemazuva matanhatu, vakabereka vamwe vaparidzi vaviri vaive nemawiricheya akanga atyoka vachangotanga rwendo. Mazana avo akamirira ari pachiteshi achiita nyaya, achiseka uye achiimba nziyo dzoUmambo. Pum Cin Khai uyo aibatsira panyaya yezvokufambisa anoti: “Vanhu vose vaifara. Takavapa zvokudya, mvura, nezvokuwarira. Pakazosvika chitima, vakuru vaipinda neboka rimwe nerimwe mutiroko raro. Pakupedzisira gudzanzwi rakazodaidzira kuti: ‘Chitima cheZvapupu zvaJehovha chava kuenda!’ Ndakatarisa tarisa kuti hapana akanga asaririra here ndokuzokwirawo!”
MuYangon, vanhu vangasvika 700 vaibva kune dzimwe nyika vakanogara mumahotera. Ko vanhu vomuMyanmar vaipfuura 3 000 vaizogara kupi? “Jehovha akazarura mwoyo yeZvapupu zvomuYangon kuti zvigare nehama nehanzvadzi dzavo,” anodaro Myint Lwin, uyo aishanda muDhipatimendi Rokupa Pokugara. “Dzimwe mhuri dzakagamuchira vanhu vanosvika 15. Vakabhadhara kuti vanyorese vaenzi vavo kuhurumende ndokuvapa zvokudya zvemangwanani uye kuvaendesa nokuvadzosa kunhandare. Vamwe vakawanda vaigara muDzimba dzoUmambo; mamwe mazana achirara pane imwe fekitari huru. Kunyange zvakadaro, vanhu 500 vakanga vasati vawana pokugara. Takatsanangura dambudziko redu kuvakuru venhandare, vakabvumira kuti vanhu varare munhandare izvo zvakanga zvisati zvamboitwa!”
“Jehovha akazarura mwoyo yeZvapupu zvomuYangon kuti zvigare nehama nehanzvadzi dzavo”
Gungano Renyika Dzakawanda ra2009 raiti, “Rambai Makarinda!” rakasimbisa kutenda kwehama uye rakapa uchapupu muYangon
Sezvo zvinhu zvakawanda munhandare iyi zvakanga zvakafa, vanhu vanopfuura 350 vakazvipira kushanda kwemazuva gumi kuti nhandare ishandisike. “Takagadzira pombi dzemvura, magetsi, nezvokutonhodzesa mhepo, ndokuzopenda nokutsvaira nzvimbo yacho yose,” anodaro Htay Win, mutariri wegungano racho. “Basa iri guru rakaita kuti papiwe uchapupu. Mukuru wemauto aiona nezvenhandare iyi akati: ‘Maita henyu! Maita henyu! Ndinonyengetera kuna Mwari kuti muzoshandisa nhandare yangu gore negore!’”
Vanhu vanopfuura 5 000 vakapinda gungano racho, rakaitwa musi wa3-6 December, 2009. Pazuva rokupedzisira racho, vakawanda vakapfeka zvipfeko zvokunyika dzavo, uye zvakanga zvichiyevedza. “Vanhu vose vaimbundirana vachichema kunyange purogiramu isati yatombotanga!” yakadaro imwe hanzvadzi. Pakapedza Gerrit Lösch weDare Rinodzora kupa munyengetero wokugumisa vanhu vakaombera uye vachisimudzirana maoko kwemaminiti akati kuti. Imwe hanzvadzi yaiva nemakore 86 yakaratidza manzwiro aiita vakawanda payakati, “Ndakanzwa kunge ndakanga ndava munyika itsva!”
Vakuru vehurumende vakawanda vakashamiswawo. Mumwe wacho akati, “Gungano iri rakasiyana nemamwe. Hapana ari kutaura zvinonyadzisira, ari kuputa, kana kutsenga betel nut. Vanhu vemarudzi akasiyana vakabatana. Handisati ndamboona boka revanhu rakadai!” Maurice Raj anorondedzera kuti, “Kunyange mukuru wemauto muYangon akatiudza kuti iye nevamwe vake vakanga vasati vamboona chiitiko chinofadza zvakadaro.”
Vakawanda vakapinda gungano iri vakabvuma kuti vakanga vasati vamboona zvakadai. Imwe hama yomuMyanmar yakati: “Gungano iri risati raitwa, taingonzwa kuti kune hama dzemunyika yose. Nhasi tazozvionera! Hatifi takakanganwa rudo rwatakaratidzwa nehama dzedu.”
“Gungano iri risati raitwa, taingonzwa kuti kune hama dzemunyika yose. Nhasi tazozvionera!”
“Yachenera Kukohwa”
Makore angasvika 2 000 apfuura, Jesu akaudza vadzidzi vake kuti: “Simudzai maziso enyu muone minda kuti yachenera kukohwa.” (Joh. 4:35) Izvi ndizvowo zvakaita Myanmar nhasi. Iye zvino mune vaparidzi 3 790, izvo zvinoreva kuti muparidzi mumwe ane vagari vemo 15 931 vokuparidzira! Munda uri kuda kukohwewa mukuru zvechokwadi! Uye sezvo vanhu 8 005 vakapinda Chirangaridzo cha2012, mukana wokuwedzera uchiripo!
Kungoratidza kuti basa richiripo, muRakhine, nzvimbo iri pedyo nomuganhu weBangladesh ine vagari vangasvika mamiriyoni mana, hamuna kana Chapupu. “Mwedzi woga woga tinogamuchira tsamba zhinji dzinobva kune vanofarira vari munzvimbo iyi vachikumbira mabhuku uye vachibvunza mibvunzo nezvaMwari,” anodaro Maurice Raj. “Uyewo vaBuddha vakawanda, zvikurukuru vechiduku, vava kutanga kufarira chokwadi. Saka tinoramba tichikumbira Tenzi kuti atumire vamwe vashandi vokukohwa.”—Matt. 9:37, 38.
“Tinoramba tichikumbira Tenzi kuti atumire vamwe vashandi vokukohwa”
Makore angasvika 100 apfuura, mapiyona akashinga maviri akauya nemashoko akanaka munyika iyi yakawanda vaBuddha. Kubvira ipapo zviuru zvevanhu vanobva mumadzinza akasiyana-siyana zvakagamuchira chokwadi. Pasinei nokurwisana kunotyisa, kusagadzikana kwezvematongerwo enyika, urombo hwuri kwose kwose, kutambudzirwa zvavanotenda, kuparadzaniswa nedzimwe nyika, uye njodzi dzinongoitika dzoga, Zvapupu zvaJehovha muMyanmar zvakaratidza kuzvipira kusingazununguki kuna Jehovha Mwari, neMwanakomana wake, Jesu Kristu. Havasi kuzodzokera shure pakuparidza mashoko akanaka oUmambo uye vari ‘kutsungirira zvizere nokuva vane mwoyo murefu nomufaro.’—VaK. 1:11.
a Myanmar yaimbonzi Burma, zita racho richibva padzinza revaBamar, iro rakakura kupfuura mamwe ose. Yakazopiwa zita rokuti Union of Myanmar muna 1989, kuti rimiririre madzinza akawanda arimo. Tichashandisa zita rokuti Burma pakurondedzera zvakaitika 1989 asati asvika uye Myanmar pazviitiko zvakazotevera.
b MaAnglo-Indian vanhu vane madzitateguru ekuBritain neekuIndia akasangana. Pavaitongwa neBritain, maIndia akawanda akatamira kuBurma, iyo yainzi imwe yenyika dze“British India.”
c Bertram Marcelline ndiye wokutanga muBurma kubhabhatidzwa somumwe weZvapupu zvaJehovha. Akafira muBurma ma1960 ava kunopera uye akanga akatendeka kusvika kumugumo.
d Panguva iyoyo yaida kuenzana neUS$95 zvokuti yaitova chitsama.
e Ona Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra1966 reChirungu, peji 192.
f Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha asi harichadhindwi.
g MEPS iye zvino yava kushandiswa mumitauro inopfuura 600.
Jehovha Akavhura Mukana
MAURICE RAJ
AKABEREKWA MUNA 1933
AKABHABHATIDZWA MUNA 1949
NHOROONDO Ava nemakore anopfuura 50 ari mubasa renguva yakazara muMyanmar, akawanda acho ari mutariri webazi. Achiri kushanda senhengo yeDare Rebazi.h
◆ MUNA 1988, muYangon makaitika mhirizhonga yakakura, zviuru zvevanhu zvikazara mumigwagwa zvichiratidzira zvichiti hurumende ichinje. Sezvo nyika yakanga yasvika pakaipa, mauto akabvuta masimba, akatanga kutonga nzvimbo dzakawanda. Zviuru zvevanhu zvairatidzira zvakaurayiwa.
Mwedzi iwoyo, taifanira kutumira mushumo webazi redu wepagore kudzimbahwe, kuNew York, asi nzira dzose dzokutumira nadzo dzakanga dzavharwa, saka takanga tapererwa. Ndipo pandakabva ndanzwa kuti vekumahofisi emumiririri weU.S.A vaida kubudisa tsamba dzavo munyika nechikopokopo. Ndichifunga kuti mushumo wedu waigona kubatanidzwawo ipapo, ndakabva ndapfeka sutu yangu yakanakisisa netai ndokubva ndananga kumahofisi avo.
Pandaityaira mumugwagwa kwanaya, ndakashamiswa kuona makangoti zii. Ndichangoti fambei ndakaona nzira yakavharwa nezidanda, saka ndakasiya motokari ndokubva ndapedzisa netsoka.
Ndava kusvika pagedhi remahofisi acho, ndakaona mazana evanhu achishamatata achida kupinda mukati asi achivharidzirwa nemasoja aive akakwindimara. Ndakamira ndikanyengetera chinyararire. Mumwe mudzidzi akaona kuchena kwandakanga ndakaita akadaidzira kuti, “Murume uyu anenge anoshandira umu.” Ndakabva ndawana mukana wokupinda nepakati pegurusvusvu iri. Pandakasvika pagedhi rekupinda mukati, rimwe zimusoja rakanditarisa zvokundifungira.
Akataura zvehasha chaizvo achiti, “Ndiwe ani, uye uri kudei pano?”
“Ndiri kuda kuonawo mumiririri weAmerica. Ndine mashoko anokosha anofanira kuenda kuAmerica,” ndakamupindura kudaro.
Akaramba akandidzvokora. Akavhura gedhi nesimba ndisingafungiri, ndokundidhonzera mukati, akabva arivhara pakare kuti mhomho yaisairirana isapinda.
“Nditevere,” akataura zvehasha.
Musoja uyu akandisiyira pamusuo mumaoko memumwe mukuru mukuru akanga akatozvinetera hake uyo akandibvunza kuti ndaidei.
Ndakatsanangura kuti, “Ndiri kubva kuhofisi yeWatch Tower Society yemuno. Ndine tsamba inokosha inofanira kusvika kudzimbahwe redu kuNew York mwedzi uno. Munogona kuibatanidzawo here nedzenyu?” Pandakamutambidza hamvuropu iyoyo yaikosha, ndakawedzera kuti, “Ndine urombo kuti haina chitambi.”
Pandakamutambidza hamvuropu iyoyo yaikosha, ndakawedzera kuti, “Ndine urombo kuti haina chitambi”
Atoshamiswawo nazvo, murume wacho akandibvunza mibvunzo mishomanana. Akabva asimbisa kuti aizotumira tsamba yangu. Ndakazonzwa pava paya kuti yakasvika kudzimbahwe nenguva.
h Nyaya yeupenyu yaHama Raj yakabuda muNharireyomurindi yaDecember 1, 2010.
Mutongi Akatendeseka Anogamuchira Chokwadi
MANG CUNG
AKABEREKWA MUNA 1934
AKABHABHATIDZWA MUNA 1981
NHOROONDO Mukuru wechikoro uye mutongi aiva nemukurumbira uyo akazova piyona anoshingaira.
◆ MUMWE piyona paakatanga kundipa Nharireyomurindi, ndakamuudza kuti: “Handina nguva yekuverenga. Ndakanyanya kubatikana.” Asi sezvo ndaiputa chaizvo, ndakafunga kuti ndaigona kushandisa mapepa acho kumonera fodya yangu. Saka ndakaitambira.
Pandakabvarura peji rokutanga kuti ndimonere fodya, ndakafunga kuti ndinenge ndaritambisa kana ndisina kumbotanga ndariverenga. Ndipo pandakatangira kuziva uye kuda Nharireyomurindi. Zvandakaverenga zvakaita kuti ndisiye fodya uye ndiite kuti upenyu hwangu huenderane nemimwe mitemo yaMwari yakarurama. Ndakabhabhatidzwa pasina kana nguva.
Pashure pokubhabhatidzwa, pandakadzokera kumusha kwangu, mufundisi nevamwe vakuru vemuchechi vakanditi vaizondipa mari kana ndikadzoka kuchechi yandaimbopinda. Pandakaramba, vakanyepera vanhu kuti Zvapupu zvakanga zvandibhadhara kuti ndibhabhatidzwe. Pasinei nemakuhwa avo, handina kana kumbodzokera shure. Ndaidada nokuti ndakanga ndava kuziva uye kushumira Mwari wechokwadi.
Jehovha Akakomborera Kutsungirira Kwangu
AH SHE
AKABEREKWA MUNA 1952
AKABHABHATIDZWA MUNA 1998
NHOROONDO Muparidzi weChechi yeRoma akazogamuchira chokwadi.
◆ KWEMAKORE akawanda, ndakanga ndiri muparidzi muChechi yeRoma iyo yaiva pakati peGolden Triangle. Pandakasangana neZvapupu zvaJehovha ndikaona unyanzvi hwavo pakushandisa Bhaibheri, ndakabvuma kudzidza navo.
Pasina nguva ndakanga ndava kuti ndikanoparidza kuchechi mangwanani eSvondo ndozoenda kunopinda misangano kuImba yeUmambo masikati acho. Mharidzo dzangu muchechi dzakatanga kusanganisira chokwadi cheBhaibheri, izvo zvakatsamwisa vandainamata navo, kunyanya mupristi! Pandakaramba basa rokuva muparidzi, vandaipinda navo chechi vakandiendesa kudare vachida kuti ndidzingwe mumusha uyu. Mutongi akavaudza kuti ndaigona kunamata ndakasununguka. Zvisinei, mudzimai wangu haana kana kumbofara nazvo. “Enda! Buda muno nebhegi rako neBhaibheri rako!” akashamatata kudaro. Pasinei nehasha dzake, handina kana kumbomudzorera, uye ndakaramba ndichingomuchengeta pamwe nevana vedu. Ndakafara zvikuru nokuti Jehovha akakomborera kutsungirira kwangu. Nhasi mudzimai wangu, Cherry, nevana vedu vari kushumirawo Jehovha vachifara.
Ndakazoona Kuti Zvandaifungira Zvapupu Hazvisirizvo
GREGORY SARILO
AKABEREKWA MUNA 1950
AKABHABHATIDZWA MUNA 1985
NHOROONDO Aimboshandira chechi uye aifungira kuti Zvapupu zvaJehovha vaprofita venhema.
◆ NDAKANGA ndava nemakore ndiri muRoma akazara aitungamirira chechi yekwandaigara. Panguva iyi, ndakaona vatungamiriri vechechi vachisiya zvakaipa zvichingoitwa, vachipa zvibayiro kuzvisikwa, uye vachiita zvemidzimu. Unyengeri hwavo hwakaita kuti ndisiye chechi, asi ndakanga ndichiri kutevedzera dzidziso dzekuRoma.
Muna 1981, ndakasangana neZvapupu zvaJehovha. Ndashamiswa nemaziviro avanoita Bhaibheri, ndakabvuma kudzidziswa, asi ndaisava nechokwadi nezvavanotenda saka ndaiwanzovapikisa. Vakapindura mibvunzo yangu zvisina nharo vachishandisa Bhaibheri.
Ndakapinda gungano reruwa kuti ndione kana Zvapupu zvaidzidzisa chinhu chimwe chete. Panguva yokumbozorora, ndakakanganwa bhegi rangu pasi pechigaro chandakanga ndakagara riine chitupa, mari, nezvimwe zvinhu zvinokosha. Ndakafunga kuti ndaitowana rabiwa chete. Asi hama dzakandisimbisa dzichiti: “Usambonetseka. Unoriwana riripo.” Ndakamhanya ndichidzokera pandainge ndakagara, ndikariwana riripo zvechokwadi! Kubvira ipapo, ndakazoona kuti zvandaifungira Zvapupu hazvisirizvo.
Ndakawana “Pfuma Inopfuura Zvinhu Zvose”
SA THAN HTUN AUNG
AKABEREKWA MUNA 1954
AKABHABHATIDZWA MUNA 1993
NHOROONDO Aimbova mumongi wechiBuddha uye akambova musoja. Awana chokwadi, akazopayona kwemakore akawanda.
◆ NDAKARERWA mumhuri yechiBuddha uye ndakamborarama ndiri mumongi wechiBuddha. Ndaisatenda kuti kuna Mwari mumwe chete kana kuti Musiki. Imwe shamwari yangu yaizviti muKristu, yakandikoka kuchechi uye ikoko ndakanzwa kuti vanhu vana Baba vari kudenga. Ndakabva ndada kuziva uye kuswedera pedyo naBaba ava vokudenga.
Pandakapedza nguva yandaifanira kushanda semumongi, ndakapinda muchiuto. Ndaiwanzonyora pasi zviitiko zvezuva nezuva mune kamwe kabhuku ndiri kubasa. Ndaitanga zvose zvandainyora nemashoko okuti, “Mwari, Baba vari kudenga.” Ndakazoedza kusiya chiuto kuti ndive mufundisi, asi vakuru vangu vakandirambira. Ndakazokwidziridzwa pabasa kuti ndive kaputeni, chinzvimbo chakandipa mukurumbira, simba uye mikana yokuwana mari. Asi ndainyatsonzwa kuti ndine nzara yokuziva Mwari.
Muna 1982, ndakaroora Htu Aung. Mukoma wake, aiva mumwe weZvapupu zvaJehovha, akatipa bhuku raKubva ku Paradiso Yakarasika ku Paradiso Ichawanika Zve. Bhuku iri raitaura kuti zita raMwari ndiJehovha, izvo zvandakanga ndisina chokwadi nazvo. Ndakaudza Htu Aung kuti, “Kana ukandiratidza zita rokuti Jehovha muBhaibheri rechiMyanmar, ndinozova mumwe weZvapupu zvaJehovha!” Akatsvaga muBhaibheri rake asi haana kuriwana. Zvisinei, Mary, shamwari yake yaiva Chapupu, haana kumbonetseka kuriwana. Akabva angondiratidza pane zita rokuti Jehovha! Ndakazoguma ndava kupinda misangano yeZvapupu nemudzimai wangu nevana uye ndakabvuma kudzidza Bhaibheri.
Kuziva kwandaiita Bhaibheri pakwaiwedzera, chido changu chokushumira Mwari chakarambawo chichisimba. Muna 1991, ndakakumbirazve kusiya chiuto, asi iye zvino kuti ndive mumwe weZvapupu zvaJehovha. Ndakazobvumirwa kusiya basa pashure pemakore maviri. Gore iroro ndiro randakabva ndabhabhatidzwa pamwe chete naHtu Aung.
Ndakatanga kutengesa zvokudya kumusika kuti ndiriritire mhuri yangu. Hama dzangu neshamwari dzakandiudza kuti ndakaita zveupenzi nekusiya basa rechiuto raizondipa mari kuti ndiite basa remanga-manga. Asi ndakayeuka kuti Mosesi akasiya muzinda waFarao akava mufudzi kuti ashumire Mwari. (Eks. 3:1; VaH. 11:24-27) Nokufamba kwenguva ndakazozadzisa chinangwa changu chokuva piyona wenguva dzose.
Dzimwe shamwari dzangu dzokuchiuto dzakazova nezvinzvimbo kubasa uye pfuma yakawanda. Asi ini ndakawana “pfuma inopfuura zvinhu zvose,” zvikomborero zvinobva pakuziva uye kushumira Baba vangu vokudenga. (VaEf. 2:7) Iye zvino, ndine vazukuru vakati kuti vari mubasa renguva yakazara, uye mwanakomana wangu mukuru ari kushanda paBheteri reMyanmar.
Mutsa Wavo Wakaita Kuti Ndichinje
ZAW BAWM
AKABEREKWA MUNA 1954
AKABHABHATIDZWA MUNA 1998
NHOROONDO Aimbotengesa zvinodhaka uye aipikisa Zvapupu, akazochinja paakaratidzwa mutsa wechiKristu.
◆ LU MAI, mudzimai wangu, paakatanga kudzidza neZvapupu zvaJehovha, ndakaedza zvakasimba kumurambidza. Ndakakandira mabhuku ake eBhaibheri mugomba rechimbuzi ndikadzinga Zvapupu pamba pangu.
Iye zvino ndichiri kurarama maererano ne“mhiko” yandakaita nokushumira Jehovha maererano nezvose zvandinokwanisa
Ndakazotanga kutengesa zvinodhaka izvo zvakaita kuti ndizoguma ndava mujeri. Pangopera zuva rimwe ndirimo, Lu Mai akanditumira Bhaibheri netsamba yaikurudzira yakanga yakazara magwaro. Akazotumirawo dzimwe tsamba dzaikurudzira dzaitaura nezveBhaibheri. Pasina nguva ndakaona kuti kudai ndakanga ndatevedzera zvinotaurwa neBhaibheri, ndingadai ndisina kumbosvika pakusungwa.
Ndiri mujeri, ndakashanyirwa nevamwe varume vaviri ndisingambozvifungiri. Vakati vaiva Zvapupu zvaJehovha uye vakanga vatumwa nemudzimai wangu kuti vazondikurudzira. Vakanga vafamba kwemazuva maviri kuti vazondiona. Izvi zvakandibaya mwoyo. Hapana kana hama yangu yakambofunga kundishanyira, asi vanhu vandaimbovenga ndivo vakatondishanyira.
Izvi zvichangoitika, ndakarwara netyphoid ndokuendeswa muchipatara asi ndisina mari yekuzvirapisa. Ndisingambotarisiri, ndakashanyirwa nechimwe Chapupu chakanga chatumwa nemudzimai wangu. Akandinzwira tsitsi ndokundibhadharira mari yokuti ndirapwe. Ndakashaya pokupinda nekunyara, uye zvakandininipisa zvikuru ndikabva ndaita mhiko yokuti ndaizova mumwe weZvapupu zvaJehovha. Pashure pemakore mashanu, ndakazobudiswa mujeri, ndikaita maererano nezvandakavimbisa.
Ndichakwakuka Sezvinoita Nondo Hono
LIAN SANG
AKABEREKWA MUNA 1950
AKABHABHATIDZWA MUNA 1991
NHOROONDO Aimbova musoja, uye akadimbuka makumbo ose muhondo. Iye zvino mushumiri anoshumira.
◆ NDAKABEREKWA uye ndakakurira muMatupi, musha uri kwawo woga, mumakomo ekuChin. Vemumhuri yedu vainamata midzimu ine simba yavaifunga kuti iri mune mamwe masango uye makomo ekwataigara. Pairwara munhu wemumba medu, taiisa zvokudya paatari yemhuri yedu uye tainamata kuti mudzimu ugamuchire chibayiro chacho. Taitenda kuti mudzimu wacho waizoporesa murwere.
Pandakasvitsa makore 21, ndakapinda muchiuto. Mumakore akazotevera, ndakarwa muhondo ka20. Muna 1977, vapanduki vakarwisa musasa wedu waiva pedyo neMuse, guta riri muShan. Kurwisana kwacho kwakaita mazuva 20. Takazotanga kudzorera zvakaoma, uye ndakatsika chimbambaira. Ndakatarisa makumbo angu ndikaona mapfupa ava pachena. Ndainzwa kupisa mumakumbo, uye ndakanga ndafa nenyota, asi hazvina kundityisa. Ndakabudiswa pakati pevanhu vairwa ndikaendeswa kuchipatara, kwandakanodimburwa makumbo. Papera mwedzi mina, ndakabudiswa muchipatara ndokuendeswa kumba.
MuParadhiso, ndichakwakuka sezvinoita nondo hono uye ndichamhanya uye ndichasvetuka nomufaro!
Ini nomudzimai wangu, Sein Aye, takatamira kuSagaing, guta riri pedyo neMandalay, kwandakatanga kugadzira macheya etsanga kuti ndiwane chouviri. Ndakasangana nemufundisi weBaptist uyo akandiudza kuti kwaiva kuda kwaMwari kuti ndidimbuke makumbo. Ini naSein Aye, takazosangana nemumwe piyona anonzi Rebecca, uyo akatiudza kuti munyika itsva iri kuuya, ndinogona kuzovazve nemakumbo. Pasina nguva takanga tava kunyatsodzidza Bhaibheri naRebecca, kwete nemufundisi uya!
Ava makore angasvika 30 izvi zvaitika, uye tiri kugara nevana vedu vanomwe vakabhabhatidzwa mumusha muduku uri pedyo nePyin Oo Lwin, guta rakanaka riri pamusoro pegomo, riri makiromita 65 kubva kuMandalay. Ndiri mushumiri anoshumira muUngano yePyin Oo Lwin, uye vamwe vana vangu vatatu mapiyona enguva dzose. Takashanda nesimba kurera vana vedu muchokwadi uye chikomborero kuti vakateerera zvataivadzidzisa nezvaJehovha.
Ndinogara ndichiparidza kwatinogara, ndichishandisa wiricheya, uye ndinotakurwa nemudhudhudhu kuenda kumisangano. “Ndinofambawo” ndichishandisa mapuranga maviri andinenge ndakabata.
Rugwaro rwandinonyanya kufarira ndiIsaya 35:6 rwunoti: “Panguva iyoyo munhu akaremara achakwakuka sezvinoita nondo hono.” Ndinotarisira nguva iyi, pandichazovazve nemakumbo angu! Ndichakwakuka sezvinoita nondo hono uye ndichamhanya uye ndichasvetuka nomufaro!
Vatariri Vanofambira Vanoshanda Nesimba
Munyika iyi ine marudzi akasiyana-siyana, vatariri vanofambira vanoshanda nesimba vasinganeti kuti vasimbise hama dzavo nehanzvadzi. Basa ravo vanoriita sei? Ngatifambei nemumwe wavo sezvaanoshanyira ungano dziri munzvimbo dziri kwadzo dzoga muMakomo eNaga. Mumwe mutariri wedunhu anonzi Myint Lwin, nomudzimai wake, Lal Lun Mawmi, anoti: “Tinosimuka muKalaymyo kuma10:00 dzemangwanani, tokwira kumashure kwemotokari inenge yakazara. Tinopfekedzera makumbo edu pakati pemabhokisi anenge aine miriwo nezvimwewo zvinhu. Vamwewo vanenge vakarembera vari kumashure kana kugara pamusoro pemotokari. Motokari inotanga kufamba nemumugwagwa wakazara makomba, iro guruva riri chapwititi. Tinofukidza zviso zvedu kuitira kuti tisakachidzwe.
Pashure pemaawa maviri, tinosvika muKalaywa, guta riri pedyo nerwizi kwatinozokwira chikepe. Patinenge takachimirira, tinoparidzira vanhu vanotengesa muzvitoro uye vamwe vanenge vakamirirawo chikepe, vakawanda vavo vanenge vasati vambonzwa nezveZvapupu. Chikepe chedu chinosvika, vamwe vanenge vachiburuka, vamwe vachimhanyira kuti vabate nzvimbo. Vanhu vangasvika zana vanotsvikinyidzana muchikepe ichi zvokuti zviri nyore kuti chinyure. Tinoisa zvigubhu mumabhegi edu kuitira kuti azoyangarara kana chikepe chikanyura.
“Papera maawa mashanu, tinobva tasvika kuguta reMawlaik, kwatinonorara mukamba kevaenzi. Tinoenderera mberi nerwendo mangwana acho na5:00 dzemangwanani. Mwaka wokupisa uye murwizi mune mvura shoma, saka chikepe chedu chinomiswa nejecha kana. Ini nevamwe varume tinoburuka kuti tichisunde. Tinosvika kuHomalin pashure pemaawa 14, taneta zvisingaiti, uye ungano yeko inenge yakatimirira. Patinoona vachinyemwerera, tinobva tawanazve simba. Manheru emusi iwoyo tichawadzana navo. Mangwana acho tinotanga rwendo rwemaawa 15, kuenda kuKhamti.
“Tinototangazve rwendo achiri mangwanani. Nhasi chikepe chedu hachina kunyanya kuzara, uyewo nzvimbo yacho yasiyana nekwatabva. Tinofamba zvishoma nezvishoma tichiona mazana evanhu veko anenge achichera murwizi achitsvaga goridhe. Patinozosvika kuKhamti taneta zvekuti, tinowana pasina auya kuzotitambira. Pamwe tsamba yatakavatumira yokuvashanyira yakarasika. Tinobva takwira taxi yemudhudhudhu inotisvitsa paimba iri paImba yoUmambo, tobva tasvika nokungozvikanda pamubhedha.
“Mangwana acho mangwanani, tinokwazisa hama 25 dzinenge dzauya kuImba yoUmambo kuti dzibude muushumiri. Vakawanda vavo vaNaga, rudzi runogara mumakomo anobva muMyanmar achinopinda muIndia. Tose tinobva taenda kundima. Guta racho riri pedyo nerwizi, pakati pemakomo marefu. Ini nomumwe wandiri kushanda naye tinosvika paimba yemishenjere togogodza. MuNaga anobuda otiti tipinde mumba. Iye nomudzimai wake vanonyatsoteerera shoko roUmambo vogamuchira mabhuku edu nomufaro. VaNaga vakawanda vanozviti vaKristu uye vanofarira zvikuru mashoko akanaka. Zuva rava kunovira, tinopinda musangano weungano, unova wokutanga wevhiki iroro.
Patinoona vachinyemwerera, tinobva tawanazve simba
Vhiki inotevera, tinoyambuka rwizi tichienda kukaguta keSinthe kane vaparidzi 12. Tinobva tashanyirawo mapoka ari kwawo oga matatu, riri kure racho riri makiromita 11. Tinofamba netsoka kusvika kurimwe nerimwe rawo tichinobuda muushumiri uye ndichipa hurukuro. Vaparidzi vari kuno varombo uye vakawanda vanowanzorwara nemarariya kana kuti TB. Vanotsungirirawo kutambudzirwa zvavanotenda. Kunyange zvakadaro vanoshingaira. Musi weSvondo, tinoshamiswa nokuona vanhu 76 vanouya kuzonzwa hurukuro yavose, kusanganisira vakawanda vanenge vafamba kwemaawa kuti vasvike.
“Nguva yekuti tiende inosvika tisingambofungiri. Zviri kutiomera kusiya hama idzi nehanzvadzi dzatinoda dzinoramba dzichiratidza kuda kwadzinoita Jehovha. Patinenge tava muchikepe chedu takananga kumaodzanyemba, tinofungisisa nezvekutenda kwavo kwakasimba. Kunyange zvazvo vari varombo, vakapfuma pane zvokunamata! Tinongoti dai nguva yokuti tidzoke yasvika zvakare.”
Ndiri Kuda Kuparidzira Nyika Yose!
SAGAR RAI
AKABEREKWA MUNA 1928
AKABHABHATIDZWA MUNA 1968
NHOROOONDO Musoja aiva nenyembe dzakawanda akagamuchira chokwadi uye akaramba achiparidza pasinei nokupikiswa nevekwaanogara.
◆ NDAKABEREKERWA muShan, nzvimbo ine makomo iri nechokuchamhembe kweMyanmar. Mhuri yedu yaiva yedzinza reGurkha rekuNepal, uye taiva vaHindu. Asi tainamatawo zvisikwa sezvaiitwa nemadzitateguru edu. Ndakava musoja ndichitevedzera zvinoitwa nevedzinza rechiGurkha, sezvakaitwa nababa vangu nevakoma vangu vana. Ndakashanda muuto reBurma kwemakore 20 uye ndakarwa hondo dzakawanda. Asi chinoshamisa ndechokuti hapana pandakambokuvara zvakanyanyisa.
Pandakaverenga Nharireyomurindi kokutanga, ndakaona muBhaibheri kuti kuna Mwari mumwe chete wechokwadi anonzi Jehovha. Zvakandishamisa. Sezvo ndaiva muHindu, ndaitenda kuti kune mamiriyoni avanamwari! Ndakatsvaga zita rokuti Jehovha mumaduramazwi emitauro yakasiyana siyana aisanganisira eNepali, Hindi, Burmese, uye Chirungu. Duramazwi rimwe nerimwe raiti Jehovha ndiye Mwari wemuBhaibheri.
Ini nomudzimai wangu, Jyoti, takazotamira kuPathein, kwatakaona mumishinari ainzi Frank Dewar akatikumbira kuti tidzidze naye Bhaibheri tikabvuma. Pasina nguva takazvionera kuti Jehovha ndiye Mwari mumwe chete wechokwadi uye takasarudza kunamata iye chete. Takarasa zvifananidzo zvataishandisa pakunamata murwizi rwaPathein kuti pasava neanokwanisa kuzozviwana.—Dheut. 7:25; Zvak. 4:11.
Ndakabva ndangosiya chiuto, ndikadzokera nemhuri yangu kumusha. Ikoko takanobatana nezvimwe Zvapupu zvishomanana zvikatidzidzisa kuparidza. Takavaka Imba yoUmambo duku pedyo nepamba pangu tichitsvaga musango zvokuvakisa. Izvi zvakashatirisa dare remumusha revaGurkha, iro rakatsutsumwa richiti: “Ndiani akakupai mvumo yokuvaka chechi yechiKristu munzvimbo ino yevaHindu? Hamufaniri kuparidzira vanhu vane chitendero chavo.”
Dare revaGurkha rakakwidza nyaya kuvakuru venzvimbo iyi, avo vakazondibvunza kuti: “VaRai, muri kuparidza kwamunogara uye muri kunyengetedza vanhu kuti vave vaKristu here?”
Ndakapindura kuti, “Ndiri mumwe weZvapupu zvaJehovha. “Handisi kuzongoparidza muno chete asi ndiri kuda kuparidzira nyika yose. Asi zviri kuvanhu kuti vachinje chitendero chavo kana kuti vasachinje.”
Kwemakore 40 adarika, ini pamwe naJyoti takabatsira vanhu vanopfuura 100 kudzidza chokwadi
Zvinofadza kuti vakuru vakuru ava vakatibvumira kuti tirambe tichiparidza takasununguka. Kwemakore 40 adarika, ini pamwe naJyoti takabatsira vanhu vanopfuura 100 kudzidza chokwadi. Vakawanda vavo mapiyona chaiwo, vatariri vanofambira uye vamwe vanoshanda paBheteri. Tinofarawo kuti vakawanda vevana vedu nemhuri dzavo vari kushumira Jehovha vakatendeka.
Ndiri Kushaya Nyika Inonzi “Umambo hwaJehovha!”
SOE LWIN
AKABEREKWA MUNA 1960
AKABHABHATIDZWA MUNA 2000
NHOROONDO Aiva muBuddha, akazoverenga nezve“Umambo hwaJehovha,” saka akafunga kushanyako.
◆ Pandaifamba ndichienda kubasa muguta reTachileik, pedyo nemuganhu weThailand, ndakanhonga magazini eNharireyomurindi akanga araswa muzasi memugwagwa. Magazini acho aitaura nezvezvikomborero zvinoshamisa muUmambo hwaJehovha. Ndaiva muBuddha uye ndaive ndisati ndambonzwa nezvaJehovha, saka ndakafunga kuti “Umambo hwaJehovha” inyika inofanira kunge iri kuAfrica. Ndakatsvaka nyika inonzi “Umambo hwaJehovha” mubhuku remamepu asi ndakaishaya. Ndakabvunza vamwe vanhu asi havana kukwanisa kundibatsira.
Ndakazonzwa kuti pane mumwe mukomana wepabasa pangu aidzidza neZvapupu zvaJehovha. Saka ndakati kwaari: “Ungandiudzewo here kunowanikwa Umambo hwaJehovha?” Pandakadzidza kuti Umambo hwaJehovha ihurumende yokudenga ichaita kuti nyika ive Paradhiso ndakashamiswa uye ndakafara. Ndakagera vhudzi rangu, ndikasiya kutsenga betel nut uye kushandisa zvinodhaka, ndikabva ndakanda pasi tsika dzangu dzechiBuddha. Iye zvino chido changu chokurarama muUmambo hwaJehovha chatowedzera.—Mat. 25:34.