RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • yb13 pp. 42-77
  • Kuparidza Nokudzidzisa Munyika Yose

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuparidza Nokudzidzisa Munyika Yose
  • Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2013
Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2013
yb13 pp. 42-77

Kuparidza Nokudzidzisa Munyika Yose

Maine, U.S.A.: Dzichitevedzera zvaiitwa naJesu, hama dzedu “vabati vevanhu”

NYIKA YOSE

  • NYIKA 239

  • VAPARIDZI 7 782 346

  • MAAWA AKAITWA MUUSHUMIRI HWOMUMUNDA 1 748 697 447

  • ZVIDZIDZO ZVEBHAIBHERI 8 759 988

AFRICA

  • NYIKA 58

  • VANOGARAMO 968 989 710

  • VAPARIDZI 1 312 429

  • ZVIDZIDZO ZVEBHAIBHERI 2 999 639

Haana Kuzobvisa Pamuviri

KuAddis Ababa guta guru reEthiopia kune mumwe mukadzi ane chitoro anonzi Saba. Mumwe musi akapiwa nedzimwe hanzvadzi mbiri magazini yeMukai! yaitaura nezvekubvisa pamuviri. Saba akapinza hanzvadzi dzacho muchitoro chake akabva avataurira achichema kuti akanga ari kutofunga nezvekubvisa pamuviri. Pavaikurukura nyaya yacho, vose vari vatatu vakarwadziwa zvikuru zvokuti vose vakapedzisira vava kuchema. Saba akabva angosarudza musi iwoyo kusabvisa pamuviri ndokuudza murume wake chikonzero chacho. Akazova nemwanasikana akanaka. Akazotangawo kudzidza Bhaibheri uye akabhabhatidzwa. Iye zvino anofara uye ari kupayona. Murume wake akazodzidzawo Bhaibheri akazova hama, uye muna April 2012, vamwe vana vavo vaviri vakabhabhatidzwa.

‘Zvinoita Here Kuti Titaure Navo?’

Kaokoland, Namibia: Mabhuku ane mapikicha ari kufarirwa nevanhu vemazera ose. Bhurocha raTeerera Mwari Urarame Nokusingaperi rava kuwanikwa mumitauro 452!

Mutariri wedunhu kuEthiopia akanga achiparidza paimba neimba neimwe hama. Pamwe pamba, vakaona musikana webasa vakakumbira kuona baba vepo. Paakavaudza kuti zvakanga zvisingaiti, vakamubvunza kana zvaiita kuti vamusiyire bhuku rekuzovapa. Akaenda kunobvunza, uye akadzoka achiti vaida kutanga vaona bhuku racho.

Saka hama idzi dzakapa musikana uyu magazini. Papera chinguva, akadzoka achivaudza kuti vakanga vabvuma kuiverenga. Imwe hama yacho yakati, “Kana vasingakwanisi kubuda panze, zvinoita here kuti tipinde titaure navo?” Musikana uyu akabva aenda zvekare kunobvunza. Iye zvino akanonoka kudzoka zvokuti hama dzaitofunga kuti haachadzoki. Asi akazodzoka uye akavati vapinde. Hama idzi dzakazoziva kuti baba vepamba apa, vanonzi Yirgu, vakanga vachembera uye vakanga vava nemakore gumi vachingogara vakarara nokurwara vasingakwanisi kumuka. Musikana webasa uyu akanga anonoka achibatsira sekuru ava kupfeka uye kurongedza mumba.

Hama idzi dzakabva dzaparidzira sekuru ava. Vakanakidzwa nezvavanga vanzwa, vakabvuma kudzidza Bhaibheri. Sezvavaienderera mberi nekudzidza, utano hwavo hwakaitawo nani. Pashure penguva yakati, vakanga vava kukwanisa kumuka uye kufamba-famba vari pawiricheya. Pasina nguva vakatanga kupinda misangano uye vakabhabhatidzwa pagungano reruwa richangobva kuitwa.

Chechi Yemabhuku Ababa Vake

Calvin anogara muZimbabwe, aiva nemakore mana pakafa baba vake, uye vakangomusiyira bhegi ravo raiva neShanduro Yenyika Itsva nebhuku raUprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose, Bhuku 1. Vakanga vaudza Calvin kuti: “Usasiyana nechechi yemabhuku aya, inodzidzisa chokwadi.”

Amai vake pavakafa Calvin akanochengetwa naambuya vake. Kwemakore mapfumbamwe Calvin airamba kuenda kuchechi yaambuya vake, achiti rimwe zuva aizowana “chechi” yemabhuku aakanga asiyirwa nababa vake.

Mumwe musi ambuya vake vakasangana neimwe hanzvadzi yedu, asi havana kuziva kuti chaiva Chapupu, uye vakaiudza kuti vainetswa nemuzukuru wavo aisada kuenda kuchechi kwavo. Asi musi weSvondo wega wega aiswera achiverenga bhuku raainge asiyirwa nababa vake. Hanzvadzi iyi yakabvunza kuti bhuku racho rinonzi chii. Ambuya vacho vakamupindura vachiti vaifungidzira kuti “rimwe rezvimabhuku zvemachitawara.”

Hanzvadzi iyi yakati yaida kuonana nemukomana wacho. Pavakaonana, Calvin akafara zvekufara zviya. Vakabva vatotanga kudzidza naye Bhaibheri, vachishandisa bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? uye akabva atotanga kupinda misangano kunyange zvazvo aishorwa zvakasimba naambuya vake. Ari kuda kuramba ari muchokwadi uye anotarisira kuti pachazomutswa vanhu achasanganiswazve nababa vake naamai. Calvin akabhabhatidzwa muna August 2012.

“Mwari Waunonamata Ane Simba”

Caro anogara kuUganda. Pangopera mwedzi atanga kudzidza Bhaibheri, murume wake, Martin, aiita zveuroyi, akatanga kumupikisa zvakasimba. Akati kwaari, “Iye zvino vadzimu havachapinda mumba muno nemhaka yemabhuku ako.” Aimuitira utsinye uye akamuudza kuti aizomuuraya kana akasarega kudzidza Bhaibheri. Akabva aregawo kuriritira mhuri. Caro akaramba akadzikama, akariritira mhuri yake nekurima gadheni, uye akaramba achiwana zivo yakarurama. Pava paya, Caro akatozoita zvekutiza pamba apa, paakanga aona kuti upenyu hwake hwakanga hwava pangozi. Aitamburira kuti awane chekurarama nacho. Asi paakanzwa kuti vana vake vakanga vachirwara, akashandisa kamari kaakanga awana kuti avatengere mushonga.

Papera nguva yakati, Caro akafonerwa nemurume wake. “Ndiri kuda kuti udzoke kumba,” akadaro. “Ndaona kuti Mwari waunonamata ane simba uye anewe. Ndiri kuda kuti uudze vanhu vari kukudzidzisa kuti vauye kuzondidzidzisawo. Ndiri kuda kuchinja upenyu hwangu zvechokwadi.” Martin airevesa. Vaviri ava vava pamwe chete zvekare uye vari kufara. Martin naCaro vakabhabhatidzwa pagungano muna August 2012.

Muparidzi Mumusha Uri Kwawo Woga

Paaigara mune rimwe guta riri kure nekumusha kwake muKenya, David akatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Pasina nguva, akadzokera kumusha kwake kuLokichar, nzvimbo iri kwayo yoga kuchamhembe kwakadziva kumavirira kweKenya. Ungano yaiva pedyo yaiva muguta reLodwar, makiromita 165 kubva kumusha kwake. David akaita makore mana asingaonani neZvapupu, asi aiparidzira vavakidzani nehama dzake, achivaudza zvinhu zvaakanga adzidza pakanguva kadiki kaakadzidza Bhaibheri. Vamwe vaiteerera, uye pasina nguva akanga ava nezvidzidzo zveBhaibheri zvakawanda. Muna 2007 akakurukura nehama dzaiva kuLodwar uye akatangazve kudzidza, achiendako kaviri pamwedzi nemudhudhudhu, taxi kana kuti nemakombi.

Zivo yake zvayairamba ichiwedzera, David akawedzerawo kushingaira muushumiri. Asati abhabhatidzwa kudaro, akavaka “Imba yeUmambo” yedhaka yaiva nedenga reuswa, maaiita misangano nevanhu vanofarira. Zvisinei, havasi vose vaiva mumusha wake vaifarira basa rekuparidza raaiita, zvokuti kwemakore maviri aishungurudzwa nevanhu vakawanda. Pamwe pacho, vanhu vemumusha vakamurova vakamusiya vachiti afa, vachimupomera kuti akanga ava kudzidzisa vanhu “kunamata Dhiyabhorosi.” Zvisinei, David paakatsvaka rubatsiro kune mumwe mukuru wehurumende, kushungurudzwa kwacho kwakabva kwapera, uye akaenderera mberi nekuparidza. “Chokwadi ndicho chinhu chinokosha zvikuru muupenyu hwangu,” akadaro David. “Chero vakandishungurudza zvakaita sei, handisi kuzochisiya.”

Muna 2009, David akabhabhatidzwa, uye iye zvino ava mushumiri anoshumira uye ndipiyona wenguva dzose. Iye nemwanakomana wake ane makore 15 ndivo voga vaparidzi vari munzvimbo iyi, asi muna April 2012, vanhu vanopfuura 60 vakapinda Chirangaridzo cherufu rwaKristu chakaitirwa muImba yeUmambo yaakavaka iri pedyo nepamba pake.

‘Tiratidze neMagwaro Kuti Ari Kunyepa’

Janet, mumwe piyona wenguva dzose kuGhana, aiverenga bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei? ari mubhazi. Mumwe mufundisi akapinda mubhazi racho, akatanga kupa mharidzo, uye akabva akumbira vaiva mubhazi racho kuti vabvise mari yekutsigira basa rake. Janet akamuti: “Mati Jesu naMwari vamwe chete? Saka ndiani akataura naJesu paakabhabhatidzwa?”

Mufundisi akabva ati, “Hazvizivikanwi.”

Janet akabva avhura chitsauko 4 chebhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei?, akabva asarudza magwaro, akakumbira vamwe vaiva mubhazi kuti vaverenge. Akatsanangura musiyano uri pakati paJesu naMwari Wemasimbaose, Jehovha.

“Uri muroyi,” akadaro mufundisi wacho.

Vaiva mubhazi iri vakabva vatanga kutsigira hanzvadzi iyi, vachiti, “Unofanira kutiratidza neMagwaro kuti ari kunyepa pane kumuti muroyi.” Mufundisi wacho akatsamwa nazvo zvokuti akabva adzika pachiteshi chaitevera. Mumwe mukadzi akanga akagara naJanet akati: “Ndaifunga kuti zvivako zvemachechi eZvapupu ndizvo zvinonzi Jehovha. Ndatozoziva kuti izita raMwari pamanga muchitaura nemufundisi uyu.”

Vakazokurukura zvakawanda uye Janet akatora nhamba dzenhare dzemukadzi wacho uye akavimbisa kuti aizoronga kuti ashanyirwe. Mukadzi uyu paakasvika kumba, akatsanangurira ambuya vake zvakanga zvaitika. Ambuya vacho vakashamiswawo pavakaziva kuti zita raMwari ndiJehovha. Janet akazoronga kuti zvimwe Zvapupu zvizoenderera mberi nekukurukura nemukadzi uyu naambuya vake. Iye zvino vose vava kupinda misangano.

NYIKA DZEKUAMERICA

  • NYIKA 57

  • VANOGARAMO 946 087 916

  • VAPARIDZI 3 861 145

  • ZVIDZIDZO ZVEBHAIBHERI 4 196 922

Akawana Chokwadi Munzvimbo Yaainge Asingafungire

Magadhijeri okuBolivia aikikiritsana nemumwe musikana ane makore 20 anonzi Andrea vachipinda naye muchivanze chejeri, uye aivatuka zvinonyadzisira, achivatyisidzira. Vanhu vaimutya nokuti aida zvokurwa uye akanga akasimba. Mumwe weZvapupu zvaJehovha anonzi Leidy, ainge apomerwa zvenhema ndokuiswa mujeri, aisambotya Andrea asi aitomunzwira tsitsi. Mangwanani ega ega, Leidy aiverenga zvinonzwika mashoko erwiyo mubhuku redu renziyo. Andrea paakamunzwa achiverenga, akabvunza kuti, “Uri Chapupu chaJehovha here?”

Peru: Kuparidzira varimi nechokumusoro kweUtcubamba Valley

Leidy paakati aiva Chapupu, Andrea akati: “Amai vangu Chapupu chaJehovha, uye ndaimboenda navo kumisangano. Vaindidzidzisa Bhaibheri.” Andrea akabva atanga kuchema. Mumazuva mashoma akatevera, Leidy akakurukura zvakawanda naAndrea nezvaMwari, uye pakasvika nguva yokuti Andrea achienda mudare, vakanyengetera pamwe chete vachikumbira rubatsiro uye kutungamirirwa naJehovha. Andrea akasunungurwa uye akaramba achidzidza nezvaJehovha. Pasina nguva akava muparidzi asati abhabhatidzwa, uye iye zvino ari kugadzirira kubhabhatidzwa.

Leidy akashandisa zvakanaka nguva yose yaaiva mujeri kutanga zvidzidzo zveBhaibheri 21. Iye zvino ava kudzokera kujeri katatu pavhiki kunobatsira vanofarira.

Vakabatsirwa Newww.jw.org

KuCanada, mumwe musi weSvondo muna 2011, pakapinda muImba yoUmambo mumwe murume nemudzimai nevana vavo vaviri vainge vakapfeka zvakanakanaka vanhu vose vakafunga kuti vaiva Zvapupu zvaJehovha zvaibva kune rimwe guta. Mumwe mushumiri anoshumira womuungano iyoyo anonzi Dominic, akabva azivana nemurume wacho, Marc-Andre. Dominic ainge adzidza Bhaibheri nemurume uyu, makore 17 ainge adarika. Marc-André nemudzimai wake Josée vainge vava nemakore maviri vachitora uye vachiverenga magazini eNharireyomurindi neMukai! pawww.jw.org uye vakadzidza kuti vaifanira kuenda kuImba yoUmambo nemhuri yavo yose. Chidzidzo cheBhaibheri chakabva chatangwa, uye mhuri yavo yakatanga kupinda misangano yose. Pashure pemwedzi miviri chete vatanga kudzidza Bhaibheri, mhuri yacho yakatanga kuva nemanheru oKunamata Kwemhuri vhiki roga roga. Vari kufambira mberi zvakanaka uye Josée akapa hurukuro yake yokutanga paChikoro chaMwari Choushumiri muna May 2012.

“Akandipa Zvokudya Zvake Neheti Yake”

Pagungano reruwa ra2010 rakaitwa kuChile, Marcelo, ane makore gumi akaona kuti vamwe sekuru vainge vagere pedyo naye vainge vasina kana bhuku zvaro.

Akazevezera kuna amai vake kuti, “Havana Bhaibheri.”

Amai vacho vakazevezerawo kuti, “Onai mose.” Marcelo akaswedera pedyo nasekuru vacho vainzi Victor, vakatanga kuvhura vose magwaro aitaurwa. Nguva yokuzorora pakayakasvika, Marcelo akati kuna amai vake, “Havana zvokudya.” Vakamuti aigona kukamurirawo sekuru ava zvokudya zvake. Saka Marcelo akavapa chingwa netii. Sekuru Victor pavaidya, Marcelo akavaratidza magwaro eBhaibheri ose aaiyeuka.

Ava masikati, zuva rainge rava kuvagocha. Marcelo akabva atizve kuna amai vake, “Havana heti.”

Amai vake vakati, “Vape yako.” Saka akavapa. Gungano rapera, Marcelo naSekuru Victor vakaonekana.

Pagungano reruwa regore rakatevera, Marcelo akatenderera achitsvaka Sekuru Victor. Akafara chaizvo paakavaona, uye iye zvino vainge vakasunga tai! Sekuru Victor pavakaona Marcelo, vakati “Ndiri pano nhasi nekuda kwekakomana aka. Gore rakapera ndakapiwa pepa raindikoka kugungano, ndikauya. Mukomana uyu akaita kuti tione tese Bhaibheri rake uye akandipa zvokudya zvake neheti yake. Iye zvino ndava kudzidza Bhaibheri!” Sekuru Victor vava muparidzi asina kubhabhatidzwa.

Kurumbidzwa Nemutori Wenhau

Mumwe mutori wenhau anozivikanwa chaizvo wokuVenezuela akanyora nyaya yake mupepanhau achitsanangura mabatirwo aakaitwa paakafonera imwe kambani inoita zvemafoni achida kubatsirwa. Munhu akamudavira akataura naye zvisina tsika uye haana kutombomubatsira. Paakazofonazve, akadavirwa nerimwe jaya rakati rainzi “Misael” uye rakataura naye zvakanakanaka uye zvine tsika. Akanyora kuti: “Mutsa, ruremekedzo uye chido chokubatsira nechokushanda nevanhu zvakaratidzwa nejaya iri zvakandishamisa. Akandibatsira padambudziko randaiva naro uye akandidzidzisa kuti kana rikazomuka ndinorigadzirisa sei.”

Jaya racho parakarumbidzwa nemukadzi wacho, rakatsanangura kuti seChapupu chaJehovha, rinoedza kubata vavakidzani varo sezvakadzidziswa naJesu. Mutori wenhau wacho akakumbira kutaura nemukuru webasa waMisael achibva arumbidza kubatsirwa kwaainge aitwa nemushandi wake. Munyaya yake, akataura kuti Misael aiva mugari womuVenezuela akanaka uye Chapupu chaJehovha. Akapedzisa nokuti: “Tinoda vanhu vakaita saiye pamabasa ose okukurukura noruzhinji.”

“Musaoma Musoro!”

Mexico City, Mexico: Pazvidzidzo zveBhaibheri zvinopfuura miriyoni zvakaitiswa munyika iyi, zvakawanda zvacho zvakatangwa nevaparidzi vaipupurira mumugwagwa

Mumwe musikana matsi anonzi Gabriela, ane makore 15, ari kusekondari, akafara chaizvo paakabhabhatidzwa muna October 2011 pagungano reruwa remutauro wemasaini rakaitwa kuEcuador. Akafara chaizvo zvokuti paakadzokera kuchikoro musi weMuvhuro, akakumbira mudzidzisi wake kana zvaiita kuti ape chiziviso chipfupi kune vaaidzidza navo. Mudzidzisi wacho akabvuma, uye Gabriela akamira pamberi pekirasi ndokutaura achifara nemasaini kuti: “Ndinoda kukuzivisai kuti musi weChishanu, Mugovera uye Svondo, ndaiva kugungano uye ndakabhabhatidzwa seChapupu chaJehovha. Ndinoda kukuudzaiwo kuti tiri kurarama mumazuva okupedzisira enyika ino. Nguva yapera! Munofanira kukurumidza kuchinja upenyu hwenyu. Saka musaoma musoro. Ityai Mwari!” Vaanodzidza navo vakamuyemura zvikuru.

Musi iwoyo, panguva yokudya, Katty, chimwe Chapupu matsi chisisaiti basa, chakaenda kuna Gabriela ndokubvunza nezvegungano racho. Gabriela akamupindura asingapotereri kuti: “Rainakidza! Asi sezvo ndava Chapupu chakabhabhatidzwa, ndinoda kuramba ndakatendeka kuna Jehovha. Saka ndinoda kuti uzive kuti handichakwanisi kuva shamwari yako, nokuti unorarama upenyu husina kuchena saka ungakanganisa ushamwari hwangu naMwari. Unofanira kuchinja. Zvinokosha kuti unyengetere kuna Jehovha uye utaure nevakuru. Ndinozviziva kuti unokwanisa kuchinja.” Zano raGabriela rokusatenderera uye rerudo rakaita kuti Katty ataure nevakuru, uye abatsirwe, zvokuti akatangazve kubuda muushumiri.

Akashandisa Kombiyuta Yomudzidzisi Wake

Imwe hanzvadzi ine makore 16 yokuUnited States yakabvunzwa mibvunzo ine chokuita nechitendero chayo nevomukirasi mayo, asi yainge isina mabhuku kana Bhaibheri. Sezvo aida kushandisa magwaro kuvapindura, akakumbira kombiyuta yomudzidzisi wake ndokuvhura www.jw.org paIndaneti. Akapindura mibvunzo yavo yose uye akavaratidzawo kuti vangashandisa sei nzvimbo iyi. Akavatsanangurira kuti pose pavaizova nemibvunzo yeBhaibheri pasina Zvapupu, vaigona kuenda panzvimbo yacho kuti vawane mhinduro. Nokufamba kwevhiki akaona kuti mibvunzo yaibvunzwa nevomukirasi make yakanga yava mishoma. Paakabvunza chikonzero chacho, vamwe vakapindura kuti vainge vava kugara vachivhura nzvimbo yacho pamafoni avo. Kunyange mudzidzisi wake aidarowo!

NYIKA DZOKUASIA NEMIDDLE EAST

  • NYIKA 48

  • VANOGARAMO 4 222 869 785

  • VAPARIDZI 674 608

  • ZVIDZIDZO ZVEBHAIBHERI 662 736

Zvavakadzidza Zvakaita Kuti Vasanorwa

KuIndonesia, rimwe boka reZvapupu rakapfuura nemune mumwe musha muduku richienda kumariro. Imwe hama piyona yakaona vechiduku vakanga vari parutivi pemugwagwa. Yakataura navo ikabva yavasiyira bhurocha raTeerera Mwari Urarame Nokusingaperi. Imwe hanzvadzi yakazopfuura nepo yava kudzokera kumba. Mumwe murume akanga akabata bhurocha raTeerera Urarame akauya kwaari akamutenda nekupa vana vake bhurocha racho. “Raponesa vana vangu!” akadaro murume wacho. Sezvo yakanga isingazivi kwakanga kwabva nenyaya, hanzvadzi yedu yakabvunza zvakanga zvaitika. Baba vacho vakatsanangura kuti vana vavo vakanga vatoronga kunorwisa mumwe musha. Maererano netsika dzeko, vaida kunotsividza kurohwa kwakanga kwaitwa shamwari yavo. Zvisinei, vakomana vacho pavakaverenga bhurocha racho, vakadzidza kuti vanhu vanorwa havazogari muParadhiso iri kuuya. Saka vakabva vadzikama uye vakabva vasiyana nezvavakanga varonga vakadzokera kumba. Kurwisana kwaigona kukuvadza vanhu kwakadziviswa, zvichibva pamashoko anobva muBhaibheri ari mubhurocha iri.

Murume Aipfeka Somukadzi Akawana Chokwadi

Shau Kei Wan, Hong Kong: Kuparidzira mumwe musikana pamusika

Rek nemunun’una wake mapatya akarerwa mumhuri yakangoitawo sedzimwe muCambodia. Asi kubva vari vaduku, iye nemunun’una wake vaingonzwa sokuti vaiva vakadzi. Vaitamba nezvidhori uye vaida kupfeka hembe dzechisikana. Amai vavo vaitadza kuzvinzwisisa, vainyara nazvo uye vaishaya kuti vangavarambidze sei. Vaibuda mumba vakapfeka sevakomana asi vachingosvika kuchikoro vaibva vachinja vopfeka sevasikana. Pavaiva nemakore 16, vakapinda mumakwikwi evarume vanozviita sevakadzi uye vakabva vafarirwa nevanoita zvemafirimu. Izvi zvakaita kuti vabude chaizvo pamapurogiramu epaTV nemamwe ekusetsa vanhu. Nekufamba kwenguva, Rek akatanga kurarama upenyu hwechingochani uye akatanga kushamwaridzana nevanhu vakadaro.

Amai vaRek vakatanga kuenda kuchechi uye vakaita kuti Rek apote achienda navo. Kunyange zvazvo akabvuma kupfeka hembe dzechirume, akaramba kugera bvudzi rake refu. Mufundisi weko aiwanzoshora Rek chaizvo neupenyu hwaairarama. Kunyange zvakadaro, Rek akafunga kuti aigona kuedza kudzidza Bhaibheri kuchechi iyoyo. Muvhiki rekutanga, akamukira kuchovha bhasikoro kwemakiromita akati wandei achienda kuchechi, asi mufundisi wacho akati akanga asingakwanisi kumudzidzisa. Vhiki rakatevera Rek akasvotwa zvikuru paakaona mufundisi wacho asina kutombouya zvachose kuzomudzidzisa.

Zvisinei, Rek paakasvika kumba, akaudzwa nemunun’una wake kuti pane mumwe mukadzi akanga avashanyira achiti aida kuvadzidzisa Bhaibheri pamba pavo vasingabhadhari. Akanga asiya bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? Vakomana ava vakabva vatanga kudzidza Bhaibheri nemukadzi wacho nemurume wake. Papera mwedzi mitanhatu, munini’ina waRek akafunga kuti akanga asati agadzirira kuchinja upenyu hwake saka akarega kudzidza. Asi Rek, akanga abayiwa mwoyo zvikuru na1 VaKorinde 6:9, 10, uye akaona kuti aifanira kuita sei. Kudzidza Bhaibheri, kunyengetera, uye kupinda misangano, zvakaita kuti akakwanise kugadzirisa upenyu hwake. Amai vaRek vari kudzidzawo uye vari kuita zvakanaka zvikuru. Pakabhabhatidzwa Rek amai vake vakataura misodzi iri mumaziso kuti, “Zviri kundifadza kuona mwana wangu achibhabhatidzwa semurume.” Iye zvino ava piyona wenguva dzose.

Svikiro Rinochinja Mararamiro

Or-Ya aiita zvemidzimu, zvekuporesa uye kufembera. Mumwe murume nomudzimai wake mapiyona chaiwo kuHaifa, Israel, vakasangana naye vari mubasa repaimba neimba. Akavatambira achiti: “Kana zviri zvaMwari pindai henyu!” Imba yake yakanga yakazara zvinhu zvemidzimu. Aiti ainzwa mashoko aibva kuna Mwari, uye mamwe kubva “kumudzimu” warabhi akanga afa.

Akafara chaizvo paakaudzwa nezvokudzidza bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei? Mazuva maviri mapiyona aya asati auya pamba pake, akanga anyengetera kuna Mwari kuti amutumire mumwe munhu aizomudzidzisa Bhaibheri asingashandisi dzidziso dzechirabhi. Pasina kana mwedzi, mukadzi uyu akabvunza kuti, “Pane vamwe vanhu here vanotenda zvamunotenda?” Akazopinda musangano weungano uye akafara zvikuru nerudo rwaakaratidzwa ikoko. Kubvira ipapo anogara achipinda.

“Masarirwa nemwedzi miviri kuti muite kuti ndikwanise kuzobhabhatidzwawo!”

Papera mwedzi miviri achidzidza, Or-Ya akabvunza nezvegungano raizotevera: “Handiti pamagungano ndipo panobhabhatidzwa vanhu? Kana zvakadaro, masarirwa nemwedzi miviri kuti muite kuti ndikwanise kuzobhabhatidzwawo!” Danho rokutanga, akarasa zvinhu zvake zvinodhura zvaaishandisa pakuita zvemidzimu. Akabva arega kuita zvemidzimu ndokutanga kuparidzira vamwe, achipa vanhu vaaimborapa bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei? nemagazini. Paakarwara, akaramba kushandisa nzira dzake dzekare dzokurapa. Kusiya kwaakaita basa iri kwakaita kuti aite mwedzi mina asina chaimuwanisa mari. Asi akasarudza kuti aida kutsvaka basa raaizoshanda mazuva mana pavhiki uye maawa matanhatu pazuva, kuti awane nguva yokuita zvokunamata, uye akazoriwana. Akazotengesa imba yake hombe uye akatanga kuroja mukafurati.

Nekufamba kwenguva Or-Ya akanga ava kukwanisa kubhabhatidzwa, asi pasara vhiki kuti abhabhatidzwe akabva atyoka gumbo. Akangobhabhatidzwa zvakadaro gumbo rake riine plaster. Iye zvino Or-Ya muparidzi anoshingaira, anoparidzira vanhu vaimbouya kwaari vachida kubatsirwa uye ari kuitisa zvidzidzo zveBhaibheri.

Munhu Aiva Mukamwe Kachitendero Anowana Chokwadi

Mamwe mapatya akatanga kudzidza Bhaibheri kunharaunda iri kwayo yoga ine makomo kuPhilippines. Vakomana ava, matsi, vaiva mukapoka kechitendero kane vanhu vanotenda kuti havakuvadzwi kana vakapfeka matumwa nemazango okuzvidzivirira. Vakanga vakadzidzira kushandisa mapanga, mapakatwa nepfuti uye vairwa hondo dzakawanda nevapanduki mumakomo. Vechitendero chavo vakavabvumira kudzidza Bhaibheri neZvapupu chero bedzi vakanga vasingazosiyiswi chitendero chavo.

Hama dzakakurudzira mapatya aya kuti aite chisarudzo kubva pane zvavaidzidza muBhaibheri. Mumwe wacho akafunga kuti aisazokwanisa kuchinja upenyu hwake kuti anamate zvinobvumirwa naMwari. Asi mumwe wacho akaramba achidzidza. Hama yaidzidza naye yakamukurudzira nokuvhura Bhaibheri ndokumutsanangurira mumutauro wemasaini kuti: “Zita rako rekuti Samuel riri muBhaibheri. Samuel wemuBhaibheri akashumira Mwari wechokwadi kusvika akwegura. Iwewe unogonawo kuteerera Jehovha wakavimbika.” Izvi zvakabaya mwoyo waSamuel. “Kana zita rangu riri muBhaibheri,” akafunga kudaro, “zvinoreva kuti ndinofanira kutsigira Jehovha.” Akaudza vanhu vekachitendero kake kuti akanga ava kusiyana nezvemumakomo, uye akapisa matumwa ake uye zvinhu zvemidzimu akafambira mberi zvinoshamisa. Iye zvino atova mushumiri waJehovha akabhabhatidzwa, anoshingaira kubatsira dzimwe matsi kuti dzidzidze chokwadi.

Mwana Anotambudzwa

Erdenet, Mongolia: Mumwe mukadzi achidzidza Bhaibheri kunzvimbo iri kwayo yoga

Rajiv anogara mune mumwe musha uri kwawo woga kuchamhembe kweIndia. Paakanga aine makore mapfumbamwe ari mugwaro rechina, mudzidzisi wake, mumwe weZvapupu zvaJehovha, akadzidzisa vana vake tsika dzakanaka achishandisa bhuku raDzidza Kumudzidzisi Mukuru. Rajiv akagamuchira mashoko acho uye akatanga kuashandisa muupenyu. Akaudza mudzidzisi wake kuti akanga asisanyepi, asisarwe nevamwe vana vekuchikoro uye panguva dzokudya aipawo zvokudya zvake kuvamwe vana vainge vasina.

“Mandimanikidza kukotamira chidhori ichi, asi hamuzombofi makaita kuti mwoyo wangu uchinje”

Paakadzidza nezvevimbiso yekuti nyika yose ichava Paradhiso, akatanga kuudza vamwe mashoko aya akanaka kwaaigara uye kuvanhu vaaisangana navo paaifamba muchitima. Izvi zvakasvota pamwe nekunyadzisa vabereki vake. Vakamuudza kuti asiyane nezvekutaura nezvaJehovha naJesu. Vaona kuti haana kurega, vakatanga kumurova, uye amai vake vaiviga mbatya dzake kana abva kuchikoro kuti asafambe achitaura nezvetariro yaakanga ava nayo. Vabereki vake vakamurambidza kurara pamubhedha wake uye vakatanga kumupa zvokudya zvishoma. Izvozvo pazvisina kushanda, vakadana mupristi kuti achinje mafungiro emukomana wacho.

Mupristi wacho akagara mumba mavo kwemazuva akawanda achiedza kumanikidza Rajiv kuti apfugamire chidhori. Rajiv paakati chidhori chacho chaingova dombo zvaro uye chakanga chisiri mwari mupenyu, mupristi wacho akamuti aifanira ‘kuchitarisa nemaziso emwoyo.’ Ipapo chete ndipo paaizoona kuti chidhori ichi chaiva “mwari.” Rajiv akatora kapepa akabva anyora kuti “100 rupees.” Akaripa mupristi wacho akabva amukumbira kuti aende kunotenga machokoreti odzoka nechenji. Mupristi akati akanga asiri benzi; chaingova chipepa chisingatengi. “Kana mukaritarisa nemaziso emwoyo,” akapindura kudaro Rajiv, “muchaona mari chaiyo papepa irori.” Nehasha mupristi uyu akabva amubata nomugotsi achimumanikidza kukotamira chidhori chacho. “Mandimanikidza kukotamira chidhori ichi,” akadaro Rajiv, “asi hamuzombofi makaita kuti mwoyo wangu uchinje.” Mupristi uyu akapedzisira aenda, achiti zvaisaita kuchinja mukomana uyu uye kuti iye ndiye aizopedzisira asisatendi kana akaramba aripo. Vabereki vaRajiv vakamuchinja chikoro. Asi haana kurega kutaura nevanhu vanoteerera zvaanotaura nezvaJehovha uye nezveParadhiso. Iye zvino ava nemakore gumi, uye ari kuramba achitarisira kuna Jehovha kuti asimbise kutenda kwake.

Akawana Bhaibheri Raaitsvaga

Larisa aiparidzira mumwe mutengesi wechikadzi wemuchitoro chemabhuku kuArmenia, pakapinda mumwe mukadzi akati aidawo Bhaibheri re“Nyika Itsva.” Mutengesi uyu akati akanga asina Bhaibheri iroro asi aigona kumupa rimwe rechiArmenian. “Rinonzwisisika here iri?” akabvunza kudaro mukadzi aida kutenga. Mutengesi wacho akamuverengera magwaro mashoma akabva ati, “Rinenge rinonzwisisika haro.” Mukadzi aida kutenga akaramba achingoti aida Bhaibheri re“Nyika Itsva.” Larisa akabva ayeuka kuti akanga aine Bhaibheri rake rechiArmenian mubhegi rake. Akabva ariratidza mukadzi wacho uye akamuti averenge musoro waro. Akaverenga kuti, “Shanduro Yenyika Itsva.” Ndiro Bhaibheri chairo raakanga achitsvaga!

Mukadzi wacho akatsanangura kuti mwanasikana wake nemurume wake vaigara kuGreece vakanga vachangotanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Sezvo vakanga vasati vadzidza chiGreek, vakakumbira amai vavo kuti vavaigire Shanduro Yenyika Itsva yechiArmenian pavaizovashanyira. Hanzvadzi yedu yakamupa Bhaibheri racho ikabva yati, “Ndapota endai munovapa movaudza kuti chipo chabva kuna Jehovha.” Mukadzi wacho akafara zvikuru paakaudzwa naLarisa kuti anogona kudzidzawo naye Bhaibheri. Vakapanana nhamba dzefoni kuti vazotanga kudzidza mukadzi wacho paaizongodzoka kuGreece.

EUROPE

  • NYIKA 47

  • VANOGARAMO 738 679 198

  • VAPARIDZI 1 595 888

  • ZVIDZIDZO ZVEBHAIBHERI 841 260

Akatsvaka Muridzi Wechikwama

Nina, hanzvadzi yedu inopayona muBosnia, inodzidza neimwe mhuri yedzinza rechiRoma. Mumwe musi mwanasikana wavo ane makore gumi achifamba hake mumugwagwa akanhonga chikwama chaiva nemari, makadhi ekubhengi, uye mamwewo magwaro. Kudai akanga asati adzidza chokwadi, angadai akachiona sechipo chinokosha, asi paakazokurukura naamai vake, akazosarudza zvokuenda nacho kumapurisa. Zvaakaita izvi zvaishamisa nekuti mhuri yavo yakanga iri yevarombo uye vakanga vasina kana mari yaikwana kutenga chingwa. Pashure pemaawa maviri vapa mupurisa chikwama, uyo akanga atoshamiswawo nazvo, vakazofonerwa vachinzi vadzoke kukamba yemapurisa. Muridzi wechikwama ichi akanga akavamirira achida kuvatenda uye kuvapa mubayiro. Akavapa mari inoenzanirana neUS$30, iyo inoshandirwa mazuva maviri.

Akafarira Musoro Wacho

Gjógv, Faroe Islands: Vaparidzi vari muzvitsuwa izvi vakasvika 118 muna 2012

Nihad, anogara kuBosnia. Paakadzoka kumotokari yake apedza basa remumunda, akaona mumwe murume akamira pedyo nayo. Paakamukwazisa, murume wacho akati: “Pamusoroi, ndaona magazini iri mumota menyu ine musoro uri kuti ‘Ungava Sei Baba Vakanaka?’ Ndiri kuidawo. Ndava neawa ndakakumirirai. Ndapota, ndipeiwo.” Nihad akamupa magazini iyi nemufaro uye akabva ashandisa mukana wacho kuparidzira murume wacho.

Vafambisi Vengarava Vanonyaradzwa

Mumwe murume nomudzimai pavaiparidza ndima yechiteshi chengarava cheRotterdam kuNetherlands vakasvika paimwe ngarava, vakaona vashandi vemo vakasuruvara. Mukuru wemainjiniya akarondedzera achinge achachema kuti ngarava yavo yakanga yapinda mutsaona dzakawanda, kusanganisira kupotsa yarovera zvokuti yakafa zvimwe zvinhu. Saka akakumbira kuti, “Mungatinyengetererawo here?” Murume uyu nemudzimai vakati vaizovataurira mashoko eBhaibheri anokurudzira. Mangwana acho na7:00 dzemanheru, vakadzoka vaane dzimwe mhuri mbiri uye vakatambirwa nevashandi vemungarava. Pavafambisi vengarava 16, mumwe chete ndiye akanga asipo. Munyengetero wokutanga wapiwa, imwe hama yakakurukura hurukuro yaiva nemusoro waiti, “Njodzi Dzinokonzerwa naMwari Here?” Boka racho raiverengawo mavhesi eBhaibheri nekuti vaparidzi vacho vainge vauya nemamwe maBhaibheri uye vaivabatsira kuvhura magwaro. Munyengetero wokugumisa wapiwa, boka racho rose rakaramba rakagara richikurukura nehama. Vafambisi vengarava iyi vakanyaradzwa uye vakavatenda zvikuru. Mumwe wavo akati, “Minyengetero yedu yanzwiwa.” Boka racho rakatora mabhuku 20, maBhaibheri, nemamwewo mabhuku, uye kaputeni wengarava akazopa vaparidzi hamvuropu yaiva nemupiro weUS$200.

Akanyengetera Kuti Akwanise Kubatsira Mumwe Munhu

Irene, anogara kuSweden, akanyora kuti: “Ndine makore 80, uye kurwara kwandinoita kunonditadzisa kubuda muushumiri. Ndakanyengetera kuna Jehovha kuti ndikwanise kuwana mumwe munhu wandakamboshanyira kare asi anogona kunge ava kuda kudzidza.

“Rimwe zuva, foni yedu yakarira, murume wangu akadaira. Mukadzi akanga afona akati, ‘Pamusoroi, ndimi moga vandichiri kuyeuka, ndosaka ndafona. Mudzimai wenyu angada here kundishanyira kuti azodzidza neni Shoko raMwari? Ndakambodzidza makore anenge 15 kana kuti 20 apfuura, asi murume wangu, uyo akazofa, aisafarira saka ndakarega.’

“Ndakayeuka kuti ndakanga ndamboshanyira mukadzi uyu neimwe hanzvadzi, yaidzidza naye. Ndakashamisika kuti mukadzi uyu akanga achiri kundiziva. Ndakafara zvikuru, uye ndakaronga kuti tizoonana. Kubvira ipapo tinodzidza vhiki rega rega. Akapinda Chirangaridzo nehurukuro inokosha. Ari kupindawo misangano. Ndinotenda Jehovha mazuva ose kuti akapindura munyengetero wangu.”

Chokoreti Yaisakwana Mubhokisi Remupiro

Sergio, ane makore masere anogara kuItaly, aida kuratidza vakuru kuti akanga agadzirira kuti ave muparidzi asina kubhabhatidzwa. Mumwe musi akaperekedza baba vake pavaienda kunogadzira kiyi yevamwe sekuru nambuya vava nemakore ekuma70. Sergio akaenda nemagazini. “Baba vangu pavaiita basa,” akatsanangura kudaro, “ndakapa murume wepamba apa magazini, uye akashamiswa zvikuru zvekuti akatodaidza mudzimai wake akamuratidzawo. Ndakabva ndavakumbira zita ravo, kero, nenhamba dzenhare, ndikapiwa nemudzimai wacho, ndikanyora kuitira kuti ndizodzokazve. Akabva andipawo chokoreti hombe.” Mazuva mashoma gare gare, Sergio akadzokera kumhuri iyi aine mumwe mukuru. Sergio akasvika akabva aridza bhero, mudzimai wepamba apa akadaira, uye Sergio akati akanga auya kuzovapa bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? Mukadzi wacho akaritambira nemufaro. Akabva apa Sergio imwezve chokoreti. “Chokoreti yaisakwana mubhokisi remupiro, saka ndakaidya,” akadaro Sergio, uye akazotaurawo kuti, “Vakuru vakabva vaona kuti zvechokwadi ndaida kuita muparidzi asina kubhabhatidzwa.”

Mufundisi Aida Kudzidza Zvakawanda

Simeon aiva mufundisi weimwe chechi kuGurkovo, Bulgaria, uko kusina kana Zvapupu. Kudzidza kwaaiita Bhaibheri ari ega kwakaita kuti azive kuti dzidziso dziri muBhaibheri dzakasiyana nedzaidzidziswa muchechi yake. Mumwe musi akawana magazini edu paakanga achifamba nechitima. Simeon akanakidzwa zvikuru nekuziva kuti Jehovha ndiye Mwari wechokwadi uye hakuna chinhu chinonzi Utatu. Achida kuziva zvakawanda, akanyorera tsamba hofisi yebazi uye kumachechi ose aaiziva. Akangopindurwa nechechi imwe chete, ichimuudza kuti asazvinetse “nezvinhu zvisina basa.” Zvisinei, hofisi yebazi yakaronga kuti Zvapupu zviviri zvimushanyire zvichibva kuKazanlŭk zvikafamba makiromita anenge 35. Vakabva vatanga kudzidza Bhaibheri naSimeon nemhuri yake. Simeon akafarira zvikuru zvaaidzidza, uye akatokoka vavakidzani vake neshamwari kuti vadzidzewo. Pasina nguva chidzidzo chacho chakanga chava kuitwa nevanhu 25 vhiki nevhiki. Mumwe muvakidzani ava nemakore 75 paakauya kuzodzidza kekutanga akataura misodzi ichiyerera kuti, “Zvinhu zvandadzidza muawa rimwe zvakawanda nekure pane zvandakadzidza kwemakore 30 ndichienda kuchechi.” Vanhu vanopfuura 60 vekuGurkovo vanopinda misangano inoitiswa nehama dzinobva kuKazanlŭk, uye vanhu 79 vakapinda Chirangaridzo.

“Zvinhu zvandadzidza muawa rimwe zvakawanda nekure pane zvandakadzidza kwemakore 30 ndichienda kuchechi”

“Ramba Wakadaro”

Valya, mumwe musikana Chapupu ane makore 15 wekuUkraine, akaona kuti mudzidzisi wake akauya kuchikoro akapfeka zvitema uye akanga achichema. Paakanzwa kuti mudzidzisi wake akanga afirwa naamai, Valya akafunga kunomunyaradza nemagwaro anotaura nezverumuko. Akatora Bhaibheri nemabhorucha anoti, Chii Chinoitika Kwatiri Patinofa? uye Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa, uye aida kuti chikoro chichingopera abva aenda kunoonana nemudzidzisi wake. Akati: “Pandakanga ndakamira pamusuo ndaitya zvikuru, saka ndakanyengetera kuti Jehovha andibatsire.”

Valya paakazopinda muhofisi yacho, mudzidzisi akamubvunza kuti, “Uri kudei?”

“Ndinoda kukunyaradzai nokuti ndinonzwisisa kuti muri kunzwa sei. Ndakafirwa nasekuru vangu makore mashoma apfuura.”

Georgia: Kuparidza mumunda wemizambiringa

Mudzidzisi wacho zvakamubaya mwoyo kuziva kuti Valya akanga amufungawo. Akamuudza achichema kuti kunyange hama dzake neshamwari hadzina kumbomuratidza mutsa wakadaro. Valya akazomuverengera Zvakazarurwa 21:3, 4 ndokuitsanangura, uye mudzidzisi wacho akatambira mabhurocha aya achiti, “Wakasiyana zvikuru nevamwe vadzidzi.”

Valya akatsanangura achiti, “Ndinoedza kuverenga Bhaibheri uye kurarama ndichitevedzera zvarinotaura, uye ndinoteerera vabereki vangu.”

Mudzidzisi wacho akazokumbira Bhaibheri nebhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei?, uye Valya akamuvigira. Mudzidzisi wacho akatenda Valya zvekare uye akati: “Chechi yenyu ndiyo yechokwadi, uye une vabereki vakanaka vanokudzidzisa zvinhu zvakanaka. Ramba wakadaro.”

Akafona Nhamba Isiri Iyo

Pazuva rekutanga regungano reruwa remuna2011 rakaitwa muMalakasa, Greece, Natalie akafonera baba vake achida kuziva nezvebhazi raizovatakura kuenda kugungano. Zvisinei, akafona nhamba isiri iyo uye haana kudavirwa. Papera chinguva, munhu uya waakanga afonera akazoona nhamba ndokufonawo achida kuziva kuti ndiani. Zvisinei, purogiramu yegungano yakanga yatanga, uye Natalie, uyo akanga akanganwa kudzima nhare yake, akabva abaya bhatani rokudavira asingazivi. Saka murume akanga afona akanzwa mamwe mashoko ehurukuro yasachigaro ayo akaita kuti ade kunzwa zvakawanda.

Murume wacho akazomutumira meseji achibvunza kuti: “Ndiwe ani? Uri mufundisi here?” Pakapera purogiramu yemangwanani, Natalie akaona meseji yacho akamupindura kuti: “Handisi mufundisi. Ndiri mumwe weZvapupu zvaJehovha, uye ndiri pagungano.”

Pittenweem, Scotland: Kuparidza pachiteshi chezvitima

Murume wacho akafona zvekare neMugovera achibvunza kana gungano racho rakanga richiri kuitwa. Baba vaNatalie vakazokwanisa kumuparidzira uye murume wacho akatsanangura kuti, “Hurukuro yandakanzwa pafoni mumaminitsi mashomanana yakapindura mibvunzo yakawanda yakanga ichindinetsa.” Murume wacho akazotaura kuti mhuri yake yakanga ichinetswa nemadhimoni uye yakanga isingazivi kuti madhimoni aya aive vanaani uye kuti aivanetserei. Akatsanangura kuti: “Ndakanga ndisingatombodi zvekutaura neZvapupu zvaJehovha, asi kana zvichiita ndiri kuda kutaura nemurume uya akapa mharidzo.”

Hapana chaimutadzisa kumuona. Murume wacho akauya kugungano musi weSvondo uye akashamiswa zvikuru achiona mhuri dzakanga dzakapfeka zvakanaka uye zviso zvaifara. Pakanga pasina kana marara, hapana aitaura mashoko akaipa, kana aisvuta fodya. “Ndakanga ndisingazivi kuti panyika pano pane vanhu vakaita semi!” akadaro. “Ndiri kunzwa sekuti hameno imwe nyika yandaenda.” Baba vaNatalie vakaenda naye kuhofisi yasachigaro akanotaura naye. Gungano racho uye mhinduro dzaakapiwa zvakamubatsira zvikuru. Akapiwa bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei?, Bhaibheri, nemamwe magazini, uye pakarongwa kuti azoshanyirwa.

OCEANIA

  • NYIKA 29

  • VANOGARAMO 38 495 300

  • VAPARIDZI 94 924

  • ZVIDZIDZO ZVEBHAIBHERI 59 431

“Handisati Ndambonzwa Rwiyo Rwunonakidza Zvakadai”

MuSavaii, kuSamoa, vana pavanoenda kuchikoro vanowanzotanga vaungana vose kuti vaimbe rwiyo rwechechi. Asi Celina, ane makore mashanu, naLevaai, ane makore matanhatu, vakaudza mukuru wechikoro neruremekedzo kuti vaisakwanisa kuimba sezvo vari Zvapupu zvaJehovha. Kuramba kuimba kwaigona kuita kuti varangwe zvakaoma. Zvisinei, mukuru wechikoro akafunga kuti akavanyadzisa vaizopedzisira vaimba, saka akati, “Kana musingakwanisi kuimba rwiyo rwedu, imbai rwenyu.” Celina naLevaai vakabva vaimba rwiyo 111, “Achashevedza,” urwo rwavakanga vachangobva kudzidza pamanheru oKunamata Kwemhuri. Pavakapedza, maziso emukuru wechikoro akanga ayangarara misodzi. Akati: “Handisati ndambonzwa rwiyo runonakidza zvakadai. Ndapota imbai zvakare.” Vakabva vaimbazve. Akabva avaudza kuti, “Kubvira nhasi, ndichakukumbirai kuti muimbe nziyo dzenyu, kwete dzedu.”

“Kubvira nhasi, ndichakukumbirai kuti muimbe nziyo dzenyu, kwete dzedu”

Ainamata Jesu Kweupenyu Hwake Hwose

Timor-Leste: Nyika iyi yakange yakambosakadzwa nehondo yakawedzera vaparidzi nezvikamu zvipfumbamwe kubva muzana

Mumwe mufundisi kuFiji akauya kuzogarawo paidzidziswa mumwe munhu Bhaibheri. Akanzwa pachidzidzo chacho kuti Jesu haasi Mwari. Zvakamunetsa zvokuti haana kurara. Aona izvi, mudzimai wake akati, “Usadzokera zvekare kunoteerera vanhu ivavo!” Zvisinei, akaramba achingofunga nezvenyaya yacho. Vhiki yakatevera, akaenda zvekare paiitwa chidzidzo cheBhaibheri chiya. Mazuva mashoma pashure pechidzidzo ichi chechipiri uye asati atombotangawo iye kudzidza, akaenda kuchechi kwake akabva aramba basa rake reufundisi. Izvi zvakaita kuti hama dzake dzishamisike uye dzishatirwe zvikuru. Akanga ari kusiya chechi yake, uko kwaaiva nebasa raimupa mari yakawanda zvikuru. Akanga achiona chokwadi kubva muBhaibheri nezvaJesu, asi zvakanga zvakamuomera kuti anyengetere kuna Jehovha sezvo upenyu hwake hwose akanga achinyengetera kuna Jesu. Papera mwedzi yakawanda, akazokwanisa kunyengetera kuna Jehovha. Iye zvino ava kuudza vamwe mashoko akanaka uye anovabatsira kuti vazive uye vade Jehovha.

Vagari Vashomanana Vepakachitsuwa Vanogamuchira Chokwadi

Vanhu 62 chete ndivo vanogara mune kamwe kachitsuwa kanonzi Makatea, kari kuSouth Pacific. Imwe ungano yeZvapupu zvaJehovha yekuTahiti inobatsira vanhu ava pane zvekunamata. Vanhu vapfumbamwe vanogarako vanodzidza Bhaibheri vachishandisa nhare. Vanhu vanokwana 15 vanosangana pamba pemumwe anodzidza Bhaibheri uye vanoteerera misangano inoitiswa nechiTahiti. Pakati pevanhu vari kudzidza Bhaibheri pane mumwe musikana wechidiki aishingaira chaizvo muchechi yake zvokuti aitotarisirwa kuti achaita mudhikoni. Nguva pfupi ichangopfuura, akadzokera kuchechi kwake kuti anovatsanangurira kuti sei akanga asisauyi kuchechi. Akavaratidza muBhaibheri kuti sei madzimai asingafaniri kudzidzisa muungano. Akatsanangurawo basa raJesu uye zvinorehwa neKudya kwaShe, kunofanira kuitwa kamwe pagore kwete musi weSvondo wega wega. Uye akakwanisa kutsanangura kuti vanhu 144- 000 chete ndivo vachaenda kudenga uye ndivo chete vanofanira kudya chingwa nekunwa waini paChirangaridzo. Akurudzirwa nemuenzaniso wake, mumwewo mudzimai akasiya chechi uye ava kudzidza Bhaibheri neZvapupu.

Mhuri Yakabvuma Kukokwa

Vachiedza kukoka vanhu vasisaiti basa kuChirangaridzo cherufu rwaKristu, vamwe vakuru vaviri kuSolomon Islands vakashanyira Joshua, uyo akanga arega kupinda misangano muna 1998. Joshua nevamwe 20 vemumhuri yake vakafamba kwemaawa maviri kuti vanopinda Chirangaridzo. Kutambirwa nomufaro kwavakaitwa neungano kwakaita kuti Joshua asvimhe misodzi. Vakawanda vemumhuri yake vakauyawo kuzonzwa hurukuro inokosha, uye vakaudza vakuru kuti vaida kudzidza Bhaibheri. Urongwa hwakaitwa hwokuti 15 vavo vadzidzwe navo.

Aiziva Mhinduro Yacho

Pazvitsuwa zvinopfuura 1 000 zvinotarisirwa nebazi reGuam, zvinopfuura 100 zvacho zvinogarwa. Zvisinei, zvitsuwa 13 chete ndizvo zvine ungano dziri pedyo. Sezvo zvitsuwa zvacho zvakawanda zvisati zvamboshanyirwa neZvapupu zvaJehovha, hama dziri kuramba dzichitsvaga nzira dzokusvikako. Muna April 2012, rimwe boka revaparidzi rakafamba neigwa kuenda kuPolowat, chimwe chezvitsuwa zvakanyanya kuparadzana nezvimwe. Vanhu vokuPolowat vanorarama kaupenyu kavo voga. Vanhurume vanopfeka nhembe, vanogadzira maigwa emiti uye vanorarama nekurima.

Mumwe muparidzi wacho akabvunza mumwe mukomana kuti, “Chii chinoitika patinofa?”

“Ndinoziva mhinduro yemubvunzo iwoyo!” akadaro mukomana wacho. Akabva angosimuka ndokutora bhuku raIwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi Pano rechiChuukese pasherefu yemabhuku, akabva avhura papeji yezviri mukati. Akanongedzera chitsauko 8 chine musoro unoti, “Chii Chinoitika Parufu?” akabva atsanangura achifara zvaakanga adzidza mubhuku racho.

Kingston, Norfolk Island: Kuparidza mumugwagwa mukuru unonzi Quality Row

Asi akanga ariwana kupi bhuku racho? Muna 2009, vaparidzi vepachitsuwa cheChuuk vakaparidza pachiteshi chidiki chezvikepe vachiedza kuwana vanhu vaienda kuzvitsuwa zviri kure uye vakapa vanhu mabhuku aKurarama Nekusingaperi. Mumwe munhu aienda kuPolowat akabvuma kutakura bhokisi remabhuku kuti anopa vavakidzani vake avo vaisanganisira mukomana uyu.

Vasati vaenda, hama idzi dzakashanyira mukomana uyu kakawanda kuti vamukurudzire uye kuti vamuratidze kuti angabatsirwa sei nekudzidza Bhaibheri. Vakamudzidzisawo kuti angatsvaga sei magwaro uye kuti anganyora sei pfungwa huru kumucheto kwebhuku rake.

Chokwadi zvinofadza zvikuru kuziva kuti kunyange kuzvitsuwa zviri kwazvo zvoga, kusina kana terevhizheni, redhiyo, mapepanhau kana Indaneti, mabhuku edu ari kubatsira vanhu kudzidza chokwadi mururimi rwaamai!

Mabara Matatu, Zvikonzero Zvitatu

Anna akanga ari muparidzi asina kubhabhatidzwa aine makore ekuma20 hondo yemuBougainville payakatsviriridza muPapua New Guinea. Muna 1991 akanga ari pakati perimwe boka reZvapupu raiva nevanhu vakuru vatanhatu uye vana vanomwe vemuUngano yeArawa, vakatozopedzisira vatizira musango vasina kana zvinhu zvakawanda. Vakaita makore maviri vachigara mudzimba dzakanga dzatizwa nevanhu uye vaiita chikafu chekutsvaga. Vaiita misangano vachishandisa mabhuku maviri avaiva nawo, Bhaibheri raAnna uye bhuku raVakabatana Mukunamatwa kwaMwari Wechokwadi Bedzi. Vainyengetera pamwe chete, vachiimba nziyo dzoUmambo, uye vaiparidzira vanhu vavaisangana navo.

Varwi vehondo yerusununguko vakavawana uye vaida kuti hama mbiri dzaiva paboka iroro dzibatane navo muhondo, asi vakanzwisisa kuti Zvapupu hazvina kwazvakarerekera. Mumwe musoja akaratidza Anna mabara matatu akabva amuudza kuti, “Ukaramba kuva mudzimai wangu uri kufa.” Anna akamuudzawo zvikonzero zvitatu, zvaienderanawo nemabara acho matatu, achimuudza kuti sei zvaisaita kuti ave mudzimai wake, chikuru chiri chekuti Bhaibheri rinoti unofanira kuroorwa “munaShe chete.” (1 VaK. 7:39) Musoja wacho akabva angomusiya.

“Hapana chinhu chingamise basa raJehovha, kunyange hondo chaiyo”

Muna 2012, anzwa kuti kwaidiwa vaparidzi vakawanda veUmambo kuArawa, Anna, uyo akanga ava piyona wenguva dzose, akadzokerako nemumwe waanopayona naye kuti vatange boka risati rava ungano. Akabvunzwa kana zvakanga zvisingazomuvhiringi kudzokera kunzvimbo yaakanga amboona vanhu vachiurayana zvakadaro uye kwaakaona chitsvuku munguva yehondo. “Zvinotondifadza kudzoka kuno,” akapindura kudaro. “Hapana chinhu chingamise basa raJehovha, kunyange hondo chaiyo.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe