Rugwaro Rwegore rwa2012
“Shoko renyu ichokwadi.”—JOH. 17:17.
Tinotenda zvikuru kuti Baba vedu vokudenga vane rudo vakatiratidza chokwadi! Shoko ravo rinotiratidza nzira yakanakisisa yokurarama uye kuti tingabudirira sei muupenyu. Rinotidzivirira pane zvinhu zvisingabatsiri uye zvinokuvadza, rinotisunungura panhema dzezvitendero uye rinoita kuti tive norugare rwepfungwa. Rinoita kuti upenyu hwedu huve nechinangwa uye rinotiudza tariro inoshamisa yeramangwana.
Chokwadi chinoita kuti tibatane nemamiriyoni ehama dzedu pasi rose. Chinotonyanya kukosha ndechokuti chokwadi cheBhaibheri chinotidzidzisa nezvaJehovha uye chinotiratidza kuswedera kwatingaita pedyo naye. Ngatisamboita zvekutamba nezvatakapiwa naJehovha. Ngatifarei muchokwadi uye ngachititungamirire munzira dzedu dzose.