Tsamba Inobva kuDare Rinodzora
Hama Dzedu Dzinodiwa:
Zvinotifadza zvikuru kukunyorerai imi vashumiri vaJehovha vakatendeka, mava kupfuura mamiriyoni manomwe. Paunosangana nehama inobva kune imwe nyika, unobva wangoifarira. (Joh. 13:34, 35) Hapana mubvunzo kuti uchanzwa saizvozvo pauchaverenga muBhuku Regore rino nyaya dzokutenda uye kuvimbika kwehama dzako nehanzvadzi dzemunyika dzakasiyana-siyana.
Mishumo inobva pasi rose inoratidza kuti vakawanda venyu vari kukoshesa purogiramu yeKunamata Kwemhuri. Vaya vane vana vakashandisa nzira dzakawanda dzinonakidza dzokuita kuti vana vavo varambe vachiteerera. (VaEf. 6:4) Vakaroorana vari kusimbisa rudo rwavo nokudzidza pamwe chete. (VaEf. 5:28-33) Zvechokwadi, urongwa uhwu hwokudzidza zvakadzama Shoko raMwari huri kubatsira mhuri nevaya vanodzidza vari voga.—Josh. 1:8, 9.
Tinorwadziwa patinofunga nezvevose vachangobva kufirwa uye kurasikirwa nezvinhu nemhaka yenjodzi dzinongoitika dzoga. Tinotendawo vakawanda vasina kuzeza kunobatana nevamwe pakuyamura munguva idzi dzedambudziko. (Mab. 11:28-30; VaG. 6:9, 10) Uyezve, muungano imwe neimwe, vamwe venyu vanoona zvinenge zvichidiwa nehama dzavo vodzibatsira. SaDhokasi wemuBhaibheri, munoita “mabasa mazhinji akanaka okupa varombo zvipo zvokuvanzwira ngoni.” (Mab. 9:36) Ivai nechivimbo chokuti Jehovha anozviona uye achakupai mubayiro maererano nezvamunoita.—Mat. 6:3, 4.
Mune dzimwe nyika, muri kudzvinyirirwa zvakaipa nevaya vanodzika mitemo “kuti pave nedambudziko.” (Pis. 94:20-22) Muri kutsungirira neushingi muchipotera kuna Jehovha, muchiziva kuti Jesu akagara ataura nezvekutambudzwa kwakadaro. (Joh. 15:19, 20) Vadiwa, ivai nechivimbo chokuti tinogara tichitaura nezvenyu muminyengetero yedu sezvamunoramba ‘muchizvidzivirira kune munhu wose anokubvunzai chikonzero chetariro iri mamuri.’—1 Pet. 3:13-15.
Tinoyemura mamiriyoni enyu ari kuramba achiratidza tsika dzakachena gore negore pasinei nekuti Satani ari kuramba achiedza kusvibisa tsika dzedu, achishandisa nzira dzakaipa. Tsika dzenyika padziri kuwedzera kuora, imi muri kuwana “simba munaShe nomuukuru hwesimba rake.” (VaEf. 6:10) ‘Makashonga nhumbi dzose dzokuzvidzivirira nadzo dzinobva kuna Mwari,’ saka muri kumira makasimba muchirwisana “nemanomano aDhiyabhorosi.” (VaEf. 6:11, 12) Zivai kuti Jehovha ari kushandisa muenzaniso wenyu kupa Satani, mushori, mhinduro ine simba!—Zvir. 27:11.
Takafara zvikuru patakanzwa kuti muna 2011, vanhu 19 374 737 vakapinda Chirangaridzo chorufu rwaIshe. Chimwe chakaita kuti zvidaro ndechekuti vakawanda venyu vakabvuma kutora upiyona hwebetsero mumwedzi waApril. Mamiriyoni evagari vepasi pano akanzwa kurumbidzwa kwakaitwa Jehovha neZvapupu zvake zvakavimbika! (VaR. 10:18) Ungave uri mumwe we2 657 377 vakashumira semapiyona ebetsero mumwedzi uyu kana kuti wakawedzera nguva yako muushumiri, mose zvenyu makaita kuti tifare zvikuru nechido chenyu uye kushingaira kwamakaita pabasa iri.—Pis. 110:3; VaK. 3:23.
Gore rakapera, vatsva 263 131 vakaratidza kuzvitsaurira kwavo kuna Jehovha nekubhabhatidzwa. Tinotenda Jehovha nezvakaitika izvi, uye tinokutendai imi mose makabatana nesu patiri kukoka vamwe vanhu tichiti: “‘Uya!’ Munhu wose anonzwa ngaati: ‘Uya!’ Munhu wose anonzwa nyota ngaauye; munhu wose anoda ngaatore mvura youpenyu asingatengi.” (Zvak. 22:17) Nokudzidza kwatakaita nezveUmambo hwaMwari hwakagadzwa, pamagungano eruwa a2011, tava kunyatsoti nemwoyo wose, “Umambo hwaMwari ngahuuye!” Tichivimba nemashoko aJesu okuti, “Ndiri kukurumidza kuuya,” tinotaurawo sezvakaitwa nemuapostora Johani uyo akadavira achiti: “Ameni! Uyai, Ishe Jesu.”—Zvak. 22:20.
Sezvamunoramba makarinda muchimirira chiitiko ichi chinofadza, tapota ivai nechivimbo chokuti tinokudai, imi vadiwa, hama nehanzvadzi, muri kuratidza kuda kwamunoita Jehovha “nemabasa nechokwadi”!—1 Joh. 3:18.
Hama dzenyu,
Dare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha