RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w95 7/1 pp. 6-8
  • Kutsvakirei Zvokwadi?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kutsvakirei Zvokwadi?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mutengo Womurangariro Wokuti Zvokwadi Inotsamira Pamunhu
  • Zvokwadi Chii?
  • Zvokwadi Inoshanda
  • Pfuma Isingaenzaniswi   Nomutengo Upi Noupi  
  • VaKristu Vanonamata Nomudzimu Nechokwadi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • “Ndichafamba Muchokwadi Chenyu”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2018
  • Kutevedzera Mwari Wechokwadi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • ‘Rambai Muchifamba Muchokwadi’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
w95 7/1 pp. 6-8

Kutsvakirei Zvokwadi?

MASANGANO akawanda orudzidziso anotaura kuva ane zvokwadi, uye anoipa vamwe nokudisa. Zvisinei, pakati pawo anopa “zvokwadi” dzakawanda dzinovhiringidza. Ihwohwu hunongova humwe ufakazi hwokuti zvokwadi dzose dzinotsamira pamunhu, kuti hakuna zvokwadi yakakwana here? Aiwa.

Mubhuku rake The Art of Thinking, Purofesa V. R. Ruggiero akaratidzira kushamisika kwake kuti kunyange vanhu vakangwara pane dzimwe nguva vanotaura kuti zvokwadi inotsamira pamunhu. Anorangarira, kuti: “Kana munhu ari wose achisarudza zvokwadi yake amene, ipapo hapana pfungwa yomunhu inogona kuva iri nani kupfuura yomumwe. Vose vanofanira kuva vakaenzana. Uye kana pfungwa dzose dzakaenzana, chii chiri chikonzero chokunzvera nhau ipi neipi? Kuchererei pasi nokuda kwemhinduro kumibvunzo yokuchera matongo? Kunzvererei zvisakiso zvenyanduko muMiddle East? Kutsvakirei mushonga wekenza? Kunzvererei boka renyeredzi? Iyi mibato ine mufungo bedzi kana dzimwe mhinduro dziri nani kupfuura dzimwe, kana zvokwadi chiri chimwe chinhu chakaparadzana, uye chisingatapurwi, nemirangariro yemunhu.”

Kutaura idi, hapana munhu anodavira chaizvoizvo kuti hakuna zvokwadi. Apo kunouya kuzvomene dzinooneka, dzakadai semushonga, svomhu, kana kuti mitemo yephysics, kunyange akasimba zvikurusa mukudavira kuti zvokwadi inotsamira pamunhu achadavira kuti zvimwe zvinhu ndezvechokwadi. Ndiani wedu aizoda kukwira ndege kana taisafunga kuti mitemo yokufamba kwemhepo yakanga iri zvokwadi dzakakwana? Zvokwadi dzinopupurirwa dziripo; dzakatipoteredza, uye tinotsamidza upenyu hwedu padziri.

Mutengo Womurangariro Wokuti Zvokwadi Inotsamira Pamunhu

Murutivi rwetsika, zvisinei, umo zvikanganiso zvemurangariro wokuti zvokwadi inotsamira pamunhu zvakajeka zvikurusa, nokuti ndomuno umo kufunga kwakadaro kwakaita kuvadziko hurusa. The Encyclopedia Americana inotaura, kuti: “Kwave kuchipokanwa zvakakomba kana zivo, kana kuti zvokwadi inozivikanwa, ichiwanikwa navanhu . . . Ndekwechokwadi, zvisinei, kuti nguva ipi neipi apo mipimo miviri yakafanana yezvokwadi nezivo inorambwa seyokufungidzira kana kuti inokuvadza, nzanga yavanhu inoshatiswa.”

Zvichida wakacherechedza kushatiswa kwakadaro. Somuenzaniso, dzidziso dzetsika dzeBhaibheri, idzo dzinotaura zvakajeka kuti unzenza hwevatano hwakashata, hadzichawanzodavirwizve sezvokwadi. Gadziriro yetsika—“sarudza chakakunakira”—murangariro wakapararira. Munhu upi noupi angagona here kutaura kuti kushatiswa kwamagariro avanhu hakuna kubva muuyu murangariro wokuva kwezvokwadi inotsamira pamunhu? Zvirokwazvo mikondombera yenyika yose yezvirwere zvinopfuudza muvatano, misha yakaputsika, uye nhumbu dzavanhu vaduku dzinozvitaurira dzimene.

Zvokwadi Chii?

Naizvozvo ngatisiyei mvura dzine madhaka dzemurangariro wokuti zvokwadi inotsamira pamunhu ndokunzvera nokupfupikisa icho Bhaibheri rinorondedzera semvura dzakachena dzezvokwadi. (Johane 4:14; Zvakazarurwa 22:17) MuBhaibheri, “zvokwadi” haisati ichitongori yakafanana nomurangariro wokufungidzira usingabatiki uyo vazivi vanoitirana nharo pamusoro pawo.

Apo Jesu akataura kuti chinangwa chake chose muupenyu chakanga chiri chokutaura pamusoro pezvokwadi, akanga achitaura pamusoro pechimwe chinhu icho vaJudha vakatendeka vakanga vakoshesa kwamakore. Mumanyoro avo matsvene, vaJudha vakanguve varava “zvokwadi” sechimwe chinhu chakasimba, kwete chokufungidzira. MuBhaibheri, “zvokwadi” rinoshandura shoko rechiHebheru rokuti “ʼemethʹ,” iro rinoreva icho chakatsiga, chakasimba, uye, zvichida zvinokosha zvikurusa, chakavimbika.

VaJudha vakanga vane chikonzero chakanaka chokurangarira zvokwadi nenzira iyoyo. Vaiidza Mwari wavo, Jehovha, kuti “Mwari wazvokwadi.” (Pisarema 31:5) Ikoku kwakanga kuri nemhaka yokuti chinhu chiri chose icho Jehovha akati aizoita, akaita. Apo akaita zvipikirwa, akazvichengeta. Apo akafuridzira uporofita, hwakazadzikwa. Apo akataura rutongeso rwokupedzisira, rwakaitika. Mamiriyoni avaIsraeri akanga ava zvapupu zvakaona zveidzi zvomene. Vanyori vakafuridzirwa veBhaibheri vakadzinyora semaidi asingapokanwi enhau. Mukusafanana namamwe mabhuku anorangarirwa samatsvene, Bhaibheri harina kuvakirwa pamamiriro ezvinhu ekare engano. Rakasimbiswa mumaidi anopupurirwa—zvomene dzenhau, dzezvokuchera matongo, dzesayenzi, uye dzedzidzo yamagariro avanhu. Ndokusaka wezvamapisarema achiti nezvaJehovha: “Murau wenyu izvokwadi. . . . Mirayiro yenyu izvokwadi. . . . Unganidzo yeshoko renyu izvokwadi!”—Pisarema 119:142, 151, 160.

Jesu Kristu akadzokorora mashoko episarema iroro apo akati mumunyengetero kuna Jehovha: “Shoko renyu izvokwadi.” (Johane 17:17) Jesu aiziva kuti chinhu chiri chose icho Baba vake vaitaura chakanga chiri chakasimba zvakakwana uye chakavimbika. Nenzira yakafanana, Jesu akanga “azere . . . nezvokwadi.” (Johane 1:14) Vateveri vake vakadzidza sezvapupu zvakaona, uye vakanyora nokuda kwezvizvarwa zvose zvaitevera, kuti chinhu chiri chose chaakataura chakanga chiri chakasimba, zvokwadi.a

Zvisinei, apo Jesu akaudza Pirato kuti akanga auya kupasi kuti ataure zvokwadi, akanga achifunga nezvezvokwadi yakananga. Jesu akaita kutaura ikoko mukupindura mubvunzo waPirato, wokuti: “Iwe uri mambosu?” (Johane 18:37) Umambo hwaMwari, uye basa raJesu amene saMambo wahwo, zvakanga zviri nhau imene, musimboti, wokudzidzisa kwaJesu apo akanga ari pasi pano. (Ruka 4:43) Kuti uhu Umambo huchatsvenesa zita raJehovha, kureverera uchangamire hwake, uye kudzorera rudzi rwomunhu rwakatendeka kuupenyu husingagumi uye hunofadza i“zvokwadi” mairi vaKristu vose vechokwadi vane tariro. Sezvo basa raJesu mukuzadzikwa kwezvipikirwa zvose zvaMwari richikosha kwazvo, uye sezvo uporofita hwose hwaMwari hunova “Ameni,” kana kuti chokwadi, nemhaka yake, Jesu aigona kusanoti: “Ndini nzira, nezvokwadi, noupenyu.”—Johane 14:6; 2 VaKorinte 1:20; Zvakazarurwa 3:14.

Kuziva iyi zvokwadi seyakavimbika zvakakwana kunoreva zvakawanda zvikuru kuvaKristu nhasi. Kunoreva kuti kutenda kwavo Mwari uye tariro yavo muzvipikirwa zvake zvakavakirwa pamaidi, pazvinhu chaizvoizvo.

Zvokwadi Inoshanda

Nenzira isingashamisi, Bhaibheri rinobatanidza zvokwadi nechiito. (1 Samueri 12:24; 1 Johane 3:18) KuvaJudha vaitya Mwari, zvokwadi yakanga isiri nhau yokurangarira nenzira yavazivi; yakanga iri nzira youpenyu. Shoko rechiHebheru nokuda kwe“zvokwadi” raigonawo kureva “kutendeka” uye raishandiswa kurondedzera uyo aigona kuvimbwa naye kuti aite shoko rake. Jesu akadzidzisa vateveri vake kurangarira zvokwadi nomurangariro wakafanana. Akashurikidza nehasha unyengeri hwavaFarise, mukaha wakafara pakati pamashoko avo okuzviruramisa namabasa avo asina kururama. Uye akagadza muenzaniso wokurarama mukuwirirana nezvokwadi dzaakadzidzisa.

Naizvozvo zvinofanira kudaro kuvateveri vose vaKristu. Kwavari, zvokwadi yeShoko raMwari, mashoko akanaka anofadza oUmambo hwaMwari muubati ushe hwaJesu Kristu, anopfuura, zvikuru, mashokowo zvawo. Zvokwadi iyoyo inovasundira kuchiito, inovagombedzera kurarama mukuwirirana nayo ndokuigoverana navamwe. (Enzanisa naJeremia 20:9.) Kuungano yechiKristu yezana ramakore rokutanga, nzira youpenyu yavakagamuchira savateveri vaKristu pane dzimwe nguva yaizivikanwa bedzi se“zvokwadi” kana kuti “nzira yezvokwadi.”—2 Johane 4; 3 Johane 4, 8; 2 Petro 2:2.

Pfuma Isingaenzaniswi   Nomutengo Upi Noupi  

Sezvinobvumwa, kugamuchira zvokwadi dzeShoko raMwari kunoda mutengo. Kutanga, kungodzidza zvokwadi kunogona kuva chiitiko chinovhiringidza. The Encyclopedia Americana inoti: “Zvokwadi inowanzosabvumirana, nemhaka yokuti inokundikana kutsigira fungira mano akaipa kana kuti ngano.” Kuona zvitendero zvedu zvichifumurwa sezvisiri zvechokwadi kunogona kuodza mwoyo, zvikurukuru kana takadzidziswa navatungamiriri vorudzidziso vanovimbwa navo. Vamwe vangaenzanisa chiitiko chacho nokuwana kuti vabereki vanovimbwa navo, kutaura idi, vakanga vari mabhinya. Asi kutsvaka zvokwadi yorudzidziso hakusati kuri nani here kupfuura kurarama mufungidziro? Hakusati kuri nani here kuziva maidi pane kutungamirirwa nenhema?b—Enzanisa naJohane 8:32; VaRoma 3:4.

Chechipiri, kurarama mukuwirirana nezvokwadi yorudzidziso kungatiparira kurasikirwa nokugamuchirwa navamwe avo vaimbova shamwari dzedu. Munyika umo vakawanda kwazvo “vakatsinhanha zvokwadi yaMwari nenhema,” avo vanobatisisa zvokwadi yeShoko raMwari vanoratidzika kuva vechienzi uye pane dzimwe nguva vanorambwa uye vanonzwisiswa zvisina kururama.—VaRoma 1:25; 1 Petro 4:4.

Asi zvokwadi yakafanirwa nouku kurasikirwa kwakapetwa ruviri. Kuziva zvokwadi kunotisunungura munhema, nyengedzo, uye kudavira mashura. Uye apo tinorarama mukuwirirana nayo, zvokwadi inotisimbisa kutsungirira zvinetso. Zvokwadi yaMwari yakavimbika kwazvo uye yakasimba, uye inotinyandura kwazvo netariro, zvokuti inotigonesa kumira mumuedzo upi noupi. Hakushamisi kuti muapostora Pauro akafananidza zvokwadi nebhande reganda rakasimba, rakafara, kana kuti bhanhire, iro varwi vanopfeka muhondo!—VaEfeso 6:13, 14.

Chirevo cheBhaibheri chinoti: “Tenga zvokwadi, urege kuzoitengesazve; uye uchenjeri, nedzidzo, nenjere.” (Zvirevo 23:23) Kuramba zvokwadi seinotsamira pamunhu kana kuti isipo kurasikirwa nokutsvaka kunofadza zvikurusa uye kunogutsa uko upenyu hunopa. Kuiwana kuwana tariro; kuiiziva nokuida kuziva nokuda Musiki wechisiko chose neMwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi; kurarama mukuwirirana nayo kurarama nechinangwa norugare rwendangariro, zvino nokusingaperi.—Zvirevo 2:1-5; Zekaria 8:19; Johane 17:3.

[Mashoko Omuzasi]

a Kune nzvimbo dzinopfuura 70 munhoroondo dzeEvhangeri umo Jesu anonyorwa seanoshandisa kutaura kwechienzi kusimbisa uchokwadi hwamashoko ake. Aiwanzoti “Ameni” (“Zvirokwazvo,” NW) kuvamba mutsara. Shoko rechiHebheru rinowirirana raireva kuti “cheidi, chechokwadi.” The New International Dictionary of New Testament Theology rinoti: “Kupfurikidza nokuvamba mashoko ake nokuti ameni Jesu akaaratidzira seechokwadi uye akavimbika. Akamira nawo uye akaaita kuti ape musengwa kwaari amene navateereri vake. Iratidzirwo youkuru hwake nechiremera.”

b Shoko rechiGiriki nokuda kwe“zvokwadi,” a·leʹ-thei·a, rinobva mushoko rinoreva “chisina kuvanzwa,” naizvozvo zvokwadi inowanzobatanidza kuratidzirwa kweicho chakanga chakambovigwa.—Enzanisa naRuka 12:2.

[Bhokisi riri papeji 6]

Zvokwadi Inotongochinja Here?

MUBVUNZO iwoyo wakamutswa naV. R. Ruggiero mubhuku rake rinonzi The Art of Thinking. Mhinduro yake ndiaiwa. Anotsanangura, kuti: “Ingaratidzika kudaro pane dzimwe nguva, asi pakunzveresesa kuchaonekwa kuti haina kudaro.”

“Rangarira,” anodaro, “nhau yokunyorwa kwebhuku rokutanga reBhaibheri, bhuku raGenesi. Kwamazana amakore vaKristu navaJudha zvakafanana vaidavira kuti bhuku racho raiva nomunyori mumwe. Mushure menguva yakati uyu murangariro wakadenhwa, uye pakupedzisira wakatsiviwa norudaviro rwokuti vakawanda savanyori vashanu vakatora rutivi muna Genesi. Ipapo, muna 1981, migumisiro yenzvero yamakore 5 yemutauro waGenesi yakabudiswa, ichidudza kuti kune bviro ye 82 muzana younyori hwomunhu mumwe, sezvakafungwa pakuvamba.

“Zvokwadi pamusoro pokunyorwa kwaGenesi yakachinja here? Aiwa. Rudaviro rwedu bedzi ndirwo rwakachinja. . . . Zvokwadi haisati ichizochinjwa nezivo yedu kana kuti nokusaziva kwedu.”

[Bhokisi riri papeji 7]

Kukudzwa Kwezvokwadi

“KUKUDZWA kwezvokwadi hakusati kuri bedzi kuwanira mhaka kwenhema kwezera redu timene iro rinoedza ‘kufumura’ chinhu chiri chose, murudaviro rwokuti hapana munhu kana kuti chinhu chinogona kutaura nenzira yechokwadi kuva nezvokwadi. Chimiro chendangariro chinobatanidza chivimbo chokufara chokuti zvokwadi inogona zvirokwazvo kuwanwa, nokuzviisa pasi kwokuzvininipisa kuzvokwadi nguva ipi neipi uye kupi kana kupi kwainobuda. Kusununguka kwakadaro kuzvokwadi kunodikanwa kuavo vanonamata Mwari wechokwadi; nepo rukudzo rwakafanira nokuda kwezvokwadi runovimbisa kutendeseka mukubata kwemunhu nomuvakidzani wake, zvose zviri zviviri mushoko nomuchiito. Ichi ndicho chimiro chendangariro, chataona, kwachiri dzose dziri mbiri T[estamendi] Y[ekare] neT[estamendi] I[tsva] dzinopupurira.”—The New International Dictionary of New Testament Theology, Vhoriyamu 3, peji 901.

[Mifananidzo iri papeji 7]

Fambiro mberi yesayenzi yakavakirwa pakuwana zvokwadi dzesayenzi

[Mufananidzo uri papeji 8]

Zvokwadi inobatanidza Umambo nezvikomborero zvahwo

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe