Tsamba Inobva Kudare Rinodzora
Hama Dzedu Dzatinonamata Nadzo Dzatinoda:
Tinofara chaizvo kukunyorerai tsamba ino hama dzinodiwa! Tinonzwa sezvakaita muapostora Johani, uyo akati ‘aida zvechokwadi’ vaainamata navo uye kuti aifara kuti vakanga “vari kufamba muchokwadi.” (2 Johani 1, 4) Chokwadi chiri muBhaibheri chinokosha kwatiri tose zvedu! Chakatisunungura muBhabhironi Guru, padzidziso dzaro uye patsika dzaro dzinozvidza Mwari. Kuteerera zvinodzidziswa neBhaibheri kwakatibatsira kuva vanhu vane rudo, vane mutsa uye vane ngoni. Uye zvakaita kuti tikwanise kuva noukama hwakanaka naMwari uye kuti tive netariro yokurarama nokusingaperi.
Tinoongawo zvikuru mudzimu waJehovha unotitungamirira nokutisimbisa zuva roga roga! Tine chokwadi chokuti pamagungano eruwa akapfuura aiva nomusoro waiti “Kutungamirirwa Nomudzimu waMwari,” makanakidzwa nokuongorora kutungamirirwa uye kusimbiswa kwatinoitwa nomudzimu waJehovha. Nyika zvainoramba ichiipa, zvinokosha kuti tivimbe nomudzimu waJehovha une simba kuti utitungamirire mumazuva akaoma ari mberi.
Tine chokwadi chokuti makabayiwa mwoyo nenyaya dzinofadza dziri muBhuku Regore rimwe nerimwe, dzehama dzedu dzakatsungirira padzaitambudzwa chaizvo pamusana pokutenda kwadzo. Zvinoshamisa ndezvokuti vakawanda vavo vaiva nenguva pfupi vabhabhatidzwa kana kuti vasati pakamuka matambudziko. Tinovada zvikuru pamusana pokuvimbika kwavo uye kutsigira zvakarurama! Zvechokwadi, muenzaniso wavo wakanaka chaizvo unoita kuti titsunge kwazvo kuramba takavimbika kuUmambo pasinei nedambudziko ratingasangana naro.—1 VaT. 1:6-8.
Hama nehanzvadzi dzinodiwa, tinoziva kuti pane matambudziko mazhinji ezvoupfumi nemamwewo amunofanira kurwa nawo kuti mhuri dzenyu dzirambe dzakabatana murudo. Vamwe venyu makatoomerwa nokugara muchitsigira basa rokuparidza Umambo nezvimwe zvine chokuita neungano makavimbika. Ndokusaka, pashure pokunge takurukura uye tanyengetera kakawanda, takaronga kuti kutanga pana January 1, 2009, misangano yeungano igadziridzwe. Tinovimba kuti muchanyatsoshandisa urongwa uhwu kuti muve nenguva yakawanda yokudzidza muri moga uye semhuri.
Pamagungano akasiyana-siyana uye magungano eruwa akaitwa gore rapera, takafara chaizvo kuona kuti vakawanda chaizvo vakabhabhatidzwa. Vamwe vavo vaiva vaduku chaizvo. Imi vabereki, tinokurumbidzai nokuti muri kurera vana venyu kuti vanzwisise chokwadi uye muri kuvakurudzira kuzvitsaurira kuti vashumire Jehovha vachiri vaduku. Pasinei nokuti vaduku ava vari kutarisana nematambudziko mazhinji kuchikoro, vakasvika pakubhabhatidzwa. Izvi zvinoratidza kunyatsodzidziswa zvakanaka kwavakaitwa kumba.—Pis. 128:1-6.
Hatikanganwiwo kuwedzera kwakanaka kwakaitika pabasa rokudzidzisa vanhu Bhaibheri. Mamishinari edu anoshanda zvakaoma nemapiyona chaiwo vakashanda chaizvo pabasa iri. Tose zvedu isu veDare Rinodzora tinoonga chaizvo basa rinokosha zvikuru riri kuitwa nehama nehanzvadzi dziri munyika yose dziri kuti “Uya!” kuvanhu vanoda chokwadi, dzichikoka vose vane nyota kuti ‘vatore mvura youpenyu vasingatengi.’ (Zvak. 22:17) Tinogamuchira noushamwari muungano vanhu 289 678, vakaratidza kuti vakazvitsaurira nokubhabhatidzwa mumvura gore rapera!
Zvakanaka kuti tigare tichiyeuka mashoko omuapostora Johani, uyo akanyora kuti: “Nyika iri kupfuura pamwe chete nokuchiva kwayo, asi uyo anoita kuda kwaMwari anoramba aripo nokusingaperi.” (1 Joh. 2:17) Uye zvakanakawo kugara tichifunga kuti tava pedyo chaizvo nenguva ‘ichapfuura’nyika ino! Kuchenjera kuita kuti upenyu hwedu hunyanye kuva pakuita zvinodiwa naMwari uye ‘kuramba takarinda.’ (Mat. 24:42) Kana tikaita izvozvo, hatizombodembi, uye tichabatsirwa nomutsa worudo waJehovha.—Isa. 63:7.
Tinovimba kuti nyaya dzinobaya mwoyo dzinobva munyika dzakawanda dziri muBhuku Regore rino dzichakukurudzirai kuisa Umambo pakutanga muupenyu hwenyu. Tinoda kuti muve nechokwadi chokuti tinogara tichikufungai, tichikunyengetererai uye kuti tinokudai kwazvo. Jehovha ngaakukomborerei chaizvo.
Hama dzenyu,
Dare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha