RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • yb04 pp. 162-255
  • Democratic Republic of Congo (Kinshasa)

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Democratic Republic of Congo (Kinshasa)
  • Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2004
  • Misoro Midiki
  • Chinetso Chokuzivikanwa
  • Nhoroondo yeCongo—Mashoko Mashomanana Kubva Mumishumo Yenyika 1930-60
  • Rusununguko Rwenyika Runoswedera
  • Mamishinari Okutanga Anosvika Ovhura Hofisi yeBazi
  • Kushandisa Chokwadi—Muedzo Chaiwo
  • Kunangana neKitawala
  • Mutariri Wedunhu Anoruramisa Zvinhu
  • Kurongeka Kuri Nani Kunounza Wedzero
  • Pashure Porusununguko—Makore Okubvuma Zvimwe Zvitendero
  • Kusvika Kwemamwe Mamishinari
  • Dzimba dzoUmambo Muma1960
  • Jehovha Anodzivirira Vashumiri Vake
  • Kuzivikanwa Zviri Pamutemo Pakupedzisira!
  • Kokorodzano Dzinopa Uchapupu Hwakakura
  • Kuenda Kunoitisa Magungano Edunhu
  • Hurumende Itsva Inochinja Zvinhu
  • Bheteri Rinowedzera Kuti Rigone Kutarisira Zvinodiwa
  • Ma1970—Nguva Yokushinga Nokungwarira
  • Tinozivikanwa Zviri Pamutemo Zvakare Muna 1980
  • Misha Mitsva yeMamishinari Inovhurwa
  • Havatyi Kimbilikiti
  • Basa Rakarambidzwa
  • Kurongwa Patsva Nokuda Kwebasa Repachivande
  • Kuderera Nokuzowedzera Kwevazivisi voUmambo
  • Vana Vanoiswa Mujeri
  • Mhirizhonga Munyika
  • Zvimwe Zviratidzo Zvokuchinja
  • Rusununguko Zvakare
  • Matambudziko Okutumira Mabhuku muCongo
  • Chikoro Chokudzidzisa Vashumiri—Chikomborero Chomunda
  • Zvivako Zvokutarisira Kuwedzera Kwebasa roUmambo
  • Mamishinari Anouya Kuzobatsira
  • Kusava Nokwavakarerekera kwechiKristu Munguva Yehondo
  • Mapazi OkuEurope Anobatsira Munguva Dzakaoma
  • Hondo Haimisi Kufambira Mberi Mumudzimu
  • Kuvaka Dzimba dzoUmambo Kunounza Rumbidzo Kuna Jehovha
  • Kugadziridzwa Kwokutarisirwa kweBazi
  • Basa Rakawanda Richiripo
Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2004
yb04 pp. 162-255

Democratic Republic of Congo (Kinshasa)

‘Tiri mbeu iri musaga rechibage cheAfrica. Pose pose patinodonhedzwa, imwe pashure peimwe, pakupedzisira mvura inouya uye tinowanda.’ Mashoko iwayo akataurwa makore anodarika 50 akapfuura neChapupu chaJehovha chakatendeka icho chakanga chatambudzwa zvikuru nezviremera zveyainzi Belgian Congo panguva iyoyo. Mumapeji anotevera, uchadzidza kuti chikomborero chaJehovha, kufanana nemvura inozorodza, chakaguma sei nokuwedzera kunoshamisa kwevazivisi voUmambo muCongo mose.

Nyika iyoyo, iyo zvino yava kunzi Democratic Republic of Congo, kana kuti Congo (Kinshasa), iri pakati chaipo peAfrica.a Equator inopfuura nomukati mayo, uye chikamu chikuru chenyika iyi masango akasvibirira. Masango ayo makuru nemapani ane miti mishoma anogara mhuka dzakasiyana-siyana. Nyika yacho yakazara nezviwanikwa, uye kubvira kare dzimwe nyika dzaingoichiva uye yaingopambwa pamwe nokuita hondo dzevagari vemo.

Muna 1885, Congo Free State yakatangwa iina Mambo Leopold II weBelgium somutungamiriri uye muridzi. Zvisinei, vanhu veCongo vakanga vasina kumbosununguka muupenyu hwavo. Vanhu vaLeopold vaimanikidza vanhu kushanda chibharo noutsinye hwakakomba kuti vatore nyanga dzenzou nerabha. Vavakidzani veBelgium vokuEurope vakagumbuka kusvika Leopold abvuma zvavaida pakupedzisira. Muna 1908, Congo Free State yakaguma, ichibva yava Belgian Congo, nyika yaidzorwa neparamende yeBelgium. Congo yakawana rusununguko muna 1960.

Vanhu veCongo vanoda zvokunamata chaizvo. Machechi, maseminari, nezvikoro zvevafundisi zvakazara. Zvinoitika kakawanda zvikuru kuti unosangana nevanhu vanogona kutaura nomusoro mashoko omuBhaibheri akawanda. Zvisinei, sokumwe kwose, kutangwa kwechiKristu chechokwadi kwakanga kusiri nyore. Asi chakanyanya kuita kuti zvive zvakaoma zvikuru muCongo ndechokuti kwenguva yakareba, vanhu vaivhiringidza Zvapupu zvaJehovha nerimwe sangano rechitendero rinonzi Kitawala.

Chinetso Chokuzivikanwa

“Kitawala” rinobva pashoko rechiSwahili rinoreva “kutonga, kutungamirira, kana kuti kudzora.” Saizvozvo, chinangwa chesangano iri chaiva chezvematongerwe enyika—kuwana rusununguko kubva kuBelgium. Vamwe vaifunga kuti nzira yakanakisisa yokuita nayo chinangwa ichocho yakanga iri yokuvanda nechitendero. Zvinosuruvarisa kuti mapoka eKitawala, akawana ndokudzidza pamwe nokuparadzira mabhuku eZvapupu zvaJehovha. Nzvimbo dzavaiitira misangano yavo dzairatidzwa nechikwangwani chakanzi “Watch Tower.” Nguva refu Zvapupu zvaJehovha zvisati zvazivikanwa, “masangano eWatch Tower” aya akava akakurumbira mupurovhinzi yeKatanga nechezasi kwakadziva kumabvazuva kweCongo. Kwemakumi emakore vanhu vaifunga kuti vanhu veKitawala vaiva Zvapupu zvaJehovha. Asika, vakanga vasiri.

VeKitawala vaimonyanisa dzidziso dzeBhaibheri kuti dzitsigire maonero avo ezvematongerwe enyika, tsika dzemashura, uye upenyu hwounzenza. Vairamba kubhadhara mitero uye vairwisana nevatongi vavo vakanga vakavapamba. Mamwe mapoka avo akatomutsa chimurenga achirwa nezviremera. Saka hazvishamisi kuti hurumende yeBelgium yakavarambidza zviri pamutemo.

Muna 1956 mumwe mudzviti weBelgian Congo akanyora imwe nyaya mupepanhau yakabatsira kunzwisisa mavambo eKitawala. Nyaya yacho yakataura nezvaTomo Nyirenda, chizvarwa chokuNyasaland (iyo zvino yava Malawi), aigara muNorthen Rhodesia (iyo zvino yava Zambia). Sezviri pachena Nyirenda akanga adzidziswa zvechitendero nomumwe munhu akanga asonganira neVadzidzi veBhaibheri (vanozivikanwa nhasi seZvapupu zvaJehovha) muCape Town, South Africa. Nyaya yacho yakati: “[Nyirenda] akapinda muKatanga [Congo] muna 1925, . . . achizviti Mwana Lesa, ‘Mwanakomana waMwari.’ Akashandisa kutya kwevanhu kupfukirwa nemadzitateguru akafa, achivimbisa kuti vaizomutevera vaisazosunungurwa pavaroyi chete asiwo vaizova nenzira yokusunungurwa pamitero yose nokurayira kwezviremera, zvingave hurumende kana kuti Chechi. Vairamba mutemo wake vainzi varoyi, vachinzi mapenzi, vozonyudzwa mumvura pa‘kubhabhatidzwa’ kwokumanikidzira. (Pane rumwe rwizi, mitumbi 55 yakanyururwa.) Pashure pokushorwa nomutevedzeri womumwe sabhuku, Tomo akakwanisa kutiza ndokudzokera kuRhodesia. Sezvo zviremera zveRhodesia zvakanga zvichimutsvaka nokuda kwoumhondi hwaakanga aita, akasungwa, ndokutongwa, ndokubva aurayiwa achiita zvokuturikwa.”

Maererano nezviremera zveBelgium, kupinda nechisimba kwaiye anonzi Mwana Lesa muKatanga kubva muna 1923 kusvika muna 1925 ndiko kwakava kutanga kweKitawala muCongo. Makumi emakore aizopfuura Zvapupu zvaJehovha zvisati zvabvumirwa kupinda munyika nokugaramo.

Kuti tinzwisise chinetso chokuzivikanwa zvakanaka, zvinokosha kuziva kuti chechi dzakazvimirira dzakazara muAfrica. Vamwe vanofungidzira kuti kune zviuru zvemasangano akadaro. John S. Mbiti, nyanzvi yezvitendero zvomuAfrica, akanyora kuti: “Chinetso chikuru chiri kusangana nechiKristu muAfrica inhamba yakakura yemaChechi anokamukana, uye anoita mapoka. Mazhinji acho akabva mhiri kwemakungwa. Mamwe mazhinji akatangwa nevaKristu vomuAfrica pachavo, chimwe chikonzero chiri chokuti vakanga vasingadi kuramba vachingodzorwa nemamishinari okune dzimwe nyika, uyewo nokuda chinzvimbo, zvimwewo nokuda kuti chiKristu chiratidze tsika nezvinetso zvomuAfrica uye nokuda kwezvimwe zvikonzero zvakasiyana-siyana.”

Nokudaro, kwaiva nemachechi mazhinji akazvimiririra, mazhinjisa acho akanga atora dzidziso kana kuti abva mune chimwe chitendero chagara chirimo. Papfungwa iyi, sangano reKitawala rakanga risina kusiyana nemamwe. Asi kuvapo kweKitawala kwakapa chiKristudhomu imwewo nzira yokurambidza Zvapupu zvaJehovha muCongo. Kunyange zvazvo vatungamiriri vechechi vainyatsoziva musiyano weKitawala neZvapupu, vakatsigira nemaune maonero asina kururama okuti Kitawala neZvapupu zvaJehovha vakanga vakafanana.

Machechi akanga achigona chaizvo kuparadzira nhema idzodzo. Pakuvamba kwezana remakore rechi20, zvitendero zvechiKristudhomu, zvikurukuru Chechi yeKaturike, zvaiva zvakasimba kwazvo uye zvichidzora muBelgian Congo. Kusiyana neizvi, Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvisimo, zvinova ndizvo zvaidiwa nevafundisi vechiKristudhomu kuti zvirambe zvakadaro. Vainyatsochengetedza vanhu vavo vakanga vatendeuka uye vakanga vasingadi chero kupindira kweZvapupu zvaJehovha.

Chimurenga, kumukira, uye kurwisana kwemadzinza ezvizvarwa zvemo zvaipomerwa kuti zvaikonzerwa neKitawala, iyo yaiwanzonzi sangano reWatch Tower. Zita rokuti Watch Tower rakava chinhu chinosemesa kuvakuru vakuru vehurumende nezviremera. Izvi zvakakonzera zvinetso zvikuru kwazvo nokuda kweavo vaida kushumira Jehovha muCongo.

Mukati memakumi emakore akatungamirira kurusununguko rwenyika yacho, Zvapupu zvaJehovha zvokune dzimwe nyika zvakaramba zvichitumira tsamba kuzviremera zvomuCongo, zvichitsanangura kuti Watch Tower Bible and Tract Society yakanga isina chokuita nesangano racho reWatch Tower. Zvisinei, kwemakore akawanda, vakuru vakuru vehurumende vakaramba vachingobatanidza mabasa esangano rechitendero iri remo nevanhu vaJehovha. Kuedza kutumira Zvapupu zvaJehovha kuCongo kwakaramba kuchiedzwa asi hakuna kubudirira.

Nemhaka yokuti Zvapupu zvakanga zvisingabvumirwi kupinda munyika, hapana zvakawanda zvinozivikanwa pamusoro peZvapupu zvechokwadi munyika yacho. Zvisinei, zvinofadza zvishomanana pamusoro pezvaiitika mukati memakore okutanga iwayo akaoma zvinowanika mumishumo pamusoro peCongo inobva kumahofisi ebazi ari pedyo. Ngatimboongororai zvimwe zvishomanana kubva munhoroondo yeCongo iyi yemakore 30, umo tawedzera mamwe mashoko okutsinhira.

Nhoroondo yeCongo—Mashoko Mashomanana Kubva Mumishumo Yenyika 1930-60

1930: Tsamba dzokubvunza nezvemabhuku dzagamuchirwa kubva . . . kuBelgian Congo.

1932: Tinovimba kuti gare gare zvichabvira kushanda muBelgian Congo nedzimwe nzvimbo dzeCentral Africa dzisati dzapupurirwa.

Kubva muna May 1932 hofisi yebazi yeZvapupu zvaJehovha muSouth Africa yakaramba ichikumbira kuzviremera zveBelgian kuti zvibvumire vashumiri venguva yakazara kupinda muCongo. Zvikumbiro izvi zvakarambwa. Zvisinei, nemhaka yokutama kwevanhu pakati peCongo neNorthern Rhodesia, dzimwe hama dzokuRhodesia dzakakwanisa kupinda muCongo, kazhinji kwenguva pfupi.

1945: Zvinoda murume akashinga kumiririra Mwari noumambo hwake mu[Belgian Congo]. Harisi basa nemabhuku bedzi zvinorambidzwa zvachose, asi vanhu vomuAfrica veCongo vanoti vanofambidzana nesu vanoendeswa kune imwe nzvimbo uko vanochengetwa vakapfigirwa dzimwe nguva kwemakore akawanda. Tsamba dzatinotumirwa kubva kuCongo kashoma kuti dzisvike kuno [Northern Rhodesia], uye tsamba dzatinotumira, dzinoratidza sokuti hadzisvitswi; asi . . . zvose zvinobvira zviri kuitwa kubatsira vamwe vedu vanoshandira Umambo vari munyika iyi yakazara vapristi.

1948: Kwava nevaparidzi vaviri voUmambo vari kugara mundima iyoyo iye zvino, uye vave vachitumira mishumo kuhofisi iri muBrussels. Ndima yakakura iyi tinovimba kuti ichazaruka rimwe zuva kuitira kuti evhangeri yoUmambo igone kuparidzwa ikoko.

1949: Kwemakore basa rokupupura rakaitwa nokutamburira kukuru mundima iyi izere vaKaturike. Munguva dzakapfuura vapristi dzimwe nguva vaiwanzoita kuti munhu adye ibwe romunyu pasina mvura sechirango chokuva mumwe weZvapupu zvaJehovha, asi iye zvino nzira dzavo dzafanana nedzoKubvunzurudza kweSpain; vanoda kuti hurumende ivaitire basa ravo rokudzvinyirira. Kwemakore vaparidzi vomuAfrica vave vari mujeri vachishandira mitongo isingazivikanwi nemhaka yebasa ravo rokupupurira, uye kutowedzera kushatisa zvinhu vanotumirwa kune mumwe musasa wechibharo muKasaji, anenge makiromita 500 kubva kuElisabethville [zvino yava Lubumbashi]. Muno vanoshanda muminda miduku, uye vanotambura nokugariswa kwavo voga vane mhuri yavo kana kuti vasina. . . . Nguva yacho ingangowedzera kusvika kunyange kumakore gumi. Kazhinji makore nemakore okuparadzaniswa aya anotsungirirwa pasina kana katariro hako korusununguko kana kuti ruramisiro, kunze kwokuti varamba kutenda kwavo.

Mugumisiro wacho wave uri wokuti basa rave richiitwa pachivande; misangano inoitwa pachivande, uye mapoka ezvidzidzo zvebhuku anofanira kuchinjwa nokutya kusungwa. Kupupurira kwakawanda kwaiitwa nokutaura nevanhu vokuziva vane ushamwari neshamwari dzavo, asi kunyange zvakadaro zvinetso zvakawira vakawanda. Chapupu chinosungwa choendeswa kumusasa weKasaji.

Inenge nguva ino, Llewelyn Phillips, wokuhofisi yebazi muNorthern Rhodesia, akaenda kuBelgian Congo kuti anopindira akamiririra Zvapupu zvaitambudzwa ikoko. Gavhuna nevamwe vakuru vakuru vehurumende vakateerera sezvaaitsanangura zvakaita basa rokuparidza Umambo uye musiyano uri pakati pezvitendero zveZvapupu nezveKitawala. Pane imwe nguva gavhuna wacho akabvunza achifungisisa kuti: “Kana ndikakubatsirai, chii chichaitika kwandiri?” Ainyatsoziva kuti Chechi yeRoma Katurike yaiva nesimba guru munyika yacho.

1950: Gore rapera rave riri gore rakaoma kupfuura ose, uye kuhama dzave dziri kugara muCongo Belge, izvozvo zvinoreva kutambura kukuru. Pakutanga kwegore rebasa haasi mabhuku ose netsamba zvaienda kundima yacho zvakagamuchirwa uye nzira yokukurukurirana nayo inenge yakatovharwa. Zvadaro, musi wa12 January, gavhuna akarambidza Sosaiti ndokupa mutongo wemwedzi miviri nefaindi yemafranc 2 000 pane vose vaiungana nayo, vaitsigira chero munzira ipi neipi, kana kuti vaiva nhengo dzeSosaiti. Chisarudzo ichi chakafarirwa zvikuru nepepanhau reKaturike. Kusungwa kwakatevedzana kwakatevera. Mazita akanga atorwa mugore rakanga rapera racho kubva kune aichimbova muranda [weungano] muElisabethville akashandiswa senzira yokuronda nayo mazana akanga akabatana neSosaiti, uye ivo nevadzimai vavo vakasungwa. Vapedza mutongo wavo, vatema vomuNorthern Rhodesia vakabudiswa munyika, asi shamwari dzavo zvizvarwa zvomuCongo kakawanda kacho, vaiendeswa kumusasa wechibharo [anenge makiromita 500] kubva kuElisabethville, uko kuchine dzimwe hama. Dzimwe hama dzakabudiswa munyika dzakangopiwa zvokudya zvishomanana ndokumanikidzwa kufamba makiromita okupedzisira anenge 30 kubva kuSakania kuenda kumuganhu weNorthern Rhodesia.

Mapurisa epachivande akawedzerwa munguva pfupi yapfuura, uye kungova neBhaibheri kwakakwana kuita kuti munhu afungirwe kuti ndomumwe weZvapupu zvaJehovha.

Mashoko achangobva kugamuchirwa okuti hanzvadzi mbiri dzokuEurope vanobva muruwa rweElisabethville vatongerwa mazuva 45 mujeri, makore matatu akasendekwa kana vakava nomufambiro wakanaka (izvo zvinoreva, kuti hapana basa raShe), nokuda kwokuva neNharireyomurindi nokupupurira. Vangangobudiswa munyika chero zuva.

1951: Nyaya dzakawanda dzakabudiswa mumapepanhau eBelgian nemagazini dzichipomera Zvapupu zvaJehovha neWatch Tower Society kuti zvakabatana nesangano remo revanyanyisi muBelgian Congo rinonzi “Kitawala.” MuBelgium mutemo unoda kuti mumwe munhu paanopindura imwe nyaya yakabudiswa nepepanhau kana kuti magazini anofanira kubudisa mhinduro yacho mumapepa. Takashandisawo kodzero iyi yokudzivirira basa roUmambo panyaya dzokuchera idzi, uye mhinduro dzedu dzakabudiswa mumapepa.

Kubva pana January [12], 1949, basa reWatch Tower Society rakarambidzwa muBelgian Congo uye zvapupu zvechokwadi zvaJehovha zvaitofanira kutambura nemhaka yemishumo yenhema iyi. Mashoko okutsutsumwa akanyorwa akatumirwa kugurukota renyika dzinodzorwa neBelgium uye uchapupu hwakawanda kwazvo hwapiwa hwokuti Zvapupu zvaJehovha neWatch Tower Society hazvina kubatana ne“Kitawala,” inomukira hurumende, asi kutsutsumwa uku hakuna kupindurwa.

Kurevera nhema, kutambudza, mafaindi, kurova, kuisa mujeri nokubudiswa kunze kwenyika zvakashandiswa muBelgian Congo kuedza kumisa zvachose ‘kuparidzwa kweShoko’ munyika iyoyo.

1952: KuZvapupu zvaJehovha, miganhu yeBelgian Congo iri kuita seyakaiswa masvingo. Kurambidzwa kwacho kwebasa rokuparidza munyika iyi yakazara vaRoma Katurike kuri kuramba kuchienderera mberi.

Mishumo inonzwika apo neapo ichibva munyika yacho inotaura nezvokubudiswa munyika, kuiswa mujeri, kurohwa nezvimwe zvinetso zviri kutambudza vaparidzi vomuAfrica. Munzvimbo zhinji zvinoratidza sokunge kuti makawedzera uturu hwakadururirwa pazvapupu. Zvizvarwa zvomunyika yacho zvinoendeswa kumisasa yechibharo kana zvikabatwa zvichipupurira kana kuti kunyange zvine mabhuku eWatchtower. Kunyange kuva neBhaibheri kunoonekwa sechiratidzo chokuti anaro mumwe weZvapupu zvaJehovha.

Misha yehama inongogara ichiongororwa uye kazhinji inosechwa. Imwe hama yakataura izvi yakati: “[Mapurisa eBelgian Congo] haarari pamusana pedu, asi anofamba achiti akakwira akadzika asingatsvaki chimwe chinhu kunze kweZvapupu zvaJehovha. Iye zvino zvatowedzera kupfuura kare.”

Mumwewo mushumo unobva kuvaparidzi 30 waAugust wakasvika pahofisi ino una 1 VaTesaronika 5:25, NW, yakanyorwa semashoko omuzasi kuti: “Hama, rambai muchitinyengeterera.”

Sezvatambotaura kare, Zvapupu zvomuAfrica zvaibva kuNorthern Rhodesia zvakaenda kuCongo. Zvisinei, pazvakabatwa, zvakaiswa mujeri ndokuzobudiswa kunze kwenyika. Kunyange zvazvo vakawanda vakagara mujeri kwenguva pfupi, dzimwe hama dzakaendeswa kumisasa yechibharo kwemakore anoverengeka. Imwe hama yakapedza anenge makore mashanu iri mumajeri akasiyana-siyana muCongo. Vakanga vamubata vacho vaigara vachimurova. Vaimuudzawo kuti aisazosunungurwa kusvikira arega kupupurira.

Makanga muri muna 1952 umo imwe hama yakatendeka yakati: ‘Takaita sembeu iri musaga rechibage cheAfrica. Chero patinenge tadonhedzwa, imwe pashure peimwe, mvura inozouya pakupedzisira, uye tinowanda.’ Hofisi yebazi yeZvapupu zvaJehovha muNorthern Rhodesia yakanyora pamusoro peizvi kuti: “‘Saga rechibage cheAfrica’ riri kuparadzirwa zvechokwadi muCongo pasinei, kana kuti tingatoti nemhaka yokutambudzwa kwehama. Pane imwe nguva hofisi yebazi muLusaka yakagamuchira mishumo yemazana anoverengeka evanhu vakanga vachisonganirana nezvapupu munharaunda yeKolwezi. Zvisinei, tinonzwa mashoko zvino pamusoro pevakawanda vari kuendeswa kune dzimwe nzvimbo muCongo.” Kuparadzirwa kwehama uku kwakaguma nokuwedzera kwebasa rokuita vadzidzi.

Hama padzairamba dzichienderera mberi nechezasi kwakadziva kumabvazuva kwenyika, chokwadi chakanga chiri kutanga muLéopoldville (zvino yava Kinshasa). Hama dziri muBrazzaville dzakanga dzafambira mberi nokukurumidza zvikuru mukunamata uye dzakagovana chokwadi nevamwe nokushingaira. Dzimwe dzakatanga kukwira chikepe dzichiyambuka Rwizi Congo kuti dzinoparidza muLéopoldville. Muna 1952, Victor Kubakani nomudzimai wake ndivo vakava Zvapupu zvokutanga kubhabhatidzwa muKinshasa. Nokukurumidza ungano yakaumbwa.

1953: Tine mishumo inoratidza kuti hama dzinenge 250 dziri kuita basa rokuparidza munzvimbo dzakasiyana-siyana dzenyika, asi zvimwe kune vamwe vakawanda. Kupupurira kwacho kunongova kuita [shanyo dzokudzoka] nezvidzidzo zveBhaibheri zvepamusha uye izvi zvinoitwa nemabhuku mashomanana kana kuti pasina, sezvo hama dzisingazivi kuti misha yavo ichasechwa rini. Imwe hama yakamhan’arirwa neimwe yainzi “shamwari” kuti yaiva notubhuku tuviri, uye yakapiwa mutongo wemwedzi miviri mujeri Guru muElisabethville.

1954: Kurambidzwa zvachose kweSosaiti nebasa reZvapupu zvaJehovha kunoenderera mberi muBelgian Congo . . . Mujeri zvapupu zvakatendeka zvinoita basa razvo rokuparidzira vamwe vasungwa, zvichishandisa mamvemve emapepa nezvinyoreso zvishoma zvinonyora mashoko okuenda nawo vozowedzera kutarisa mumaBhaibheri avo avanopiwa mujeri. Hapana mubvunzo kuti imhaka yebasa iroro kuti mune mamwe majeri Zvapupu zvaJehovha zvakaparadzaniswa nevamwe vasungwa.

Mabasa eZvapupu zvaJehovha neeKitawala akarambidzwa. Zviremera zvaitora mabhuku eBhaibheri aitumirwa munyika yacho. Mabhuku aipfuura zviremera dzimwe nguva aitorwa oshandiswa neKitawala kuti ifambisire mberi mabasa ayo. Zvapupu zvaJehovha neKitawala vaisungwa, kurohwa, uye kuendeswa kumisasa yechibharo. Zvisinei, Jesu akazivisa kuti: “Muchavaziva nezvibereko zvavo.” (Mateu 7:16) Zviremera zvakanga zvakapamba nyika zvakaona mufambiro wakanaka wehama ndokutanga kuona musiyano pakati padzo neKitawala.

1955: Basa richiri kungorambidzwa munyika iyi pasina kana tariro yokuti richabvumirwa nokukurumidza, asi izvi hazvina kupedza simba revanoda uye vanoshumira Jehovha. Kuiswa mujeri kwakawanda nokubudiswa munyika kwehama mugore rapfuura hakuna kuvaita kuti varembedze maoko.

Mumamiriro ezvinhu aripo basa repaimba neimba haribviri, saka [shanyo dzokudzoka] nezvidzidzo zveBhaibheri zvinoitiswa. Seizvo imwe ungano inonyora, vaparidzi vanodawo kuzivisa pachena mashoko akanaka, kunyange zvazvo “tisingazivi kana Jehovha achizotibvumira kuparidza mashoko akanaka paimba neimba munyika ino hondo yeAmagedhoni isati yaitika.”

1957: Hapana mubvunzo kuti mukati megore rapera basa rakacherechedzwa nevakawanda kupfuura kare, kunyanya mumaonero evakuru vakuru vehurumende nemapepanhau. Kare muna November, Hama [Milton G.] Henschel pachavo vakaenda kunotaura nehurumende yeBelgian Congo muLeopoldville uye panguva iyoyo vakakumbira kuti Sosaiti neZvapupu zvaJehovha zvibvumirwe. Zvakaitwa pakutanga izvi zvakateverwa nokumwe kushanyira Leopoldville uye pane imwe nguva tsamba dzokutsutsumwa kuNew York neBrussels. Gare gare mumwe ainyatsoziva nezvenhau dzeAfrica anobva kuBelgium akashanyira hofisi yebazi yeNorthern Rhodesia, uye pakazaruka mukana wokunyatsotsanangura basa redu neshoko redu.

Zvichakadai, basa redu richiri kurambidzwa, uye hama dziri muBelgian Congo dzinofanira kushanda mumamiriro ezvinhu akaoma zvikuru. Mazana maviri ane gumi nevatanhatu akapinda Chirangaridzo, kunyange zvazvo vaiungana mumapoka maduku.

1958: Mukati megore rapera, kunyange zvazvo basa rokuparidza mashoko akanaka rakanga richiri kungorambidzwa uye hama dzichisungwa, shoko roUmambo rakaparidzwa zvakatowedzera.

1959: Kokutanga hama dzakabvumirwa nomuromo nezviremera zvehurumende zvomunharaunda kuita misangano yeungano, izvi zvakadaro kunyange zvazvo kurambidzwa kwepamutemo kwebasa kuchiripo. Kusvika panguva ino hapana musangano weungano wanga uchigona kuitwa, uye misangano yemapoka maduku chete yezvidzidzo zveBhaibheri mudzimba ndiyo yave ichiitwa. Zvino hama dzakabatikana ndokuronga kuchengeta Chirangaridzo semisangano yadzo yokutanga yakarongwa yeungano, uye paungano shanu dzeLeopoldville vanosvika 1 019 vakanga varipo. Vaiona vakashamiswa, kwete nemhaka yokungoti misangano yacho yakaitwa, asi nokuona mufaro wokushamwaridzana kwechiKristu wairatidzwa nehama. Zvakakonzera kuti vakawanda apo neapo vaone kuti ava vaiva vanhu vakasiyana nezvimwe zvitendero nokuti ‘vanoratidzana rudo.’

Kunyange zvazvo zvakanga zvisati zvava kubvira kutumira mamishinari muCongo, mutemo wokubvumira wakasainwa musi waJune 10, 1958, wakabvumira Zvapupu zvaJehovha ikoko “kuungana muzvivako.” Hama dzakafara kuti dzakanga dzava kukwanisa kusangana dzakasununguka. Dzimwe nguva mapurisa aipinda misangano iyi uye airumbidza hama nokuda kwomufambiro wavo wakanaka nokurongeka.

Pane zvimwe zvakanaka zvakaitika. Kusvikira muna 1956 zvikoro zvose zvaiwanirwa mari nemasangano echitendero. Zvino, rimwe gurukota idzva renyika yakanga yakapamba rakatanga zvikoro zvehurumende uye rakakurudzira kuti mamwe mapoka maduku agamuchirwe zvakanaka. Kufananidzwa kweKitawala neZvapupu zvaJehovha kwakatanga kudzikira zvishoma nezvishoma sezvo vakuru vakuru vehurumende vakatanga kuona musiyano wacho. Mvura inofefetera shomanana yakanga yanaya panhondo dzakanga dzakapararira. Kwose kwose, vanhu vakanga vari kutsigira Jehovha.

Panguva iyoyo, mumwe sabhuku akasunga Zvapupu zvinoverengeka ndokuzviunza pamberi pamudzviti kuti zvizotongwa. Mudzviti wacho akabvunza kuti zvakanga zvakanganisei. Sabhuku wacho akanga asingazivi. Mudzviti wacho akatuka sabhuku wacho ndokusunungura hama dziya, akarayirawo kuti dzipiwe chokufambisa kudzokera kumisha yadzo.

1960: Basa muBelgian Congo rakafambira mberi zvinoshamisa mugore rapera. Pasinei nezvinetso zviri munyika iyoyo uye kuti pamutemo basa richiri kurambidzwa, zvave zvichibvira kuti hama dziite misangano nguva dzose muDzimba dzoUmambo.

Chiitiko chinokosha zvikuru chakaitika panguva yeChirangaridzo muguta reLeopoldville, guta racho guru. Ungano nhanhatu dziri muguta iroro dzakaronga kuti dzisangane pamwe chete nokuda kwehurukuro yavose nomusi weSvondo uye dzakafara nokuona vaivapo 1 417. Seizvo mumwe wevatariri vacho akanyora panguva yacho kuti: “Takafara zvikuru, nokuti kakanga kari kokutanga katakaedza zvakadaro; ngirozi dzaJehovha dzakatikomberedza.”

Dhayari remakore 30 iri raratidza muchidimbu basa romuCongo, sezvakashumwa nemapazi akavakidzana. Zvino ngatichiona kuti zvinhu zvakazofamba sei.

Rusununguko Rwenyika Runoswedera

Pakunopera kwema1950, basa rokuparidza Umambo muCongo raitarisirwa nebazi reNorthern Rhodesia, rakabvumwa zvaro nehurumende kunyange zvazvo rakanga risingazivikanwi zvepamutemo. Zvichakadai, zvinetso zvitsva nokusava nechokwadi zvakanga zvava kuonekwa. Urudzi hwakanga hwasimba uye ndizvo zvakaita kuramba kudzorwa nesimba reimwe nyika. Mukati maJanuary 1959, vairatidzira vakapaza nokupisa zvitoro muLéopoldville. Vakapazawo machechi, vachikanda zvidhori mumigwagwa. Izvi zvakaita kuti pave nomusangano pakati pevakuru vakuru vehurumende veBelgian nevamiririri vemapato ezvematongerwe enyika emo. Vakagadza musi worusununguko rwenyika: June 30, 1960. Hapana mumwe weZvapupu zvaJehovha akanga apindirawo mukuratidzira kwacho.

Munyika yacho yose, mapato ezvematongerwe enyika emo akatanga kubuda. Nhengo dzawo kazhinji dzaiva dzakabatanidzwa nedzinza kupfuura zvinangwa zvematongerwe enyika. Vakamanikidza hama zvakakomba kuti dzitenge makadhi ebato rezvematongerwe enyika. Pierre Mafwa, akanga abhabhatidzwa gore rakanga rapera racho, akati: “Wakanga uri musi woMugovera muna June 1960. Ndakanga ndava kudzokera kumba ndichibva kubasa masikati. Sezvandakanga ndava kupfuura panhandare yendege yekare iri muLéopoldville, mumwe murume aiva nebakatwa akauya kwandiri. ‘Kadhi rako rezvematongerwe enyika riripi?’ akabvunza kudaro. Handina kupindura. Kamwe kamwe akanditema kumeso nebakatwa rake achicheka mhino yangu. Akaramba achinditema nebakatwa. Ndakaedza kumhanya asi ndakawira pasi. Ndakanyengetera kuna Jehovha, ndichimukumbira kuti andiyeuke parumuko kuitira kuti ndizogonazve kuona mudzimai wangu nevana vangu vatanhatu. Pashure pomunyengetero mupfupi uyu, ndakanzwa kurira kwepfuti. Varwi vakanga vadonhedza aida kundiuraya uyu nokumupfura mumabvi. Mupurisa akandiendesa kuchipatara uko ndakanorapwa. Ndima dzeBhaibheri dzakandikurudzira zvikuru.”

Mamishinari Okutanga Anosvika Ovhura Hofisi yeBazi

Sezvataona, kuedza kutumira vamiriri veZvapupu zvaJehovha muCongo kwakanga kwakundikana. Zvisinei, zvinhu zvakanga zvava kuchinja mune zvematongerwe enyika, zvichizarura mukana wokuti Hama Ernest Heuse Jr., vasvike.

Hama Heuse vaiva varefu, vakasimba, vaine bvudzi dema uye vaibva kuBelgium. Kunyange zvazvo vaisava mbwende vaiziva kuti upenyu muCongo hwaisazovaitira nyore ivo; mudzimai wavo, Hélène; kana kuti mwanasikana wavo aiva nemakore 11, Danielle. Zvakamboitika kuna Hama Heuse zvakavapa ruzivo rwakavaita kuti vave vakakodzera nokuda kwezvaiva mberi. Vakanga vatanga kushanda paBheteri muBrussels muna 1947. Pashure pegore vakaroora ndokuchinjira kubasa roupiyona nomudzimai wavo. Pashure peizvi, Hama Heuse vakapiwa basa rokutaura nemagweta nevakuru vakuru vachishandisa bhurocha rakanyatsogadzirirwa kuratidza kusiyana kweKitawala neZvapupu zvaJehovha. Nokufamba kwenguva, vakazoshanda somutariri wedunhu.

Hama Heuse vakaedza kakawanda kuwana magwaro okuti vagone kupinda muCongo, vachitoenda pachavo kunokumbira kuna mambo wokuBelgium. Vakarambirwa. Pane kudaro, zita raHama Heuse rakanyorwawo pamwe chete nevanhu vaioneka se“vasingakodzeri” kupinda muCongo.

Hama Heuse vakashingirira. Vakaenda kuAfrica ndokuedza kupinda muCongo vachibva nomunyika dzakapoteredza. Zvose zvakaramba. Pakupedzisira, vakawana vhiza rokuenda kuBrazzaville, guta guru reRepublic of Congo. Vakazokwira chikepe ndokuyambuka rwizi kuenda kuLéopoldville. Kusvika kwavo kwakamutsa mutauro pakati pevakuru vakuru vaiva pabasa. Vamwe vaiti havafaniri kupiwa vhiza, sezvo zita ravo rakanga rakanyorwawo pamwe chete nevanhu vasingakodzeri. Pakupedzisira, mumwe wevakuru vakuru vacho, Cyrille Adoula, uyo akazova mutungamiriri wehurumende, akataura kuti ainyatsoziva nezvokuedza kwakanga kwaita Hama Heuse kupinda muCongo. Akaratidza pachena kuti kana vaimbova vadzvinyiriri vavo vakanga vasingadi Hama Heuse, vaifanira kuva shamwari yeCongo. Hama Heuse vakapiwa vhiza rechinguva chiduku uye gare gare vhiza rokuti vave mugari wemo. Nokudaro muna May 1961, Zvapupu zvaJehovha zvakava nomumiririri muCongo aizotungamirira basa rokuita vadzidzi.

Hama Heuse vakaronga kuti Hélène naDanielle vauye, uye pakazosvika September, Danielle akanga ava kutopinda chikoro muLéopoldville. Hofisi yebazi yokutanga yakavambwa muguta guru musi waJune 8, 1962. Hofisi nedzimba dzokugara zvaiva pauriri hwechitatu hwechivako chomuna Avenue van Eetvelde (yava kunzi Avenue du Marché). Sezvo nzvimbo yaiva duku, mabhuku aichengeterwa kwawo oga kune imwe nzvimbo. Kunyange zvazvo izvi zvakanga zvisina kunyanyonaka, ndiyo yaiva nzira yakanakisisa nokuti paiva nokushomeka kwedzimba kukuru.

Hama Heuse vakananga kubasa. Vakakwereta purojekita nefirimu kuhofisi yebazi yokuBrazzaville. Vakabva varatidza firimu rinonzi The Happiness of the New World Society (Mufaro weSangano Renyika Itsva) kuungano dzomuLéopoldville uyewo kuvamwe vakuru vakuru vehurumende. Izvi zvakadzidzisa chaizvo hama uye vanhu vanofarira kuti vaone kuti kwaiva noukama hwenyika yose hweZvapupu, zvose zvichigara murugare uye zvichifara. Zvakavashamisa chaizvo kuona hama yechitema ichibhabhatidza vachena. Meya weLéopoldville akanakidzwa chaizvo nefirimu zvokuti akati: “Basa iri [reZvapupu zvaJehovha] rinofanira kukurudzirwa zvikuru kwazvo sezvinobvira.” Vanenge 1 294 vakaona firimu racho parakatanga kuratidzwa kanokwana kana.

Hama dzakafara chaizvo kuwana mumwe munhu anodzibatsira pakupedzisira, pashure pokumirira kwemakore akawanda. Izvi zvisati zvadaro, hama dzechichena vaingodzinzwa nemazita. Vamwe vainetseka kana dzaivapo zvechokwadi, sezvo zviremera zveBelgium zvakanga zvataura zvakasimba kuti kuBelgium kwakanga kusina Zvapupu zvaJehovha. Hama dzakafara kuva pamwe chete naHama Heuse.

Kushandisa Chokwadi—Muedzo Chaiwo

Paiva nebasa rakawanda chaizvo rokuita kubatsira hama kushandisa chokwadi muupenyu hwadzo. Somuenzaniso, kurwisana kwemadzinza kwakaenderera mberi uye vamwe vatariri veungano vakanga vasingataudzani. Kana munhu akadzingwa muungano makawanda verimwe dzinza, aigona kugamuchirwa nevakuru vokune imwe ungano kunenge kuine hama dzakawanda dzedzinza rake. Zvaisarudzwa mune imwe ungano zvaisashanda mune imwe. Upenyu hwezuva nezuva hwaidzorwa netsika dzemadzinza, uye mafungiro emadzinza akapindawo muungano.

Zvimwe zvinetso zvakamuka zvichikonzerwa netsika dzemadzinza. Mune mamwe madzinza, ukama hwomurume nomudzimai hwaidzorwa nedzinza. Kazhinji, paisava noukama hwapedyo pakati pomurume nomudzimai. Kuroorana kwaiwanzoonekwa sourongwa hwedzinza. Kana nhengo dzedzinza dzaisafarira kuroorana uku, dzaigona kumanikidza murume wacho kuti adzinge mudzimai wake otora mumwe—wavaifarira ivo.

Murume paaifa, zvaigona kuguma nematambudziko. Kazhinji mhuri yomurume yaitora zvinhu zvose zvomumba ichisiya mudzimai nevana vasina chavainacho. Mune mamwe madzinza, murume aigona kupiwa mhosva kana mudzimai wake akafa, uye mhuri yomudzimai yaimuripisa.

Paiva nezvimwe zvinetso. Nanhasi, vanhu vakawanda muCongo vanodavira kuti pose pafa munhu hapashayikwi muroyi. Naizvozvo, panguva yokuviga, vanobvunzira kuti vaone kuti ndiani akauraya munhu. Bvudzi rinogerwa, uye dzimwewo tsika dzakawanda dzinoitwa. Mune mamwe madzinza, panofa murume, mudzimai anofungidzirwa kuti anocheneswa nomumwe murume wedzinza ravo nokurara naye. Pamariro, mashoko anowanzotaurirwa mushakabvu, zvichiratidza kudavira kuti mweya kana mudzimu haufi panofa muviri. Pamusana petsika idzi dzose dzakadzika midzi, zviri nyore kufungidzira zvinetso zvaisangana nevaya vaida kunamata nenzira yakachena. Vamwe vaizviti vaKristu vechokwadi vakanga vasina kusiya tsika idzi dzose uye vakatoedza kudzipinza muungano yechiKristu.

Vatariri vakashinga, vakatendeka vaidiwa kugadzirisa zvinhu. Vaya vaida Jehovha vaidisa kudzidza kwavari nokuchinja sezvaidiwa. Zvaisava nyore kubvisa pfungwa dzakanga dzadzika midzi zvakasimba dzevaya vaidavira kuti vaitoziva chokwadi asi vasingazivi. Zvisinei, chinetso chikuru chaiva chokuti vanhu vaisaona musiyano pakati peZvapupu zvaJehovha neKitawala.

Shoko rokuti hofisi yebazi yakanga yavhurwa parakapararira munyika yacho yose, mapoka akawanda ehama akanyora achikumbira kuti azivikanwe seungano. Mapoka eKitawala akaita zvimwe chete. Mumwe mushumo unoti: “Vamwe vanhu vakabva kunzvimbo dziri kure nemakiromita 2 300 vaine ndandanda yemazita evaida kuzivikanwa seZvapupu zvaJehovha. Pane dzimwe nguva mazita aya ainge akanyorwa papepa rakafara masendimita 70 uye rakareba masendimita 90, uye dzimwe nguva raiva nemazita evose vaigara mumisha miviri kana mitatu.”

Vanhu kana kuti mapoka asati azivikanwa seZvapupu zvaJehovha, zvaikosha kuziva kuti ndevapi vaiva vaKristu vechokwadi uye kuti ndevapi vaiva veKitawala. Hama Heuse vakatumira hama dzakakura mumudzimu kuti dziongorore. Izvi zvakaitwa kwemakore. Ngationei zvimwe zvakaitika kune vakatendeka ava.

Kunangana neKitawala

Muna 1960, Hama Pontien Mukanga, avo vaiva nomuviri muduku uye vari munhu munyoro, vakagadzwa somutariri wedunhu wokutanga muCongo. Pashure pokudzidziswa muCongo (Brazzaville), vakashanyira ungano dzomuLéopoldville uyewo nemapoka mashomanana asiri ungano aiva pedyo. Zvisinei, basa rakanga rakaoma raiva rakavamirira mberi: kunangana neKitawala.

Imwe yenzendo dzokutanga dzakaitwa naHama Mukanga yaiva yokuKisangani (yainzi Stanleyville panguva iyoyo), anopfuura makiromita 1 600 kubva muguta guru. Vakaenderei ikoko? Hama Heuse vakanga vasangana nomumwe murungu uyo akanga avaratidza mufananidzo wakanga watorwa muStanleyville nguva pfupi nyika yawana rusununguko. Mufananidzo wacho wairatidza chikwangwani chihombe chaiva pamberi pechiteshi chechitima, chichiratidza mufananidzo weBhaibheri rakavhurwa nemashoko anotevera: “Watch Tower Bible and Tract Society—International Bible Students Association—Kitawala Religion Congolese—Raramai Nokusingaperi Patrice E. Lumumba—Raramai Nokusingaperi Antoine Gizenga—Hurumende yeM.N.C. Ngairarame Nokusingaperi.” Zviri pachena kuti Kitawala yaiva muKisangani yaishandisa zvisizvo mazita emasangano epamutemo eZvapupu zvaJehovha.

MuKisangani, maiva neZvapupu zvaJehovha zvisiri zvokunyepera here? Hama Mukanga vakatumwa kuti vanotarisa. Bazi raingova nemashoko pamusoro pomurume ainzi Samuel Tshikaka, aiva anzwa nezvechokwadi muBumba ndokudzokera kuKisangani muna 1957. Hama Tshikaka vakanga vasingasonganiri neripi zvaro remapoka eKitawala uye vaida chaizvo kubatsira Hama Mukanga, avo vakazonyora kuti: “Ndakaenda naHama Tshikaka kunoongorora vanhu vaishandisa zita rokuti Watch Tower. Takaenda kunoona mufundisi wavo, uyo akatiudza nezveboka rake. Takaziva kuti kunyange zvazvo vamwe vavo vaishandisa maBhaibheri, vose vaidavira kuti mweya haufi. Vaidzidzisa rudo nokuchinjana madzimai.

“Ndichangosvika, mapurisa akaedza kusunga veKitawala muguta racho. VeKitawala vakarwisawo. Mapurisa akadana varwi kuti vavabatsire. Vazhinji veKitawala vakaurayiwa. Zuva rakatevera, chikepe chaiva nevakaurayiwa nevakakuvadzwa chakasvika chichibva mhiri kworwizi. Munyori womufundisi aiva navo akandiziva kuti ndini ndakanga ndashanyira mutungamiriri wavo mazuva maviri akanga apfuura. Akandipomera zvenhema kuti ndini ndaiva ndavatengesa kuzviremera uye akati ndini ndanga ndakonzera kufa kwevakaurayiwa mukurwisana. Akataurira shamwari dzake dzeKitawala kuti dzive nechokwadi chokuti ndaisazotiza, asi ndakakwanisa kutiza vasati vandiuraya.”

Apo mapepanhau omuBelgium akashuma nezvechiitiko ichi, vakapa nyaya yacho musoro waiti “Kurwisana kweZvapupu zvaJehovha neMapurisa.” Zvisinei, zviremera zveCongo—zvaiziva musiyano waivapo pakati peKitawala neZvapupu zvaJehovha—zvakapa mushumo wakarurama. Hapana kana pepanhau romuCongo rakapomera Zvapupu nezvokubatanidzwa muchiitiko ichi!

Chii chakazoitika kuna Hama Samuel Tshikaka? Vachiri muchokwadi uye vanoshanda somukuru muungano yeTshopo-Est muKisangani. Panguva ino mune vaparidzi 1 536 vakarongwa kuva ungano 22 dziri muKisangani. Mwanakomana waHama Tshikaka, Lotomo, anoshanda somutariri wedunhu, sezvaingoita Hama Pontien Mukanga makore 40 akapfuura.

Mutariri Wedunhu Anoruramisa Zvinhu

Hama François Danda vakanga vari mumwe mutariri wedunhu akashanda kuratidza musiyano wakanga uripo pakati peZvapupu neKitawala. Anotsanangura kuti: “Yaiva nguva yakaoma, uye kuvhiringika kwaiva kwakanyanya. VeKitawala vaigaroisa chikwangwani chine mashoko anoti ‘Watch Tower’ muChirungu panzvimbo dzavo dzemisangano. Mumabhuku edu ose, pasinei nemutauro wacho, waigona kuwana pakanzi ‘Watch Tower’ papeji yevabudisi. Zvino ngatitii mumwe munhu akanga averenga mabhuku edu uye zvino akanga ava kutsvaka vanhu vaMwari. Aigona kuwana nzvimbo yemisangano ine chikwangwani chakanzi ‘Imba yoUmambo yeZvapupu zvaJehovha’ mumutauro wemo uyewo imwe ine chikwangwani chakanzi ‘Watch Tower’ muChirungu. Aizonzwa achida kuendepi? Unogona kuona kuvhiringidza kwazvaiita.

“Hama dzakawanda dzakanga dzisina zivo yakarurama uye pakanga paine mabhuku mashoma. Ungano dzaiwanzosanganisa chokwadi nedzidziso dzeKitawala, kunyanya pamusoro poutsvene hwokuroorana. Mune rimwe guta randakashanyira, zvaifungwa kuti 1 Petro 2:17 inoti, ‘idai sangano rose rehama,’ yaireva kuti hanzvadzi yaigona kutora hama ipi neipi muungano somurume wayo. Kana hanzvadzi yaiita pamuviri pehama isiri murume wayo, murume wacho aingotora mwana wacho sowake. Somuzana remakore rokutanga, ‘vasina kudzidziswa nevasina kusimba,’ vaimonyanisa Magwaro.—2 Petro 3:16.

“Ndakapa hurukuro dzeMagwaro dzakananga pamusoro pemitemo yaJehovha, kusanganisira yokuroorana. Ndakataura kuti pane zvimwe zvataifanira kugadzirisa nokushivirira, zvishoma nezvishoma, asi zvokuchinjana madzimai zvaifanira kubva zvatopera pakarepo. Zvaifadza kuti hama dzakanzwisisa uye dzakabvuma maonero omuMagwaro. Kunyange vamwe veKitawala muguta iroro vakagamuchira chokwadi.”

Kushanda kwaHama Mukanga naHama Danda nevamwe vakaita saivo kwakajekesera vanhu kuti Zvapupu zvaJehovha zvaiva zvakasiyana neKitawala. Nhasi hapana asingazivi musiyano we“Kitawala” ne“Watch Tower.” VeKitawala vachiripo, kunyange vasisina kukurumbira kana kuti kusimba sezvavakanga vari kare. Munzvimbo zhinji, havambozivikanwi zvachose.

Kurongeka Kuri Nani Kunounza Wedzero

Pakazopera gore rebasa ra1962, vaparidzi vanopfuura 2 000 vakanga vachishumira Jehovha nokushingaira muCongo yose. Zvisinei, hama shomanana dzakanga dzine zvinodiwa neMagwaro kuti dzitungamirire. Kusagona kuverenga nokunyora ndicho chakanga chiri chimwe chinetso, kunyanya pakati pevakanga vakura. Chimwe chinetso chakanga chiri chokuti vazhinji vakanga vachinonoka kuita zvinowirirana nezvinodiwa naMwari zvakarurama nokuti tsika dzakanga dziri mhinganidzo huru. Uyezve, munhu wose akanga ambosonganirana neKitawala aifanira kumirira kwemakore asati awana ropafadzo dzebasa.

Zvisinei, zvishoma nezvishoma, dzidziso dzakanaka dzeMagwaro nokushanda kwomudzimu waJehovha zvakabatsira varume kuti vakodzere nzvimbo dzokutarisira muungano. Munyika yose, vatariri vematunhu vakashinga nemapiyona vakaita zvakawanda kudzidzisa nokusimbisa hama. Panenge panguva iyoyo, vatariri vematunhu nemapiyona chaiwo vakadzidziswa kuZambia vakatopinda muKatanga nokumaodzanyemba kweKasai, nzvimbo dzakanga dzichipisa nehondo yevagari vemo.

Pashure Porusununguko—Makore Okubvuma Zvimwe Zvitendero

Yeuka kuti muna 1958 hurumende yakabudisa mutemo waibvumira zvimwe zvitendero, zvichipa hama rusununguko rwokunamata rwakati kuti. Muma1960, hama dzakaramba dzichikumbira kuti dzizivikanwe zviri pamutemo. Vakanga vasiri kunyengetedza hurumende kuti ivape mari, asi vakanga vachida kuzivikanwa zviri pamutemo. Kuzivikanwa uku kwaizovaita kuti vagone kuparidza mashoko akanaka vasinganetswi. Izvi zvaidiwa nokukurumidza zvikuru nokuti munzvimbo dzakawanda zviremera zvemo zvaironga kuti hama dzirwiswe. Nzvimbo dzokusonganira dzaipiswa, uye hama dzairohwa, dzaisungwa, uye dzaiiswa mumajeri. Hama padzakatsutsumwa kuBazi Rezvomutemo, mhinduro yenguva dzose yaiva yokuti: ‘Tine urombo, asi sezvo musingazivikanwi zviri pamutemo, hapana zvatingakuitirai.’

Chaiwedzera chinetso ichi kwaiva kunyongana kwaiva kumaruwa. Chiremera chehurumende chakanga chisingaremekedzwi mune dzimwe nzvimbo dzenyika. Mune dzimwe nzvimbo, tsamba yaibva kuhofisi yebazi yaiva yakakwana kuti zviremera zvemo zvibudise hama mujeri. Zvisinei, munzvimbo dzaiva nokushora kwakasimba, hapana zvakawanda zvaigona kuitwa kudzivirira hama pakutambudzwa nokuiswa mujeri.

MuKinshasa hama dzakanga dzisinganyanyi kushorwa. Kuungana kukuru kwaingoitwa pamichato chete nemariro. Zvisinei, muna 1964, hofisi yebazi yakaronga kuita magungano edunhu maviri muguta guru. Izvi zvaizova chinhu chitsva kuhama zhinji. Pamisangano inokosha dzakadzidziswa kupa hurukuro uye kuronga madhipatimendi egungano.

Dzichifarira izvi, hama dzakataura pachena nezvegungano, uye zvakazivikanwa nagavhuna wepurovhinzi yainzi Léopoldville panguva iyoyo. Nokuti murume uyu aivenga Zvapupu zvaJehovha, akagadzira tsamba yaizoitwa makopi yotumirwa kuzviremera zvemo. Tsamba iyi yairayira kuti Chapupu chipi zvacho chaizobatwa chichiparidza kana kuti kupinda misangano yokunamata chisungwe. Zvisinei, tsamba yacho payakatumirwa kuti inoitwa mamwe makopi, zvakangoitikawo kuti basa racho rakapiwa kune imwe hama. Hama iyi yakanga yasara nemapepa mashomanana okuti ishandise, uye yaizivawo kuti kwaaichengeterwa muLéopoldville akanga apera. Mukuru wayo webasa paakabvunza nezvemakopi etsamba yacho, hama iya yakamuratidza masherefu akanga asina chinhu—hapana mapepa!

Zvichingunodai, hama dzakanyengetera nomwoyo wose kuna Jehovha pamusoro penyaya yacho. Chii chakaitika? Zvisingatarisirwi, hurumende yakasarudza kuumba mapurovhinzi matsva, uye iya yaitarisirwa neaishora yakaparadzwa! Nokufamba kwemakore, kwaiva nevakawanda vakaedza kutambudza kana kuti kuparadza vanhu vaMwari. Asi zvirongwa zvevanhu vakadaro zvakakundikana.—Isa. 54:17.

Kusvika Kwemamwe Mamishinari

Mukati mema1960, sangano rakashandisawo mukana wacho waivapo ndokutumira mamishinari kuCongo. Musha wemamishinari mudiki wakavhurwa muKinshasa. Muna March 1964, mamishinari anoti Julian naMadeleine Kissel vakasvika vachibva kuCanada. Vachiri kushanda nokutendeka senhengo dzemhuri yeBheteri muKinshasa pashure pemakore makumi mana.

Mamwe mamishinari akauya mukunopera kwema1960 iye zvino ava kugara mune dzimwe nyika. Muna 1965, Stanley naBertha Boggus vakapiwa mugove muCongo pashure pokushumira muHaiti. Hama Boggus, mutariri anofambira, akadzokera kuUnited States muna 1971 pamusana pezvinetso zvoutano. Mukunopera kwa1965, Michael naBarbara Pottage vakabatanawo nemamishinari muCongo. Iye zvino vari kuBheteri yokuBritain. William naAnn Smith vakapiwa mugove wokuCongo muna 1966; vakanyanya kushandira muKatanga. Nemhaka yokurambidzwa kwebasa, vakapiwa mugove wokuKenya muna 1986. Manfred Tonak wokuGermany, uyo akapedza kudzidza mukirasi yechi44 yeGiriyedhi, akashanda somutariri anofambira muCongo. Pakatanga kurambidzwa basa, akapiwa mugove wokuKenya. Iye zvino ava mutariri weDare reBazi muEthiopia. Muna 1969, Dayrell and Susanne Sharp vakauya kuCongo pashure pokupedza kudzidza mukirasi yechi47 yeGiriyedhi. Pashure pokudzingwa muCongo, vakapiwa mugove kuZambia uye vave vari paBheteri romuLusaka kubva ipapo. Mamwe mamishinari akapiwazve migove kunyika dziri kuWest Africa. Pakati pavo paiva naReinhardt naHeidi Sperlich, avo vakafa mutsaona yendege. Tsaona iyi yakasuruvarisa zvikuru vose vaivaziva.

Muna 1966 musha wemamishinari wokutanga kunze kweKinshasa wakavhurwa muLubumbashi, kumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva kwenyika yacho. Gare gare, mimwe yakatangwa muKolwezi, kuchamhembe kwakadziva kumadokero kweLubumbashi, uye muKananga (yainzi Luluabourg panguva iyoyo), Kasai. Kuvapo kwemamishinari kwakanga kuchisimbisa zvikuru zvokuti kwakabatsira hama kurarama mukuwirirana nechokwadi. Somuenzaniso muKasai, kurwisana kwemadzinza kwakanga kuchiripo pakati pehama. Sezvo mamishinari akanga asingabvi mumadzinza acho, ndiwo aizogona kugadzirisa zvinetso uye kutonga nhau pasina rusarura.

Kubva muna 1968 kusvika muna 1986, mamishinari anopfuura 60 akashanda munzvimbo dzakasiyana-siyana dzenyika yacho. Vamwe vakanga vapinda Chikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi muUnited States, uye vamwe, Chikoro cheGiriyedhi Chokuwedzera muGermany. Uyezve, mapiyona aitaura French akauya zvakananga kuCongo semamishinari. Vazhinji vakadzidza mitauro yemo, uye vose vakashanda zvakasimba kunyaradza vanhu nemashoko akanaka oUmambo.

Dzimba dzoUmambo Muma1960

Mumaguta makuru, nzvimbo dzokunamatira dzaiva dzisina madziro. Kupisa nomwando ndizvo zvakaita kuti pave nezvivako zvakadai, uye misangano mizhinji yaiitwa manheru kana kuti mangwanani-ngwanani, pakunenge kuchitonhorera. Izvi zvakanga zvakanaka pakwainge kusinganayi. Zvisinei, mumwaka wemvura, misangano yaiwanzochinjirwa kune rimwe zuva.

Imba yoUmambo yokutanga yakatsaurirwa muna 1962. Yakanga iri muKimbanseke, muKinshasa, uye yakanga ichishandiswa neimwe yeungano nhanhatu dzaivapo panguva iyoyo. Kubvira ipapo, ungano dzomuCongo dzakaratidza chido chokuvaka Dzimba dzoUmambo. Zvisinei, paipota pachimuka zvinetso zvine chokuita nomutemo. Dzimwe nguva hama yaibvumira ungano kushandisa nzvimbo yayo kuti ivake Imba yoUmambo, asi yainge isina kunyoreswa zviri pamutemo. Hama yacho payaifa, nhengo dzemhuri dzaiuya dzotora imba yacho nezvose zvaivamo. Hapana zvizhinji zvaigona kuitwa kuti izvi zvisaitika. Zvinetso izvi zvaivhiringidza kuvakwa kweDzimba dzoUmambo dzakawanda.

Kunyange zvakadaro Dzimba dzoUmambo dzakavakwa munyika yacho yose. Kunyange zvazvo dzakawanda dzacho dzakanga dziri zvivako zvisingadhuri, dzose dzairatidzira kutenda kwevakadzivaka. Funga nezvezvakataurwa nomumishinari muma1960 pamusoro penzvimbo dzokuungana.

“Kuti tiende kuImba yoUmambo iri muLéopoldville, tinofanira kufamba nemikoto iri pakati pedzimba dzakavakwa nekongiri. Boka revana rinotitevera. Tinosvika muchivanze chakatenderedzwa nemadziro ekongiri. Imba yoUmambo isina madziro iri kuseri kweimba inogarwa nehama. Hama dziri kudzidzira nziyo dzoUmambo. Zvinonakidza zvikuru kudzinzwa! Vanoimba nemwoyo yavo yose. Tinofara kuti miti inopa mumvuri unovharidzira imba pazuva. Inokwana vanhu vanenge 200. Chikuva chakagadzirwa nekongiri uye chine denga remarata. Kana mukurukuri akareba, angatofanira kukotamira zvishoma. Pane chikwangwani chemashoko chetsamba dzinobva kuhofisi yebazi uye migove yomuungano. Pane tafura yemabhuku. Hama dzakaisa maruva mumativi echikuva. Marambi eparafini anoshandiswa kuitira kuti hama dzigone kuita misangano yadzo manheru. Patinobva, vana vanenge vachiri panze kuti vatiperekedze kudzokera kumugwagwa mukuru.

“Zvino tinopinda pakatikati peCongo. Patinosvika mumusha une dzimba dzouswa, tinokurumidza kuona Imba yoUmambo. Ichi chivako chakamiswa nemapango mapfumbamwe, chiine denga rakagadzirwa nemashizha akawanda. Pane tumigero twakacherwa pasi kubva kune rimwe divi kuenda kune rimwe divi. Zvinoshamisa kuti patinogara pasi, makumbo edu ari mutumigero twacho hatimborwadziwi. Nechepamusoro pehama inoitisa musangano pane chikwangwani chine mashoko akanyorwa nemaoko anoti ‘Imba yoUmambo’ mumutauro wemo. Pane vanhu vanenge 30 varipo. Zvimwe hafu yacho chete ndivo vaparidzi. Vanoziva nziyo dzoUmambo shoma. Pavasinganyatsozivi maimbirwe acho vanovharidzira nechido chavanoratidza, uye tinoimba nemwoyo wose.

“Zvino tinofamba takananga kuchamhembe kwenyika yacho. Tinomisa Land Rover totarisa kune musha wacho. Tinoona dzimba dzouswa dzakabatana, necheseri kwacho kune chivako chakasiyana nezvimwe zvose. Chivako ichi chakagadzirwa nematanda emishenjere akanyatsobatanidzwa zvakasimba. Pakachekwa mahwindo nomusuo pamadziro acho omushenjere. Denga racho nderouswa. Nechemberi kwechivako chacho kune tsangadzi yakanaka kwazvo ine kanzira, uye patsangadzi yacho pane kachikwangwani kane mashoko anoti: ‘Zvapupu zvaJehovha.’ Tichifamba nekanzira kacho tinosvika paImba yoUmambo uye tinogamuchirwa nomufaro nehama dzedu. Sezvatinopinda, tinoona kuti mabhenji acho ndeematanda omushenjere akagadzikwa pamusoro pemamwe akamira. Zvakanaka kuti Imba yoUmambo yacho ine denga risingapindi mvura! Dai kusiri kudaro, zvaizonetsa: kana mvura ikasvika pamatanda omushenjere, anoita midzi okura zvikuru. Pane kuva masendimita 30 kubva pasi, bhenji raizokwirira. Chikwangwani chemashoko chinoratidza purogiramu yemisangano netsamba dzinobva kuhofisi yebazi. Hama dzinowana mabhuku patafura yakagadzirwa nemishenjere yakatsemurwa ndokusunganidzwa netsanga.

“Tinofamba takananga kumaodzanyemba tichienda kuKatanga, uko zuva rava kutonyura. Nechokuno, kunze kuri kutonhora, uye tinotofanira kupfeka mbatya dzinodziya. Tinosvika mune mumwe musha, uye sezvatinosvika pedyo neImba yoUmambo, tinonzwa hama dzichiimba. Hama dzomumamisha dzakawanda hadzina wachi, naizvozvo dzinofungidzira nokutarisa zuva kana dzave nguva dzemisangano. Dziya dzinotanga kusvika paimba kazhinji dzinosanoimba kusvikira vazhinji vasvika uye misangano inogona kutanga. Tinomanikidzana pachigaro chedanda rakatsemurwa nepakati ndokutsigirwa kumativi maviri. Mabhuku anochengeterwa mukabati rekare, asi haagoni kuchengeterwa imomo kwenguva yakareba nokuti munopinda mapete nomuchenje zvinoparadza mapepa. Panopera misangano, hama dzinotiratidza imba yadzo yoUmambo. Madziro acho akagadzirwa notumapazi twakasunganidzwa netsanga nokunamwa nedhaka. Denga risingapindi mvura rakarukwa nouswa.”

Jehovha Anodzivirira Vashumiri Vake

Muma1960, hondo yevagari vemo nechisimba zvaingoitika pose pose. Vanhu vazhinji vakafa, kusanganisira vanhu vaJehovha. Zvaida kutenda noushingi kuti hama dziungane pamwe chete, sezvo misangano yaigona kufungidzirwa kuti ndeyezvematongerwe enyika. Mupurovhinzi yeÉquateur varwi vane zvombo vakasvika paImba yoUmambo apo hama dzakanga dzichiita misangano. Varwi vakakurumidza kuziva kuti hama dzakanga dzauya kuzonamata Mwari, kwete kutsigira zvematongerwe enyika. Saka varwi vacho vakabva vaenda, vachitaura kuti vakanga vasingarwisani nechitendero kana naMwari.

Pane imwe nguva, muKisangani, Hama Bernard Mayunga nevamwe vaparidzi vakaunganidzwa nevapanduki vakanga vachitsvaka masabhuku omunzvimbo iyoyo, ayo vakanga varonga kuuraya. Pavakabvunzwa kuti vaiva vedzinza ripi, Hama Mayunga vakapindura kuti: “Ndiri mumwe weZvapupu zvaJehovha.” Achishamiswa nemhinduro iyi mukuru wevapanduki vacho akavati vatsanangure. Hama Mayunga vakapupurira kubva muMagwaro, mukuru wevapanduki ndokubva ati: “Dai vanhu vose vanga vakaita semi, paisazombova nehondo.” Hama Mayunga vakaregerwa, pamwe nezvimwe Zvapupu zvakanga zvakachengetwa.

Kuzivikanwa Zviri Pamutemo Pakupedzisira!

Kusvika muna 1965, Bheteri romuCongo rakanga richingova makamuri echimwe chivako chaiva pakati peKinshasa. Nzvimbo yacho yaiva duku uye yakamanikidzika. Nhamba yevaparidzi voUmambo yaivavarira kusvika pa4 000, uye zvivako zvikuru zvaidiwa. Pashure pokutsvakisisa, hama dzakawana imba yakanga yagara makore matanhatu bedzi, yakanga iri pa764 Avenue des Elephants, Limete, Kinshasa. Chivako chacho chaiva nhurikidzwa mbiri uye chaiva nedzimba dzokurara ina. Hama dzakatanga basa ndokuchinja imba yokutandarira hombe neyokudyira dzaiva pauriri hwokutanga kuti dzive hofisi. Vakashandisa garaji kuti pave pokutumira mabhuku nokudhindira. Muna 1972 chivako chacho chakawedzerwa.

Muna November 1965 Joseph-Désiré Mobutu akatanga kutonga pashure pokupidigura hurumende nechisimba. Hofisi yebazi yakatumira zvekare chikumbiro chokuzivikanwa zviri pamutemo, uye musi waJune 9, 1966, Purezidhendi Mobutu vakasaina gwaro remvumo. Zvino Zvapupu zvaJehovha zvaizowanawo kodzero nokubatsirwa kwakafanana nezvimwe zvitendero zvose zvaizivikanwa zviri pamutemo muCongo. Izvo hama dzakanga dzashandira nokunyengeterera kubva muna 1932 zvakazowanikwa pakupedzisira. Vakanga vasununguka kuparidza pachena, kuita magungano makuru, uye kuva nezvivako. Zvisinei, rusununguko urwu rwaizongovapo kwemakore matanhatu bedzi.

Kokorodzano Dzinopa Uchapupu Hwakakura

Hama dzakafara zvikuru kuronga magungano edunhu dzichidzivirirwa nomutemo! Okutanga aisanganisira magungano 11 akatevedzana akapindwa nevanhu 11 214 uye 465 vakabhabhatidzwa.

Magungano acho akaita kuti chechi dzemo dzigumbuke zvikuru. Vafundisi vacho vakanga varwa zvinotyisa kuti vatadzise Zvapupu zvaJehovha kuwana kuzivikanwa kwapamutemo mundima iyi ine zvibereko, iyo vafundisi vacho vaiona soumambo hwavo. PaGandajika muPurovhinzi yeKasai, vatungamiriri vechitendero vakatsutsumwa kuna meya. Nokuti meya wacho haana kutyiswa nokutyisidzira kwavo, vakatumira chikwata chevechiduku kunzvimbo yegungano kuti chinobvoronga musangano wacho. Zvisinei, zvakaitika kuti firimu reBhaibheri rakanga riri kuratidzwa pagungano racho, uye boka guru rakanga rauya kuzoriona. Pasina nguva refu vavhiringidzi ava vakadzikamawo kuti vaone. Zvavakaona zvakavashamisa. Nguva yoga yoga yaichinjwa mavhiri anoiswa firimu, boka, revanhu vane zviuru nezviuru raidanidzira kuti: “Raramai nokusingaperi Zvapupu zvaJehovha!”

Zvapupu zvaJehovha zvino zvakanga zvava nemvumo yokuita kokorodzano huru, asi paida kufanogadzirira zvisati zvagona kudaro. Vaifanira kuronga mitambo yomuBhaibheri, uye pamitambo iyi paidiwa zvokupfeka. Hama dzaifanira kuisa nokushandisa gudzanzwi. Zvose izvi vakazvigona nokuti vaiva nechido chokuzvipira nokudzidza.

Kuenda Kunoitisa Magungano Edunhu

Muna 1964 muCongo maiva nematunhu anokwana kuumba maruwa maviri. Muna 1969 ruwa rwechitatu rwakaumbwa, muKasai, uye pakazosvika 1970 akanga ava mana. Nemhaka yemigwagwa isina kunaka, zvaiwanzoomera vatariri vemaruwa nevamwewo kuti vaende kumagungano nekokorodzano. Kuti tinzwisise, ngatinzwei mutariri woruwa, Hama William Smith pachavo, vachirondedzera zvakaitika.

“Kwakanga kwaita mafashamo emvura panyika, saka nzizi dzaiva dzazara. Taiva takananga kuKamina, uko kwakanga kwarongwa gungano redunhu. Kuti tisvikeko taifanira kufamba kwemakiromita anopfuura 320. Mvura yakasimba yakachinja mimwe migwagwa kuva minda yemadhaka, uye mune dzimwe nzvimbo, mvura yakaita kuti migwagwa isatomboonekwa. Mumwe mupata wakava dhamu hombe. Motokari, marori, uye motokari dzehurumende dzaive dzakamiswa pose pose dzichimirira kuti mvura iserere. Vazhinji vakanga vachitarisira kuti vaizononotswa kwevhiki mbiri.

“Ndaiziva kuti hama dzaive dzakamirira nechido chikuru purogiramu yegungano. Vamwe vainge vafamba kwemazuva kuti vavepo. Ndakabvunza kana paive neimwe nzira yokunzvenga mupata wacho. Zvakandishamisa kuti vanhu vakandiudza kuti Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvagadzira mumwe mugwagwa wokudimburira, asi nemhaka yokuti pasi pakanga pari panyoro, Zvapupu hazvina kubvumira chero munhu upi noupi kuti aushandise kusvikira mutariri woruwa apfuura achienda kuKamina.

“Hama dzomumisha miviri dzakanga dzashanda zuva rose, usiku hwose, uye kusvika muzuva rakatevera racho kuti dzigadzire mugwagwa mutsva, uyo wainzvenga chikamu chakanga chisingafambiki chomugwagwa. Pashure penguva pfupi ndakawana hama ndokugadzirira kutyaira jipi nepamugwagwa wadzakanga dzagadzira. Vanhu vakawanda vakanga vaungana kuti vaone kana jipi yaigona kupfuura. Zvakatiodza mwoyo sei kuona jipi ichinyura mumadhaka ichangoti pindei mumugwagwa mutsva!

“Kunyange zvazvo hama dzakaisunda, motokari yacho haina kana kumbotsuguduka. Dzakanga dzashanda zvakaoma kwazvo, uye zviso zvadzo zvairatidza kuora mwoyo. Kunyange zvakadaro dzakanga dzichakatsunga kusvitsa mutariri woruwa pagungano. Vaya vaiva vakatarisa, vachifunga kuti mugwagwa mutsva uyu waiva ngozi pane kuti ubatsire, vakadzokera kumotokari dzavo. Hama dzakasarudza kuedza zvekare. Panguva ino vakatutunura zvinhu zvose mujipi, iyo yakanga yakaremerwa zvikuru nemabhuku, gudzanzwi, jenareta nezvimwe zvinhu. Hama dzakachera dzikasunda uye mavhiri aitenderera akatanga kufambisa jipi ichienda mberi zvishoma nezvishoma.

“Pashure peawa imwe, takaimba nziyo dzoUmambo nokudanidzira nomufaro tichipemberera kubudirira kwedu kupfuura nomumadhaka. Hama dzakanga dzaita zvakanga zvafungwa nevakanga vagere mumotokari dzavo kuti zvakanga zvisingabviri. Gungano rakafamba zvakanaka, nepamusana pokushanda zvakaoma kwehama. Jehovha akanga ane vanhu vake uye akavabatsira kuita kuda kwake.”

Hurumende Itsva Inochinja Zvinhu

Zvaisava nyore kusvika kune vanhu vaiva vakapararira munzvimbo yakakura masikweya kiromita zviuru ine masango anonaya mvura uyewo mapani. Mamishinari paaiparidza mumataundi makuru, hama nehanzvadzi dzemo dzaishanda semapiyona chaiwo dzakatangawo ndima dzomumaruwa. Zvisinei, vanhu vakawanda vari mumaruwa vaisagona kuverenga nokunyora, zvichiita kuti zviome kuumba ungano dzakasimba. Uyezve, kuchinja kwezvinhu muzvematongerwe enyika kwaizochinja upenyu hwehama nokukurumidza.

Gore ra1970 rakava rokutanga kuti nyika ive nokutonga kwebato rimwe chete. Bato racho rainzi Sangano Rakakurumbira reChimurenga (Mouvement Populaire de la Révolution muchiFrench), kana kuti MPR. Mutemo waro waiva wokudzorera tsika dzechinyakare, uye zvaisanganisira kuchinja mazita emataundi nemaguta. Stanleyville yakanga yatova Kisangani, uye Elisabethville yakava Lubumbashi. Muna 1971 hurumende yakachinja zita renyika nerorwizi rwayo rukuru kubva pakunzi Congo kuva Zaire. Mari yakachinjwa kubva pamafranc kuva mazaire. Hurumende yakarairawo kuti vanhu vachinje mazita avo: Aionekwa semazita echiKristu aifanira kutsiviwa nemazita chaiwo omuAfrica. Tai dzakarambidzwa sezvo dzainzi ndedzevarungu. Munyaya dzose idzi, hama dzakateerera nokuremekedza.—Mat. 22:21.

Mukuwirirana nedzidziso dzematongerwe enyika, munhu wose akaberekerwa muCongo aibva angonzi inhengo yakazara yeMPR. Kuti varambe vari pabasa, vachipinda chikoro kana kutengesa pamusika, vanhu vaitofanira kuva nekadhi rezvematongerwe enyika. Uyezve, zvaikarirwa kuti vanhu vapfeke bheji rebato rezvematongerwe enyika, kunyanya vachipinda mumahofisi ehurumende. Yaiva nguva yakaoma kuZvapupu zvaJehovha. Hama dzakabudiswa mabasa, uye vana vakadzingwa chikoro.

Zvisinei, vamwe vakuru vakuru vehurumende vainzwisisa Zvapupu zvaJehovha. Gurukota raishandirwa neimwe hama rakaibvunza kuti nei yakanga isingapfeki bheji rebato. Hama yacho yakatsanangura zvikonzero zvayo zvepaMagwaro. Gurukota rakapindura kuti: “Tinokuzivai imi, uye hatisi kuzokunetsai; asi muchanetswa neboka revechiduku.”

Zvinonzi Purezidhendi Mobutu, pavakanzwa kutsutsumwa kwakawanda pamusoro peZvapupu zvaJehovha, vakaudza nhengo dzebato ravo pane mumwe musangano kuti: ‘Kana pachizova nezvinetso, zvinenge zvisingakonzerwi neZvapupu zvaJehovha.Yeukai kuti ndiani akatengesa Jesu. Aiva Judhasi, mumwe wevadzidzi Vake. Kana pachizova neachanditengesa, achava mumwe wevari kudya neni.’

Bheteri Rinowedzera Kuti Rigone Kutarisira Zvinodiwa

Hama Nathan H. Knorr, vokudzimbahwe rokuBrooklyn, vakashanyira Congo muna January 1971. Imwe yenyaya dzakakurukurwa ipapo yaiva yokuwedzera Musha weBheteri uye mahofisi. Pakazosvika 1970 pakanga pava nevaparidzi vanenge 14 000 muungano 194 nemapoka asati ava ungano anodarika 200. Pamusana pemabhuku akawanda aidiwa muCongo, imba yokuchengetera mabhuku kuBheteri yakanga yava duku. Hama Knorr pavakazivisa kuti chivako chaivapo chiwedzerwe, zvakafadza sei! Mugadziri wemapurani akagadzira mapurani echivako chenhurikidzwa mbiri chemazuva ano, chaiva chakakura zvakapetwa kaviri pane chaivapo. Chaibatanidza hofisi hombe, imba yemabhuku, yakakura, uye dzimba dzokurara dzokuwedzera.

Muna June 1971 mapurani acho akatenderwa, uye basa rakatangwa. Hama Don Ward vakatumirwa kubva kuDahomey (zvino yava kunzi Benin) kuti vatungamirire basa rokuvaka. Vazvipiri vakawanda vakauya kuzobatsira vachibva kuungano 39 dzomuKinshasa, uye pamwe chete vakapedza basa racho rokuvaka. Kuwedzera kwose uku mundima uye paBheteri kwakanga kuchigumbura chiKristudhomu, sezvatichaona.

Ma1970—Nguva Yokushinga Nokungwarira

Muna December 1971 hurumende yakaisa mutemo waidzora zvitendero zvitsva zvakawanda nemapoka eminamato akanga achiumbwa munyika yose. Mukuwirirana nomutemo uyu, zvitendero zvitatu chete ndizvo zvaiva zvepamutemo: Chechi yeRoma Katurike, machechi ePurotesitendi, nechitendero chomunzvimbo iyoyo, chechi yaKimbangu. Muna 1972 zvimwe zvitendero zvitatu zvakazivikanwawo: cheIslam, Greek Orthodox, neJudaism. Zvitendero zviduku zvakawanda zvakazviisa pasi pechiPurotesitendi.

Naizvozvo, kubva muna 1971 kusvikira muna 1980, yakanga iri nguva yokusazivikanwa zviri pamutemo kana kuti kurambidzwa kusina kunyanya kuoma, izvo zvakaparira kuoma kwebasa revanhu vaMwari mune dzimwe nzira. Kunyange zvazvo Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvisingazivikanwi zviri pamutemo, hapana mutemo wakanga wapiwa wokuti mamishinari adzingwe, uye Bheteri harina kuvhiringidzwa. Musha wemamishinari muKananga wakavharwa, asi misha yomuBukavu, Kisangani, Kolwezi, Lubumbashi haina. Hama dzakanga dzisisagoni kuronga kokorodzano dzoruwa dzakakura. Zvisinei, munzvimbo dzakawanda, hama dzaiungana muDzimba dzoUmambo. Dzaiita magungano edunhu maduku muzvivako zvihombe. Zvakawanda zvaitsamira pamaonero ezviremera zvomunzvimbo yacho. Munzvimbo maiva nokushorwa kwakasimba, hama dzaigona kutarisira kutambudzwa uye kusungwa. Mazana ehama akaiswa mumajeri. Munzvimbo dzaiva nezviremera zvemo zvainzwisisa, hama dzaigona kuramba dzichiita mabasa adzo okunamata dzakasununguka.

Pasinei nezvirambidzo, Zvapupu zvakaramba zvichiparidza noushingi. Boka rehama nhatu nehanzvadzi rakaenda kumusika kunoparidza kune vamwe. Varume vaviri vakasvika ndokusunga imwe yehama yakanga ichigovera bhuku kumunhu anofarira. Vakaenda naye kudzimbahwe rebato rezvematongerwe enyika ndokumusiya mukamuri vachimirira kuti mukuru webato asvike. Mukuru webato wacho akasvika ndokuona hama ichigovera bhuku rinonzi Did Man Get Here by Evolution or by Creation? kune mumwe murume muimba yokumirira.

“Uri kuparadzira mashoko ako anotsausa pano here?” mukuru akabvunza.

Hama yakapindura kuti: “Ko kana munhu akakubvunzai kuti, ‘Munhu akaita zvokushanduka-shanduka here kana kuti zvokusikwa?’ maizopindura kuti chii?”

Mukuru uyu haana kupindura. Achitendeukira kuvarume vakanga vasunga hama yacho, akati: “Muregei aende. Haasi kuputsa mutemo.”

Hama yakadzokera kumusika ndokuramba ichiparidza. Zvakazoitika kuti mukuru uya akapfuura nako ndokuiona. Achinongedzera kuhama iyi, mukuru wacho akaudza vamwe vaaiva navo kuti: “Murume uyo akashinga, handiti?”

Muna 1974 mutariri webazi Hama Ernest Heuse vaifanira kudzokera kuBelgium sokurayirwa kwavaive vaitwa navanachiremba vavo. Hama Heuse vakanga varwara kwenguva yakati nechirwere chinonzi emphysema, uye kugarorwara nemarariya kwakakanganisa utano hwavo. Hama dzaida chaizvo mhuri yaHama Heuse; vakanga vaita basa rakakura. MuBelgium, vakaramba vachishumira Jehovha nokushingaira. Hama Heuse vakashaya muna 1986; mudzimai wavo, Hélène, akazofa makore masere gare gare. KuKinshasa, Hama Timothy A. Holmes vakanga vashanda somumishinari kubva muna1966 vakanzi vatarisire bazi.

Tinozivikanwa Zviri Pamutemo Zvakare Muna 1980

Musi waApril 30, 1980, purezidhendi akasaina gwaro raitendera kuzivikanwa zviri pamutemo kweAssociation of Jehovah’s Witnesses. Vanhu vakawedzera kufarira chokwadi kupfuura zvavaimboita, pachiva nevane 90 226 vakapinda Chirangaridzo uye zvidzidzo zveBhaibheri zvinenge 35 000 zvichiitiswa mudzimba dzevanhu vanofarira. Pakava nenhamba dzepamusorosoro dzevaparidzi nemapiyona. Zvivako zviri nani zvaidiwa pakutarisira zvakanaka zvinodiwa zvendima. Saka, hama dzakafara apo Dare Rinodzora rakabvumira kutengwa kwenzvimbo yakakura zvakapetwa kaviri nechidimbu pane yadzaitova nayo muCongo. Zvisinei, sezvatichaona, zvinetso zvakamuka.

Kwemakore hama hadzina kugona kuronga kokorodzano dzakakura. Zvino dzakanga dzasununguka kuita kudaro. Muna 1980 Kokorodzano Dzoruwa shanu dzaiva nomusoro unoti “Rudo rwouMwari” dzakaitwa munyika yose. Dzimwe nhume dzaifanira kufamba kwemadaro akareba. Mhuri dzakawanda dzakafamba makiromita anopfuura 400 kuti dzipinde. Mapiyona chaiwo maviri aiva kunzvimbo iri kure chaizvo akapedza vhiki mbiri achichovha mabhasikoro kwemakiromita 700 achipfuura nomujecha rinonyudza uye nomumasango anogara achinaya mvura. Dzimwe nhume dzakabva kuCongo (Brazzaville), Burundi, neRwanda.

Mumakore akazotevera, zvaiva zvakakodzera kuronga kokorodzano dzoruwa munzvimbo dzakati wandei. Zvaiva zvechokwadi kuti hama dzaiva norusununguko rwokunamata, asi matambudziko emari akanga achiwedzera. Vakawanda vakanga vachiomerwa noupenyu. Mitengo yakanga ichikwira, asi mari inotambirwa yakanga isiri. Mari yokufambisa yaidiwa kuti hama dzikwire zvokufambisa pamadaro marefu yaiva yakawanda. Naizvozvo, dare rebazi norudo rakaronga kuti dzimwe kokorodzano dziitirwe munzvimbo dzaiva pedyo nekwaigara hama dzakawanda.

Zvinogona kuva zvakaoma kufamba mumigwagwa yomuCongo: Miti yakadonha, mabhiriji akaparara, jecha rinonyudza, nemakomba ane madhaka hazvizivani. Vamiririri vebazi nemadzimai avo vanozvipira nguva dzose pavanoenda kunoitisa magungano nekokorodzano. Asi, izvi zvishoma kana tichizvienzanisa nokuzvipira kwehama nehanzvadzi dzinofanira kufamba kwemazuva uye dzichirara panze. Zvichakarovedzeka kuti hama dzifambe makiromita 50 uye 150 kuti dzipinde kokorodzano dzoruwa.

Misha Mitsva yeMamishinari Inovhurwa

Kuzivikanwa zviri pamutemo muna 1980 kwakazarura nzira yokuti mamishinari matsva auye munyika. Muna 1981 muGoma (Purovhinzi yeKivu) makava nomusha mutsva. Mumakore maviri akatevera mimwe misha yakavapo muLikasi (Katanga), Mbuji-Mayi, (Kasai), Kikwit (Bandundu), uye muguta rinosvikira ngarava reMatadi (Lower Congo). Misha yakanga yambovharwa yakavhurwazve. Pakupedzisira, muna 1986 muIsiro (Purovhinzi yeOrientale), makava nomusha mutsva zvichiita kuti pave nemisha 11 munyika yacho. Misha iyi ndiyo yaichengeterwawo mabhuku. Hama dzaikurukurirana nokutumirana zvinhu nehofisi yebazi vachishandisa mamishinari. Hama nehanzvadzi dzemo dzaionga zvikuru kukurudzirwa nokudzidziswa kwadzaiitwa nemamishinari. Gore rebasa ra1981 rakapera nenhamba itsva yepamusoro yevaparidzi 25 753. Paive nemikana mikuru yokuwedzera.

Havatyi Kimbilikiti

Kimbilikiti izita romudzimu wedzinza. Mudzimu uyu unonamatwa nevanhu vedzinza rinonzi Rega, vanogara musango guru riri nechepakati pakadziva kumabvazuva kwenyika yacho. Upenyu hwevanhu ava—vazhinji vacho vavhimi, varimi, vabati vehove—hunodzorwa nezvavanodavira zvechitendero cheKimbilikiti. Boka iri rechitendero rine zvakavanzika zvizhinji, uye vapristi varo vanodzora vaya vanorarama vachitya mudzimu wacho.

Zvapupu zvaJehovha zviri munzvimbo iyi hazvityi Kimbilikiti nokuti zvinoziva kuti Jehovha ndiye Mwari wechokwadi bedzi. Ndizvo zvoga zvisingateereri zvinorayirwa nevapristi vaKimbilikiti zvakadai sokupira mbudzi nehuku kuti vapristi vadye.

Kutangira muna 1978 nhengo dzeboka iri dzakatanga kutambudza Zvapupu zvaJehovha pachena. Dzakapisa Dzimba dzoUmambo dzinoverengeka, dzikadzinga hama mumisha, dzikatora zvinhu zvehama nechisimba. Boka iri rakashandisawo uroyi nezvitsinga richiedza kukuvadza hama pasina kubudirira. Zvadaro, muna August 1983, nhengo dzeboka iri dzakaronga kuita zvaityisa—dzakaponda noutsinye hama sere pedyo nomusha wePangi.

Chiitiko chaityisa ichi chakavhundutsa ungano, kunyanya vaya vakanga varasikirwa nomurume kana kuti baba. Hofisi yebazi nehama dzemo vakamhanya mhanya kuti vatsigire mhuri idzi mune zvokunamata uye zvinodiwa zvokunyama.

Zvichakadai, mhondi dzacho dzakambonzwa dzakachengeteka dziri musango guru riri kure. Zvisinei, vaiva nemhosva vakazosungwa. Mhosva yacho yakatongerwa mudare rokuruwa rweKindu. Vaipomerwa vacho vakataura kuti mudzimu waKimbilikiti wakanga wavaita kuti vaponde. Zvisinei, muchuchisi akaratidza vaiva nemhosva chaivo. Akataura kuti: “Dzimwe [nhengo dzedzinza reRega] idzo dzakanga dzamboitawo mitambo yokupira Kimbilikiti uye dzaiziva zvakavanzika zvacho iye zvino dzakanga dzava Zvapupu zvaJehovha. Zvapupu izvi zvakafumura zvakavanzika, kunyanya zviya zvine chokuita nezvokusatombovapo kwomudzimu unonzi Kimbilikiti. Somugumisiro, zvakafumura unyengeri hwezvinhu zvaipiwa zvichinzi zviri kudiwa nomudzimu uyo, maererano neZvapupu zvaJehovha, uri unyengeri hukuru hwakarongwa hunoitwa nevarume vakuru vanotungamirira mitambo iyi.”

Saka vaipomerwa ndivo vakawanikwa vaine mhosva, kwete mudzimu waKimbilikiti. Nyaya yacho payakakwidzwa, dare repamusoro rokuBukavu harina kuchinja kutongerwa rufu kwemhondi idzi. Vachuchisi vakayambira nezvezvaizoitika kana Zvapupu zvaJehovha zvaizorwiswazve nevanamati vaKimbilikiti.b

Kubvira ipapo, pave paine zvimwe zvakaitika, asi nhengo dzeboka racho dzakaziva kuti hadzaigona kuramba dzichivanza zvinhu zvakadaro musango kana kuvimba nokudzivirirwa naKimbilikiti asina kumbobvira avapo. Zvichakadaro, Zvapupu zvaJehovha nokutendeka zvakaramba zvichibatsira vamwe kusiyana neboka iri. Norudo Jehovha akakomborera zvavaiedza kuita. Iye zvino mune vaparidzi vanoshingaira vanopfuura 300 vari kushumira muungano dziri munharaunda iyi. Vanoda Jehovha; havatyi Kimbilikiti.

Basa Rakarambidzwa

Pakasvika 1985 basa roUmambo rakanga riri kufambira mberi zvakanaka zvikuru muCongo. Kuvakwa kweBheteri idzva kwakanga kwatanga panzvimbo yakanga yatengwa muna 1980. Vazvipiri vokune dzimwe nyika vanenge 60 vakanga varipo kuti vabatsire. Gore rebasa rose rakapera paine vaparidzi vanenge 35 000 mumunda wacho uye nhamba itsva yepamusoro yemapiyona. Mamishinari 60 akanga achiparidza nokushingaira munyika yose. Vatariri vanofambira vakanga vachidzidzisa vakuru vomuungano nemapiyona. Zvinhu zvose zvinenge zvakanga zvagadzirira kuwedzera kukuru.

Zvisinei, havasi vose vaitarira vachifarira kubudirira mumudzimu nomunyama kwevanhu vaMwari. Vachishanda nevatungamiriri vezvematongerwe enyika, vafundisi vakanga vachivhiringidza basa rehama. Pana March 12, 1986, Purezidhendi Mobutu vakasayina mutemo wokurambidza basa reZvapupu zvaJehovha. Zuva rakatevera racho, kurambidzwa kwacho kwakaziviswa muredhiyo yenyika yose. Mumwe mushamarari akati: “Zvino hatichazombonzwizve nezveZvapupu zvaJehovha mu[Congo].” Akaratidza kuti akanga akarasika zvikuru!

Hofisi yebazi yakadana mamishinari mana ayo akanga ari kushanda sevatariri vemaruwa ndokugovera hama dzemo kuti dzienderere mberi nebasa roruwa. Nokuti mamishinari akanga asingachagoni kuramba achiparidza pachena, zvakanga zvava kuita sokuti vakanga vakasungwa vari pamba pavo. Hama dzemo dzaingwarira zvikuru padzaipupura. (Mat. 10:16) Zvinosuruvarisa kuti vanhu vakawanda vaifarira vakatya vakarega kudzidza. Dzimwe Dzimba dzoUmambo dzakavharwa kana kutoputswa. Dzimwe dzakatorwa nebato rezvematongerwe enyika. Hama dzaitoita zvokuungana mumapoka maduku. Hama dzaisungwa usiku mudzimba dzadzo, uye zvinhu zvadzo zvaibiwa.

MuPurovhinzi yeÉquateur, hama dzakawanda dzakarohwa ndokukandirwa mujeri. Mumwe piyona chaiye akarohwa zvakasimba ndokuiswa mujeri kwemwedzi mitatu. Zvose izvi zvakakonzerwa nechiziviso chakapiwa muredhiyo. Kusvikira panguva iyi, hapana mutemo chaiwo wakanga waitwa kuti pave nokurambidzwa. Nguva pfupi pashure pechiziviso chokurambidzwa kwacho, hama dzakakwirira kudare asi hadzina kuwana mhinduro. Ipapo muna June 1986, purezidhendi wenyika yacho akataura pachena achishora Zvapupu achiti hazvina kuzvipira kunyika uye hazviremekedzi vakuru venyika.

Zvinhu zvakanga zvachinja nokukurumidza zvikuru! Vanhu vaimboremekedzwa vakangotanga kusaremekedzwa. Basa rokuvaka bazi idzva rakamira, uye panzvimbo yacho paimbova noruzha nebasa romufaro pakanga pangoti zii. Vazvipiri vose vokune dzimwe nyika vaitofanira kubuda munyika yacho, uye zvokushandisa pakuvaka zvakatengeswa. Hama dzemo dzinenge 20 dzakaramba dziripo kuti dzichengete nzvimbo yacho.

Ipapo kamwe kamwe, tsamba yomusi waJune 26, 1986, yakabva kumukuru mukuru wezvokuchengetedzwa kwenyika, ichitaura kuti mamishinari ose aifanira kubuda munyika. Kurambidzwa uku kwaizova kwakasiyana nokurambidzwa kwomuna 1972, apo mamishinari aigona kugara. Zvaisuruvarisa sei kuona Dhipatimendi Rokutumira zvinhu rakazara nezvinhu zvehama sezvo mamishinari airongedza kuti aende! Mukati maJuly, mamishinari 23 akabva achienda kune dzimwe nyika. Avo vakanga vabuda munyika vachienda kuzororo havana kuzombodzoka. Zvino pakatanga imwe nguva yokuchenesa muCongo.

Kurongwa Patsva Nokuda Kwebasa Repachivande

Kana vashori vaifunga kuti vaizoodza mwoyo vanhu vaJehovha kana kuti kuvaparadza, vakanga vakarasika. Vakanga vasingazivi simba romudzimu mutsvene waJehovha noushingi hwevanhu vaMwari. Kapoka kaduku kemamishinari agara nebasa kakakwanisa kuramba kari munyika yacho. Hama dzaishanda pabazi dzakaramba dzichiita basa radzo rokutarisira basa rokuparidza Umambo dziri mumisha yakasiyana-siyana. Hama dzakaitisa Chikoro Chebasa Roupiyona mumisha yakasiyana-siyana iri munyika yacho.

Zvokudya zvomudzimu hazvina kumboshayikwa. Hama dzakaramba dzichidhinda nokuparadzira mabhuku eBhaibheri. Hofisi yebazi yakatumira mapepa ehurukuro dzekokorodzano nedzemagungano edunhu kuungano, uko mashoko acho aipiwa sehurukuro. Vatariri vematunhu pavaishanyira ungano, vairidza mitambo yepakokorodzano yakarekodwa mumitauro yemo. Izvi zvaiitwa gore negore kubva muna 1986 kusvikira kurambidzwa kwacho kwapera. Kunyange zvazvo zvose izvi zvaiva basa guru, hama dzakabatsirwa zvikuru.

Zvichingunodai, vakuru vakataura nezviremera zvehurumende kuti vatsanangure maonero avo okusava nokwavakarerekera mune zvematongerwe enyika uye kuedza kujekesa kuti kusava nokwavakarerekera hakuna kufanana nokumukira hurumende. Nenzira iyi, zita raJehovha nechinangwa zvakasvika pakuzivikanwa nevanhu vose, kusanganisira zviremera zvepamusoro zvenyika. Vashumiri vaJehovha vakaratidza kuti vaiva vanhu vakasiyana—vasina kana nokwavakarerekera asi vane runyararo uye vasingamukiri hurumende.

Kuderera Nokuzowedzera Kwevazivisi voUmambo

Mushumo webasa wa1987 wakaratidza kuderera ne6 muzana kwenhamba yevaparidzi. Vamwe vaitya uye vakanga vasingadi kuzvizivisa kuti vakanga vari vesangano rakarambidzwa. Kutambudzwa kunotyisa kwakatanga munharaunda dzakawanda.

Zvisinei, dzimwe nguva, vaishora vacho zvaivadzokera. Somuenzaniso, mumwe sabhuku wemo akaita musangano wokungotaura nezvokushora Zvapupu zvaJehovha. Sabhuku wacho akasimudza bhuku rinonzi Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri ndokuudza vanhu kuti vaifanira kusunga munhu upi noupi aiparadzira bhuku racho. Vanhu vakati vaida kumboongorora bhuku racho kuti vagoriziva. Akabvuma, uye vakafarira zvavakaona. Vamwe vakabva vanokumbira bhuku racho kune mumwe piyona chaiye aigara mune mumwe musha. Piyona wacho anoyeuka kuti: “Ndakatanga zvidzidzo zveBhaibheri nevanhu gumi. Ndakanga ndisati ndamboparidza mumusha wasabhuku wacho. Dai akanga asina kutishora, zvaizoreva kuti zvimwe ava vangadai vasina kuwana mukana wokudzidza chokwadi!”

Hama dzakashandisa mamiriro ezvinhu matsva aya. Kunyange zvazvo dzaisagona kuita zvakawanda, vakanga vasina ‘kumanikidzwa zvokusagona kufamba.’ (2 VaK. 4:8) Gore rebasa ra1988 rakapera nokuwedzera kwenhamba yevaparidzi ne7 muzana. Zvidzidzo zveBhaibheri zvinenge 60 000 zvakanga zvichiitiswa. Hama dzokuDhipatimendi Rebasa dzepaBheteri dzakashanyira maguta makuru kuti dzikurudzire nokusangana nevakuru vemo nevatariri vanofambira. Zvichingunodai, hofisi yebazi yakaenderera mberi nokutarisira Congo (Brazzaville) iri pedyo, uko basa rakanga richirambidzwawo, uye Burundi.

Imwe hama yakanga ichishanda somukuru wechikoro muKolwezi yakaramba kuita mhiko yezvematongerwe enyika. Nemhaka yeizvi, yakarohwa zvakaipisisa ndokuchinjirwa kuLubumbashi, uko vashori vayo vakafunga kuti yaizourayiwa. Hama yacho yakatsanangura zvakadzikama zvikonzero zvayo zvokusava nokwayakarerekera. Yakanzi haina mhosva ndokudzorerwa kuKolwezi. Vaya vakanga vairova vaifanira kukumbira ruregerero! Yakadzorerwazve pabasa rokudzidzisa ndokugadzwa somukuru wezvikoro!

Muna October 1988, masabhuku emo akatora nzvimbo yaivakirwa Bheteri muKinshasa ndokutora matani emabhuku eBhaibheri. Varwi vaigara vachiba mabhuku nemaBhaibheri nemakatoni, ayo aizotengeswa mumisika yemo. Vanhu vaiatenga, zvichiita kuti hama dziwane vanhu vakatomirira kutanga kudzidza Bhaibheri.c

Pakazosvika 1989, nhamba yevaparidzi voUmambo yakanga yasvika 40 707, pasinei nokurambidzwa. Vashori veZvapupu zvaJehovha vechitendero vakatsamwa nazvo. Akanga ari gurukota rezvomutemo, uyo aiva shamwari inonyatsozivikanwa yeChechi yeKaturike, akatumira tsamba kuvachuchisi vose muCongo yaitaura kusafadzwa kwake nokupfuurira kwebasa revanhu vaJehovha. Akakurudzira kuti Zvapupu zvaJehovha zvisungwe uye kuti Dzimba dzoUmambo dzivharwe. Pashure pacho, muhurukuro yake kuvatungamiriri vechitendero, akatsanangura kuti vanhu vaJehovha vakafanana ne“madhimoni chaiwo.” Izvi zvakakonzera kutambudzwa mupurovhinzi yokumusha kwegurukota racho yeBandundu.

Vana Vanoiswa Mujeri

Panguva iyoyo, vamwe vana veZvapupu zvaJehovha vakasungwa vari kuchikoro nemhaka yokuramba kuita mimwe mitambo yezvematongerwe enyika. Baba vevanakomana vaviri vakasungwawo vakakandirwa mujeri nevanakomana vavo vaduku. Varindi vejeri vakarayirwa kuti vasambovapa chero zvokudya. Ashamiswa nazvo, mumwe murindi akabvunza kuti: “Mujeri iri tine mhondi nembavha, uye tinovapa zvokudya. Nei murume uyu nevanakomana vake vaviri vachifanira kunyimwa zvokudya?” Paasina kupiwa mhinduro inogutsa, murindi uyu pachake akavapa zvokudya. Vakomana vacho vakapedza mazuva 11 vari mujeri, uye baba vavo avo vakanga vari piyona chaiye, mazuva 7. Muedzo uyu hauna kumbovaodza mwoyo.

MuKikwit, mumwe murume akanga asiri mumwe weZvapupu zvaJehovha akasungwa pashure pokunge mudzimai wake aiva Chapupu nevanasikana vake vaviri vaiswa mujeri. Vakuru vakuru pavakaona kuti murume wacho akanga asingatendi zvaitendwa nomudzimai wake, vakamurayira kuti abude mujeri. Akaramba kuenda, achitaura kuti aisazosiya mudzimai wake nevana vake. Paakazosunungurwa nemhuri yake, akadzidza Bhaibheri ndokubhabhatidzwa. Zvino mukuru muungano.

Mhirizhonga Munyika

Muna September 1991 kumukira kwechiuto kwakaitika muKinshasa, kuchiteverwa nokupaza kwaiitwa nevanhu vachiba kwose kwose. Izvi zvakaguma nokushayikwa kukuru kwezvokudya nemafuta emotokari pamwe nokushayikwa kwemabasa kukuru nokuderera kukuru kwoukoshi hwemari. Hofisi dzemapazi eZvapupu zvaJehovha muSouth Africa neFrance dzakatumira ruyamuro.

Bazi reCongo sezvaraiparapatika kuti rikunde zvinetso zvaro, raitarisirawo vapoteri vaibva munyika dzakavakidzana, Angola neSudan. Nechokuchamhembe kwakadziva kumabvazuva kweCongo, Zekaria Belemo, uyo aiva mutariri anofambira panguva iyoyo, akashanyira boka rehama dzaiva vapoteri dzichibva kuSudan. Akataura navo neChirungu chake chisina kunyatsonaka, icho chakashandurirwa muchiArabic. Zekaria zvakamunetsa kana hama dzakanzwisisa hurukuro yacho yose. Kwapera makore mashanu, mamwe majaya maviri aishanyira Bheteri akauya kwaari ndokubvunza kuti: “Muchiri kutiziva here? Takanga tiri vamwe vevaya vakanga vakateerera hurukuro yenyu mumusasa wevapoteri. Takateerera kurudziro yose yamakapa ndokutanga kudzidza Bhaibheri.” Gare gare, majaya maviri aya akatsaurira upenyu hwawo kuna Jehovha.

Kurwisana kwemarudzi ndiko kwakanga kuri chimwe chinetso chakaramba chiripo munyika yacho. Vazhinji vokuKasai vakanga vatamira kumaodzanyemba kuKatanga. Muna 1992 na1993, vokuKatanga vakavadzinga mupurovhinzi yacho. Vazhinji vevaibva kuKasai vakatosiya mabasa, zvinhu zvavo, nemisha. Vakatiza kuti vazviponese vachienda kumisasa kana kuti dzimwe nzvimbo kwavaigona kuungana kuti vazvidzivirire. Vanopfuura 100 000 vakadzokera kumusha kwavo kuKasai. Pakati pavo paiva neZvapupu zvaJehovha zvinenge 4 000. Kunyange zvazvo hama dzaigara pedyo dzaiva dzisina zvakawanda uye zvokudya zvaiva zvishoma, vakaita zvose zvavaigona kuti vabatsire. Imwe ungano iri pedyo nomugwagwa mukuru unobva muKatanga uchienda kuchamhembe yakatumira hama kuti dzinotarisa mota dzose dzaiuya kana dzaiva neZvapupu. Dzangozivikanwa, dzaibva dzabatsirwa.

Bazi rokuSouth Africa rakatumira motokari dzakawanda dzakazara nezvokudya nemishonga kuti zvinopiwa hama dzaiva dzakamirira mumisasa dzainge dzasiya misha yadzo. Urongwa uhwu hwakaponesa upenyu. Dare Rinodzora rakapawo nhungamiro kuhama dzaiva muKinshasa kuti dzitenge zvokudya, mishonga, mapadza, nefoshoro kuti mhuri dzigotanga kugara muKasai dzichirima.

Zvimwe Zviratidzo Zvokuchinja

Hurukuro yapurezidhendi uye paakataura nevatori venhau musi waApril 24, 1990, zvakaratidza kuchinja kukuru pakuonekwa kweZvapupu zvaJehovha pamutemo. Munhaurirano yake nevatori venhau vemo uye nevokunze, purezidhendi akavimbisa kuti hurumende yaitsigira kodzero dzose kusanganisira dzokubudiswa kwemashoko nedzokunamata. Izvi zvakavhurira hama mukana wokuparidza nokuungana pachena. Vaiva mumajeri vakasunungurwa.

Uchiri kuyeuka here mushamarari weparedhiyo uya akazivisa nechivimbo muna 1986 kuti Zvapupu zvaJehovha zvaisazombonzwikazve muCongo? Zvaaifunga zvakaratidza kuti zvaisava zvechokwadi. Kurambidza pakwakatanga muna 1986, kwaiva nevaparidzi 34 207 muCongo. Pakazopera gore rebasa ra1990, kwaiva nevaparidzi 50 677 muCongo, vanokwana 156 590 vachipinda Chirangaridzo. Mbeu yechibage cheAfrica yaiva musaga yakanga yawedzera pasinei nokushorwa, kucherwa, kutambudzwa uye hasha dzevatungamiriri vechitendero nevezvematongerwe enyika. Muna 1997, apo hurumende yaPurezidhendi Mobutu yakapidigurwa, mushamarari uya ndiye akazotiza nyika, kwete Zvapupu zvaJehovha.

Rusununguko Zvakare

Mutemo wakadzikwa napurezidhendi muna 1986 wakarambidza basa rose reZvapupu zvaJehovha ukaparadzawo sangano razvo repamutemo munyika yacho. Zvisinei, pana January 8, 1993, Dare Repamusoro rokuZaire (Congo) rakazivisawo mutongo panyaya yeJehovah’s Witnesses v. the Republic of Zaire. Dare rakatonga kuti mutemo wakanga wadzikwa napurezidhendi wakanga usina kururama richibva raubvisa. Izvi zvakafadza hama zvikuru!

Chisarudzo ichi cheDare Repamusoro chakakonzera mhirizhonga nokuti dare rakanga rashandisa bumbiro idzva romutemo, rakanga risingadiwi napurezidhendi nevatsigiri vake. Vamwe vakaona chisarudzo ichi sechairatidza gwara rezvisarudzo zvedare zvomunguva yemberi. Zvapupu zvakava parumananzombe munharo idzi, asi izvi zvakava uchapupu hwakakura zvikuru kuti zita raJehovha ripiwe mbiri! Nyaya zhinji dzemapepanhau dzakataura pamusoro penhau iyi inokosha. Zvadaro Dhipatimendi Rezvematare emhosva rakazivisa magavhuna emumapurovhinzi akasiyana siyana kuti Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvava kuzivikanwa zvekare zviri pamutemo kuti zvienderere mberi nemabasa azvo echitendero. Kwakanga kuri kukunda kukuru kwevanhu vaJehovha nokunamata kwechokwadi!

Matambudziko Okutumira Mabhuku muCongo

Congo inyika huru. Zvisinei, kunze kwemhenderekedzo duku yomuBas-Congo, nyika yacho yakapoteredzwa nedzimwe nyika. Zvakawanda zvinotumirwa zvinosvikira pachiteshi chengarava cheMatadi. Pane njanji imwe chete nemugwagwa une tara mumwe chete uri pakati peMatadi neguta guru, chinhambwe chemakiromita anenge 300.

Mapazi omuEurope akatumira bazi rokuCongo marori, ayo akashandiswa zvakanaka pakutumira mabhuku uye pabasa rokuvaka. Kubvira muna 1999, Bheteri raitorera mabhuku kuMatadi. Izvi zvave zvichibatsira zvikuru nokuti mabhuku anogona kudzikiswa zvakanaka kubva mungarava ochengetwa panosvikira mabhuku kusvikira rori rinobva kubazi rauya kuzoatora kuenda kuKinshasa.

Muma 1980, zvakanga zvichiri kubvira kuita nzendo nomunyika yacho kubva kuKinshasa kusvika kuLubumbashi, nokumira panzvimbo dzokusiya mabhuku pamisha yemamishinari paKananga neMbuji-Mayi. Kunyange zvazvo jeti yaigona kubhururuka pakati peKinshasa neLubumbashi mumaawa anenge maviri, rori yakatakura yaida vhiki mbiri kuti iite rwendo rwacho! Zvisinei, nokufamba kwenguva, migwagwa yacho yakaramba ichiipa kusvika pakusafambika. Kunyange zvazvo pane zviuru zvemakiromita zvenzizi dzinofambika, zvikepe zvinokwidza nenyika yacho kubva kuKinshasa hazvivimbiki. Kunze kwezvinetso izvi, kusagadzikana kwezvematongerwe enyika kuchiri kuenderera mberi mune dzimwe nzvimbo, zvinoita kuti motokari dzinobva kuBheteri dzisakwanisa kuenda kune dzimwe nzvimbo dzakapoteredza Kinshasa. Ndege ndiyo nzira yakanakisisa yokuendesa nayo mabhuku kubva kubazi kuenda kunzvimbo dziri kure.

Mamwe mapazi akabatira pamwe kutumira mabhuku kuhama. Bazi rokuCameroon rinotumira mabhuku nomuCentral African Republic uye kusvika kuchamhembe kweCongo. Mapazi eRwanda neKenya anobatsirawo kutumira mabhuku kunzvimbo dzokumabvazuva kwenyika. Ungano dziri kune dzimwe nzvimbo dzokumaodzanyemba dzinogamuchira mabhuku adzo kubva kuSouth Africa nokuZambia.

Chikoro Chokudzidzisa Vashumiri—Chikomborero Chomunda

Muna 1995 kirasi yokutanga yeChikoro Chokudzidzisa Vashumiri yakarongwa muKinshasa. Pakasvika April 2003, hama dzinokwana 400 dzakanga dzadzidziswa mumakirasi 16. Vadzidzi vashanu vava vatariri vemaruwa, uye vanopfuura 60 vari mubasa redunhu. Vamwe makumi mashanu vakagadzwa kuva mapiyona chaiwo. Idzi hama dzakaratidza kuva midziyo inokosha pakubatsira kuti pave nechido chebasa rokuparidza.

Kuvamwe zvakanga zvisiri nyore kupinda chikoro ichi. Hama Georges Mutombo pavakagamuchira tsamba yaivakoka, vaigara munzvimbo yaitongwa nevarwi vaipikisa hurumende. Vaitofanira kuchovha bhasikoro makiromita 400 kuenda kuKamina vasati vakwira ndege kuenda kuKinshasa, kwaiitirwa chikoro chacho. Rwendo rwavo rwakabatanidza kutsungirira kunaya kwemvura kwemazuva matatu uye kumiswa nevarwi ka16. Vakachovhawo vachipfuura nomunzvimbo yaiva noutsotsi zvikuru. Pane imwe nguva, vakatandaniswa neboka revapanduki, vaivawo nemabhasikoro. Kutandaniswa kwacho kwakazopera pakaputika vhiri rebhasikoro romukuru weboka raivatandanisa. Zviri pachena kuti vapanduki ava vakaziva kuti Hama Mutombo vaiva Chapupu nemhaka yezvavaiva vakapfeka. Vakadaidzira kuti vaisazoramba vachivatandanisa sezvo vakanga vaona kuti Mwari wavo, Jehovha, aiva navo.

Zvivako Zvokutarisira Kuwedzera Kwebasa roUmambo

Kubvira muna 1965 hofisi yebazi yakanga iri pa764 Avenue des Elephants, Limete, muKinshasa. Muna 1991 nzvimbo yakatengwa munzvimbo yemaindasitiri omuguta. Zvivako zvikuru zvitatu zvepanzvimbo iyi zvakanga zvamboshandiswa nekambani yemachira uye zvikazoshandiswa semashopu okugadzirisa zvakafa. Hama dzakagadzirisa zvivako zvacho kuti basa rebazi rigoitirwa panzvimbo imwe chete. Kunyange zvazvo kusachengeteka uye kusagadzikana kwezvematongerwe enyika kwakanonotsa basa, basa pazvivako zvitsva zvebazi rakatanga muna 1993 pakasvika vazvipiri vokune dzimwe nyika. Muna April 1996, vashandi vepabazi vakatama kubva kuAvenue des Elephants vachienda kuzvivako zvitsva. Kutama kwapera, mumwe mukuru wepaBheteri akati: “Kuona mhuri yose iri pamwe chete kunotiyeuchidza nezvemakore gumi akapfuura apo basa redu rakarambidzwa. Tinoonga zvikuru Jehovha Mwari nesangano rake rinooneka nokuda kwezvivako izvi zvakanaka zvikuru.” Muna October 1996 nhamba yepamusoro yevaparidzi yakasvika 100 000. Hama dzakafadzwa netariro yokuwedzerazve.

Mamishinari Anouya Kuzobatsira

Muma1990, zvakanga zvava kubvira kudzosa mamishinari munyika yacho kuti vave nevamwe vavo vanomwe vakanga varamba varimo mumakore okurambidzwa. Muna July 1995, Hama Sébastien Johnson nomudzimai wavo, Gisela, vakatumirwa kuCongo kubva kuSenegal. Mamwe mamishinari aizouyawo. Vamwe vakabva kuUnited States pashure pokupedza kudzidza pachikoro cheGiriyedhi, vamwe vakasvika vachibva kuBelgium, Britain, uye France. Muna March 1998, Christian naJuliette Belotti vakasvika vachibva kuFrench Guiana. Muna January 1999, Peter Wilhjelm nomudzimai wake, Anna-Lise, vakagoverwa kuendako vachibva kuSenegal. Gare gare mamwe mamishinari akauya kuCongo achibva kuCameroon, Mali, uye Senegal.

Muna December 1999 musha wemamishinari mutsva wakavhurwa mumusha wokugara womuKinshasa. Mamishinari gumi nemaviri anogara mumusha uyu. MuLubumbashi, musha wemamishinari wave uchishandiswa pasina kuvhiringidzwa kubva muna 1965. Musha wechipiri wakavhurwa imomo muna 2003. Panguva ino mhuri ina dziri kugara mumusha iwoyo. Musha mutsva wemamishinari wakavambwa muna May 2002 muGoma, nechokumabvazuva kwenyika, nemamishinari mana akagoverwa ikoko. Mamishinari anongoramba achiratidza kuva chikomborero mumunda mukuru uyu unoita zvibereko.

Kusava Nokwavakarerekera kwechiKristu Munguva Yehondo

Mamishinari aya mazhinji akasvika panguva yokuchinja kwaiitwa nechisimba munyika yacho. Muna October 1996 hondo yakatanga nechokumabvazuva kwenyika ndokupararira nokukurumidza ichienda kune dzimwe nzvimbo. Chinangwa chehondo iyi chakanga chiri chokupidigura Purezidhendi Mobutu. Pana May 17, 1997, mauto aLaurent-Désiré Kabila akapinda muKinshasa, uye akava purezidhendi.

Panguva apo vanhu vaitarisa TV munyika yose vaiona mifananidzo inotyisa yevapoteri vakanga vapera basa nokutambura nenzara nezvirwere, vanhu vaJehovha vakaramba vachizivisa shoko reBhaibheri retariro nenyaradzo. Zvinosuruvarisa kuti zviuru zvisingaverengeki zvakaparara nehondo, kusanganisira Zvapupu zvinenge 50. Munguva yehondo vakawanda vakafa nekorera nezvimwe zvirwere.

Nhemhaka yehondo, vanhu vakawanda havana zvitupa. Izvi zvinoita kuti pave nezvinetso kuhama dzinofamba dzichiita basa rokuparidza. Mumigwagwa, mune nzvimbo dzakawanda dzinomiswa vanhu nevarwi. Vaparidzi veimwe ungano vakanga vasina zvitupa, naizvozvo mumwe mukuru akakurudzira hama kuti dzibudise makadhi adzo eAdvance Medical Directive/Release panzvimbo pechitupa, uye vose vakaita saizvozvo. Pane imwe nzvimbo yavakamiswa, varwi vakati kwavari: “Handizvo zvatiri kuda. Tiri kuda zvitupa chaizvo kumunhu mumwe nomumwe womuno!”

Hama dzakapindura kuti: “Iri ndiro kadhi rinoratidza kuti tiri Zvapupu zvaJehovha.” Varwi vacho vakavabvumira kupfuura.

MuKisangani, varwi vokunze kwenyika avo vakanga vachirwira mauto ehurumende vakasunga hama dzechiduku ina. Hama dzacho dzakanga dzapomerwa zvenhema kuti dzaipa mashoko kumuvengi. Mangwanani oga oga, varwi vacho vaisarudza vasungwa gumi, voenda navo kusango vonovauraya. Mamwe mangwanani, vakasarudza vaviri vehama dzacho pamwe nevamwe vasungwa vasere. Vakabva vaenda nemotokari. Vari munzira motokari yacho yakamira nokuti mumugwagwa makanga mune chitunha. Varwi vacho vakarayira hama dzacho mbiri kuti dzichivige. Pashure pokupedza basa racho, hama dzacho dzakamirira kuti motokari yacho idzoke, iyo yakanga yapfuurira isinavo. Kunyange zvazvo vaive nomukana wokutiza, havana kudaro nokuti vakanga vasingadi kuisa mungozi upenyu hweshamwari dzavo mbiri dzakanga dzasara mujeri. Motokari yacho yakadzoka isisina vasungwa vasere, avo vakanga vapfurwa. Kujeri kwacho, munhu wose akashamisika nokuona hama mbiri idzi dzadzoka dziri mhenyu. Nguva pfupi pashure paizvozvo, suo rejeri rakaputiswa apo mauto aipikisa akatora taundi racho. Varwi vaya vakatiza, uye hama dzakasunungurwa.

Mapazi OkuEurope Anobatsira Munguva Dzakaoma

Nzvimbo dzakawanda muCongo dzakanga dzichirwiwa kubva muna 1996, uye vanhu vakawanda vakasiyiswa misha yavo. Zviuru nezviuru zvehama dzaibva kuCongo dzakatizira kumisasa yevapoteri muTanzania neZambia. Sezvo chikamu chikuru cheCongo chakatanga kudzorwa nemauto evapanduki, zvakawedzera kuomera bazi kuramba richikurukurirana nokutarisira hama dzaiva munzvimbo dzacho dzaiva dzatorwa. Matare okuyamura akaumbwa mumaguta makuru kuti aparadzire zvinhu zvokuyamura. Mhuri yeBheteri yakaratidza mudzimu wokuda uye wokuzvipira nokushanda kusvika pakati pousiku kuti ibatsire pakuparadzirwa kwezvokuyamura. Zvapupu zvaJehovha muBelgimu, France, uye Switzerland zvakatumira nendege matani ezvokudya nezvokupfeka, nemishonga pamwe nemapeya eshangu 18 500 uye magumbeze 1 000. Basa rokuyamura richiri kuenderera mberi. Kutambura kwakawanda kuri kuderedzwa. Zvapupu zvaJehovha nevamwe vari kubatsirwa.

Muna October 1998 imwe nyaya yakabudiswa mupepanhau rokuKinshasa. Yakati: “Ungano dzechiKristu dzeZvapupu zvaJehovha dziri munyika dzokuEurope dzakasiyana-siyana dzakashanda pamwe kuti dziunganidze matani anopfuura 400 ezvinhu zvokuyamura zvaiuya kuCongo-Kinshasa uye kuCongo-Brazzaville. Nokushandira pamwe kwevazvipiri vakabva kuEngland, France, uye Switzerland, matani 37 omupunga, mukaka woupfu, bhinzi, uye mabhisikiti ane mavhitaminzi akatotumirwa kuKinshasa achibva kuOstend, Belgium, achitakurwa nendege, uye achisvika padzimbahwe reZvapupu zvaJehovha muKinshasa. Imwe ndege . . . ichasvika . . . nematani 38 ezvokudya.

“Zvinokosha kuona kuti Zvapupu zvaJehovha zvakabatsira vapoteri kuEast Africa kubvira pahondo yokuparadza rudzi muRwanda. . . . Akataura akamiririra Zvapupu zvaJehovha akazivisa kuti mipiro yokuzvidira iyi, inosanganisira zvokudya uye mishonga zvinosvika matani 200, zvakabatsira kurwisa chirwere chekorera. Panguva iyoyo Zvapupu zvaJehovha zvokuFrance uye Belgium zvakaumba zvikwata zvakawanda zvokubatsira vapoteri mumisasa. Akataurawo nezvemipiro yakaitwa neZvapupu zvaJehovha kuitira vanoshayiwa kuEastern Europe uye kuBosnia.”

Hondo Haimisi Kufambira Mberi Mumudzimu

Muna September 1998, vapanduki vakarwisa musha weNdjili, muKinshasa. Mumhirizhonga iyi, boka rehama rakahwanda mune imwe imba maigara mutariri wedunhu. Mutariri wedunhu wacho akanyengeterera boka iri ndokuriverengera Isaya 28:16, NW. Ndima iyoyo inoti: “Hapana anotenda achavhunduka.” Akavakurudzira vose kuramba vakadzikama uye kuvimba naJehovha kuti avatungamirire.

Vamwe vakakurudzira kuti vayambuke zambuko vobuda muNdjili, apo vamwe vakakurudzirawo kupfuura nepanjanji. Pakupedzisira, hama dzakasarudza kuti dzaifanira kuramba dziri padzaiva. Kwapera mazuva matatu mauto ehurumende akatorazve nzvimbo yacho. Hama dzakaona kuti dai dzakanga dzaenda neimwe yenzira yadzainge dzafunga, dzaizodai dzakabatanidzirwawo mukurwa kwacho.

Imwe hama yaibva kuKatanga muungano yeMuseka Kipuzi yaitengesera vamwe varwi hove. Pashure pokukurukurirana, mumwe murwi akaipomera kuti yaiva tsori yebato rinopikisa. Yakasungwa, ndokurohwa zvakasimba, ndokubva yaendeswa kumuzinda wemauto womunharaunda iyoyo. Hwakanga hwava usiku payakasvika. Varwi vacho vakati hama yacho ivatambire. Hama yacho yakapindura ichiti munganakidzwa sei nokutamba kwangu murima?”

Vakati: “Saka chiimba.” Nomwoyo wayo wose hama yakaimba “Kandira Mutoro Wako Pana Jehovha.” Vabayiwa pamwoyo nemashoko acho, varwi vacho vakaikumbira kuti idzokorore rwiyo rwacho. Yakaimba rwiyo rwacho kechipiri. Mumwe murwi akaiti iimbe rumwe rwiyo. Panguva ino yakaimba “Tinokuongai, Jehovha,” muchiKiluba, mutauro wayo waamai. Payakapedza, vakanga vaisunga vakaisunungura. Mangwanani akatevera varwi vacho vakaidzorera kutaundi ndokubvunza mumusha wayaigara kuti vave nechokwadi chokuti hama yacho yakanga isiri tsori. Vasati vaenda, varwi vacho vakaiudza kuti: “Wapotsa wafa, asi zvino hauchafi. Chitendero chako chakuponesa! Takanakidzwa nemashoko enziyo mbiri dzawakaimba. Usarega kushumira Mwari wako!”

Kuvaka Dzimba dzoUmambo Kunounza Rumbidzo Kuna Jehovha

Mumakore achangopfuura Dare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha rakaedza chaizvo kubatsira mukuvakwa kweDzimba dzoUmambo munyika dzisina mari yakawanda. Hama dziri muCongo dzakafarira chirongwa ichi, sezvo maidiwa Dzimba dzoUmambo zvikuru. Somuenzaniso muKinshasa maiva neungano 298 asi makanga musina kunyange dzimba 20 dzakakodzera. Mazana eDzimba dzoUmambo aidiwa munyika yose. Muna April 1999 chirongwa chokuvaka Dzimba dzoUmambo chakatanga muKinshasa. Gare gare, chakapararira chichienda kune mamwe mapurovhinzi omuCongo. Pakasvika 2003 Dzimba dzoUmambo dzinenge 175 dzakanga dzapedzwa muCongo dzose dziri mbiri.

Mumwe murume akanga anzwa nezvechokwadi kuma1950 akafadzwa zvikuru paakaona Imba yoUmambo ichivakwa pakatarisana nomusha waaigara. Akataura kuti: “Handina kumbobvira ndakoshesa Zvapupu. Iye zvino ndinogona kuona zvibereko zvebasa ravo. Vakavaka Imba yoUmambo pedyo neimba yomunun’una wangu, uye iye zvino imwe iri mhiri kwomusha wandinogara. Zvinoratidzika sokuti Zvapupu zviri kunditevera kwose kwose!” Murume uyu akabvuma kuuya kuChirangaridzo chorufu rwaKristu uye kukutsaurirwa kweImba yoUmambo itsva iyi. Iye zvino anopinda misangano nguva dzose.

Ungano nhatu muMatete dzaipindira misangano yadzo mune chimwe chivako chakasakara, chavakatenga muna 1994. Hama dzakanga dzisina kana mari yokugadzirisa chivako chacho, saka chakaramba chakadaro kwemakore matanhatu. Nechokune rimwe divi romugwagwa kwaiva nechechi hombe. Chechi payakavakwa, muparidzi wacho akati nokukurumidza Zvapupu zvaJehovha zvichange zvaenda. Vavakidzani vacho vakaseka hama nokuti dzakanga dzisina pokusonganira pakanaka. Kunyange apo ungano yacho yakatanga kukanya zvidhinha ichigadzirira kuvaka Imba yoUmambo itsva, vamwe vavakidzani vakaramba vachivaseka. Vakashamiswa zvikuru nokuona zvakazobuda! Zvino vanoti Zvapupu zvaJehovha zvine chivako chakanaka kupfuura zvose munharaunda yacho. Mumwe muvakidzani uyo akanga asingambodi kutaura neZvapupu akafadzwa zvikuru nezvakanga zvaitwa nehama. Akauya panzvimbo yaivakwa yacho ndokuvimbisa kuti aizoteerera Zvapupu pazvaizoshanya nguva inotevera.

Pane imwe nzvimbo yaivakwa, mumwe mukadzi akataura neimwe hanzvadzi yakanga ichibikira vashandi zvokudya. Mukadzi wacho akabvunza kuti: “Muri kuvaka chechi here?”

“Tiri kuvaka Imba yoUmambo,” hanzvadzi yacho yakapindura kudaro.

Mukadzi wacho akati: “Chivako ichi chichange chakangoita semi vanhu. Munogara makatsvinda uye makachena. Chechi yenyu ichafanana nemi!”

Kugadziridzwa Kwokutarisirwa kweBazi

Kutarisira zvinodikanwa zvomunda wacho, zvakava zvakakodzera kurongazve Dare reBazi remo. Muna May 1996 Dare Rinodzora rakagadziridza zvimwe zvinhu. Pana May 20, 1996, Hama Sébastien Johnson vakagadzwa kuva mutariri weDare reBazi. Ivo naHama Peter Ludwig, avo vakanga vaitwa nhengo yedare mwedzi miviri yakanga yapfuura, vakaumba Dare reBazi rine nhengo shomanana raitarisira basa. Mumakore akatevera acho, vamwe vakagadzwa: David Nawej, Christian Belotti, Benjamin Bandiwila, Peter Wilhjelm, Robert Elongo, Delphin Kavusa, naUno Nilsson. Nemhaka youtano Hama Peter Ludwig nomudzimai wavo Petra, vaifanira kudzokera kuGermany, uko vari kushanda zvino pahofisi yebazi.

Hama dziri muDare reBazi dziri kushanda zvakaoma kuti dzipe nhungamiro yaMwari mumunda wose. Uyewo, vashumiri vaJehovha vakagoverwa kuCongo vachibva kuNorth America, Europe, uye Japan kuti vanoshanda sevashumiri vokune dzimwe nyika, vashandi vepaBheteri vokune dzimwe nyika, uye mamishinari. Mugore rebasa ra2003, mhuri yeBheteri yokuKinshasa yakakura kuva nenhengo dzinopfuura 250. Zera repaavhareji raiva makore 34.

Basa Rakawanda Richiripo

Muprofita wekare akanyora kuti: “Wakaropafadzwa iye munhu unovimba naJehovha, wakaita Jehovha chivimbo chake.” (Jer. 17:7) Pasinei hapo nokuenderera mberi kwehondo mune dzimwe nzvimbo muCongo, hama dziri kuenderera mberi kuzivisa vamwe mashoko akanaka oUmambo. Kunyange zvazvo hondo yevagari vemo ichivhiringa kuedza kwehofisi yebazi kupa rubatsiro rwokunamata munyika yacho yose, zvakanga zvichikurudzira kuona nhamba yevaparidzi ichisvika panhamba itsva yepamusoro ye122 857.

Munyaya ino tarondedzera zvakaitika kuvashumiri vakatendeka vomuCongo. Hazvibviri kutaura mazita ehama nehanzvadzi dzose dzakabatsira pakudzivirira nokusimbisa pamutemo mashoko akanaka muCongo. Asi, vose vanogona kuva nechokwadi chokuti Jehovha anoonga. Muapostora Pauro akanyorera hama dzake dzechiKristu kuti: “Nokuti Mwari haasi asina kururama kuti angabve akanganwa basa renyu norudo rwamakaratidza nokuda kwezita rake, pakuti makashumira vatsvene uye munoramba muchishumira.”—VaH. 6:10.

Pachine basa rakawanda zvikuru rokuita. Kune ndima itsva dzinofanira kutanga kushandwa. Dzimba dzoUmambo dzinoda kuvakwa. Zvivako zvebazi zvinoda kuwedzerwa. Kunyange zvakadaro, tichitarisa makore anopfuura 50 ebasa raMwari muCongo, tinobvumirana nezvakataurwa neimwe hama muna 1952 kuti: ‘Tiri mbeu iri musaga rechibage cheAfrica. Pose pose patinodonhedzwa, imwe pashure peimwe, pakupedzisira mvura inouya uye tinowanda.’ Tinomirira nomufaro tichida kuona kuti Jehovha Mwari, Baba vedu vokudenga vachaita kuti mbeu yoUmambo ikure kusvika papi.—1 VaK. 3:6.

[Mashoko Omuzasi]

a Mumakore akapfuura, nyika iyi yakambonzi Congo Free State, Belgian Congo, Congo, Zaire, uye kubva muna 1997, Democratic Republic of Congo. Vanhu vanowanzoidana kuti Congo (Kinshasa) kuitira kuisiyanisa neCongo (Brazzaville) yakavakidzana nayo. Munyaya ino yose tichashandisa zita rokuti Congo.

b Ona Nharireyomurindi yaAugust 15, 1985 mapeji 3-10.

c Chisarudzo dzeDare Repamusoro chakazopa hama mvumo yokutorazve nzvimbo yavakanga vatanga kuvakira Bheteri kumavambo kwema1980. Varwi vakazoenda kunogarapo. Zvisinei, varwi ava pavakazobvapo mugore ra2000, zviremera zvemo zvakakamura nzvimbo yacho kuva tunzvimbo tuduku ndokututengesera kuvanhu zvisiri pamutemo. Mazana evanhu ava kugara panzvimbo yacho zvisiri pamutemo. Chinetso chacho hachisati chagadziriswa.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 229]

“Zvino hatichazombonzwizve nezveZvapupu zvaJehovha mu[Congo]”

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 249]

“Wapotsa wafa, asi zvino hauchafi. Chitendero chako chakuponesa!”

[Bhokisi riri papeji 168]

Zvakaita Congo (Kinshasa)

Nyika: Democratic Republic of Congo iri kumativi maviri eequator, uye yakakura kupeta katanhatu Congo (Brazzaville) yayakavakidzana nayo. Chikamu chikuru chokumusoro kweCongo chine masango anogara achinaya mvura, akapfumvutira kwazvo zvokuti chiedza chezuva hachiwanzosvika pasi. Kumabvazuva kwenyika yacho, kune makomo uye mamwe acho anoputika. Madokero eCongo ari pamhenderekedzo yeAtlantic Ocean uye akareba makiromita 37.

Vanhu: Vanhu mamiriyoni 55 vokuCongo ndevemapoka emadzinza anopfuura 200 omuAfrica. Pavanhu vacho, 50 muzana vanoti vaKaturike; 20 muzana vaPurotesitendi; 10 muzana vateveri vaKimbangu; ne10 muzana vaMuslim.

Mutauro: Munotaurwa mitauro yakawanda. Kunyange zvazvo chiFrench uriwo mutauro unonyanya kushandiswa pazvinhu zvizhinji, Lingala, Kingwana, Swahili, Kongo, neTshiluba ndiyo mitauro mikuru yemo.

Mararamiro: Congo ine zviwanikwa zvakawanda—petroleum, madhaimani, ndarama, sirivha, uranium—asi kurwisana kwomunguva pfupi yapfuura munyika yacho kwakaderedza zvikuru zvinhu zvinotengeswa kunze kwenyika uye kwakawedzera chikwereti chenyika. Mhuri dziri mumaruwa dzinozvirimira zvokudya zvadzo zvakawanda, kusanganisira mufarinya, chibage nomupunga.

Mhuka dzomusango: Mhuka dzomusango dzakawanda chaizvo. Munzvimbo dzine masango, mune makudo, magorira netsoko zvakawanda. Munzvimbo dzisina miti yakawanda munogara mhuka duku, mbada, shumba, zvipembere nembizi. Munzizi munogara makarwe nemvuu.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 173, 174]

Akatsvaka Chokwadi Akachiwana

Henry Kanama akanga ari weEvangelical Church muLuena asi akasvika pakuona kuti chitendero ichi chakanga chisina chokwadi. Kuti anyengetere nokufungisisa, aiwanzoenda kumakomo. Ikoko akasanga nerimwe boka raiti raitaura nemidzimu isingaonekwi. Vanhu veboka iri vakaudza Henry kuti vaifunga kuti Mwari aiva kure, kunyange zvazvo vakanga vasingazivi kuti kupi.

Henry akatanga kutsvaka Mwari wechokwadi. Akazosangana nomumwe murume akamupa magazini yeMukai! yechiFrench. Hazvina kutora nguva kuti Henry aone chokwadi cheBhaibheri. Izvi ndizvo zvaakanga achitsvaka! Akanyorera Zvapupu zvaJehovha pakero yaakawana mumagazini yacho, uye pasina nguva refu akanga ava kunakidzwa nechidzidzo cheBhaibheri nomutsamba. Pakupedzisira, Henry nomudzimai wake, Elisabeth, nevamwe vaaizivana navo vakanyora vachibvunza kuti vangabhabhatidzwa sei. Tsamba inotevera yavakagamuchira yakavaudza kuti vanyorere mahofisi emapazi omunyika dzakapoteredza. Zhinji dzacho dzaive kure.

Boka duku racho, raisanganisira Henry naElisabeth pamwe naHyppolite Banza nomudzimai wake Julienne, vakasarudza kuenda kuNorthern Rhodesia. Vose vakaona kuti vaifanira kudzidza mutauro weCibemba kuti vawedzere zivo yavo yechokwadi. Vakatanga vaona zvaidiwa ndokubva vatama. Pashure pemwedzi mitanhatu variko, vakabhabhatidzwa muna 1956.

Gore iroro vakadzokera kuCongo, kwavakashanda nesimba vachigovana mashoko akanaka nevamwe. Muna 1961, Henry nedzimwe shamwari dzake vakasungwa vakaendeswa kujeri. Vakanga vachipomerwa kuva vateveri veKitawala avo vakanga vauraya mumwe sabhuku uyo akanga achironga kuuraya mumwe sabhuku. Zvechokwadi, pakanga pasina uchapupu hweizvi, uye vakazosunungurwa.

Henry naElisabeth vakabva vatanga basa roupiyona. Vakazova mapiyona chaivo uye pakupedzisira vakazoshanda mubasa redunhu. Kunyange zvazvo Henry akafa muna 1991, Elisabeth achiri piyona wenguva dzose. Mumwe mwanakomana wavo, Ilunga ari mubasa redunhu.

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 178]

Albert Luyinu—Chapupu Chakatendeka

Hama Luyinu vakatanga kunzwa nezvechokwadi muna 1951 kubva kuna Simon Mampouya aibva kuCongo (Brazzaville) uyo wavaishanda naye. Hama Luyinu vakanga vari munhu wokutanga wokuCongo kuva chiremba wemazino, uye nzvimbo yavo yakakwirira munzanga haina kuita kuti zvive nyore kwavari kutsigira chokwadi. Ivo nomudzimai wavo vakabhabhatidzwa pashure pokuchengetwa kweChirangaridzo muna 1954. Vakabhabhatidzwa usiku nokuti basa rakanga richirambidzwa panguva iyoyo.

Kubva muna 1958 kusvika muna 1996, Hama Luyinu vakashanda somumiririri weAssociation of Jehovah’s Witnesses, sangano remo rakanyoreswa pamutemo reZvapupu. Vanoyeuka vachiturikira hurukuro yomuchato yakapiwa naHama Heuse vanhu 1 800 vakateerera. Hurukuro yacho yakatanga kutsanangura basa romudzimai wechiKristu. Hama Luyinu vakanzwa manyukunyuku pavaitarisa mudzimai wavo nedzimwe hanzvadzi dzaivapo. Zvisinei, vanoyeuka kuti pavakanzwa nezvemabasa omurume wechiKristu, vakanzwa vaderedzwa. Pakazopera hurukuro yacho, zvakanga zvatonyanya!

[Mufananidzo]

Albert naEmilie Luyinu

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 191-193]

Kubvunzurudza Pontien Mukanga

Akazvarwa: 1929

Akabhabhatidzwa: 1955

Nhoroondo: Akashanda somutariri wedunhu muCongo.

Muna 1955, ndakaenda kuchipatara ndichinzwa zino. Chiremba wemazino, Albert Luyinu, akandirapa ndokundiratidza Zvakazarurwa 21:3, 4 inotaura nezvenguva apo kuchange kusisinazve kurwadziwa. Ndakamupa kero yangu, uye Albert akandishanyira manheru iwayo. Ndakafambira mberi nokukurumidza zvikuru mukunamata uye ndakabhabhatidzwa mugore iroro.

Ndakagadzwa somutariri wedunhu muCongo yose muna 1960. Basa redunhu raisava nyore. Ndaifamba kwemazuva, kunyange vhiki, ndiri murori dzakazara zvinhu dzichifamba nomumigwagwa yakashata nezuva richibanda. Umhutu hwainditambudza usiku. Kazhinji rori raifa, uye ndaifanira kumirira kusvikira ragadzirwa. Ndaifamba ndoga munzira dzisina zvikwangwani uye kakawanda ndairasika.

Rimwe zuva, ndakashanyira rimwe taundi riri kuchamhembe kweCongo. Ndaiva naLeon Anzapa. Takafamba nebhasikoro takananga kune rimwe taundi raiva kure neanopfuura makiromita 120. Takarasika uye taifanira kurara muchikwere chehuku usiku humwe. Nhata dzaibva pahuku dzaitiruma, saka muridzi wenzvimbo akabatidza moto pakati pechikwere chacho kunyange zvazvo chakanga chisina mahwindo.

Usiku ihwohwo mwanakomana wepamba pacho akarwa nevamwe vomumusha iwoyo. Nokukurumidza baba vepamba apa vakapindirawo. Takaziva kuti kana vakakundwa, nesuwo taizochiona. Hatina kurara usiku ihwohwo nemhaka yenhata, utsi, nokurwa.

Kusati kwaedza, takaverevedza nemabhasikoro edu, asi tangoti fambei chinhambwe, takarasikazve. Takapedza muswere wose wezuva tichitevera nzira yakanga isingachashandiswi. Zuva rava kunopera, tava nenzara uye taneta, Leon akadonha pabhasikoro. Akanorovera nechiso padombo, achibva atsemuka muromo wokumusoro. Akanga achijuja ropa, asi takaramba tichienda kusvika tasvika pane mumwe musha. Pavakaona Leon, vanhu vomumusha uyu vakanga vachida kuziva kuti ndiani ainge amukuvadza. Takatsanangura kuti akanga adonha pabhasikoro. Havana kuzvibvuma uye vakandipomera kuti ndini ndakanga ndamukuvadza. Hatina kurara usiku ihwohwo zvakare; Leon akanga achirwadziwa, uye vanhu vomumusha uyu vaitaura nezvokundikuvadzawo. Kwayedza takarusimudzira kusvikira tasvika pane mumwe musha waiva nomushonga. Vakadira Mercurochrome pamuromo waLeon ndokusona ronda racho masitichi matanhatu. Takazofambazve mamwe makiromita 80 takananga kuGemena, kwandakazosiya Leon kuti arapwe muchipatara chiduku. Ndakaramba ndichienda ndoga kuti ndinosanganazve nomudzimai wangu, ndokubva tatanga kudzika norwizi takananga kuKinshasa.

Mudzimai waHama Mukanga, Marie aiwanzoendawo panzendo refu idzi. Akafa muna 1963. Muna 1966 vakaroorazve ndokuenderera mberi nebasa redunhu kusvikira muna 1969. Vachiri mubasa renguva yakazara, sapiyona wenguva dzose.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 195, 196]

Kubvunzurudza François Danda

Akazvarwa: 1935

Akabhabhatidzwa: 1959

Nhoroondo: Aiva mutariri wedunhu kubva muna 1963 kusvika muna 1986. Akashanda paBheteri muCongo kubva muna 1986 kusvika muna1996. Zvino mukuru uye ndipiyona chaiye.

Muna 1974, ndakanga ndichishanyira ungano iri muKenge, mupurovhinzi yeBandundu apo mauto ebato raitonga akatisunga tiri vanomwe. Mhosva yatainyanya kupomerwa yaiva yokuti takaramba kupinda mumitambo yezvematongerwe enyika yairatidza kuremekedza mutungamiriri wenyika. Vakatiisa muchitokisi chakanga chisina mahwindo uye chaiva chiri mamita maviri kumativi ose. Hapana chero mumwe wedu aigona kugara kana kurara pasi; taingogona kuzemberana. Taingobvumirwa kubuda panze kaviri bedzi pazuva, pamazuva 45 atakanga tiri muchitokisi ichi. Apo mudzimai wangu Henriette, akanzwa zvakanga zvaitika, akafamba makiromita 290 kubva kuKinshasa kuti azondiona. Zvisinei, vakamubvumira kungondiona kamwe bedzi pavhiki.

Rimwe zuva muchuchisi wehurumende akauya kuzoshanyira jeri racho. Akaitirwa mutambo wezvematongerwe enyika wokumuremekedza. Munhu wose kunze kwedu akaimba nziyo dzezvematongerwe enyika nokuita masirogani ebato. Muchuchisi wacho akagumbuka ndokundirayira kuti ndiudze dzimwe hama nhanhatu kuti dziimbe. Ndakapindura kuti ndakanga ndisina simba pavari uye kuti kuimba kana kusaimba chakanga chiri chisarudzo chavo. Ndakaroverwa izvozvo.

Gare gare, takatutirwa kumashure kwemotokari. Varwi vaviri vakaenda nesu kuti vatirinde, uye muchuchisi mumwe chete iyeye akagara mberi nomutyairi. Takanga takananga kuguta reBandundu, guta guru repurovhinzi ine zita rimwe chete iroro. Motokari yacho yakanga ichimhanya zvikuru. Ndakaudza hama kuti dzibatire zvakasimba uye ndakatanga kunyengetera. Pandakanga ndava kunopedza munyengetero wangu, motokari yakakona ichimhanyisa ndokupidiguka. Zvinoshamisa kuti hapana akafa kana kukuvara. Takaona kuti Jehovha akanga atidzivirira. Patakamutsa motokari yacho, muchuchisi wacho akarayira varwi vaviri vaya kuti vatidzorere kujeri kuya netsoka. Motokari yacho yakaramba ichienda kuBandundu.

Patakadzokera kujeri zvekare, varwi vaya vakaudza vakuru vakuru vepo zvakanga zvaitika ndokuvateterera kuti vatirege tiende. Mukuru mukuru wejeri racho akashamiswa zvikuru, achitodavira sezvataiitawo kuti Mwari akanga atidzivirira. Takapedza mazuva mashomanana anotevera tiri muchitokisi chenguva dzose uye takabvumirwa kufamba-famba tichionana nevamwe vasungwa panze. Tichibva tazosunungurwa.

Pashure pokushumira kwemakore 24 mubasa redunhu, François naHenriette vakakokwa kuBheteri. Makore gumi gare gare vakachinjira kubasa roupiyona chaihwo. Henriette akafa musi waAugust 16, 1998.

[Bhokisi riri papeji 200-202]

Kubvunzurudza Michael Pottage

Akazvarwa: 1939

Akabhabhatidzwa: 1956

Nhoroondo: Hama Pottage nomudzimai wavo, Barbara, vakashumira muCongo kwemakore 29. Iye zvino vava paBheteri rokuBritain, Hama Pottage mukuru muungano inotaura mutauro weLingala muLondon.

Dambudziko redu guru raiva rokudzidzira kukurukurirana. Kutanga taifanira kunyatsogona kutaura French, mutauro unonyanya kushandiswa pazvinhu zvizhinji muCongo. Ikoko kwaingova kutanga chete. MuKatanga takadzidza Swahili; muKananga taifanira kuziva Tshiluba; uye patakanzi tiende kuKinshasa takadzidza Lingala.

Zvose izvi zvaibatsira zvikuru. Kutanga, hama dzedu dzaiwanzotifarira pataitamburira kutaura nadzo. Dzakaona kuedza kwataiita kutaura mutauro wadzo sechiratidzo chokudzida nokudzifarira zvechokwadi. Chechipiri chazvakabatsira chaiva chokuti ushumiri hwedu hwakava nezvahunoreva. Saimba paainzwa tichitaura mutauro wake aiwanzotanga kushamisika zvichiteverwa nokufarira uye kuremekedza, pamwe nechido chokunzwa zvataida kutaura.

Pataifamba mubasa roruwa, kuziva kwedu mitauro yemo kwakatiponesa pamamiriro ezvinhu aigona kuva nengozi. Kumiswa nevarwi kana kuti vezvematongerwe enyika zvaiwanzoitika munguva dzenhamo uye kwaishandiswa kukorovhera mari. Vanobva kune dzimwe nyika ndivo vainyanya kuoneka sevane mari uye vari nyore kukorovhera. Pataimiswa, taikwazisa varwi vacho nomutauro wemo. Izvi zvaiita kuti vashamisike chaizvo. Vaibva vatibvunza kuti taiva vanaani. Pataigona kutaura zvinopfuura kungokwazisa totsanangura mumutauro wavo zvatakanga tichiita chaizvo, vaiwanzofara nazvo, vokumbira mabhuku edu, uye voti tifambe zvakanaka, Mwari atikomborere.

Taiwanzofadzwa zvikuru norudo rwokuzvipira rwairatidzwa nehama dzedu dzomuAfrica. Kwemakore akawanda Congo yaiva nebato rimwe chete rezvematongerwe enyika, raipikisa nechisimba vaya vaiva vasina kwavakarerekera, seZvapupu zvaJehovha. Mumamiriro ezvinhu aya, taifamba nejipi mubasa roruwa, tichishumira hama pamagungano.

Ndinonyatsoyeuka rimwe gungano. Papurogiramu yemanheru yezuva rokupedzisira, mukuru webato rezvematongerwe enyika wemo akauya seri kwechikuva. Ainge akadhakwa uye achituka, achida kuti timubvumire kukwira pachikuva, oudza munhu wose kuti anofanira kutenga kadhi rebato. Patakaramba, akashatirwa akashevedzera achitituka, achiti Zvapupu zvaJehovha zvairwisana nehurumende uye zvaifanira kusungwa. Dzimwe hama dzakakwanisa kumunyengetedza kuti aende. Akaenda, achishevedzera kuti aizotimhan’arira kumutongi woruwa rwacho ozodzoka kuzopisa jipi neimba youswa matakanga tichigara. Taizviziva kuti uku kwaisangova kungotyisidzira.

Hama dzakaita zvakanaka zvikuru. Pane kutya dzotiza, dzakatiunganira dzichitikurudzira kuvimba naJehovha tosiira zvinhu mumaoko ake. Vakabva vaita majana okuchengeta imba yedu youswa nejipi yedu usiku hwose. Chakanga chiri chiitiko chakatibaya mwoyo zvikuru. Hama dzakanga dzisina kungogadzirira kufira kutichengeta chete asi dzakanga dzakagadzirirawo kusangana noutsinye hupi nohupi hwaigona kuzouya pashure pokunge taenda nemhaka yokuramba kutsigira bato rezvematongerwe enyika. Hatisati tambokanganwa kuratidzirwa kworudo rwechiKristu rwokuzvipira urwu, pamwe nedzimwe nzira dzokuratidza nadzo rudo rwoushamwari dzakawanda dzatakaitirwa mumakore edu ose atakagara muCongo.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 211-213]

Kubvunzurudza Terence Latham

Akazvarwa: 1945

Akabhabhatidzwa: 1964

Nhoroondo: Akapedza makore 12 ari mumishinari. Akadzidza kutaura French, Lingala, neSwahili. Iye zvino ari kushumira ari muSpain nomudzimai wake nevana vaviri.

Maiva muna 1969 apo ini naRaymond Knowles takaenda kuKisangani nendege. Panguva iyoyo guta racho raiva nevagari vanenge 230 000 uye raiva guta guru repurovhinzi yeCongo riri kuchamhembe kwakadziva kumabvazuva.

Takagamuchirwa nomufaro zvikuru nevaparidzi vashomanana nevanhu vanofarira vakawanda vari munzvimbo iyi! Vakatipa zvipo zvakawanda—mapopo, zvinanazi, uye mabhanana, nemimwe michero yemo yatakanga tisati tamboona. Vamwe vakatiunzira huku mhenyu nekamba. Samuel Tshikaka akatigamuchira nomutsa mumusha make. Zvisinei, pasina nguva refu, takawana imba yokuroja. Nicholas naMary Fone pamwe naPaul naMarilyn Evans vakazobatana nesu. Hakusi kufara kwatakaita! Takagadziridza nokupenda musha wemamishinari wokutanga muKisangani pamwe chete. Wakanga wavharwa nemizambiringa yomusango nouswa hurefu, uye patakanga tichichenesa takamutsa majachacha maviri aigara mudenga remba. Nokufamba kwenguva, Peter naAnn Barnes vakauya kuzogara nesu mumusha iwoyo pamwe chete naAnn Harkness uyo akanga azova mudzimai wangu.

Makanga muri mumakore mana okutanga ataiparidza muKisangani atakadzidzira kutaura Lingala neSwahili ndokuswedera pedyo nevanhu ava vane mutsa uye ushamwari. Taiva nevadzidzi vakawanda zvikuru zvokuti taitoshanda kubva mangwanani-ngwanani kusvikira manheru-nheru kuti tivaone vose. Mumakore edu tiri muKisangani, takaona kapoka kevanhu vasingasviki gumi kachikura kuva ungano sere.

Pane imwe nguva tichifamba nemotokari nomumungwagwa unonzi Ituri, takaona musha wevaPygmy. Taida zvikuru kuvaparidzira. Dzimwe nyanzvi dzinoti vaPygmy vanoti sango ndiro amai kana kuti baba vavo nokuti rinovapa zvokudya, zvokupfeka nepokugara. Nemhaka yeizvi, vaPygmy vanoona sango serinoyera uye vanodavira kuti vanogona kutaura naro nokuita mutambo unonzi molimo. Mutambo uyu unosanganisira kutamba nokuimba vachitenderera pamoto. Pamwe nokutamba uku panoridzwawo hwamanda yemolimo, danda refu rine buri mukati iro rinofuridzwa nevarume kuti ririre nokuchema semhuka.

Takaomeswa mate mukanwa nemagariro evanhu vanogara vachifamba ava, avo vanowanzogara panzvimbo imwe kwemwedzi mumwe bedzi kana kupfuura. Musasa waiva nedzimba dzokurara dzakanga dzakaita somukoko wenyuchi dzakanga dzakavakwa nemashizha nemakwenzi. Dzimba idzi dzaiva nomukova mumwe bedzi dzaigona kuvakwa mumaawa maviri kana kuti asingasviki. Imwe neimwe yakanga yakakura zvokuti vanhu vashomanana vaigona kugonya mukati. Vamwe vana vakauya kuzobata ganda redu nebvudzi; vakanga vasati vamboona varungu. Yakanga iri ropafadzo chaiyo kusangana uye kuparidzira vanhu vane ushamwari vakadaro vomusango! Vakatiudza kuti vakanga vambosangana neZvapupu zvakauya kwavari zvichibva mumisha yaiva pedyo nomusasa wavo.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 215, 216]

Kubvunzurudza David Nawej

Akazvarwa: 1955

Akabhabhatidzwa: 1974

Nhoroondo: Panhengo dzose dzemo dzemhuri yeBheteri muCongo, ndivo vashumira kwemakore akawanda pane vose. Zvekare inhengo yeDare reBazi.

Muna 1976, ndakashamiswa nokutambira tsamba yaindikoka kuBheteri. Mashoko okuti “nokukurumidzira” uye “pakarepo” aiva akatarwa pasi mutsamba yacho. Ndaigara muKolwezi, makiromita anenge 2 450 kubva muKinshasa. Zvaisava nyore kubva pamba, asi ndaida kupindurawo sezvakaita Isaya kuti: “Ndiri pano ini, nditumei.”—Isa. 6:8.

Pandakasvika paBheteri, hama dzakandiratidza tapureta ndokundibvunza kana ndaigona kutaipa. Ndakapindura kuti ndaisona uye ndaiziva kushandisa muchina wokusonesa kwete tapureta. Zvisinei, ndakatanga kushanda nesimba uye ndakadzidzira kutaipa. Panguva iyoyo ndaishanda mudhipatimendi roKushandura neRebasa.

Pashure ndakazonzi ndiende kudhipatimendi rokugamuchira nokutumira tsamba. Chimwe chikamu chebasa racho chaiva chokutarisira makopani ainge achekwa nevanhu pamabhuku edu vachizoatumira kuhofisi yedu. Kakawanda, vaikumbira mamwe mabhuku. Zvaiwanzondinetsa kuti vanhu vaiita sei nemabhuku avaigamuchira. Asi zvandinoziva ndizvo zvakaitika pane imwe nguva. Varume vaduku vaviri vakafambira mberi nokukurumidza. Gare gare vakava mapiyona, uye vakazova mapiyona chaiwo. Pavakakokwa kuBheteri ndakagara nomumwe wavo.

Pane dzimwe nguva vanhu vainyorera kuBheteri vachipemha mari. Tsamba yaitumirwa vanhu vose yakanyorwa nokungwarira ichitsanangura basa redu rokuzvipira uye ichikurudzira munhu wose kudzidza Bhaibheri. Kare, imwe hama yakandiudza kuti yakanga yawana chokwadi kuburikidza netsamba iyi. Yakandiratidza tsamba yacho. Makore akapfuura, yakanga yanyorera kuBheteri, ichipemha mari. Yakanga yateerera kukurudzirwa kwayakanga yaitwa uye yakanga yava muchokwadi.

Pashure, ndakazotarisira nhau dzomutemo. Pane imwe nguva ndakabatsira hama dzakanga dzichipomerwa kusapfeka mabheji ebato. Ndakazvishingisa, ndikati kuvakuru vakuru vacho: “Bheji iri rinoratidzei? Tichangobva kupedza hondo yevagari vomuno, uye vose vamairwa navo vaipfeka mabheji. Bheji iri hapana zvarinoreva; harimboratidzi zvinofungwa nomunhu chaizvo. Zvinokosha ndezvokuti munhu akadini nechomukati. Zvapupu zvaJehovha vagari vomuno vasingazombofi vatanga hondo. Mafungiro aya okuteerera mutemo anokosha chaizvo kupfuura bheji.” Hama dzakaregerwa. Jehovha aigara achitibatsira mumamiriro ezvinhu akadai.

Iye zvino ndave ndichishanda paBheteri kwemakore 27. Kunyange zvazvo muviri usingachanditenderi kuita zvakawanda uye ndisina kudzidza kuzvikoro zvokunyika, ndinoramba ndichizvishandisa nesimba kuti Jehovha andishandise. PaBheteri pachine nhau dzinoda kukurumidzira uye dzinoda kuitwa pakarepo!

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 219, 220]

Kubvunzurudza Godfrey Bint

Akazvarwa: 1945

Akabhabhatidzwa: 1956

Nhoroondo: Akapedza kudzidza mukirasi yechi47 yeGiriyedhi. Akashumira muCongo kwemakore 17. Iye zvino anoshumira senhengo yeDare reBazi muRwanda. Anotaura Chirungu, French, Lingala, Swahili, neTshiluba.

Muna 1973, ndakanga ndiri mubasa romumunda neimwe hama muKananga. Zviremera zvakauya pamusha patakanga tichiitisa chidzidzo cheBhaibheri chepamusha ndokutisunga. Takapedza vhiki mbiri dzinotevera tiri mujeri. Munguva iyi, mumishinari wandaishanda naye, Mike Gates aitiunzira zvokudya, sezvo mujeri makanga musina. Pakupedzisira takazosunungurwa. Mwedzi mitatu gare gare, pazuva iro ini naMike taifanira kuenda kukokorodzano yemarudzi akawanda kuEngland, takanzwa kuti hama dzose dzomuungano yaiva pedyo dzakanga dzasungwa. Taida kudziona todzipa zvokudya. Zvakatishamisa ndezvokuti patakakumbira kuona hama, mejastriti akarayira kuti tisungwe. Pataimirira bhazi raizotiendesa kujeri, takanzwa ndege yataifanira kuenda nayo ichisimuka. Zvakatipedza simba!

Patakasvika kujeri, ndakaona kuti vazhinji vandaiva navo mujeri mwedzi mitatu yakapfuura vakanga vachirimo. Nokuti mumwe wangu akanga ambondiunzira zvokudya zvino akanga asungwawo, vasungwa vacho vakandibvunza kuti: “Panguva ino ndiani achakuunzira zvokudya?”

Takapindura kuti hama dzedu dzichatiunzira zvokudya, asi vasungwa vacho vakadzungudza musoro vasingazvidaviri. Vaiziva kuti munharaunda yacho makanga musina zvimwe Zvapupu zvaiva varungu. Vakashamiswa chaizvo zuva rakatevera apo hama dzedu dzomuCongo dzakatiunzira zvokudya zvakawanda zvokuti taitogona kuzvidya pamwe chete nevamwe vasungwa ava! Hwakanga huri uchapupu hwakanaka kwazvo pamusoro poukama hwedu hwenyika yose pamwe norudo runotibatanidza. Hama dzinodiwa idzodzo dzakatiunzira zvokudya dzakazviisa pangozi yokusungwa nokuita izvi. Mazuva mashanu gare gare takasunungurwa. Takabva tazoenda kuEngland nendege, tichisvika panguva chaipo kuti tipinde kokorodzano.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 224-226]

Kubvunzurudza Nzey Katasi Pandi

Akazvarwa: 1945

Akabhabhatidzwa: 1971

Nhoroondo: Akashumira asingatyi mundima dzakaoma ari hanzvadzi isina kuroorwa uye pashure akazobatana nomurume wake mubasa rokufambira kubvira muna 1988 kusvikira muna 1996. Panguva ino ari mubasa renguva yakazara chairo muKinshasa.

Muna 1970, ndakanga ndichiverenga Bhaibheri suo repamba pangu parakagogodzwa. Aiva mumwe murume aiva nemwanakomana wake muduku. Kakomana kacho kakatanga kutaura nezveBhaibheri uye kakandikumbira kuvhura rangu pana Mateu 24:14. Ndaizviona somunhu anonamata chaizvo, asi ndakatadza kuwana rugwaro rwacho. Kakandibatsira, uye takakurukurirana zvakanaka chaizvo.

Hama yacho yakaona kuti ndaifarira uye yakandikoka kumusangano pamusi weSvondo waitevera. Waiitirwa kuseri kweimba yeimwe hama, sezvo basa roKupupurira rakanga rarambidzwa. Ndakanakidzwa nehurukuro yacho uye ndakamirira Chidzidzo cheNharireyomurindi. Usiku ihwohwo hama dzakauya kumba kwangu dzikatanga kudzidza neni.

Nokufamba kwenguva ndakabhabhatidzwa ndokutanga basa renguva yakazara. MuUshumiri Hwedu hwoUmambo, ndakaverenga nezvedzimwe nzvimbo dzenyika kwaidiwa vaparidzi. Ndakabvunza kana ndaigona kuenda kuKenge, iri mupurovhinzi yeBandundu. Hama dzakabvuma, asi dzakandiyambira kuti vamwe vakanga vasungwa ikoko. Ndakafunga kuti, ‘Havangagoni kusunga munhu wose.’ Saka ndakasarudza kuenda.

Ndakasvika manheru uye ndakafara kuziva kuti mutariri wedunhu Hama François Danda, vakanga vashanyira ungano iyi. Mangwanani akatevera ndakaenda kumusangano webasa romumunda, ndikashama pandakaona kuti Hama Danda nedzimwe hama vakanga vasungwa. Mukuru wemapurisa aida kutaura neni. Akati; “Tinoziva kuti uri mumwe weZvapupu zvaJehovha. Unogona kugara hako muKenge kana uchida, asi tikakuona uchifamba famba nebhegi rako, tichakusunga.”

Vanhu vomunharaunda yacho havana kufara nezvakanga zvaitwa nomukuru wemapurisa nevanhu vake. Vaiziva kuti Zvapupu zvaJehovha zvaisakuvadza vamwe. Vanhu vakataura kuti mapurisa aya aifanira kuenda kumwe kunorwisa matsotsi—kwaiva nematsotsi akawanda—kwete kupedza nguva yavo neZvapupu zvaJehovha. Pakupedzisira, hama dzakazosunungurwa.

Ndakagadzwa kuti ndishande sapiyona chaiye muna 1975 ndikashanyira mataundi nemisha yakawanda, ndichigara kwevhiki mbiri kana nhatu panzvimbo imwe neimwe. Pashure penguva pfupi, mapoka matanhatu evanhu vanofarira akatangwa. Ndakanyorera kubazi, ndichikumbira kuti hama dzitumirwe kuti dzizofudza nokutarisira mapoka acho.

Ndakaonana naJean-Baptiste Pandi uyo akanga ariwo piyona chaiye. Kare ndakanga ndambotaura nemamishinari nezvokuroorwa uye basa renguva yakazara. Vakandiudza kuti kana ndaida kuenderera mberi kwenguva refu mubasa renguva yakazara, zvaizondiitira nyore kana ndaisazova nevana. Jean-Baptiste akabvuma, uye takaroorana. Vanhu vanodavira kuti vana vanozokuchengeta kana wakura. Zvisinei, nguva yachinja, uye ndinoziva nezvenguva dzakawanda apo vabereki vakaodzwa mwoyo zvikuru. Ini naJean-Baptiste hatina kumboodzwa mwoyo chero munzira ipi neipi.

Kwemakore ose, takaona vanhu vakawanda vachiuya muchokwadi. Ndinonyanya kufadzwa nemhuri yangu. Ndakabatsira hanzvadzi dzangu nomunun’una pamusoro pokubatsira baba namai vangu kuwana chokwadi.

Pisarema 68:11 rinoti: “Vakadzi vakaparidza shoko vaiva vazhinji-zhinji.” Izvi zvinoreva kuti isu hanzvadzi tine basa guru uye tinofanira kuita zvatinogona. Ndinoonga Jehovha zvikuru kuti akandibvumira kuti ndiitewo basa iri.

[Bhokisi riri papeji 240]

Kushandurwa Kwezvine Chokuita Nokunamata

Kunyange zvazvo French uriwo mutauro weCongo unonyanya kushandiswa pazvinhu zvizhinji, Lingala ndiwo mutauro mukuru unotaurwa muKinshasa uye munzvimbo dzinotevedza Rwizi rweCongo. Kunyange zvazvo Lingala isina mashoko akawanda, ine mashoko akapfuma kwazvo. Somuenzaniso, shoko rokuti “kupfidza” rinonzi kobongola motema, zvinoreva kuti “kusandura mwoyo.” Mamwe matauriro ane chokuita nemwoyo uye manzwiro anoita munhu ndeokuti kokitisa motema, zvichireva kuti “kuisa mwoyo pasi” kana kuti, nemamwe mashoko, “kudzikama.”

Nharireyomurindi yave ichishandurirwa mumutauro weLingala kwemakumi emakore. Iye zvino mabhuku anoshandurirwa mumitauro inotevera inotaurwa muCongo: Kiluba, Kinande, Kipende, Kisonge, Kituba, Lingala, Lingombe, Lomongo, Mashi, Monokutuba, Ngbaka, Otetela, Swahili (Congo), Tshiluba, uye Uruund.

[Bhokisi riri papeji 247]

Anoshingaira Kunyange Akaremara

Richard uyo ane makore makumi maviri, akaoma rutivi rwomuviri uye ave akarara kwemakore 15. Anongogona kufambisa musoro wake chete. Zvisinei muna January 1997 akava muparidzi asina kubhabhatidzwa. Richard anoramba achiparidzira vaya vanomushanyira mukamuri rake. Paanenge achitaura, inzwi rake rizere nechivimbo. Anoparidza avhareji yemaawa gumi pamwedzi. Musi waApril 12, 1998, akatakurwa ari pamubhedha wake kuti anobhabhatidzwa murwizi rusiri kure nomusha wake. Iye zvino ave kukwanisa kupinda misangano nguva dzose. Ari kudzidzisawo imwe hama yake chokwadi, iyo yave kupinda misangano yechiKristu uye iri kufambira mberi zvinofadza. Kunyange zvazvo isina simba romuviri, hama iyi yakapiwa simba nomudzimu waMwari.

[Bhokisi riri papeji 248]

‘Havasi Venyika’

Rimwe zuva ari kuchikoro, Esther uyo ane makore 12 akashamisika apo mudzidzisi akati mudzidzi mumwe nomumwe amire pamberi pekirasi oimba rwiyo rwenyika yavo. Pakasvika chijana chake, Esther akaudza mudzidzisi zvine ruremekedzo achiti aisakwanisa kuita kudaro. Esther anorondedzera zvakazoitika:

“Mudzidzisi akatsamwa. Ndakabva ndakumbira kuti ndiimbe rumwe rwiyo. Akabvuma. Ndakaimba ‘Havasi Rutivi Rwenyika.’ Mudzidzisi akabva ati kirasi yose iombere, ikadaro.

“Chikoro chapera, mudzidzisi akandishevedza pedu toga akabva ati akanga anakidzwa norwiyo rwacho, kunyanya mashoko acho. Akawedzera kuti: ‘Ndinozviona kuti imi Zvapupu zvaJehovha makaparadzana chaizvo nenyika. Kuzvibata kwako mukirasi kunoratidzawo izvozvi.’

“Mumwe wevandinodzidza navo akanakidzwawo chaizvo. Akatanga kubvunza mibvunzo, ndikaipindura. Pakazopera gore, taifanira kuparadzana, asi ndakamukurudzira kutsvaka Zvapupu zvaJehovha kunzvimbo yaaizoenda. Akazvitsvaka, uye zvino ave hanzvadzi.”

[Bhokisi riri papeji 251]

Kutendeseka Kunoita kuti Mwari Akudzwe

Imwe hama yaishanda mufekitari. Rimwe zuva pane muchina wakakuvadzwa pamusana pokukanganisa kwakaitwa nechikwata chaishanda nehama iyi. Mutungamiriri wacho akasarudza kudzinga chikwata chacho chose. Akavapa mari yavo akabva avadzinga basa. Hama iyi yasvika kumba, yakaona kuti yakanga yapiwa mafranc 500 (mari inongoti pfuurei Z$824,00), saka yakadzokera kuti inodzosera mari yacho. Yakasarudza kuti ishandise mukana wacho kuti ipupurire, uye mutungamiriri wacho akashamiswa kwazvo nokutendeseka kwehama iyi zvokuti akaikumbira kuti igare yoramba ichimushandira.

[Chati/Girafu iri papeji 176, 177]

CONGO (KINSHASA)—ZVIITIKO ZVINOKOSHA

1932: Panoedzwa kutumira Zvapupu zvaJehovha kuCongo.

1940

1949: Mutemo unotsigira kurambidzwa kusiri kwepamutemo kweZvapupu zvaJehovha.

1960

1960: Congo inowana rusununguko uye nguva yokubvumira zvimwe zvitendero inotanga.

1962: Hofisi yebazi inotangwa muLéopoldville (zvino yava Kinshasa). Mamishinari okutanga anosvika.

1966: Kuzivikanwa kwepamutemo kunopiwa Zvapupu zvaJehovha.

1971: Kuzivikanwa kwepamutemo kunobviswa.

1980

1980: Kuzivikanwa kwepamutemo kunowanikwazve.

1986: Zvapupu zvaJehovha zvinorambidzwa.

1990: Rusununguko rwokunamata runopiwa asi kwete pachena.

1993: Dare Repamusoro rinochinja kurambidzwa kwakaitwa muna 1986. Basa rinotanga pabazi idzva.

2000

2003: Vaparidzi 122,857 vari kushanda muCongo (Kinshasa).

[Girafu]

(Ona bhuku racho)

Nhamba Yose yeVaparidzi

Nhambo Yose yeMapiyona

120 000

80 000

40 000

1940 1960 1980 2000

[Mepu dziri papeji 169]

Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

SUDAN

CENTRAL AFRICAN REPUBLIC

REPUBLIC OF CONGO

BRAZZAVILLE

DEMOCRATIC REPUBLIC OF CONGO

Isiro

Bumba

Rwizi rwaCongo

Kisangani

Goma

Bukavu

Bandundu

KINSHASA

KASAI

Kenge

Kikwit

Matadi

Kananga

Mbuji-Mayi

KATANGA

Kamina

Luena

Kolwezi

Likasi

Lubumbashi

ANGOLA

ZAMBIA

[Mufananidzo unozadza peji yose uri papeji 162]

[Mufananidzo uri papeji 185]

Hélène, Ernest, naDanielle Heuse muKinshasa muma1960

[Mifananidzo iri papeji 186]

Zviitiko zvorubhabhatidzo pakokorodzano dzemarudzi akawanda zvinoratidzwa mufirimu rinonzi “The Happiness of the New World Society” rakafadza vokuCongo vakawanda vakariona

[Mufananidzo uri papeji 199]

Madeleine naJulian Kissel

[Mufananidzo uri papeji 205]

Nzvimbo dzokunamatira dzisingashamisiri dzakavakwa munyika yacho yose

[Mufananidzo uri papeji 207]

Hofisi yebazi muKinshasa, muna 1965

[Mufananidzo uri papeji 208]

Gungano muKolwezi, muna 1967

[Mufananidzo uri papeji 209]

Migwagwa isina kunaka yaiita kuti kufamba kuome

[Mufananidzo uri papeji 221]

Kokorodzano Yoruwa muKinshasa yaiti “Rudo rwouMwari” muna 1980, ndiyo yaiva kokorodzano huru yakaitwa ikoko mumakore masere

[Mufananidzo uri papeji 223]

Vakawanda vanofamba kwemazuva vakatakura zvokudya nezvinhu zvavo, kuti vangopinda magungano nekokorodzano

[Mufananidzo uri papeji 228]

Muna December 1985, mwedzi mitatu chete kurambidzwa kwakakomba kusati kwaitwa, Kokorodzano ye“Vachengeti Veperero” inoitwa muKinshasa

[Mufananidzo uri papeji 230]

Munguva yokurambidzwa, hama dzedu dzakatsungirira kuiswa mujeri uye kurohwa noutsinye

[Mufananidzo uri papeji 235]

Zekaria Belemo, achishanda somutariri anofambira anoshanyira boka rehama dziri vapoteri vanobva kuSudan

[Mifananidzo iri papeji 237]

Motokari dzakasimba dzinoshandiswa kutakura mabhuku mumigwagwa yenyika yakaoma kufamba

[Mufananidzo uri papeji 238]

Kirasi yokutanga yeChikoro Chokudzidzisa Vashumiri muCongo (Kinshasa) muna 1995

[Mufananidzo uri papeji 241]

Gisela naSébastien Johnson

[Mufananidzo uri papeji 243]

Mamishinari gumi nemaviri anogara pamusha uyu muKinshasa

[Mifananidzo iri papeji 244, 245]

Zvokuyamura zvakasvika zvichibva kuEurope uye zvakaendeswa kune vaishayiwa muna 1998

[Mifananidzo iri papeji 246]

Vatariri vanofambira, vakadai saIlunga Kanama (ari kuruboshwe nechepasi) uye Mazela Mitelezi (mufananidzo uri mukati, kuruboshwe), vakasangana nezvinetso zvakawanda munzvimbo dzakasakadzwa nehondo

[Mifananidzo iri papeji 252, 253]

(1) Zvivako zveBheteri muKinshasa

(2-4) Dzimba dzoUmambo dzichangobva kuvakwa

(5) Hama iri kubatsira kuvaka Imba yoUmambo

[Mufananidzo uri papeji 254]

Dare reBazi, kubva kuruboshwe kuenda kurudyi: Peter Wilhjelm, Benjamin Bandiwila, Christian Belotti, David Nawej, Delphin Kavusa, Robert Elongo, Sébastien Johnson, uye Uno Nilsson

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe