Republic of Congo (Brazzaville)
Musoro wokuti “Zvokwadi Ichakusunungurai” waivaima uri pabhuku repepuru raiva mupasuru yakavhurwa. Etienne akashamisika. Pakanga pasina mubvunzo kuti pasuru yacho yaiva yake. Kero yacho yaiva nezita rake, Etienne Nkounkou, mukuru wokudhirowa mapurani mudhipatimendi rehurumende muBangui, French Equatorial Africa. Zvisinei, akanga asina kuodha bhuku racho, uye kero yokwaraibva, Watch Tower muSwitzerland, haina zvayaireva kwaari. Haana kumbozvifungira kuti chokwadi cheBhaibheri chaitsanangurwa mubhuku iroro chakanga chava kuda kuchinja upenyu hwake. Chokwadi ichocho chaizosunungurawo zviuru zvevamwe vake muAfrica muchitendero chenhema, kufungirana zvakaipa kwemadzinza, uye kusagona kunyora nokuverenga. Chaizodzivirira vakawanda kuti vasatsvairwa nechamupupuri chetariro yezvematongerwe enyika chakanga chava pedyo nokuora mwoyo kwakazotevera. Chaizopa chivimbo netariro panguva yaizoitika zvinhu zvinorwadza. Chaizokurudzirawo vanhu vanotya Mwari kuisa upenyu hwavo mungozi kuti vabatsire vamwe. Nyaya yezvakaitika izvi ichakukurudzira nokukupa simba. Zvisinei, tisati taona zvakazoitwa naEtienne, ngatimboongorora mamwe mashoko pamusoro penyika yeAfrica yaaiti ndiwo musha wake.
Makore gumi Christopher Columbus asati aita rwendo rwake rwakakurumbira rwokuenda kuAmerica muna 1492, vaPutukezi vaifamba nezvikepe vachitungamirirwa naDiogo Cão vakasvika panodira Rwizi rweCongo munyanza nechepakati peAfrica. Vakanga vasingazivi kuti mvura yomurwizi yaipfachaidza chikepe chavo yakanga yafamba zviuru zvemakiromita isati yasvika munyanza.
VaPutukezi ava vakaonana nevanhu vemo, vagari vomuumambo hweKongo hwaibudirira kwazvo. Kwemazana emakore anoverengeka pashure paizvozvo, vaPutukezi nevamwe vatengesi vokuEurope vaitenga nyanga dzenzou nevaranda kubva kuvanhu veAfrica vaigara mumahombekombe. Vanhu vokuEurope vakatozopinda mukati menyika ma1800 ava kunopera. Mumwe wevarume vakakurumbira zvikuru akaongorora nzvimbo iyi aiva Pierre Savorgnan de Brazza, mukuru mukuru muuto romugungwa reFrance. Muna 1880, Brazza akanyorerana chibvumirano namambo womunzvimbo iyi, zvichiita kuti nzvimbo iri kumusoro kweRwizi rweCongo ive pasi peFrance. Nokufamba kwenguva nzvimbo yacho yakava French Equatorial Africa. Guta rayo guru raiva Brazzaville.
Nhasi, Brazzaville ndiro guta guru mune yava Republic of Congo zvino. Guta racho riri pamahombekombe poRwizi rweCongo. Nechezasi, rwizi rwacho runopupuma nomumangondo kwechikamu chikuru chemakiromita 400 acho rwakananga kugungwa, apo Cão akamisa chikepe chake parwendo rwake rwokuona nyika. Uri muBrazzaville unogona kutarisa mhiri kworwizi nomujengachenga reKinshasa, guta guru reDemocratic Republic of Congo. Sezvo nyika dzacho dzakatora zita rorwizi urwu, zvakakurumbira kudzidana kuti Congo (Brazzaville) neCongo (Kinshasa).
Mangondo nemapopoma ari zasi kweBrazzaville anoita kuti zvisabvira kufamba nechikepe nomurwizi rwacho uchienda kuAtlantic. Zvisinei, njanji inobatanidza Brazzaville neguta romumahombekombe rePointe-Noire. Vagari vazhinji vomuCongo vanogara mumaguta aya nomunharaunda yakapoteredza. Kunyange zvazvo mamwe mataundi nemaguta omumahombekombe ariko nechokumusoro, nzvimbo huru yenyika iyi inopisa uye ine miti yakawanda haina vanhu vakawanda.
Chokwadi Chinotanga Kusunungura Vanhu
Zvino ngatichidzokerai kunyaya yaEtienne. Gore raakagamuchira bhuku mutsamba raiva 1947. Zuva raakarigamuchira chairo, Etienne akaverenga ndokukurukura zvitsauko zvokutanga nomuvakidzani. Vose vakaona kuti raive nechokwadi ndokufunga kukoka shamwari Svondo yaitevera yacho kuti vazoverenga nadzo bhuku racho uye kutarisa magwaro. Vakauya vacho vakafara nezvavakadzidza ndokusarudza kuonana zvakare Svondo yaitevera. Mumwe mushandi wokuhofisi yezvokupinda nokubuda kwezvinhu munyika ainzi Augustin Bayonne akanga aripo pamusangano wechipiri. Aibvawo kuBrazzaville saEtienne, uye naiyewo akashingairira kuparadzira chokwadi chinounza rusununguko rwechokwadi.
Vhiki yakatevera yacho, Etienne akagamuchira tsamba mbiri. Imwe yacho yaibva kune mumwe waaiziva muCameroon uyo aiziva nezvokufarira kunamata kwaEtienne. Akanyora kuti akanga atumira zita raEtienne kuhofisi yokuSwitzerland yeWatch Tower Society. Yechipiri yacho yaibva kuSwitzerland ichiti bhuku rakanga riri kutumirwa kuna Etienne ichimukurudzira kuverenga bhuku racho nokutaurira mhuri yake neshamwari nezvaro. Yakapawo kero yokuFrance kwaaigona kuwana mamwe mashoko. Iye zvino Etienne akanga ava kuziva kuti nei bhuku rakanga rauya kwaari. Munguva pfupi akatanga kunyorerana nehofisi yebazi yeZvapupu zvaJehovha iri muFrance nguva dzose.
Pashure pemakore mashomanana, Etienne naAugustin vakanga vadzokera kuBrazzaville. Zvisinei, izvozvo zvisati zvaitika Etienne akanyorera mumwe waaiziva muBrazzaville ainzi Timothée Miemounoua, uyo akanga ari mukuru wechikoro chemabasa ounyanzvi. Tsamba yake yaitanga ichiti: “Ndinofara kukuzivisa kuti nzira yatave tiri kutevera haisi nzira yechokwadi. Zvapupu zvaJehovha zvine chokwadi.” Etienne akaenderera mberi achitsanangura zvaakanga adzidza. Akatumirawo bhuku rinonzi “Zvokwadi Ichakusunungurai.” Timothée akafarira shoko reBhaibheri, sezvakanga zvaitwa naEtienne naAugustin. Ava ndivo vakanga vari zvizvarwa zvomuCongo zvitatu zvokutanga kugamuchira chokwadi cheBhaibheri, uye mumwe nomumwe wavo akazobatsira vamwe vakawanda kuti vaitewo zvakafanana.
Timothée akakoka vadzidzi vakanga vachigara pachikoro kuti vauye kukurukurirano dzeBhaibheri kumanheru. Akanyorawo achikumbira mamwe mabhuku eBhaibheri. Boka racho rakatanga kupinda misangano uye kuparidza zvakanakisisa sezvavaigona. Vamwe vadzidzi, vakadai saNoé Mikouiza naSimon Mampouya, vakazova neropafadzo dzokutarisira musangano raJehovha.
Muna 1950, Eric Cooke, mumishinari aigara muSouthern Rhodesia (zvino yava Zimbabwe), akashanya kuti azokurudzira mapoka maduku evanhu vaifarira vaiva muBangui neBrazzaville. Zvisinei, chinetso chaiva chokuti Hama Cooke vakanga vasingagoni kutaura French. Etienne anoyeuka kuti: “Hama iyi yaizvininipisa, uye yaiva netsitsi yakaedza kutitsanangurira nepose payaigona napo basa rokuparidza nesangano raMwari ichishandisa duramanzwi rayo duku reChirungu neFrench. Dzimwe nguva taingoita zvokufungidzira zvayaiedza kureva.”
Kurambidzwa Kunotanga
Kushanya kwaHama Cooke kwakaitika panguva yakafanira chaiyo nokuti musi waJuly 24, 1950, mumiririri wezviremera zvakanga zvakapamba nyika akarambidza kupinzwa nokuparadzirwa kwemabhuku ose aibudiswa neZvapupu zvaJehovha. Mugore rakatevera racho, vaparidzi muFrench Equatorial Africa vakagovera mabhuku matanhatu bedzi kunyange zvazvo vakaita misangano yavose 468. Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra1952 raiva nemashoko airatidza kunzwisisa nokunzwira hama tsitsi. Rakati: “Fungidzira, kana uchigona, uri mundima huru inongova nevaparidzi veshoko roUmambo 37 vakapararira nenyika yacho yose. Zvimwe wakanga usati wamboona zvimwe zvapupu zvinoita basa kunze kwezvishomanana bedzi zvomutaundi rokumusha kwako. Zvinhu zvawaiziva bedzi pamusoro pechokwadi nenzira yokupupurira nayo ndezviya zvawakanga waverenga mumabhuku eSosaiti netsamba shomanana idzo yainge yakutumira. [Izvi ndizvo] zviri kutarisana nehama dziri munyika dzeAfrica dzinotongwa neFrance.”
Gare gare Jacques Michel akabva kuFrance achiuya kuzokurudzira boka racho nokuwedzera kuridzidzisa. Noé Mikouiza, uyo akanga ari mumwe wevadzidzi vepachikoro chemabasa ounyanzvi, anoyeuka mubvunzo wavaiva nawo. Vakabvunza kuti: “Hazvibvumirwi here kunwa waini?” Maziso ose akanga akanzi twiriri kuna Hama Michel sezvavaivhura Bhaibheri ravo pana Pisarema 104:15. Pashure pokuverenga ndima iyoyo, Hama Michel vakatsanangura kuti waini chipo chinobva kuna Mwari, kunyange zvazvo vaKristu vasingafaniri kunwa yakawandisa.
Hama dzakanga dzichangobva kubhabhatidzwa muBrazzaville dzakashingaira kupupurira kune vamwe. Pakupera kwevhiki, dzaiyambuka rwizi nechikepe nguva dzose dzichienda kunoparidza muKinshasa. Muna 1952, vanhu vokuCongo vokutanga vaiva mhiri kworwizi vakabhabhatidzwa. Hama dzaibva kuBrazzaville dzakaita zvakawanda kubatsira vaiva muKinshasa mumakore okutanga iwayo. Gare gare vaizochinjana mabasa avo.
Muna December 1954 hama dzakaronga gungano muBrazzaville. Vakapinda vakasvika 650, uye vakabhabhatidzwa vaiva 70. Chokwadi chakanga chiri kuramba chichisunungura vanhu vakawanda muchitendero chenhema. Chokwadi, vatungamiriri vechiKristudhomu vakanga vasiri kufara neizvi uye vakashanda kuti vaite kuti zviremera zvehurumende zvirwisane neZvapupu zvaJehovha. Mapurisa akafunga kuti Timothée Miemounoua ndiye aiva mutungamiriri weZvapupu, saka vaiwanzomudana kukamba yemapurisa. Vakamutyisidzira nokumurova. Izvi hazvina kumuodza mwoyo, uye hazvina kutyisidzira vamwe vanhu vaJehovha vose muBrazzaville. Kufarira chokwadi cheBhaibheri kwakaramba kuchiwedzera.
Ipapo zviremera zvakatora mamwe matanho. Timothée Miemounoua naAaron Diamonika, mumwe aimbova mudzidzi wepachikoro chokudzidzira mabasa ounyanzvi uyo akagamuchira chokwadi, vakapinzwa basa nehurumende. Muna 1955 hurumende yakavatamisira kumaguta ari kure mukati menyika yacho. Dupont Timothée akatumirwa kuDjambala, uye Aaron, kuImpfondo. Kuedza kukanganisa basa rokuparidza ikoko kwakakundikana zvikuru. Hama dzaiva muBrazzaville dzakaenderera mberi nebasa radzo rokushingaira, uku Timothée naAaron vachivhura ndima nokuumba ungano munzvimbo dzavo itsva. Kunyange zvazvo hama dzaishingaira, dzaida kwazvo rubatsiro kubva kunze kwenyika. Rwaizouya nokukurumidza.
Muna March 1956 mamishinari mana okutanga akasvika achibva kuFrance: Jean naIda Seignobos pamwe chete naClaude naSimone Dupont. Muna January 1957 hofisi yebazi yaizotarisira basa rokupupurira muFrench Equatorial Africa yakavhurwa muBrazzaville. Hama Seignobos vakagadzwa kuva muranda weBazi. Nguva pfupi kubva ipapo, pakaitika njodzi apo mudzimai waJean, Ida, akafira mutsaona yemotokari apo vaviri ava vakanga vachishanyira ungano mune zvino yava Central African Republic. Jean akaramba achishumira ari mumugove wake.
Kuparidza Vachipinda Mukatikati
Panguva iyoyo Augustin Bayonne akanga ava mutariri wedunhu. Augustin akashanyira misha yaiva pakati pesango pamwe nemisha yevaPygmy iri kumusoro nokumadokero kwenyika yacho. Nokuti aifamba kakawanda kudaro uye aienda kure zvakadaro, akasvika pakuzivikanwa munharaunda yacho yose soMufambi. Panhambo nenhambo, Jean Seignobos aiperekedza Hama Bayonne. Jean akashamisika kuti vanhu vaiva pakati pesango vaiziva kuti vakanga vachiuya. Ngoma dzakanga dzatumira mashoko aya: “Mufambi ari kuuya nomurungu.”
Nzendo idzi dzakabatsira mune zvakawanda. Pakutanga vanhu vaiti Zvapupu zvaJehovha zvaiva muCongo (Brazzaville) chete. Kuvapo kwaHama Seignobos nemamwe mamishinari, pamwe nokuratidzwa kwefirimu rinonzi The New World Society in Action, kwakaratidza kuti handizvo.
Chokwadi cheBhaibheri chakaramba chichipinda mumisha yomukatikati mesango, chichisunungura vanhu patsika dzemidzimu nokuvengana kwemadzinza. Hama zhinji dzaiva munzvimbo idzi dzakanga dzisingagoni kunyora nokuverenga. Sezvo vakanga vasina wachi, vaiona kana dzakanga dzava nguva dzokuenda kumisangano nokutarisa kukwira kwezuva. Kuti vazive nguva yavaipedza mubasa romumunda, vaishandisa zvimiti zviduku. Nguva imwe neimwe yavaipupurira mumwe munhu, vaipetera chimuti muhangachefu. Zvimiti zvina zvaireva awa imwe. Saka vaigona kunyora mushumo wavo webasa romumunda kupera kwomwedzi mumwe nomumwe. Zvisinei, chaizvoizvo hama dzaiparidza kupfuura zvadzaishuma, sezvo chokwadi chiri icho chadzainyanya kutaura nevamwe.
Kuchinja Kwomutemo Nezvematongerwe Enyika
Yeuka kuti muna 1950, kupinzwa kwemabhuku anobudiswa neZvapupu zvaJehovha munyika kwakanga kwarambidzwa. Sezvataona, izvi hazvina kumisa basa rokuita vadzidzi. Varwadziwa vafundisi vechiKristudhomu vakatsutsumwa kuzviremera zvehurumende zvaitungamirira, vachinyepa kuti Zvapupu zvaJehovha zvaiva vaKomonisiti. Somugumisiro, nomumwe musi weChina muna 1956, hama gumi dzakasungwa na5 mangwanani. Shoko rokusungwa kwacho rakafamba nokukurumidza; vashori vechitendero vakafara. Dzakatongwa musi wakare iwoyo mudare rakanga rakazara nehama dzakanga dzauya kuti dzizoona zvaiitika.
Noé Mikouiza anorondedzera kuti: “Pataitongwa takaratidza kuti takanga tisiri vaKomonisiti asi vaKristu, vashumiri vaMwari, vaiita zvakanyorwa pana Mateu 24:14. Gweta redu, iro rakanga raverenga mabhuku edu, rakaudza dare kuti kudai vanhu vose vakanga vakaita seZvapupu zvaJehovha, kwaisazova nevanotyora mutemo. Masikati mamwe chete iwayo mutongo wakapiwa wokuti: ‘Havana mhosva.’ Nomufaro, tose takamhanya kumba kunochinja mbatya, sezvo manheru acho kwaiva nomusangano. Mashoko okusungwa kwedu akanga apararira neguta rose, uye taida kuti munhu wose azive kuti takanga tasunungurwa. Pamisangano takaimba nziyo dzoUmambo nenzwi repamusoro sezvataigona. Vazhinji vakatinzwa vakashamiswa. Vaifunga kuti taiva mujeri.”
Musi waAugust 15, 1960, Republic of Congo yakawana rusununguko. Kurwisana kwezvematongerwe enyika kwakamuka. Apo vafundisi vechiKristudhomu vakanga vari kumhanya-mhanya nezviitiko izvi, Zvapupu zvaJehovha zvakaenderera mberi nebasa razvo rokuparidza. Muna 1960, 3 716 vakapinda gungano redunhu muBrazzaville. Nechokumusoro, vanhu vakanga vachidiranawo vachiuya muungano. Somuenzaniso, mune imwe nharaunda umo vaparidzi 70 vaigara, vanhu vanoda kusvika chiuru vakapinda misangano yeungano.
Muna December 1961 Zvapupu zvakanyoresa sangano repamutemo rinonzi Les Témoins de Jéhovah. Kuzivikanwa zviri pamutemo kwakabatsira zvakawanda, asi hama dzaiziva kuti upenzi kuvimba zvizere nezvinhu zvakadaro. Hama Seignobos vanorondedzera zvakaitika nguva pfupi pashure paizvozvo, vachiti: “Rimwe zuva ndakadaidzwa nomumiriri wehurumende wehofisi yezvokuchengeteka uyo akanga achitipa mhosva pamusoro pokusava kwedu nokwatakarerekera sevaKristu. Akandityisidzira achiti aizondidzinga munyika. Ndakatya kuti zvimwe aizoita zvaaitaura sezvo aiva nesimba rokuzviita. Zvisinei, zuva rakatevera racho, akafa nechirwere chomwoyo.”
Upenyu Hwemamishinari Muma1960
Muna February 1963, Fred Lukuc naMax Danyleyko vakasvika vachibva kuHaiti. Pashure pokunge Fred aroora, akashumira somutariri wedunhu. Pakutanga, sezvaaishanyira ungano, zvaiva zvakamuomera kuziva nhengo dzemhuri imwe neimwe. Anoyeuka kuti: “Ndakanga ndisingazivi vaiva vadzimai vevakuru, uye ndakanga ndisingazivi vana vavo. Hama dzakanga dzave dzichichengeta tsika yokuCentral Africa yokuti vadzimai vanoramba vane mazita avo kana varoorwa uye kuti vana vanotumidzwa zita rehama kana kuti reshamwari yemhuri.
“Manheru okutanga patakashanya, paImba yoUmambo, takaona hama dzakanyarara uye dzichitinyara. Pakangotanga musangano, takaona chimwe chinhu chakatishamisa. Hama nevakomana vati kurei vakagara kudivi rimwe; vana vaduku nehanzvadzi vakagara kune rimwe divi. Divi rehama rakanga rakazara kwazvo pakatanga misangano, asi kwaiva nevashoma vakanga vakagara kudivi rehanzvadzi. Misangano sezvayakafambira mberi, dzimwe hanzvadzi dzakasvika dzichindenderedzana nevana iwo maBhaibheri nemabhuku akanyatsodengezerwa pamusoro.
“Ndakasimuka kuti ndikwazise ungano nokuzvisuma pamwe nomudzimai wangu. Pashure pokutaura mashoko okugamuchira, ndakambomira, ndokuramba ndakatarira kwakanga kwakagara varume ndikati: ‘Hama, ndapota chimbotorai maminitsi gumi muchitsvaka mudzimai wenyu nevana. Kubva zvino zvichienda mberi, ndapota garai pamwe semhuri sezvinoita vanhu vaJehovha vose munyika yose.’” Vakafara kuita saizvozvo.
Chokufambisa ndiro raivawo rimwe dambudziko. Mudzimai waHama Lukuc, Leah, anoyeuka kuti: “Tairongedza tumibhedha tunopeteka, mosquito net, mugomo wemvura, sefa dzemvura dzinotakurika, mbatya, mabhuku, magazini, nemafirimu eBhaibheri. Kuratidza mafirimu kwaida kuti tiuye netambo dzemagetsi, magirobhu, mafirimu acho, pepa remashoko, gwenya duku remagetsi, uye gaba repeturu. Zvose izvi taizvitakura nemarori eko. Kuti tiwane chigaro mberi, taifanira kusvika parori yacho na2:00 mangwanani. Kana taisazodaro, taizogara kumashure, muzuva, nemhuka, mikwende, nevamwe vakawanda vaitakurwa.
“Pane imwe nguva, pashure pokupedza maawa tichifamba muzuva, takasvika pamba ndokuwana kuti masvosve akanga apinda mukaimba kevhu kataigara. Akanga akwira pamugomo wemvura, ndokubatana kuita zambuko kuenda mukagaba kemajarini ndokukatsvaira. Usiku ihwohwo takararira chingwa chakagochwa chisina chinhu nehafu yegaba rehove pamunhu. Kunyange zvazvo takanzwa taneta uye tichizvinzwira urombo, takaenda kunorara, tichisiya hama dzichiimba nziyo dzoUmambo zvinyoronyoro dzakagara pamoto. Yakanga iri nzira yokubatwa nehope zvinyoronyoro uye zvakanaka kwazvo!”
Mamishinari Akavimbika Nevakuru Vemo
Kubva muna 1956 kusvika muna 1977, mamishinari anopfuura 20 akashumira muCongo (Brazzaville). Kunyange zvazvo upenyu hwakanga husiri nyore kwavari nguva dzose, mumwe nomumwe akaita basa rinokosha kubasa rokuparidza Umambo. Somuenzaniso, vose vakashumira sevaranda vebazi vakanga variwo mamishinari. Apo Hama Seignobos vakadzoka kuFrance muna 1962, Larry Holmes akagadzwa kuti atarisire basa rokuparidza. Pashure pokunge Larry nomudzimai wake, Audrey, vasiya basa roumishinari muna 1965, Hama Lukuc vakava muranda webazi.
Hama dzeko dzakawanda dzakanga dziriwo mienzaniso yakanaka zvikuru mukutungamirira. Pakatanga urongwa hweDare reBazi muna 1976, Dare Rinodzora rakagadza hama mbiri: Jack Johansson naPalle Bjerre, avo vaiva mamishinari, uye Marcellin Ngolo, hama yeko.
Augustin Bayonne—Mufambi—akapinda kirasi yechi37 yeGiriyedhi, muna 1962. Apedza kudzidza akaenda kuCentral African Republic, uko akanga averenga bhuku rinonzi “Zvokwadi Ichakusunungurai” anoda kusvika makore 15 akanga apfuura. Nokufamba kwenguva, Augustin akaroora, akava nevana, ndokudzokera kuBrazzaville, uko akabvuma kuti musha wake ushandiswe nokuda kwemisangano yechiKristu. Gare gare akapa chimwe chikamu chenzvimbo yake kuti pavakwe Imba yoUmambo, iyo yakatovakwa kare.
Augustin Bayonne naTimothée Miemounoua vave nenguva vashaya. Asati afa Timothée akanyora zvimwe zvaakasangana nazvo. Akapedzisa nyaya yacho nemashoko aVaHebheru 10:39 anoti: “Zvino hatisi vaya vanodzokera shure kunoparadzwa, asi vaya vane kutenda kunochengeta mweya uri mupenyu.” Etienne Nkounkou, mumwe wevatatu vokutanga kugamuchira chokwadi muCongo, zvino ava nemakore 86. Hama idzi dzakaratidza mienzaniso yakanaka kwazvo yokuita basa rokutendeka!
Gutsaruzhinji Muma1970 Nema1980
Muna August 1970 Republic of Congo yakatanga rudzi rwehurumende rwechiKomonisiti. Yeuka kuti mumakore akanga apfuura, zviremera zvakatambudza hama, zvichidzipomera kuti vaKomonisiti. Zvino vaKomonisiti zvavakanga vava kutonga, zviremera zvitsva zvaipa hama mhosva yokuti dzakanga dzisiri vaKomonisiti!
Zvisinei, kwechinguva, hurumende itsva haina kuvhiringidza basa reZvapupu zvaJehovha. Kokorodzano nemisangano zvaiitwa pachena, uye mamishinari matsva aibvumirwa kupinda munyika. Zvisinei, pakupedzisira, hama dzakatanga kunzwa migumisiro yokutonga kwechiKomonisiti. Kutanga vamwe vakuru vakuru vaipomera mamishinari kuti itsori. Zvadaro musi waJanuary 3, 1977, basa reZvapupu zvaJehovha rakarambidzwa nomutemo. Mamishinari akadzingwa, mumwe pashure pomumwe, kuzosvikira kwangosara Jack naLinda Johansson. Nezvenguva iyi, Jack anoti: “Mwedzi mishomanana iyoyo bedzi pahofisi yebazi zvimwe ndiyo yakanga iri nguva yainyanya kuedza kutenda zvikuru uye kusimbisa kutenda zvikuru yatati tambosangana nayo mubasa redu semamishinari. Taifungirwa kuva tsori dzeAmerican Central Intelligence Agency. Vavengi vehurumende, kusanganisira vatungamiriri vechitendero, vakanga vachisungwa nokuurayiwa. Somugumisiro takaziva kuti taiva mungozi zvikuru. Zvisinei, takaona kuti ruoko runodzivirira rwaJehovha rwakanga runesu, uye izvozvo zvakasimbisa kutenda kwedu.”
Noé Mikouiza akakwirira kumutungamiriri wehurumende, achikumbira kuti Jack naLinda vabvumirwe kugara munyika. Chikumbiro chacho chakarambwa; vaitofanira kuenda. Nzvimbo yebazi neImba yoUmambo zvakatorwa, uye hofisi yebazi yakavharwa. Kwenguva pfupi, bazi rokuFrance rakatora basa rokutarisira basa rokuparidza, asi gare gare basa iri rakazopiwa hofisi yebazi riri muKinshasa.
Kunyange zvazvo hama dzakanga dzakamanikidzwa mune dzimwe nzira, hadzina kutambudzwa zvakaomarara sezvakatsungirirwa nezvimwe Zvapupu mune dzimwe nyika. Zvisinei, dzimwe hama dzakatya, zvikaita kuti vamwe vatyewo. Kunyange zvazvo hama dzakanga dzichiri kuita misangano nguva dzose, ushumiri hwepaimba neimba hwakapotsa hwamira. Zvadaro, hofisi yebazi iri muKinshasa yakatumira vakuru mhiri kworwizi kunokurudzira nokusimbisa hama.
Mumwe wevakuru ava akanga ari André Kitula. Muna June 1981 akatanga kushanyira ungano 12 dzaiva muBrazzaville somutariri wedunhu. Paakashanyira ungano yokutanga muguta racho, akaona kuti hama dzakatsigira Chikoro chaMwari choUshumiri noMusangano Webasa nomusi weChipiri. Zvisinei, neChitatu mangwanani, hapana muparidzi akauya kumusangano webasa romumunda. André sezvaakatanga kuparidza ari oga, mumwe saimba akati kwaari: “Zvapupu zvaJehovha ndizvo zvaimbotinyaradza, asi iye zvino zvakanyangarika!”
André zvaakaramba achiparidza mangwanani iwayo, akasangana neimwe hama yakati: “Tose takasiya tsika yokuparidza paimba neimba.” Hama iyi yakazoudza vamwe vaparidzi nezvebasa raAndré. Masikati hanzvadzi dzakawanda dzakauya kumusangano webasa romumunda. Nokukurumidza basa repaimba neimba rakasimudzirwazve muBrazzaville mose. Mumakore matatu ayo André nomudzimai wake, Clementine, vakashumira ikoko, hapana chero hama imwe yakasungwa. Hama dzakanga dziri kunze kweguta guru dzakanzwa zvakanga zvichiitika. Dzakafunga kuti kana hama dziri muBrazzaville dzakanga dzisingatyi kuenda pasuo nesuo, pakanga pasina chikonzero chokuti idzo dzitye.
David Nawej, uyo panguva iyoyo akanga ari kushanda pahofisi yebazi yeKinshasa, anotsanangura nei bazi rakafara zvikuru kutumira rubatsiro mhiri kworwizi. Anoti: “Hama dzokuBrazzaville ndidzo dzakanga dzasimbisa chokwadi muKinshasa. Gare gare, apo hurumende yechiKomonisiti yakaita kuti zvinhu zvidzikire, Zvapupu zveko zvakaenda kunobatsira hama. Uchenjeri hwaMuparidzi 4:9, 10 hwakaratidzwa pachena, hunoti: ‘Vaviri vanopfuura mumwe, nokuti vane mubayiro wakanaka wokubata kwavo. Nokuti kana vakawira pasi, mumwe uchasimudza shamwari yake.’ Nezvedu, hama dzaiti: ‘Congo mbiri dziri nani kupfuura imwe.’”
Kuenderera Mberi Pakati Pokuchinja Kwezvematongerwe Enyika
Gore ra1991 rakauya nenyonganyonga nokuchinja mune zvematongerwe enyika. Congo (Brazzaville) yakabva pakuva nebato rimwe kuenda kumapato akawanda. Kunyange zvazvo maive nomufaro mumigwagwa, hama dzakaramba dzichifunga nezvemashoko enyevero ari pana Pisarema 146:3, iro rinoti: “Regai kuvimba namachinda, kana nomwanakomana womunhu, asingagoni kubatsira.” Hapana kupera nguva huru zvisati zvaratidza kuti mashoko aya ndeechokwadi.
Kunyange zvakadaro kuchinja mune zvematongerwe enyika kwakabatsira vanhu vaJehovha. Musi waNovember 12, 1991, gurukota rezvinoitika mukati menyika rakazivisa kuti basa reZvapupu zvaJehovha rakanga risingacharambidzwi. Dzimba dzoUmambo dzakanga dzatorwa dzakadzorerwa, asi kwete chaimbova chivako chebazi icho chichiri kugarwa neVarindi vaPurezidhendi kusvika zvino. Muna August 1992, kokorodzano dzoruwa dzakarongwa muBrazzaville nePointe-Noire, kokutanga mumakore 15. Gore iroro nhamba yezvidzidzo zveBhaibheri yakakwira kusvika pa5 675, kupinda nhamba yevaparidzi nekanoda kusvika kana!
Zvichakadai, kubvumirwazve nomutemo kwakazarura zvakare nzira yokuti mamishinari auye. Mapiyona chaiwo akagadzwa ndokutumirwa kumusoro, uko vazhinji vevaipinda misangano vakanga vasingagoni kunyora nokuverenga. Ungano dzomumaguta dzakanga dzaita zvakanaka mukudzidzisa vakawanda kuverenga nokunyora. Zvino yakanga yava nguva yokuwedzera mabasa okusimudzira kunyora nokuverenga munyika yacho yose.
Sarudzo muna 1993 dzakakonzera kumwe kuchinja kwehurumende. Kusagutsikana kwakapararira kwebato rinopikisa kwakaguma nokumbotonga kwechiuto kwevhiki dzinoverengeka. Kurwisana nezvombo, kuramwa mabasa, kurambidzwa kufamba usiku, kumiswa mumigwagwa nemapurisa, nokuba zvinhu, zvose izvi zvakanga zvava kuitika mazuva ose. Vanhu vakarohwa nehana uye vakavhiringidzika. Zvinetso zvoupfumi zvakaramba zviripo. Mufaro wa1991 wakanga wanyangarika.
Zvinetso zvemadzinza zvaivapowo panguva yaiitika nyonganyonga yezvematongerwe enyika. Kurwisana kwemadzinza kwakamanikidza dzimwe hama kuti dzitamire kunzvimbo dzakachengeteka. Somugumisiro, ungano dzinoverengeka dzakatovharwa. Zvichingunodai, hama dzakaramba dzichiratidza kuti chokwadi chakanga chadzisunungura paruvengo rwemadzinza. Munguva yokusagadzikana iyi hama dzakabatsirana nokudzivirirana, pasinei nokuti dzakanga dziri dzedzinza ripi. Vanhu vazhinji vakanga vava kutanga kuona kuti Jehovha bedzi ndiye aigona kuvapa kuchengeteka kwechokwadi.
Hofisi yebazi iri muKinshasa ndiyo yaitungamirira nokukurudzira. Pakupera kwa1997, mamiriro ezvinhu munyika akanga ava orunyararo zvakare, uye nhamba yevaparidzi yakasvika 3 935. Mamishinari mashanu akanga achishumira achibva pamusha wemamishinari muBrazzaville. Nokusvika kwedzimwe mhuri mbiri, musha wemamishinari mutsva wakavhurwa muPointe-Noire muna April 1997.
Nechokurutivi rwokumusoro kworwizi, muCongo (Brazzaville), upenyu hwaiva norunyararo, uye basa rokuparidza rakanga riri kufambira mberi zvakanaka. Zvichakadai, kurwisana kwakanga kuri kuitika muCongo (Kinshasa) yakavakidzana nayo. Hondo zvayakaswedera pedyo neKinshasa, mamishinari ikoko aitofanira kutama. Naizvozvo pakazopera mwedzi waMay, mamishinari okuKinshasa akanga achishumira nokushingaira nevamwe vawo muBrazzaville nePointe-Noire. Hapana akafanoona njodzi dzaizotevera mazuva mashomanana gare gare.
Hondo Yevagari Vemo Inotanga
Musi waJune 5, 1997, hondo yakangoerekana yatanga muBrazzaville. Hondo yacho yakanga iri pakati pevanhu vakanga vakavimbika kuna purezidhendi akanga achitonga panguva iyoyo neavo vakanga vachitsigira akanga abva pachigaro. Zvombo zvine simba zvakarova nokuparadza guta nemisha inogara vanhu. Zviuru zvakafa. Zvitunha zvakanga zvakaita ukatakata pose pose. Yaingova nyonganyonga yoga yoga. Zvakanga zvakaoma kuziva vairwisana vacho. Kugadzikana uko Brazzaville yakanga yambova nako kwakaparadzwa. Zvikepe zvokutakura vanhu kuenda kuKinshasa zvakamira. Vanhu vazhinji vakatizira musango, apo vamwe vaikwasva magwa avo vachienda pazvitsuwa zviduku zvorwizi. Kunyange zvakadaro vamwe vakatoedza kuyambuka Rwizi rweCongo kuenda kuKinshasa. Kunyange zvazvo pedyo neKinshasa kwaiva nokurwisana, ikoko kwakanga kwakadzikama kana tichienzanisa nemhirizhonga yaiva muBrazzaville.
Hondo yakatambudza hama sezvayaingoita vamwe vanhu vose, asi chokwadi chakaita kuti pave nomusiyano mukuru mupfungwa nemwoyo zvevashumiri vaMwari! Vaiva nechivimbo chakazara mumashoko ePisarema 46:1, 2, iro rinoti: “Mwari ndiye utiziro hwedu nesimba redu, ndiye mubatsiri uri pedyopedyo panguva dzokumanikidzwa. Saka hatingatyi, kunyange nyika ikashanduka, uye kunyange makomo akabviswa akaiswa mukati mamakungwa.”
Hama zhinji dzakakwanisa kusvika kuKinshasa, uko Dare reBazi rakadzirongera kuti dzipiwe zvokudya, pokugara, nokurapwa. Mhuri dzaiva kuKinshasa dzakafara kuratidza rudo nomutsa kuhama dzavo dzaibva kuBrazzaville.
Kuti dzibatsire vaya vakanga vasingakwanisi kutiza, dzimwe hama dzakaramba dziri muBrazzaville. Vamwe vacho ndiJean Théodore Otheni nomudzimai wake, Jeanne, piyona wenguva dzose. Muna August, bara guru rakapinda mumba mavo rikakuvadza Jeanne zvakaipisisa. Jean akamhanya naye kuKinshasa, asi zvakanga zvisingachabatsiri. Jean anoyeuka kuti: “Jeanne aifarira ushumiri zvikuru, kusvikira pakuguma chaipo. Akandipa bhuku rake rekero ndokuti: ‘Unofanira kushanyira vose vandaidzidza navo Bhaibheri nokuti vanokosha zvikuru kwandiri.’ Ndakamumbundira, uye pandakatarira chiso chake zvakare, ndakaona kuti akanga afa.” Jean, kungofanana nevamwe vazhinji, ave achingoshumira Jehovha nokushingaira, nechivimbo chakazara chechipikirwa chorumuko.
Nokuti zvikepe zvaitakura vanhu nguva dzose pakati pemaguta makuru maviri aya zvakanga zvamiswa, vaya vaiva nezvikepe zviduku zvine injini vaibatsira vanhu vaida kutiza muBrazzaville. Hama dzine ushingi dzaibva kuBrazzaville, kusanganisira Louis-Noel Motoula, Jean-Marie Lubaki, naSymphorien Bakeba, dzakazvipira kunotsvaka hama dzakanga dzisiri kuonekwa uye kubatsira vaya vakanga vachiri muBrazzaville. Izvi zvaida kuti vakwidze noRwizi rweCongo rukuru rwaiyerera nesimba vari muchikepe chiduku vachitsvaka muzvitsuwa zviduku nomumahombekombe. Zvaida kuti vapinde munzvimbo yairwiwa muBrazzaville, umo utsinye hwaiva huchienderera mberi. Zvaireva kuisa upenyu hwavo mungozi nokuda kwehama dzavo.
Symphorien, uyo aiva noruzivo kwazvo rwokuyambuka rwizi, akaita nzendo dzakawanda munguva yehondo iyi. Dzimwe nguva aiyambuka kuti anotsigira vainge vasara muBrazzaville. Somuenzaniso, pane imwe nguva akayambuka nemasaga gumi omupunga edzimwe hama dzaiva muBrazzaville idzo dzaigara pakati chengetekei. Chokwadi raiva basa kuyambuka rwizi, asi raitova basa guru kusvitsa mupunga kwawaienda usina kutorwa nembavha. Pavanhu vaakatakura parwendo irworwo paiva nomumwe murume airatidzika seaiva nechinzvimbo uyo akabvunza Symphorien kuti aiendepi nomupunga. Symphorien akatsanangura zvaakanga achiita, achishandisa mukana wacho kumuudza tariro yake yomuBhaibheri. Pavakasvika mhiri, murume wacho akati aiva mukuru mukuru muhurumende. Akadana masoja anoverengeka ndokuati arinde mupunga wacho kusvikira Symphorien akwanisa kuwana motokari yokutakura mupunga wacho kuendesa kuhama.
Kazhinji Symphorien aiyambuka rwizi kuti anobatsira hama kutiza kubva kuBrazzaville. Pane pamwe paakayambuka paasingafi akakanganwa. Anoyeuka kuti: “Rwizi rweCongo rune simba zvikuru, asi vanhu vazhinji vane zvikepe vanoziva nzira yokuyambuka nayo zvisina ngozi vasingakukurwi vachidzikiswa kumangondo ane ngozi. Takabva muBrazzaville nehama nomwe nevamwewo vashanu. Tava pakati nepakati porwizi chikepe chakapera mafuta. Takakwanisa kuenda pachitsuwa chiduku apo takasungira chikepe. Zvakatizorodza kwazvo ndezvokuti chimwe chikepe chiduku chakauya naipapo, uye mutyairi wacho akavimbisa kuti aizonotitengera mafuta kuKinshasa odzoka. Takamirira kusvikira taneta nokutarira nzira kweawa imwe nehafu kusvikira adzoka nemafuta.”
Munguva pfupi bazi rokuKinshasa rakanga rava kutarisira hama nehanzvadzi dzinenge 1 000 pamwe nemhuri dzadzo nevanhu vanofarira. Pakasvika October 1997 ruvengo rwacho rwakanga rwapera, uye vapoteri vakanga vatanga kudzokera kuBrazzaville.
Mamishinari ose akanga achishumira ari muBrazzaville nePointe-Noire akanga abviswa nemhaka yehondo. Vamwe vakanga vaenda kunyika dzokumusha kwavo dzinoti Britain neGermany, apo vamwe vakanga vaenda kuBenin neCôte d’Ivoire. Pakwakamboti gadzikanei, vamwe vakadzokera kumigove yavo muCongo (Brazzaville). Uyezve, mhuri nhatu neimwe hama yakanga isina kuroora vakanga varongwa kuti vasvike vachibva kuFrance muna December 1998. Eddy naPamela May, mamishinari akanga ava nenguva refu mubasa iri ayo aishanda pahofisi yebazi muKinshasa, akatumirwa kuBrazzaville, uye musha wemamishinari mutsva wakavhurwa.
Hondo Yevagari Vemo Zvakare
Gore rakatevera racho, imwe hondo yevagari vemo yakatanga muBrazzaville. Zvakare zviuru zvakafa, kusanganisira Zvapupu zvinoverengeka. Mamishinari mazhinji, ayo akanga achangobva kusvika, akatizira kumisha yemamishinari iri munyika iri pedyo yeCameroon. Kunyange zvazvo runyerekupe rwakaramba ruchifamba rwokuti hondo yaizosvika kuPointe-Noire iri pamahombekombe, mamishinari matatu akakwanisa kuramba ariko. Pakupedzisira muna May 1999, hondo yevagari vemo yakapera.
Nemhaka yokuti Zvapupu zvakawanda kwazvo zvakanga zvatiza, nhamba yeungano munyika yacho yakadzika kubva pa108 kusvika pa89. Brazzaville iye zvino ine vaparidzi 1 903 muungano 23. Pointe-Noire ine vaparidzi 1 949 muungano 24. Munguva yehondo mbiri dzevagari vemo, Zvapupu zvaJehovha kune dzimwe nzvimbo zvakapa rubatsiro kuhama nehanzvadzi dzazvo dzomudzimu. Senguva dzose, rubatsiro rwakadaro rwakabatsirawo vakanga vasiri Zvapupu zvaJehovha.
Kunyange zvazvo kwaiva nehondo, nzara, urwere, nezvimwe zvinetso zvakawanda, Zvapupu muCongo (Brazzaville) zvakaramba zvine avhareji yomwedzi nomwedzi yemaawa 16,2 mubasa romumunda. Mukati maApril 1999, sezvo hondo yevagari vemo yechipiri yakanga yava kupera, 21 muzana yevaparidzi vose yakanga ichiita basa renguva yakazara.
Kufara Muchokwadi
Hondo dzakaparadza nyika yacho, ikasara yaita sematongo. Basa rokuvakazve muBrazzaville riri kuitwa, asi kuchine zvakawanda zvinoda kuitwa. Pamabasa okuvaka anokosha zvikuru pane rokuvaka Dzimba dzoUmambo, umo vanhu vanodzidza chokwadi cheBhaibheri. Muna February 2002, Dzimba dzoUmambo ina dzakatsaurirwa, mbiri muPointe-Noire uye mbiri muBrazzaville.
Pane imwe yepurogiramu idzi dzokutsaurira muBrazzaville, imwe hama yakwegura yakarondedzera zvakanga zvaitika makore 15 akanga apfuura panguva yairambidzwa basa. Hama dzakanga dzaronga kuita gungano rezuva rimwe musi waJanuary 1 pane imwe nzvimbo yakanga isingagarwi. Dzaifunga kuti raigona kuitwa pasina kuvhiringidzwa, sezvo vanhu vaizove vachipemberera gore idzva. Zvisinei, pashure pokunge purogiramu yemangwanani yapera, mapurisa akasvika ndokuparadza gungano. Hama yacho yakati: “Takabva panzvimbo yataiitira gungano nemisodzi mumaziso. Nhasi tiri pano zvakare panzvimbo imwe chete iyoyi maziso edu azere nemisodzi. Asi panguva ino tinochema misodzi yomufaro nokuti tiri pano kuti titsaurire Imba yoUmambo ichangobva kuvakwa.” Chokwadi, imba itsva iyi yakanaka kwazvo yakanga yavakwa panzvimbo imwe chete iyoyo!
Iye zvino kwapera anopfuura makore 50 kubva apo bhuku rinonzi “Zvokwadi Ichakusunungurai” rakabatsira Etienne Nkounkou, Augustin Bayonne, naTimothée Miemounoua kudzidza chokwadi. Munguva iyoyo, zviuru muCongo (Brazzaville) zvakatevera muenzaniso wavo wokutenda, uye vamwe vakawanda vachiri kuita kudaro, vachiita kuti nguva yemberi ive yakajeka. Vanhu vanopfuura 15 000 vari kudzidza Bhaibheri—vanopeta nhamba yevaparidzi nekatatu nehafu! Vakapinda Chirangaridzo vakawedzera kusvika ku21 987 muna 2003. Pakupera kwegore rebasa ra2003, vaparidzi 4 536, kusanganisira mamishinari 15, vakanga vachishanda nokushingaira kuti vabatsire vamwezve kudzidza chokwadi chichavasunungura.—Johani 8:31, 32.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 143]
Ngoma dzakanga dzatumira mashoko aya: “Mufambi ari kuuya nomurungu”
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 144]
Sezvo dzakanga dzisina wachi, hama dzaiona nguva yokuenda kumisangano nokutarisa kukwira kwezuva
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 151]
“Takaenda kunorara, tichisiya hama dzichiimba nziyo dzoUmambo zvinyoronyoro dzakagara pamoto. Yakanga iri nzira yokubatwa nehope zvinyoronyoro uye zvakanaka kwazvo!”
[Bhokisi riri papeji 140]
Congo (Brazzaville) Muchidimbu
Nyika: Republic of Congo iri pakati peGabon, Cameroon, Central African Republic, neDemocratic Republic of Congo. Yakakura kupfuura Finland kana Italy. Bani rokumahombekombe rinotambanuka kwemakiromita anenge 60 richipinda mukati rozoguma rava zvikomo zvakakwirira kupfuura mamita 800. Masango matematema nenzizi huru ndizvo zvakazara munyika yacho.
Vanhu: Vanhu vanogaramo vanodarika mamiriyoni matatu ndevemadzinza akasiyana-siyana. VaPygmy vanowanikwa munzvimbo dzine masango matematema.
Mutauro: Kunyange zvazvo mutauro unonyanya kushandiswa uri weFrench, Lingala inotaurwa zvikuru nechokumusoro. Monokutuba inotaurwa nechezasi.
Mararamiro: Kurima zvokuzviriritira pamwe nokuredza ndizvo zvinowanisa chokurarama nacho. Mhuka dzakazara mumasango, zvichiita kuti hombarume dzirerukirwe nokuvhima.
Zvokudya: Mufarinya kana kuti mupunga ndiko kudya kunonyanya kufarirwa. Zvinodyiwa nenyama yehove kana kuti yehuku yakaiswa zvokukaringa zvine mhiripiri. Michero mizhinji inosanganisira mengo, zvinanazi, mapopo, maranjisi, uye makotapeya.
Mamiriro okunze: Congo iri pedyo neequator, inopisa uye ine uma gore rose. Kune mwaka miviri: mwaka wemvura, uyo unobva muna March kusvika muna June, kwozoti mwaka wechirimo, unobva muna June kusvika muna October.
[Chati/Girafu riri papeji 148, 149]
CONGO (BRAZZAVILLE)—ZVIITIKO ZVINOKOSHA
1940
1947: Bhuku rinonzi “Zvokwadi Ichakusunungurai” rinoita kuti chokwadi chitange kufarirwa.
1950: Mumishinari Eric Cooke anoshanyira Brazzaville. Zviremera zvehurumende zvinorambidza mabhuku anobudiswa neZvapupu zvaJehovha.
1956: Muna March, mamishinari okutanga anosvika achibva kuFrance.
1957: Hofisi yebazi inovhurwa muna January.
1960
1961: Sangano repamutemo rinonyoreswa musi waDecember 9, kunyange zvazvo kurambidzwa kwemabhuku kuchienderera mberi kwerimwe gore.
1977: Zvapupu zvaJehovha zvinorambidzwa. Zvivako zvebazi zvinotorwa, uye mamishinari anodzingwa.
1980
1981: André Kitula anobatsira kumutsiridza basa rokuparidza muBrazzaville.
1991: Gurukota rezvinoitika mukati menyika rinobvumidza Zvapupu. Kokorodzano dzokutanga pashure pemakore 15 dzinorongwa.
1993: Kusagadzikana kwemagariro evanhu uye kwezvematongerwe enyika kunoita kuti mauto atonge.
1997: Musi waJune 5 hondo yevagari vemo inotanga. Mamishinari anobudiswa. Hofisi yebazi muKinshasa inoronga zvokudya, pokugara, uye kurapwa kwevapoteri 1 000.
1999: Imwe hondo yevagari vemo inotanga. Mamishinari anobviswa zvekare.
2000
2002: Dzimba dzoUmambo ina dzichangobva kuvakwa dzinotsaurirwa muna February.
2003: Vaparidzi 4 536 vari kuita basa muCongo (Brazzaville).
[Girafu]
(Ona bhuku racho)
Mapiyona Ose
Vaparidzi Vose
5 000
2 500
1940 1960 1980 2000
[Mepu dziri papeji 141]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
CENTRAL AFRICAN REPUBLIC
CAMEROON
EQUATORIAL GUINEA
GABON
REPUBLIC OF CONGO
Impfondo
Djambala
BRAZZAVILLE
Pointe-Noire
Rwizi rweCongo
DEMOCRATIC REPUBLIC OF CONGO
KINSHASA
ANGOLA
[Mufananidzo unozadza peji yose uri papeji 134]
[Mifananidzo iri papeji 138]
Nhengo dzeboka rokutanga raidzidza Bhaibheri muna 1949, kubva kuruboshwe kuenda kurudyi: Jean-Seth Mountsamboté, Timothée naOdile Miemounoua, naNoé Mikouiza
[Mufananidzo uri papeji 139]
Etienne Nkounkou
[Mufananidzo uri papeji 142]
Jean Seignobos akafamba kupinda mukati meCongo, achiyambuka nzizi nezvikepe kuti ashanyire ungano
[Mufananidzo uri papeji 147]
Fred naLeah Lukuc (vari pakati) neungano yaisangana pamusha waAugustin Bayonne
[Mufananidzo uri papeji 150]
Rubhabhatidzo muAtlantic Ocean paPointe-Noire
[Mufananidzo uri papeji 152]
Augustin Bayonne—Mufambi—akapinda kirasi yechi37 yeGiriyedhi, muna 1962
[Mufananidzo uri papeji 153]
Chivako ichi chakashanda sehofisi yebazi kubva muna 1967 kusvika muna 1977
[Mufananidzo uri papeji 155]
Noé Mikouiza
[Mifananidzo iri papeji 158]
Louis-Noël Motoula, Jean-Marie Lubaki, naSymphorien Bakeba