Kurumidzai Kutaurirana
PANE here hama kana kuti hanzvadzi yakakurwadzisa zvekuti zvakakanganisa ushamwari hwenyu? Kana zvakadaro, unofanira kukurumidza kutora matanho ekuti mugadzirise ushamwari hwenyu. Izvi zvichaita kuti tirambe takabatana.a
Tinogona kuzvifananidza neizvi: Ngatitii munhu atyoka gumbo. Kana akarapwa anogona kupora otanga kutofamba zvakanaka. Asi kana akasakurumidza kurapwa, anoramba achingorwadziwa kana kuti anogona kutozopedzisira aremara.
Saka kana uine mumwe munhu wausisiri kuwirirana naye, kurumidza kutora matanho ekuti muwirirane. Kana ukasadaro, ucharamba uchingorwadziwa uye unogona kupedzisira wava nechigumbu zvekuti ushamwari hwenyu hunotoparara. Ndosaka Jesu akati: “Kurumidza kugadzirisa nyaya.” (Mat. 5:25) Saka enda unotaura neshamwari yako zvakanaka asi muchibudirana pachena nezvenyaya yacho. Izvi hazvisi nyore. Chii chinogona kuita kuti zviome? Ngatimboonai zvikonzero zviviri.
Chikonzero chekutanga ndechekuti unogona kunge usiri kuda kugadzirisa nyaya yacho nekuti pamwe unenge uchingonzwa usiri kuda kutaura nezvayo.b Asi funga zvakaitika kuna Yudhiya naSindike. VaKristu vaviri ava vaiva nenyaya yavaitadza kuwirirana. Vanofanira kunge vakanga vava nenguva vasiri kuwirirana nekuti kunyange muapostora Pauro, uyo aiva kure kuRoma, akanzwa nezvayo. Akavakurudzira kuti vashande nesimba kuti vatangezve kuwirirana. (VaF. 4:2) Vaifanira kuzvininipisa, kunyatsotaurirana, uye kuregererana zvepachokwadi kuitira kuti vavezve shamwari.
Chikonzero chechipiri ndechekuti unogona kunge uchitarisira kuti mumwe wako auye obvuma kuti akakanganisa. Asi yeuka kuti chauri kuda ndechekuti muve shamwari zvakare, kwete kuda kuratidza kuti ndiani akakanganisa. Kana chiremba achirapa munhu akatyoka gumbo, anoisa pfungwa pakurapa munhu kwete pakuda kutsvaga kese kese kakaita kuti gumbo racho rityoke. Saka paunenge uchitaura neshamwari yako, usaise pfungwa pakuti ndiani akakanganisa. Asi yeuka kuti ushamwari hwenyu ndihwo hunonyanya kukosha, woita zvese zvaunogona kuti mutangezve kuwirirana.
Saka kana paine hama kana kuti hanzvadzi yausiri kuwirirana nayo, enda unotaura nayo nhasi chaiye, moedza kugadzirisa ushamwari hwenyu. “Musarega zuva richivira muchakatsamwa.” (VaEf. 4:26) Kana mukakurumidza kutaurirana, muchachengeta “kubatana kwemweya muchisungo cherugare.”—VaEf. 4:1-3.
a Kana iri nyaya diki, munogona kungotaurirana muri mega moregererana. (Mat. 5:23, 24) Asi pane dzimwe nyaya hombe dzekuti munhu anogona kukumbira kubatsirwa nevakuru. (Mat. 18:17) MuKristu anofanira kuzokumbira kubatsirwa nevakuru pashure pekunge aita zvinotaurwa pana Mateu 18:15, 16.
b Kana hama yako ikakutadzira asi zvisingakanganisi ushamwari hwenyu, unogona kusarudza kungosiyana nenyaya yacho.—Zvir. 26:20.