RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w26 July pp. 26-30
  • Kudzidziswa Kwandiri Kuitwa naJehovha

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kudzidziswa Kwandiri Kuitwa naJehovha
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2026
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • KUTANGA KUTSVAGA CHOKWADI NDICHIRI MUDIKI
  • KUSIYA YUNIVHESITI KUTI NDITANGE KUPAYONA
  • ZVANDAKADZIDZA PANDAISHANDA PABHETERI REKUBROOKLYN
  • “UNOFANIRA KUDZIDZA CHIJAPANESE”
  • KUENDA KUJAPAN UYE KUZOTANGA KUSHUMIRA MUNDIMA
  • NDICHIRI KUDA KURAMBA NDICHIDZIDZISWA NAJEHOVHA
  • Iri Ndiro Ringava Basa Rakanakisisa Kwauri Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Ungada Kubatsira Here?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
  • Munhu Wose Ari Kukokwa!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Kwandasvitswa Nebasa Renguva Yakazara
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2026
w26 July pp. 26-30
Ken Kiuchi.

NYAYA YEUPENYU

Kudzidziswa Kwandiri Kuitwa naJehovha

YAKATAURWA naKEN KIUCHI

HANDIMBOFI ndakakanganwa musi wandakatanga kushanda mufekitari yekugadzira mabhuku paBheteri muBrooklyn, kuNew York, U.S.A. Ndichingopinda, ndakanzwa kuti maiva neruzha rusingaiti uye michina yaivamo yanga isingamiri kushanda. Mufekitari macho maiita kukanda chimweya cheoiri uye maiva nezviupfu zvemapepa zvaipfumbuka.

Pane zvinhu zvakawanda zvandakaona mufekitari imomo, asi ndakanyanyobayiwa mwoyo nevanhu vaishandamo. Maiva nehama nehanzvadzi dzechidiki dzaiita basa rinogona kuonekwa nevamwe serinobhowa. Vaishanda vari pekuti havaonekwi nevanhu vakawanda kana kurumbidzwa nevanhu. Asi vaifara uye vaigutsikana nebasa ravo. Zvaiitwa nehama nehanzvadzi idzodzo zvakandibatsira kunzwisisa kuti kushumira Jehovha uchizvininipisa kunorevei.

Jehovha ava nemakore akawanda achindibatsira kuti ndivandudze unhu hwangu. Asi regai nditange ndakuudzai kuti ndakatanga sei kutsvaga chokwadi pandaipinda chitendero chechiBuddha.

KUTANGA KUTSVAGA CHOKWADI NDICHIRI MUDIKI

Ndakaberekerwa muguta reChicago, kuIllinois, U.S.A., uye ndiko kwandakakurira. Mumba medu takaberekwa tiri vana 4, uye ini ndini dangwe. Vabereki vangu vakatamira kuChicago vachibva kuJapan nekuti vaida kuti tirarame upenyu hwakanaka kuUnited States. Vaida kuti isu vana vavo tiwane dzidzo yakanaka kuitira kuti tisazotambura muupenyu.

Vabereki vangu vakanga vakanyura muchitendero chechiBuddha. Pamba pakakurira amai vangu paitova netemberi yechiBuddha. Baba vaamai vangu uyewo hanzvadzi mbiri dzaamai vangu vakanga vakatoita mhiko dzekutevedzera zvimwe zvinhu zvinoitwa muchitendero chechiBuddha. Saka zvechiBuddha taizvikoshesa chaizvo kumba kwedu. Zuva rega rega pandaibva kuchikoro, chinhu chekutanga chandaiita kupisa rusenzi pamberi pechidhori chaBuddha chataiva nacho mumba medu uye ndaibva ndapira mupunga nemvura pamberi pechidhori ichocho. Musi weSvondo wega wega, taienda kutemberi yechiBuddha kunoita minamato pamberi pechidhori chaBuddha chaivako. Chidhori ichocho chakanga chakatokura kupfuura chataiva nacho kumba kwedu uye chainge chakaputirwa negoridhe.

Rimwe zuva pandaiva nemakore 7, ndinoyeuka ndakati nde-e kutarisa chidhori chaBuddha chaiva mumba medu ndichibva ndatanga kufunga kuti, ‘Chii chichaitika kwandiri pandichafa?’ KuchiBuddha ndakanga ndadzidziswa kuti kana ndikafa ndinoenda kunyikadzimu. Saka ndakabva ndatanga kufunga kuti rimwe zuva ndichafa uye kunyange kana ndikaenda kunyikadzimu ndinenge ndisisakwanisi kunakidzwa neupenyu sezvinoita vamwe vanhu pano panyika. Zvakandirwadza chaizvo uye zvakandipedza simba.

Pandakanga ndava kuda kusvitsa makore 15, ndakatanga kuona sekuti tsika dzechiBuddha dzataitevedzera dzakanga dzisina kana zvadzaindibatsira muupenyu. Ndainyatsonzwa kuti pane chimwe chinhu chiri kushota muupenyu hwangu. (Mat. 5:3) Ndaifunga kuti kunofanira kunge kuina Mwari mupenyu, Wemasimbaose uye ndaida kuziva kuti Mwari iyeye ndiani. Ndakafunga kuti Bhaibheri raigona kundibatsira kunzwisisa zvinhu zvaindinetsa. Saka ndakatenga Bhaibheri reshanduro yeKing James Version. Asi kwandakaritenga kwacho hamungambokufungiri. Ndakaritenga pane mumwe mutambo wechiBuddha watakaita.

Ken Kiuchi achiri mudiki aina Wilson Bashou, uyo akamudzidzisa Bhaibheri.

Ndiina Wilson Bashou, uyo akadzidza neni Bhaibheri

Rimwe zuva pandakanga ndava nemakore 17, ndichitozvifambira hangu nembwa yangu, ndakaparidzirwa neimwe hama inonzi Wilson Bashou. Wilson akandibvunza kuti, “Unoziva here zvatiri kuvimbiswa naMwari kuti achatiitira mune ramangwana?” Mubvunzo iwoyo wakaita kuti titange kukurukura zvinhu zvakawanda zvinodzidziswa neBhaibheri. Wilson akandiverengera Zvakazarurwa 17:1 achibva ati, “Pavhesi iyi, pfambi iri kunzi yakagara ‘pamvura zhinji.’ Unoziva here kuti ‘mvura zhinji’ idzi chii?” Aa! Ini ndaizvizivirawo kupi izvozvo. Akabva andiratidza vhesi 15, inotaura kuti mvura zhinji inomiririra vanhu. Izvozvo zvakandibata-bata chaizvo nekuti ndakabva ndaona kuti Zvapupu zvaJehovha pazvinenge zvisiri kunzwisisa kuti imwe vhesi iri muBhaibheri inorevei, zvinotsvaga imwe vhesi inoitsanangura. Tisati taparadzana, Wilson akandipa bhuku rinonzi Zvokwadi Inotungamirira Kuupenyu Husingagumi. Bhuku iroro rakachinja upenyu hwangu.

Papera mazuva 10, ndakapinda musangano wangu wekutanga paImba yeUmambo. Handimbofi ndakakanganwa kugamuchirwa zvakanaka kwandakaitwa. Kubvira musi iwoyo handina kuzomborega kupinda misangano. Wilson akazotanga kudzidza neni Bhaibheri. Ndainakidzwa nezvandaidzidza zvekuti pamwe pacho taitoita maawa 8 tichingodzidza. Vabereki vangu havana kufara nekudzidza kwandaiita uye vakaita zvese zvavaigona kuti vanditadzise kudzidza. Asi pandairamba ndichidzidza, ndaiwedzera kuona kuti zvandaidzidza zvaiva zvechokwadi. Ndakazobhabhatidzwa muna 1983.

KUSIYA YUNIVHESITI KUTI NDITANGE KUPAYONA

Pandakabhabhatidzwa, ndaienda kune imwe yunivhesiti yakakurumbira kwandaidzidzira kuva chiremba. Vabereki vangu vane zvakawanda zvavakanga vaita kuti ndikwanise kuenda kuyunivhesiti iyoyo. Ndaigona hangu kuramba ndichienda kuyunivhesiti, asi mwoyo wangu wakanga wava pakuda kushumira Jehovha mubasa renguva yakazara.

Baba vakanga vandiudza kuti, “Kana ukangosiya zvechikoro, pano haugari!” Izvozvo zvakaita kuti ndinetseke nekuti vabereki vangu ndaivada uye ndaisada kuvarwadzisa. Saka ndaiwanzoti kana ndapedza chikoro manheru, ndaienda kugiraundi repachikoro ndononyengetera ndichiti: “Jehovha, ndibatsireiwo kuti ndiite chisarudzo chakanaka.” Pandakazosarudza kusiya yunivhesiti, baba vakandidzinga pamba. Ndakabva ndafonera Wilson ndichimuudza zvakanga zvaitika. Akabva ati ndiuye tigare tese. Ndakarongedza zvinhu zvangu mubhegi rimwe chete ndichibva ndakwira bhazi ndakananga kumba kwaWilson. Ndinoyeuka kuti ndainyatsonzwa kudzikama. Ndaiziva kuti ndakanga ndaita chisarudzo chakanaka.

Ndakanyatsonzwa kuti ndakanga ndasunungurwa. Ndakanga ndava kukwanisa kunyatsoisa pfungwa dzangu pakushumira Jehovha. Ndakabva ndatanga kupayona muna 1984.

Pandaipayona, Jehovha akandidzidzisa zvinhu zvakawanda zvinokosha. Chimwe chaakandidzidzisa ndechekuti ndisakurumidza kukanda mapfumo pasi zvinhu pazvinenge zvakaoma. Rimwe zuva, paiva nezvinhu zvakawanda zvaigona kunditadzisa kuenda muushumiri. Ndainge ndakaora mwoyo nekuti ndakanga ndisina munhu wekubuda naye masikati iwayo. Asi ndakangoenda. Pashure pemaawa maviri ndichiparidza, ndakafunga kuti ndingoenda kunoparidza pane chimwe chivakwa chine nhurukidzwa ndobva ndadzokera kumba. Ndakanga ndaneta, ndainzwa kusurukirwa uye kwaitoita kunge kuri kuda kunaya. Ndakambofunga kuti, ‘Ndoenda kumba here?’ Asi ndakangoti regai ndinoparidza. Pandakanga ndava kukwira masitepisi, ndakasangana nemumwe murume wechidiki anobva kuPhilippines. Ndakangoti nechemumwoyo, ‘Uyu zveBhaibheri handifungi kuti angambozvida ini.’ Asi ndakatozoona kuti ndakanga ndakarasika. Murume iyeye akabvuma kudzidza Bhaibheri uye tese tava kutoshumira Jehovha.

ZVANDAKADZIDZA PANDAISHANDA PABHETERI REKUBROOKLYN

Ndakagara naWilson kwemakore maviri ndichibva ndazoshevedzwa kuti ndiuye kuzoshanda paBheteri rekuBrooklyn muna 1985. Sezvandambotaura pakutanga, ndakanzi ndinoshanda mufekitari inogadzira mabhuku. Rimwe zuva pandaishanda pamuchina unodhinda mazita emabhuku, ndine zvandakakanganisa zvikatoita kuti makavha emabhuku akawanda asashandisika. Hama dzakabva dzandiudza kuti ndiende kunotaura nemutariri wedhipatimendi. Pandakasvika, ndakamutsanangurira kuti zvakanga zvafamba sei kuti makavha ese iwayo akanganisike, asi pane chimwe chinhu chandisina kuita. Mutariri wangu akabva andiyeuchidza zvakanakanaka kuti, “Unoziva, zvakangonaka kukumbira ruregerero.” Ndakabva ndaziva kuti zvinokosha chaizvo kuti ndibvumewo zvandinenge ndakanganisa, ndokumbira ruregerero.

Ken achiratidza vanhu makavha emabhuku mufekitari yekugadzira mabhuku kuBrooklyn.

Ndichitsanangurira vanhu basa rinoitwa mufekitari yekugadzira mabhuku kuBrooklyn

Zvaiitwa nehama nehanzvadzi dzechikuru dzaishanda paBheteri zvakandidzidzisawo zvandingaita kuti ndishumire vamwe. Handimbofi ndakakanganwa zvakaitwa naHama Milton Henschel vaiva muDare Rinotungamirira. Rimwe zuva tainge takagara pamwe chete navo patafura kuti tidye zvekudya zvemasikati. Musi iwoyo muimba yekudyira maiva nevanhu vakawanda zvisingaiti uye paiva nehama nehanzvadzi dzaimhanya-mhanya kuti dzipe vanhu zvekudya. Isu hama dzechidiki dzainge dzakagara patafura takatanga kugunun’una kuti zvekudya zvainonoka kuuya. Hama Henschel vakangoramba vakanyarara, vachibva vasimuka ndokutanga kubatsira hama nehanzvadzi dziya kupa vanhu zvekudya. Zvavakaita izvozvo handimbofi ndakazvikanganwa. Zvakandiyeuchidza kuzvininipisa kwaiita Jesu achishumira vaapostora vake.—Joh. 13:​3-5.

“UNOFANIRA KUDZIDZA CHIJAPANESE”

Ndiina Michiko Oda nemurume wake

Muna 1987, ndakaenda kuJapan uye ndakabayiwa mwoyo pandakaona kushingaira uye kuzvininipisa kwaiita hama nehanzvadzi dzeko. Ndaida kuvabatsira kuparidza asi ndakanga ndisingagoni chiJapanese. Pandakadzoka kuBheteri rekuBrooklyn, ndakasangana neimwe hanzvadzi yekuJapan inonzi Michiko Oda. Pandakaitsanangurira zvandakanga ndaona kuJapan, yakabva yanditarisa ichibva yandiudza kuti, “Unofanira kudzidza chiJapanese.” Uye ndizvo zvandakabva ndaita. Handina kumboziva kuti zvandakaudzwa izvozvo zvaizochinja upenyu hwangu.

Papera mwedzi mishoma, ndakabva ndatanga kupinda neungano yechiJapanese muNew York. Kudzidza chiJapanese kwakandivhurira mikana yakawanda yekuti ndishumire Jehovha Mwari. Muna 1989, ndakapinda gungano rangu rekutanga rechiJapanese rakaitirwa muLos Angeles, kuCalifornia. Pandaiva ikoko, ndakatorwa mwoyo neimwe hanzvadzi inonzi Miwako Onami yaiva mudhirama. Miwako aiva piyona wenguva dzese.

Ini naMiwako takachata muna 1992 uye tinotenda Jehovha kuti akatipa mukana wekuti tishumire tese paBheteri rekuBrooklyn. Miwako munhu anoda vanhu uye anogara akagadzirira kubatsira vamwe. Zvaanoita zvinondibatsira kuti ndibatewo vamwe zvakanaka. Ndinomuona sechipo chaicho chandakapiwa naJehovha uye anogara achiita kuti ndifare.

Ken naMiwako Kiuchi vari pamuchato wavo.

Pamuchato wedu

KUENDA KUJAPAN UYE KUZOTANGA KUSHUMIRA MUNDIMA

Papera makore, vabereki vaMiwako avo vaigara kuJapan, vakatanga kurwara zvisingaiti. Saka takabvumidzwa kuti tiende tinoshandira kuBheteri rekuJapan kuitira kuti tive pedyo navo. Takatamira ikoko muna 1999.

Mhuri yeBheteri rekuJapan yakatigamuchira zvakanaka uye izvozvo zvakatibatsira kuti tikurumidze kujaira upenyu hweko. Ndakadzidzawo zvakawanda pandaiona zvaiitwa nehama nehanzvadzi dzekuJapan. Vanogamuchira vaenzi zvakanaka uye vanhu vanopa. Kana pava panyaya yekushanda, havaiti zvekutamba nebasa. Vanoshandawo pamwe chete vakabatana. Chii chinovabatsira kuti vadaro? Inyaya yekuti patsika dzekuJapan, vanhu vanokurudzirwa kuti vashande pamwe chete vakabatana pane kuti vaite mazvakemazvake. Izvozvo zvakandidzidzisa kushanda pamwe chete nevamwe ndichizvininipisa uye kuti ndinzwisise kuti zvinhu zvidiki zvandinoita zvinotobatsira kuti tibudirire pakuita basa raJehovha.

Asi nemhaka yekuti tsika dzedu dzainge dzakasiyana, pane pamwe pazvaindiomera kunzwisisa maitiro avaiita zvinhu. Ndaitofanira kudzidza kuva nemwoyo murefu uye kuramba ndakadzikama. Nekufamba kwaiita nguva, ndakazogadzirisa mafungiro angu uye ndakatanga kunzwisisa kuti Jehovha anogona kukomborera chero chisarudzo chinenge chaitwa chero bedzi tichitevedzera mirayiridzo yaanotipa achishandisa sangano rake. Ndakazodzidzawo kuti Jehovha ndiye anoita kuti basa ratinoita ribudirire.

Kudzidziswa kwandakaitwa paBheteri kunondiyeuchidza nezvekudzidziswa kwakaitwa Mozisi naJehovha. Mozisi akanga awana dzidzo yepamusoro asi mumakore 40 aaiva mufudzi, Jehovha akamubatsira kuti ave munhu munyoro. Iniwo ndakanga ndawana dzidzo yepamusoro. Dzidzo iyoyo yakaita kuti ndive munhu anozvikudza uye kuti ndizvivimbe. Asi kushanda kwandakaita paBheteri kwakandibatsira kuti ndizvininipise uye ndivimbe naJehovha. Jehovha akaratidza Mozisi mwoyo murefu akamudzidzisa zvinhu zvakawanda. Ndizvo zvaanga achindiitirawo makore ese aya.

Ken akagara muhofisi make.

Ndichishanda paBheteri rekuJapan

Takaita makore 24 tichichengeta vabereki vaMiwako kusvikira pavakazofa. Taigara tichivafonera, tichifonera vanachiremba, tichienda kuzvipatara uye pane pamwe patainetseka zvisingaiti. Utano hwaamai vaMiwako, vainzi Masako, hwakatozodzikira kusvikira pekuti vakanga vasisagoni kufamba. Zvainge zvakavaomera kupinda misangano uye kuenda kunoparidza. Mazuva avakazofa, vakanga vava kutoshandisa wiricheya. Asi pasinei nezvese izvi, vakaramba vachingoda Jehovha. Vaifara zvisingaiti pavaitaura nezvaJehovha. Vakaramba vachishumira Jehovha vachifara pasinei nemamiriro avo ezvinhu. Zvavaiita izvozvo ndinodawo kuzvitevedzera.

Ken naMiwako vari kuOkinawa kwavari kushanda semapiyona chaiwo.

Ndichiparidza naMiwako kuOkinawa

Muna 2024, pane zvinhu zvikuru zvakachinja muupenyu hwedu. Pashure pekunge tashumira paBheteri kwemakore anodarika 30, takanzi tiende tinoshandira kundima. Iye zvino tiri kushanda semapiyona chaiwo pachitsuwa cheOkinawa uye tinoparidzira mukembi yemasoja iri padhuze nekwatinogara. Zvinhu zvatakadzidza paBheteri zvakatibatsira kuti zvive nyore kujairana nekuchinja kwakanga kwaita zvinhu muupenyu hwedu. Tinoedza kuronga zvinhu zvedu zvakanaka uye kushandisa nguva zvakanaka. Tinogara tichishanda nesimba pabasa redu rekuparidza. Jehovha akatibatsira kuti tiwane zvidzidzo zveBhaibheri zvakanaka uye tinowirirana chaizvo nevanhu ivavo. Tiri kunyatsoona kuti zvinokosha kuti tide vanhu. Zuva rega rega ini naMiwako tinotenda Jehovha nekutipa basa iri rakazonaka.

NDICHIRI KUDA KURAMBA NDICHIDZIDZISWA NAJEHOVHA

Vanhu vemumhuri mangu havachandishori havo asi havasati vava kushumira Jehovha. Chinondinyaradza ndechekuti Jesu akavimbisa kuti vaya vanosiya hama dzavo kuti vave vadzidzi vake vaizowana dzimwe hama dzakawanda pakati pevanhu vaMwari. (Mako 10:​29, 30) Izvozvo ndizvo zvakaitika kwandiri. Mumakore ese aya, ndakasangana nevanhu vakawanda vanobva munyika dzakasiyana-siyana vakaratidza kuti vaindida uye vakandibatsira. Vanhu ivavo vakawanda zvekuti handitokwanisi kuvaverenga.

Ndichiri nebhuku riya raZvokwadi randakapiwa naWilson. Bhuku iroro rinondiyeuchidza zvakaitwa naJehovha kuti ndimuwane. (1 Mak. 28:9) Ndichiri kungoda kuramba ndichidzidziswa naJehovha uye ndichibatsirawo vamwe kuti vadzidze chokwadi chichaita kuti vawane upenyu husingaperi.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe