NZWISISA ZVIMWE ZVINHU ZVINOTAURWA MUBHAIBHERI
Mambure Ekubatisa Hove
Vamwe vateveri vaJesu vaiita basa rekubata hove. (Mako 1:16-20) Vaiwanzoshandisa mambure kubata hove muGungwa reGarireya.
Mambure airukwa pachishandiswa twaini kana kuti tambo yejira. Mamwe acho aiva netumaburi tudikidiki uye mamwe aiva nemaburi akati kurei. Munhu aisarudza kuti oshandisa mambure api zvichienderana nekuti aida kubata hove dzakakura sei. Mambure madiki aiwanzosungirirwa matombo kana kuti tusimbi kuitira kuti anyure mumvura, vanhu vokwanisa kubata hove dzinenge dziri pasi pemvura. Kuti vakwanise kubata hove vachishandisa mambure mahombe, rimwe divi raifanira kunyura mumvura, rimwe racho richiyangarara pamusoro pemvura. Saka vaisungirira tumapuranga pamusoro kuti rimwe divi riyangarare uye nechepazasi paisungirirwa zvinhu zvinorema kuti rimwe divi racho rinyure mumvura.
Mambure aidhura kutenga uye zvaida kushanda nesimba kuti agare akanaka. Aigona kubvaruka kana vakabata hove dzakawandisa kana kubvarurwa nematombo anenge ari mumvura. (Ruka 5:6) Bhaibheri rinotiudza kuti pane imwe nguva Jakobho naJohani ‘vaigadzira mambure avo.’ (Mat. 4:21) Vanogona kunge vaiita izvi vachishandisa tsono netambo yejira. Vabati vehove vaiwanzoita basa iri rekugadzirisa mambure pese pavaipedza kuashandisa. Ruka akataurawo nezvevabati vehove ‘vaigeza mambure avo.’ (Ruka 5:2) Izvi zvaiitirwa kuti vabvise madhaka nezvimwewo zvainge zvabatirira imomo. Kana vapedza kuageza, vabati vehove vaiyanika mambure avo kuti asazoora.—Ezek. 47:10.
Jesu akakumbira varume vaiziva kushandisa mambure ekubatisa hove kuti vabatane naye vova “vabati vevanhu.”