AUGUST 10-16, 2026
RWIYO 122 Ivai Vakasimba, Vasingazununguki!
Zvatingaita Kuti Tirambe Takavimbika Kuna Jehovha Patinoomerwa
“Ishe, tingaenda kuna ani? Ndimi mune mashoko eupenyu husingaperi.”—JOH. 6:68.
ZVATICHADZIDZA
Tichadzidza zvatingaita kuti tirambe takavimbika kuna Jehovha pasinei nematambudziko, miedzo kana zvinhu zvakaoma zvatingasangana nazvo.
1-2. Chii chakaitika Jesu paaidzidzisa muKapenaume?
RIMWE ZUVA, Jesu paaidzidzisa muKapenaume, akataura kuti: “Kana mukasadya nyama yeMwanakomana wemunhu nekunwa ropa rake, hamuna upenyu mamuri.” Akazoenderera mberi achiti: “Wese anodya nyama yangu nekunwa ropa rangu ane upenyu husingaperi, uye ndichamumutsa pazuva rekupedzisira.” (Joh. 6:53, 54) Vamwe vadzidzi vaJesu vakawanda pavakanzwa mashoko aya zvakavavhundutsa, uye vakabva vati: “Mashoko aya anotyisa; ndiani angateerera zvakadaro?”—Joh. 6:60.
2 Vaya vakagumburwa nezvakataurwa naJesu vakabva vamusiya. Izvi zvinoreva here kuti vakanga vasina kutenda zvachose? Aiwa, nekuti izvi zvisati zvaitika, vamwe vavo kutosanganisira vadzidzi vaJesu vakabayiwa mwoyo nezvakaitwa naJesu zvekuti vakataura kuti: “Zvechokwadi uyu ndiye Muprofita aitarisirwa kuuya munyika.” (Joh. 6:14) Saka vadzidzi ivavo vaiva nekutenda, asi kwakanga kusina kusimba. Ndosaka vakasiya Jesu pavakatadza kunzwisisa zvaaitaura.
3. Vaapostora vakaita sei pavakanzwa zvakataurwa naJesu, uye nei vakadaro? (Onawo mufananidzo.)
3 Asi vaapostora havana kusiya Jesu. Jesu paakavabvunza kuti vakanga vasingadi kuendawo here, Petro akati: “Ishe, tingaenda kuna ani? Ndimi mune mashoko eupenyu husingaperi. Takatenda tikasvika pakuziva kuti ndimi Mutsvene waMwari.” (Joh. 6:68, 69) Hapana chakataurwa naPetro chinoratidza kuti iye nevamwe vaapostora vakanga vanyatsonzwisisa zvairehwa naJesu paakavaudza kuti vaifanira kudya nyama yake uye kunwa ropa rake. Asi kunyange zvakadaro, vakasarudza kuramba vakavimbika kuna Jesu. Havana kumusiya. Nei vasina kumusiya? Nekuti vainyatsotenda kuti Jesu ndiye “Kristu waMwari.”—Ruka 9:20, 35.
Kunyange zvazvo vadzidzi vakawanda vakasiya Jesu, Petro nevamwe vaapostora havana kumusiya (Ona ndima 3)
4. Zvii zvinogona kutitadzisa kuramba takavimbika kuna Jehovha?
4 Pane zvinhu zvakawanda zvinoitika muupenyu zvinogona kutitadzisa kuramba takavimbika kuna Jehovha. Semuenzaniso, tinogona kunzwa kuti manzwisisiro atinoita rimwe vhesi riri muBhaibheri agadziridzwa, kana kuti tinogona kupiwa mirayiridzo mitsva yemaitiro atinoita basa rekuparidza. Tinogonawo kutadza kunzwisisa kuti nei Jehovha ari kutibvumira kuti tisangane nerimwe dambudziko. Tinogonawo kurwadziswa neshamwari yedu yepedyo kana kuti tinogona kuona sekuti mumwe munhu watinoremekedza atibata zvisina kunaka. Zvinhu zvese izvi zvinogona kutitadzisa kuramba takavimbika kuna Jehovha.
5. Taura muenzaniso unoratidza kuti nei zvichikosha kuti tive nekutenda kwakasimba. (VaKorose 1:23)
5 Kuti tirambe takavimbika kuna Jehovha patinosangana nezvinhu zvakaoma, tinofanira kuva nekutenda kwakasimba maari. Tinogona kuzvifananidza neizvi: Chivakwa chinofanira kunge chiine faundesheni yakasimba kuitira kuti chisadonha kunyange kana kukaitika madutu ane simba. Ndizvo zvazvakaitawo nesuwo. Kuti tikwanise kuramba takavimbika kuna Jehovha patinosangana nezvinhu zvakaoma zvakaita sezvatataura mundima yapfuura, tinotofanira kuva nekutenda kwakasimba. Saka tinofanira kuramba tichisimbisa kutenda kwedu kuitira kuti tikwanise kuramba tichishumira Jehovha pasinei nezvingaitika muupenyu hwedu.—1 VaK. 15:58; verenga VaKorose 1:23.
6. Chii chakabatsira vaapostora kuti varambe vakavimbika kuna Jesu?
6 Chii chakabatsira vaapostora kuti varambe vakavimbika kuna Jesu vanhu vakawanda pavakamusiya? Vainyatsobvuma kuti Jehovha ndiye akakodzera kunamatwa nekuti ndiye Musiki wezvinhu zvese; vaibvumawo kuti Jesu ndiye Mwanakomana waMwari uyo ane “mashoko eupenyu husingaperi”; uye vainyatsoziva kuti Jehovha aifadzwa nezvese zvaiitwa naJesu. Isuwo pane zvinhu zvatakadzidza nezvaJehovha zvinogona kutibatsira kuti tirambe takavimbika kwaari patinosangana nezvinhu zvakaoma. Tichakurukura zvitatu zvacho. Chekutanga, Jehovha ndiye Musiki wezvinhu zvese. Chechipiri, Jehovha ndiye akafemera Bhaibheri. Chechitatu, Jehovha ndiye ari kutungamirira vanhu vake mazuva ano. Kana tichinyatsobvuma zvinhu izvi zvitatu, zvichatibatsira kuti tirambe takavimbika kuna Jehovha pasinei nezvinhu zvakaoma zvatingasangana nazvo.
JEHOVHA NDIYE MUSIKI
7. Zvakazarurwa 4:11 inotidzidzisei nezvaJehovha, uye kuziva izvozvo kunotibatsira sei patinosangana nematambudziko?
7 Verenga Zvakazarurwa 4:11. Vhesi iyi inotidzidzisa kuti Jehovha ndiye akasika zvinhu zvese. Ndosaka tichifanira kumunamata. Uye kana tikafungisisa nezvesimba rake rinoshamisa, tinonyatsova nechokwadi chekuti anokwanisa kutinunura pamatambudziko ese atinosangana nawo. Asi Satani akazadza nyika ino nenhema dzinoita kuti vanhu vafunge kuti hakuna Mwari. Mamwe masayendisiti anototi hakuna Musiki. Ndosaka zvichikosha kuti tinyatsoziva zvikonzero zvinoita kuti tibvume kuti Jehovha ndiye Musiki uye kuti anotida. Kana tichinyatsoziva zvikonzero izvozvo zvichatibatsira patichasangana nematambudziko. Hatizotangi kufunga kuti hakuna Mwari, kana kuti haakwanisi kutibatsira.—VaH. 11:6.
8-9. Unofanira kuitei kana ukatanga kusava nechokwadi chekuti Jehovha ndiye Musiki? (Onawo mufananidzo.)
8 Kana ukatanga kusava nechokwadi chekuti Jehovha ndiye Musiki, kurumidza kugadzirisa. Nyatsotsvakurudza mumabhuku edu kuti uwane uchapupu hunoratidza kuti Jehovha ndiye akasika zvinhu zvese. Unogona kuwana mashoko akawanda achasimbisa kutenda kwako mubhurocha rinonzi Was Life Created? uyewo mune rinonzi The Origin of Life—Five Questions Worth Asking. Unogonawo kuwana zvimwe zvakawanda pachikamu chiri pajw.org chakanzi “Zvakangoitika Zvega Here?” Imwe hanzvadzi yechidiki yekuUnited States inonzi Jessica yakati: “Pandakaverenga mabhuku edu, ndakanyatsowana uchapupu hunoratidza kuti pane akasika vanhu. Izvi ndakanga ndagara ndichitozviziva, asi kutsvakurudza kwandakaita kwakaita kuti ndiwedzere kuva nechokwadi nazvo.” Uyewo, vamwe vakabatsirwa nekuverenga chidzidzo 6 ne7 mubhuku rinonzi Rarama Nekusingaperi Uchifara! Kunyange kana wakatomboverenga mabhuku ese aya, unogona kuronga kuaverenga zvakare.
9 Paunenge wava kudzidza uri wega, unogona kutsvaga uchapupu hunoratidza kuti Mwari ariko. Kutsvakurudza kwauchaita kuchasimbisa kutenda kwako kuti Jehovha ariko uye kuchakubatsirawo kuti unyatsoziva kuti ndiMwari akaita sei. (VaR. 1:20) Uyewo, unogona kuzoshandisa zvaunenge wadzidza kubatsira vamwe vanonetseka kubvuma kuti Mwari ariko. Zvatinofanira kuziva ndezvekuti: Jehovha ane zvinhu zvakawanda zvaakatipa zvinotibatsira kuti tinyatsobvuma kuti ndiye Musiki wedu.
Nebula: IAC/RGO/David Malin Images; fish and car: Mercedes-Benz USA; plane: Kristen Bartlett/University of Florida
Kunyange kana wakamboverenga bhurocha rinonzi Was Life Created?, unogona kuronga kuriverenga zvakare (Ona ndima 8)
JEHOVHA NDIYE AKAFEMERA BHAIBHERI
10. Nei tichikoshesa Bhabheri? (2 Timoti 3:16, 17)
10 Verenga 2 Timoti 3:16, 17. Bhaibheri rine mashoko atakanyorerwa naJehovha. Rinopindura mibvunzo inokosha yakadai seyekuti: Upenyu hwakatanga sei? Tiri kumboraramirei? Uye Jehovha anoda kuti tirarame sei? Tinonyatsobvuma kuti Jehovha ndiye akanyora Bhaibheri, ndosaka tichirikoshesa kupfuura mamwe mabhuku ese. Tinoedza kunyatsorinzwisisa kuitira kuti tikwanise kushandisa zvarinotaura muupenyu hwedu.
11. Chii chinoita kuti unyatsobvuma kuti Bhaibheri rakafemerwa naMwari?
11 Pane zvikonzero zvakawanda zvinoita kuti tinyatsobvuma kuti Jehovha ndiye akafemera Bhaibheri. Ngatimboonai zvimwe zvacho. Shoko raMwari parinotaura nezvenyaya dzakaitika kare, rinotaura chokwadi. (Ruka 3:1, 2) Rinotaurawo chokwadi parinotaura nezvezvinhu zvakasikwa. (Job. 26:7) Uyewo, pasinei nekuti Satani akaedza kakawanda kuriparadza, hapana bhuku rinowanikwa nevanhu vakawanda panyika kupfuura Bhaibheri. Kuti Bhaibheri rinyorwe, Mwari akashandisa varume 40 uye zvakatora makore angada kusvika 1 600. Asi zvese zvirimo zvinopindirana. Uyewo, kunyange zvazvo Bhaibheri rakanyorwa kare kare, mazano arimo ari kubatsira vanhu vakawanda mazuva ano. (Zvir. 13:20; 15: 21; Mat. 7:12) MuBhaibheri munewo uprofita hwakawanda hwakatozadziswa, uye izvozvo zvinoita kuti titowedzera kuvimba naro. (Josh. 23:14) Zvese izvi zvinoratidza kuti Bhaibheri rakafemerwa naMwari!
12. Zvii zvatinofanira kuita kana tikatanga kusava nechokwadi chekuti Bhaibheri rakafemerwa naMwari?
12 Ngatitii tava kutanga kusava nechokwadi chekuti Bhaibheri rakafemerwa naMwari. Pakadaro tinofanira kuita sei? Tinofanira kunyengetera kuna Jehovha tichimuudza manzwiro atiri kuita, tomukumbira kuti atibatsire uye tobva tatsvakurudza. Chimboona zvakataurwa neimwe hama yechidiki inonzi Jordan, yakadzidziswa Bhaibheri nevabereki vayo. Jordan anoti: “Handingokurumidzi kubvuma zvese zvandinenge ndanzwa. Ndinotanga ndaongorora kuti ndione kuti ichokwadi here. Dzimwe nguva zvinombondiomera kubvuma zvimwe zvinhu zvandinenge ndaverenga kana kuti zvandinenge ndanzwa. Izvozvo pazvinoitika, ndinoedza kutsvakurudza mumabhuku edu kuti ndiwane mhinduro dzemibvunzo yandinenge ndiinayo.” Isuwo kana tikaramba tichizviyeuchidza kuti nei tichibvuma kuti Jehovha ndiye akafemera Bhaibheri, kutenda kwedu kuchawedzera kusimba.—1 VaK. 3:12, 13.
JEHOVHA NDIYE ARI KUTUNGAMIRIRA VANHU VAKE MAZUVA ANO
13. Tinofanira kuita sei kana tikatanga kusava nechokwadi nekuti ndivanaani vari kutungamirirwa naJehovha mazuva ano?
13 Kana tikatanga kusava nechokwadi chekuti Zvapupu zvaJehovha ndivo vanhu vari kutungamirirwa naMwari mazuva ano, hatifaniri kungosiya zvakadaro. Asi tinogona kuzvibvunza mibvunzo yakadai seyekuti: ‘Ndivanaani vari kurarama vachitevedzera mitemo yaMwari iri muBhaibheri? Nderipi sangano rinotora zvese zvarinodzidzisa muBhaibheri? Ndivanaani vari kuita kuda kwaJehovha mazuva ano?’—Mat. 7:20, 21; 2 Tim. 4:3, 4.
14. Zvapupu zvaJehovha zviri kuzadzisa sei mashoko ari pana Mateu 24:14?
14 Panyaya yekuti ndivanaani vari kuita kuda kwaMwari mazuva ano, tinogona kuzvibvunza kuti, ‘Ndivanaani vari kuita basa rekuparidza rakataurwa naJesu kuti raizoitwa mumazuva ekupedzisira?’ (Mat. 24:14) Mhinduro yacho iri pachena. Mwari ari kushandisa vanhu vake, kureva Zvapupu zvaJehovha, kuti vaite basa rekuparidza. Tisu tega tiri kuparidza mashoko akanaka eUmambo hwaMwari munyika dzinopfuura 240. Uye tatova nemakore anopfuura 100 tichiita basa iri. Hapana basa rinokosheswa nevanhu vaMwari kupfuura basa rekuparidza nekudzidzisa.—Mat. 28:19, 20.
15. Zvapupu zvaJehovha zvinotsvenesa sei zita raMwari mazuva ano? (Mateu 6:9; Isaya 43:10)
15 Verenga Mateu 6:9 uye Isaya 43:10. Takatakura zita raMwari uye tinodada kuti tinonzi Zvapupu zvaJehovha. Mazuva ano, vanhu vakawanda munyika havatombozivi kuti zita raMwari ndiJehovha. Asi isu takashanda nesimba kuti tibudise shanduro yeBhaibheri yakadzorera zita raMwari pese paraiva mumagwaro epakutanga. Zita raMwari rinowanika kanopfuura ka7 000 muBhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva.
16. Nei tichiti Zvapupu zvaJehovha ndizvo zviri kuteerera murayiro uri pana Johani 13:34, 35? (Onawo mufananidzo.)
16 Verenga Johani 13:34, 35. Mazuva ano vanhu vakawanda havana kubatana, uye vanotovengana. Asi vanhu vaJehovha havana kudaro. Vanonyatsodanana uye vakabatana. Tinobva munyika dzakasiyana-siyana uye takarerwa zvakasiyana, asi tinoita zvese zvatinogona kuti tive nerugare nerudo pakati pedu. Wakamboenda here kune imwe nzvimbo uchibva wapinda neungano yeikoko? Kana wakadaro, unofanira kunge wakazvionera wega kuti pasinei nekuti uri kupi hama nehanzvadzi dzako dzinodanana uye dzakabatana. Izvi zvinonyatsoratidza kuti Jehovha ari kushandisa Zvapupu zvake kuita kuda kwake mazuva ano. Kana tikagara tichiyeuka kuti Jehovha ari kutungamirira vanhu vake, zvichatibatsira kuti tirambe takavimbika kwaari kunyange zvinhu zvikatiomera.
Jehovha ndiye anoita kuti pasi rese vanhu vake vadanane uye vabatane (Ona ndima 16)a
USASIYA JEHOVHA
17-18. Zvinhu zvipi zvakaoma zvatinogona kusangana nazvo, asi tinogona kusvika pakutaura mashoko ekuti kudini?
17 Tiri munguva dzakaoma dzinonetsa kurarama madziri, saka tese tichatosangana nematambudziko. (2 Tim. 3:1, 13) Uye panogona kuitika zvimwe zvinhu zvinoita kuti tinetseke. Semuenzaniso, sangano raJehovha rinogona kuita zvisarudzo zvatisinganyatsonzwisisi. Tinogonawo kuona sekuti imwe hama kana hanzvadzi yatirwadzisa kana kuti haisi kunyatsotinzwisisa. Uye tinogona kutadza kuziva kuti togadzirisa sei dambudziko ratiinaro kana kutadza kunzwisisa kuti nei chimwe chinhu chiri kuitika muupenyu hwedu.
18 Pasinei nekuti zvese izvi zvinotirwadza zvakadini, tinogona kuramba takavimbika kuna Jehovha kana tichinyatsobvuma kuti ndiye Musiki, Bhaibheri iShoko rake, uye Zvapupu zvaJehovha ndivo vanhu vake. Tinogona kusvika pakuudza Jehovha mashoko akataurwa naPetro kuna Jesu ekuti: “Tingaenda kuna ani? Ndimi mune mashoko eupenyu husingaperi.”
RWIYO 123 Kutevedzera Urongwa hwaMwari Takavimbika
a KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Amai nemwanasikana wavo vari mubhazi vanofara chaizvo pavanoona zvimwe Zvapupu zviri muushumiri.