RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w26 April p. 32
  • Zvaungaita Kuti Unzwisise Mifananidzo Iri muBhaibheri

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvaungaita Kuti Unzwisise Mifananidzo Iri muBhaibheri
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2026
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2026
w26 April p. 32

ZVAUNGAITA PAKUDZIDZA

Zvaungaita Kuti Unzwisise Mifananidzo Iri muBhaibheri

MuBhaibheri mune mifananidzo yakawanda asi vanhu vakawanda havainzwisisi. (Mat. 13:13) Zvii zvaungaita kuti unyatsonzwisisa mifananidzo iyi? Unogona kuita izvi:

  • Ona kuti nyaya iri kutaurwa ndeyei uye kuti iri kufananidzwa nei. Semuenzaniso pana Zvakazarurwa 3:3 panotaura nezvekuuya kwaJesu uye kuuya kwaJesu kunofananidzwa nekuuya kwembavha.

  • Funga kuti nyaya iri kutaurwa yakafanana papi nechairi kufananidzwa nacho. Saka pavhesi redu riya raZvakazarurwa 3:​3, funga kuti kuuya kwaJesu kwakafanana papi nekuuya kwembavha.

  • Nyatsobata zviri kurehwa nemufananidzo wacho. Dzimwe nguva, munhu anogona kurasika otadza kubata zviri kurehwa nemufananidzo wacho. Tikadzokera pana Zvakazarurwa 3:​3, munhu anogona kufunga kuti Jesu ari kuuya kuzoba, asi izvozvo handizvo zviri kurehwa. Mashoko akapoteredza anoratidza kuti Jesu anouya sembavha pakuti haatauri kuti anouya riini.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe