RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w26 February p. 30-p. 31 ndim. 7
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2026
  • Mashoko Akafanana
  • Murangariro weBhaibheri Worugare Nechengeteko
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
  • Rugare Rwechokwadi Nokuchengeteka Zvava Pedyo!
    Rugare Rwechokwadi Nokuchengeteka—Ungaruwana Sei?
  • Kutarira Mberi Kwo“rugare Nechengeteko” Zvinoitwa Nomunhu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2026
w26 February p. 30-p. 31 ndim. 7
Vatungamirira venyika vakamira pedyo nemuzinda weUnited Nations vachiudza vanhu vari kufara vakaungana kuti “kwava nerunyararo uye hapana chichatiwana.”

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Hurumende dzevanhu dzichazivisa riini kuti “kwava nerunyararo uye hapana chichatiwana”?

Sezviri munyaya yakanzi, “Mibvunzo Inobva Kuvaverengi” iri muNharireyomurindi yaNovember 2025, munguva pfupi iri kuuya, Jehovha achaisa mumwoyo ‘menyanga gumi’ (kureva hurumende dzese dzevanhu) “zvaari kufunga,” zvekuti dzipe ‘chikara chitsvuku’ simba radzo nechiremera chadzo. ‘Chikara chitsvuku’ ichi ndicho Sangano Remubatanidzwa Wenyika Dzepasi Rese (UN). Chikara ichi chinonziwo “mufananidzo wechikara.” (Zvak. 13:​14, 15; 17:​3, 16, 17) “Nyanga gumi” pamwe chete nechikara ichi chinenge chapiwa simba zvichabva zvaparadza zvitendero zvenhema pasi rese. Hurumende dzevanhu dzichazivisa kuti “kwava nerunyararo uye hapana chichatiwana”a zvitendero zvenhema zvisati zvaparadzwa here kana kuti zvatoparadzwa?—1 VaT. 5:3.

Chokwadi ndechekuti hatizivi kuti mashoko aya ekuti “kwava nerunyararo uye hapana chichatiwana” achaziviswa riini. Kudai taiziva zvese nezvenyaya yacho taisazofanira hedu kuramba takamuka. Nepo Jesu akaudza vateveri vake kakawanda kuti “rambai makarinda.” (Mat. 24:42; 25:13; 26:41) Iye zvino ngatichiongororai mashoko euprofita akafemerwa muapostora Pauro kuti anyore.

Pauro akanyora kuti: “Pavanongoti, ‘Kwava nerunyararo uye hapana chichatiwana!’ vachabva vangoparadzwa pakarepo vasingatarisiri.” (1 VaT. 5:​2, 3) Mabhuku edu aiwanzotsanangura uprofita uhwu hwaPauro achiti: Mashoko ekuti “kwava nerunyararo uye hapana chichatiwana,” achangoti achiziviswa kutambudzika kukuru kwobva kwatanga. Kutambudzika kukuru kuchatanga nekuparadzwa kweBhabhironi Guru rinomiririra zvitendero zvese zvenhema. Taiti kuziviswa kwemashoko aya ndiko kuchabva kwatiratidza kuti kutambudzika kukuru kwava kuda kutanga.

Asi pashure pekunge tanyatsoongorora nyaya iyi, tiri kuona kuti pane mamwe matsananguriro atinogona kuita nyaya yacho. Pamwe mashoko ekuti “kwava nerunyararo uye hapana chichatiwana” achaziviswa pashure pekunge zvitendero zvenhema zvaparadzwa. Ngationei zvimwe zvikonzero zviri kuita kuti tidaro.

Zvii zviri kuitwa nechitendero chenhema pakutsigira hondo dziri kuitika panyika? Bhaibheri rinotsanangura kuti: “Mariri [kureva Bhabhironi Guru, kana kuti pfambi huru] makawanikwa ropa . . . revaya vese vakaurayiwa panyika.” (Zvak. 17:​1, 5; 18:24) Kubvira kare zvitendero zvenhema zvanga zvichitsigira hondo uye zvichikonzera kuti vamwe vanhu vauraye vanhu vakawanda. Saka ndizvo zviri kutokonzera hondo nekurwisana, pane kuti zviite kuti panyika pave nerugare uye vanhu vagare vasina chekutya. Izvi zvinobva zvaita kuti pave nemubvunzo wekuti: Hurumende dzevanhu dzichazongozivisa kuti “kwava nerunyararo uye hapana chichatiwana,” pashure pekunge dzaparadza Bhabhironi Guru here? Zvinogona kudaro, asi hatinyatsozivi.

Chii chichaitika pashure pekunge mashoko ekuti “kwava nerunyararo uye hapana chichatiwana” aziviswa? Pauro akati: “Vachabva vangoparadzwa pakarepo vasingatarisiri.” (1 VaT. 5:3) MuBhaibheri reChirungu rekudzidza, mashoko ari pastudy note iri pavhesi iyi anoti: “Zvakataurwa naPauro zvinoratidza kuti hapasi kuzombotora nguva refu kubva pachaziviswa kuti ‘kwava nerunyararo uye hapana chichatiwana’ kusvika pachaparadzwa vaya vachazivisa mashoko acho. Zvichaitika nekukurumidza uye havasi kuzopukunyuka.” Kana hurumende dzikazozivisa mashoko ekuti “kwava nerunyararo uye hapana chichatiwana” pashure pekunge chitendero chenhema chaparadzwa zvinenge zvava kureva kuti hurumende idzodzo dzichabva dzangoparadzwa pakarepo.

Vanhu vaJehovha vachaita sei pavachaona zvinhu izvi zvava kuitika? Pauro akati: “Hama, hamusi murima, zvekuti zuva iroro ringakusvikirai sezvaringaita kumbavha.” (1 VaT. 5:4) Kana mashoko ekuti “kwava nerunyararo uye hapana chichatiwana” akazoziviswa pashure pekunge chitendero chenhema chaparadzwa, vanhu vaJehovha vanobva vaziva kuti chatongosara ndechekuti hurumende dziya dzibva dzatoparadzwa. Asi kuhurumende idzodzo, kuparadzwa kwavo kuchauya sembavha, kuchangoerekana kwaitika vasingambozvitarisiri nekuti vanenge vachifunga kuti kwava nerunyararo uye hapana chichavawana.

Saka zvii zvatiri kutarisira? Tiri kutarisira kuti munguva pfupi iri kutevera ‘nyanga gumi’ nechikara chadzinenge dzapa simba nechiremera zvichaparadza zvitendero zvenhema. Uku ndiko kuchava kutanga kwekutambudzika kukuru. Uye tinozivawo kuti pane imwe nguva, hurumende dzevanhu dzichazivisa kuti “kwava nerunyararo uye hapana chichatiwana.” Mashoko iwayo achaziviswa riini? Pane zvinhu zviviri zvatakurukura zvinogona kuitika. Chekutanga: hurumende dzevanhu dzinogona kuzivisa mashoko iwayo zvitendero zvenhema zvisati zvaparadzwa. Chechipiri: Mashoko iwayo anogona kuzoziviswa nehurumende pashure pekunge dzatsakatisa zvitendero zvenhema. Tichafanira kumirira kuti tione kuti zvichafamba sei. Uprofita hweBhaibheri hunowanzonzwisiswa zvizere pahunenge huchizadzika kana kuti pahunenge hwatozadzika.—Enzanisa naJohani 12:16.

Iye zvino chinonyanya kukosha hakusi kuti mashoko ekuti “kwava nerunyararo uye hapana chichatiwana” achaziviswa riini, asi chinonyanya kukosha ndechekuti tirambe takavimbika kuna Jehovha. Tinofanira ‘kuramba takamuka uye pfungwa dzedu dzichinyatsoshanda,’ kuitira kuti tigare takagadzirira pasinei nekuti zvinhu zvichafamba sei.—1 VaT. 5:6.

a Zvakataurwa nemuapostora Pauro zvinoratidza kuti mashoko aya anogona kuziviswa kanopfuura kamwe chete.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe