MUNHU WEMUBHAIBHERI
Dzidza Kutya Mwari saObhadhiya
Obhadhiya ndiye aitungamirira zvinhu zvaiitwa pamuzinda wamambo Ahabhi. Ahabhi aiva mutongi akaipa uye akarega vaIsraeri vakawanda vachinamata Bhaari. Asi Obhadhiya akadzidza kutya Jehovha ‘kubvira achiri mudiki.’ (1 Madz. 18:1-13) Saka Mambokadzi Jezebheri paakati vaprofita vese vaJehovha vaurayiwe, Obhadhiya aiziva kuti aitofanira kuratidza ushingi kuti achengetedze vaprofita ivavo. Kuhwandisa muprofita mumwe chete kwaigona kumuurayisa, asi Obhadhiya akatohwandisa vaprofita 100 uye aivapa zvekudya panguva yenzara! Chimbofungidzirai kuti zvainge zvakaoma zvakadii kuti Obhadhiya aite zvese izvi asi asingaonekwi nemazana evaprofita vaishumira mambo namambokadzi.—1 Madz. 18:19.
Tinodzidzei kumurume uyu aitya Mwari? Obhadhiya aitya kuurayiwa naAhabhi asi aitya Mwari kupfuura Ahabhi. Izvi ndizvo zvakaita kuti ave neushingi hwekuisa upenyu hwake pangozi kuti achengetedze hama dzake. Kana kunamata kwedu kukabhanwa kwatinogara, tinofanira kudzidza kutya Mwari sezvaiita Obhadhiya. Kutya Mwari kuchaita kuti tive neushingi hwekubatsira hama nehanzvadzi dzedu dzinenge dziri mumamiriro ezvinhu akaoma.