MARCH 30–APRIL 5, 2026
RWIYO 76 Unonzwa Sei Nebasa Iri?
Taura Zvakanaka Paunenge Uchidzidzisa Vamwe Chokwadi
“ Jehovha, Mwari anotaura chokwadi.”—PIS. 31:5.
ZVATICHADZIDZA
Tichadzidza kuti tingataura sei chokwadi nevamwe uyewo kuti tingavaudza sei chokwadi chiri muShoko raMwari.
1. Tinofanira kuitei kuti tive mumhuri yaJehovha?
PATINOONANA nemumwe mushumiri waJehovha kekutanga, mumwe mubvunzo watinowanzobvunza ndewekuti, “Wakawana sei chokwadi?” Vamwe vanopindura kuti “ndakarerwa muchokwadi.” Vamwewo vanoti ndakazoita “zvekuuya muchokwadi.” Tinopindura tichidaro nekuti tinotungamirirwa nechokwadi chiri muShoko raMwari pane zvese zvatinoita muupenyu. Tinobvuma kutungamirirwa nechokwadi chiri muShoko raMwari nekuti tinoziva kuti hatigoni kuva mumhuri yaJehovha kana tisingadi chokwadi uye tisingararami maererano nacho. Kuda chokwadi uye kurarama maererano nacho kunobatanidza kutaura chokwadi uye kuva vanhu vakatendeseka pazvese zvatinoita.—Pis. 15:1-3.
2. (a) Jesu aizivikanwa nei? (b) Chokwadi chaidzidziswa naJesu chaigona kuita kuti vanhu vaite sei?
2 Jesu aitaura chokwadi nguva dzese. Vavengi vake vaibvuma kuti aitaura chokwadi, kunyange zvazvo vaisafarira zvimwe zvaaitaura. (Mat. 22:16) Jesu akataura zvaizoitwa nevanhu pavaizonzwa chokwadi chaaidzidzisa. Akati: “Ndakauya kuzoita kuti pave nekupesana, pakati pemwanakomana nababa vake, mwanasikana naamai vake, uye muroora navamwene vake.” (Mat. 10:35) Jesu aisada kuti vanhu varambe chokwadi chaaidzidzisa, asi aiziva kuti izvozvo zvaigona kuzoitika. (Mat. 23:37) Aiziva kuti vamwe vaizofarira mashoko aaiparidza uye vamwe vaisazoafarira.—2 VaT. 2:9-11.
3. Tichakurukurei munyaya ino?
3 Tinoedza kuva vakatendeseka uye tinotaura chokwadi nguva dzese sezvaiitwa naJesu, kunyange dzimwe nguva zvichiita kuti tisafarirwe nevanhu. Tinoparidza uye tinodzidzisa vanhu chokwadi cheBhaibheri kunyange dzimwe nguva zvatinotaura zvichivatsamwisa. Asi izvi hazvirevi kuti tichangotaura chokwadi chacho patadira uye tisina kumbofunga kuti tichazvitaura sei. Munyaya ino tinoda kutanga nekupindura mubvunzo wekuti: Ndekupi kwatingawana chokwadi? Tichabva tazokurukurawo mibvunzo inotevera: Nei tichitaura chokwadi? Tinofanira kutaura sei chokwadi? Ndepapi patingaudza vamwe chokwadi chiri muBhaibheri? Mhinduro dzemibvunzo iyi dzichatibatsira kuti titaure chokwadi uye tiudze vamwe mashoko akanaka, asi tichizviita zvine ruremekedzo uye panguva yakakodzera.
NDEKUPI KWATINGAWANA CHOKWADI?
4. Nei tingati chokwadi chese chinobva kuna Jehovha?
4 Kuna Jehovha ndiko kunobva chokwadi chese. Zvese zvaanotaura ndezvechokwadi. Semuenzaniso, paanoti chimwe chinhu chakanaka kana kuti chakaipa anenge achitotaura chokwadi. (Pis. 19:9; 119:142, 151) Zvese zvaanotaura nezveramangwana zvinotoitika. (Isa. 55:10, 11) Anoita zvese zvaanenge avimbisa. (Num. 23:19) Hazvitomboiti kuti Jehovha areve nhema! (VaH. 6:18) Ndosaka Bhaibheri richiti: Jehovha ‘ndiMwari anotaura chokwadi.’—Pis. 31:5
5. Nei zvisina kuoma kuti tisvike pakuziva ‘Mwari wechokwadi’? Tsanangura. (Mabasa 17:27)
5 Vamwe vanhu vanofunga kuti zvakaoma kuti munhu asvike pakuziva Jehovha, ‘Mwari wechokwadi.’ Asi chokwadi ndechekuti hazvina kumbooma. Zvinhu zvakasikwa zvinotoratidza kuti Mwari ariko. (VaR. 1:20) Paaiva muAtene, muapostora Pauro akaudza vamwe vaGiriki vakanga vakadzidza kuti Mwari anoda kuti ‘timuwane’ uyewo kuti ‘haasi kure nemumwe nemumwe wedu.’ (Verenga Mabasa 17:27.) Jehovha anotoita kuti vanhu vanozvininipisa uye vanoda kuziva nezvake vauye kwaari.—Joh. 6:44
6. Ndechipi chimwe chokwadi chiri muBhaibheri, uye nei uchikoshesa chokwadi ichocho?
6 Kudzidza Bhaibheri ndicho chimwe chinhu chinotibatsira kuti tisvike pakuziva Jehovha. Vanhu vakanyora Bhaibheri vakafemerwa nemweya mutsvene waMwari. (2 Pet. 1:20, 21) Saka zvese zvakanyorwa muBhaibheri ndezvechokwadi uye tinogona kuvimba nazvo. Semuenzaniso, tinogona kuvimba nezvarinotaura panyaya yekuti zvinhu zvese zvakabva kupi uye kuti upenyu hwakatanga sei panyika. (Gen. 1:1, 26) Tinovimba nezvarinotaura panyaya yekuti nei tichitadza, tichitambura uye tichifa. (VaR. 5:12; 6:23) Tinogona kuvimba nezvarinotaura panyaya yekuti Jehovha achashandisa Mwanakomana wake kugadzirisa zvinhu zvese zvakakanganiswa naSatani, ‘baba venhema.’ (Joh. 8:44; VaR. 16:20) Tinotenda muvimbiso yeBhaibheri yekuti Jesu achaparadza vakaipa, omutsa vakafa, oita kuti nyika ivezve paradhiso uye obvisa chivi chatiinacho. (Joh. 11:25, 26; 1 Joh. 3:8) Tinotenda Jehovha nechokwadi ichi chaakatidzidzisa. Uye tinomutendawo neropafadzo yaakatipa yekudzidzisa vamwe nezvake.—Mat. 28:19, 20.
NEI TICHITAURA CHOKWADI?
7-8. Chinangwa chatinotaurira chokwadi chinokosha here? Taura muenzaniso. (Mako 3:11, 12) (Onawo mifananidzo.)
7 Sezvatamboona, tinofanira kutaura chokwadi kana tichida kuva mumhuri yaJehovha. Asi kuti tifadze Jehovha panewo zvimwe zvinokosha zvatinofanirawo kufunga nezvazvo. Jehovha anokoshesawo chinangwa chatinotaurira chokwadi. Ngatimboonai zvakaitika pane imwe nguva Jesu paaiita ushumiri hwake ari pano panyika. (Verenga Mako 3:11, 12.) Jesu paaiparidza ari pedyo neGungwa reGarireya akaunganirwa nevanhu vakawanda. Pakati pavo paiva nevanhu vaiva nemadhimoni vakagwadama pamberi pake vachishevedzera kuti: “Ndimi Mwanakomana waMwari.” Chii chakaita kuti madhimoni aya ataure chokwadi nezvaJesu? Anogona kunge aida kuti vanhu vainzwa zvaaitaura vavimbe nawo vorega kushumira Jehovha. Madhimoni iwayo akataura chokwadi asi chinangwa chawo chainge chakaipa. Jesu aiziva chinangwa chawo saka haana kufara nezvaakaita. Akatoarayira kuti asaparidza nezvake.
8 Tinodzidzei panyaya iyi? Chinangwa chatinotaurira chokwadi chinokosha kuna Jehovha. Saka patinoudza vamwe chokwadi nezvaJehovha, chikonzero chedu chinofanira kunge chiri chekuti tinomuda. Uye kana munhu akatirumbidza, tinofanira kuita kuti mbiri yese iende kuna Jehovha.—Mat. 5:16; enzanisa naMabasa 14:12-15.
Paunodzidzisa chokwadi, unoita kuti vanhu vanyanyofunga nezvaani? (Ona ndima 7-8)
9. Chii chatisingafaniri kuita, uye nei tisingafaniri kudaro?
9 Ngatimbokurukurai zvimwe zvatisingafaniri kuita zvinogona kuita kuti tipedzisire tava kukudzwa nevanhu. Ngatitii mumwe mukuru anotiudza mamwe mashoko asati ava kufanira kuzivikanwa nevanhu vakawanda, isu tobva taudza vamwe vanhu. Vanhu ivavo vakazoona kuti zvatakavaudza ndezvechokwadi vanogona kutanga kufunga kuti tinoziva zvinhu zvakawanda zvisati zvava kufanira kuzivikanwa. Izvi zvinogona kuita kuti vatione setinonyanya kukosha, asi hazviite kuti Mwari atifarire. (Zvir. 11:13) Nemhaka yei? Nekuti tinenge taudza vanhu zvinhu zvavasati vava kufanira kuziva uye chinangwa chatazvitaurira chinenge chisina kunaka.
TINOFANIRA KUTAURA SEI CHOKWADI?
10. Zvinorevei kutaura zvine “mutsa”? (VaKorose 4:6)
10 Verenga VaKorose 4:6. Muapostora Pauro akayeuchidza vaKristu vaiva muKorose kuti matauriro avo aifanira ‘kuratidza mutsa nguva dzese.’ Izvozvo zvinorevei? Shoko rechiGiriki rakashandiswa pavhesi iyi rinoratidza kuti zvatinotaura zvinofanira kubatsira vateereri vedu. Asi matauriro edu anofanirawo kunge akanaka uye achifadza vateereri.
11-12. Nei tichifanira kungwarira madzidzisiro atinoita? Taura muenzaniso. (Onawo mifananidzo.)
11 Tinofanira kushandisa zano raPauro rekuti tive nemutsa patinenge tichidzidzisa vamwe chokwadi. Bhaibheri rinotofananidza chokwadi chiri mariri nebakatwa rakapinza rinobaya kusvika panoparadzana mweya nemwoyo. Izvi zvinoreva kuti rinogona kubudisa pachena zviri mumwoyo memunhu, zvinoita kuti ataure kana kuti aite zvimwe zvinhu neimwe nzira. (VaH. 4:12) Asi kana tikasarishandisa zvakanaka, tinogona kutogumbura vamwe topedzisira tanetsana navo. Izvozvo zvingaitika sei?
12 Chimbofunga zvinotevera. Ngatitii tiri muushumiri tobva tasangana nemurume anofarira zvekunamata. Murume wacho anonamata zvidhori uye anofarira kupemberera Krisimasi neIsita pamwe chete nemhuri yake. Tinogona kuratidza murume wacho tichishandisa Bhaibheri kuti hazvina musoro kunamata zvidhori uye kuti Krisimasi neIsita imhemberero dzechihedheni. (Isa. 44:14-20; 2 VaK. 6:14-17) Kana tikaita izvozvo patinoonana naye kekutanga, tinenge tamuudza chokwadi asi tinenge tisina kushandisa Shoko raMwari zvakanaka.
Tingadzidzisa sei chokwadi zvine unyanzvi? (Ona ndima 11-12)a
13. Tingataura sei mashoko akarungwa nemunyu?
13 Pauro akataurawo kuti mashoko atinotaura anofanira kunge akarungwa nemunyu. Pauro aisareva kuti tinofanira kuvanza chokwadi kana kusataura chokwadi sezvachiri. Asi aitikurudzira kuti titaure nenzira inoita kuti zvive nyore kuti vanhu vatinenge tichiparidzira vagamuchire mashoko akanaka. (Job. 12:11) Kuita izvozvo kungasava nyore. Patinorunga zvekudya, tinogona kufunga kuti munyu wataisa ndiwo unodiwa nemunhu wese. Saizvozvowo, tinogona kufunga kuti matauriro atinoita anofarirwa nemunhu wese. Asi ichocho hachisi chokwadi. Semuenzaniso, mune dzimwe tsika vanhu havazezi kutaura mafungiro avo kunyange kana vachitaura nevanhu vakuru kwavari. Asi mune dzimwe tsika, matauriro akadaro anoonekwa seasingatomboiti kana kuti anoonekwa sekushaya unhu. Pauro akataura kuti tinofanira kuziva ‘mapinduriro atinofanira kuita munhu mumwe nemumwe.’ Izvi zvinoreva kuti patichataura, tinofanira kufunga kuti zvatiri kutaura zvichafarirwa here nemunhu watiri kutaura naye.
NDEPAPI PATINGAUDZA VAMWE CHOKWADI CHIRI MUBHAIBHERI?
14. Paaiva panyika, Jesu akadzidzisa vadzidzi vake zvese zvaaiziva here? Tsanangura.
14 Jesu aigara achitaura zvakanaka nevadzidzi vake uye akavadzidzisa zvinhu zvakawanda. (Mako 6:34) Asi pakanga pachiri nezvakawanda zvavaifanira kudzidza. Kunyange zvakadaro, Jesu haana kuedza kuvadzidzisa zvese zvaaiziva. Ainzwisisa kuti vaisakwanisa kuzvibata zvese. Aiziva kuti yakanga isati yava nguva yekuti vadzidze zvimwe zvinhu. Akatotaura kuti: “Ndichiine zvinhu zvakawanda zvekukuudzai, asi hamukwanisi kuzvinzwisisa iye zvino.” (Joh. 16:12) Izvi zvinotidzidzisei?
15. Tinofanira kudzidzisa vadzidzi vedu veBhaibheri zvese zvatinoziva panguva imwe chete here? Tsanangura. (Zvirevo 25:11) (Onawo mufananidzo.)
15 Zvakaitwa naJesu zvinotiratidza kuti kana tichiziva chokwadi, hazvirevi hazvo kuti tinofanira kubva taudza munhu zvese zvatinoziva panguva imwe chete. Tingatevedzera sei zvakaitwa naJesu? Tinofanira kufunga nezvemamiriro ezvinhu emunhu mumwe nemumwe. Ngatimbofungai nezvemurume uya anofarira kupemberera Krisimasi neIsita pamwe chete nemhuri yake. Tinoziva kuti mhemberero idzodzo ndedzechihedheni uye kuti Mwari haadzifariri. Tomboti watanga kudzidza naye Bhaibheri kwasara vhiki rimwe chete kana kuti maviri kuti Krisimasi isvike. Tingati wataura zvine mutsa here kana ukamuratidza zvinotaurwa neBhaibheri nezvemhemberero dzechihedheni, wobva watotarisira kuti arege kupemberera Krisimasi? Ichokwadi kuti vamwe vadzidzi vanokurumidza kushandisa zvavanenge vadzidza muBhaibheri. Asi vamwe vanotora nguva kuchinja mafungiro uye maitiro avo. Tinogona kubatsira vadzidzi vedu veBhaibheri kuti vafambire mberi kana tikavaudza zvinhu zvavanofanira kuziva panguva yakakodzera, kureva panguva yavanokwanisa kuzvinzwisisa.—Verenga Zvirevo 25:11.
Tevedzera zvakaitwa naJesu kuti uzive kuti ndepapi paungaudza munhu chokwadi uye kuti unomuudza zvakawanda sei (Ona ndima 15)
16. Tingabatsira sei vadzidzi vedu veBhaibheri kuti ‘varambe vachifamba muchokwadi’?
16 Kubatsira vanhu kuti vazive chokwadi nezvaJehovha ndechimwe chezvinhu zvinoita kuti tifare chaizvo. Tinogona kuvabatsira kuti ‘varambe vachifamba muchokwadi’ kana (1) tikaramba tichiva muenzaniso wakanaka wekuti vatevedzere. (3 Joh. 3, 4) (2) Mararamiro edu akaratidza kuti tinobvuma kuti zvakavimbiswa muShoko raMwari zvichatoitika. (3) Tikataura chokwadi nechinangwa chakanaka. (4) Tikaziva nguva yekutaura, totaura zvakanaka, uye neunyoro patinenge tichidzidzisa vamwe Bhaibheri. Uye (5) tikaita kuti mbiri yese iende kuna Jehovha patinorumbidzwa. Kana tikaita zvinhu izvi tinenge tichiratidza kuti tiri vashumiri vaJehovha, Mwari wechokwadi.
RWIYO 160 “Mashoko Akanaka”!
a KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Pamufananidzo wekutanga hama inoona zvinhu zviri mumba masaimba zvinoratidza kuti anopemberera Krisimasi, yobva yamuratidza nyaya inotaura kuti Krisimasi yakatangira muchihedheni. Pamufananidzo wechipiri hama inoratidza saimba wacho nyaya ine mazano anogona kubatsira vanababa. Ndeipi nzira ingaita kuti anyatsobudirira?