ZVAUNGAITA PAKUDZIDZA
Edza Kufungidzira Zviri Kuitika Munyaya Yauri Kuverenga muBhaibheri
Tinogona kuwana zvidzidzo zvakawanda zvinokosha kubva munyaya dzakanyorwa muBhaibheri. Kana tikaedza kufungidzira zviri kuitika munyaya yatinenge tichiverenga, zvinogona kutibatsira kuti tinyatsonzwisisa nyaya yacho, towana zvidzidzo zvakawanda. Ona zvimwe zvinogona kukubatsira kuti ufungidzire zvaunenge uchiverenga muBhaibheri.
Verenga zvinonzwika. Kuverenga Bhaibheri zvinonzwika kunobatsira kuti ufungidzire zvakajeka nyaya yaunenge uchiverenga. Kana muri kuverenga semhuri nyaya ine vanhu vakasiyana-siyana, munogona kurongana kuti mumwe nemumwe ari mumhuri ave nepake paanoverenga achimiririra munhu ari munyaya yacho.
Ita seuri kuona zviri kuitika. Edza kunzwisisa mafungiro evanhu vari kutaurwa munyaya yacho uye kuti vainzwa sei. Unogona kuzvibvunza kuti: ‘Munhu uyu akataurirei mashoko aya kana kuti akaitirei zvaakaita? Dai ndanga ndiri mumamiriro ezvinhu aya, ndaizonzwa sei kana kuti ndaizofungei?’
Dhirowa. Kunyange usingagoni kudhirowa zvakanaka, kana ukaita uchidhirowa paunenge uchiverenga zvinokubatsira kufungidzira zvinenge zvichiitika munyaya yacho uyewo kuti uzozviyeuka.