RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w25 November pp. 2-7
  • Zvaungaita Kuti Urambe Uchifara Kunyange Wakwegura

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvaungaita Kuti Urambe Uchifara Kunyange Wakwegura
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • NEI ZVAKAOMA KUTI VANHU VAKWEGURA VARAMBE VACHIFARA?
  • ZVAUNGAITA KUTI URAMBE UCHIFARA
  • ZVINGAITWA NEVAMWE KUTI VABATSIRE VAKWEGURA
  • Koshesa Hama Nehanzvadzi Dzedu Dzakura
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2021
  • Jehovha Ane Hanya Zvechokwadi Nevashumiri Vake Vakwegura
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Dzidza Pamashoko Ekupedzisira Akataurwa Nevarume Vakatendeka
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2024
  • Zvininipise Uchibvuma Kuti Pane Zvimwe Zvinhu Zvausingazivi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
w25 November pp. 2-7

NYAYA YEKUDZIDZA 44

RWIYO 138 Runako Rwevachena Musoro

Zvaungaita Kuti Urambe Uchifara Kunyange Wakwegura

“ Pavanenge vachembera, vacharamba vachibudirira.”—PIS. 92:14.

ZVATICHADZIDZA

Tichadzidza kuti nei zvichikosha kuti vanhu vakura varambe vachifara uye kuti vangazviita sei.

1-2. Jehovha anoona sei vashumiri vake vakwegura? (Pisarema 92:​12-14; onawo mufananidzo.)

MUNE dzimwe nzvimbo vamwe vanhu vanofunga kuti kukwegura kunoita kuti varemekedzwe. Asi mune dzimwewo, vanhu vanoita zvese zvavanogona kuti zvisaoneka kuti vakura. Semuenzaniso, kana vakaona imvi mumusoro mavo, vanobva vangoidzura. Asi pasinei nezvese zvavanoedza kuita havakwanise kuita kuti vasakwegura.

2 Ko Baba vedu vekudenga vanoona sei vashumiri vavo vakwegura? (Zvir. 16:31) Vanovafananidza nemiti yakanaka inoyevedza. (Verenga Pisarema 92:​12-14.) Nei vachivafananidza nemiti? Kazhinji kana muti uine makore akawanda, unenge wakanaka chaizvo nekuti unenge uine maruva nemashizha akawanda. Pane mimwe miti inoyevedza chaizvo inowanikwa kuJapan inorarama kwemakore akawanda. Mimwe yemiti iyi yatova nemakore anopfuura 1 000 iripo. Tinogona kufananidza vashumiri vaJehovha vakwegura nemiti iyi. Jehovha paanovatarisa, anovaona vakanaka chaizvo uye anovakoshesa. Anokoshesa unhu hwavo hwakanaka nekuti vava nemakore akawanda vachimushumira vakatendeka, kunyange pazvakanga zvakaoma.

Mbuya nasekuru vakagara pabhenji mupaki yakazara miti yatumbuka maruva.

Kungofanana nemuti unowedzera kuyevedza paunenge wava nemakore akawanda, vanhu vakura vane unhu hwakanaka hunoita kuti Jehovha nesuwo tese tivakoshese (Ona ndima 2)


3. Taura mienzaniso yevamwe vanhu vakanga vakura vakapiwa mabasa aibatsira pakuzadzisa chinangwa chaJehovha.

3 Kana munhu akura hazvirevi kuti haachakoshi kuna Jehovha.a Jehovha anowanzoita kuti vanhu vanenge vakura vaitewo mabasa anobatsira pakuzadzisa chinangwa chake. Sara akanga akura chaizvo Jehovha paakamuudza kuti aizova nemwanakomana uye kuti kumwanakomana iyeye kwaizobva rudzi rukuru uyewo Mesiya. (Gen. 17:​15-19) Mozisi akanga akurawo chaizvo Jehovha paakamupa basa rekuti atungamirire vaIsraeri kubva muIjipiti. (Eks. 7:​6, 7) Uyewo muapostora Johani akanga akwegura Jehovha paakamufemera kuti anyore mabhuku 5 eBhaibheri.

4. Maererano naZvirevo 15:​15, chii chinogona kubatsira kuti vanhu vakura vatsungirire matambudziko avanosangana nawo? (Onawo mufananidzo.)

4 Pane matambudziko akawanda anouya munhu paanenge achikwegura. Ndosaka vanhu vakawanda vachiwanzoti, “Kuchembera kwakaoma.” Asi Jehovha anogona kubatsira vanhu vanenge vakwegura kuti varambe vachifara,b zvoita kuti vakwanise kutsungirira matambudziko avanosangana nawo. (Verenga Zvirevo 15:15.) Munyaya ino, tichakurukura kuti zvii zvingaitwa nevanhu vanenge vakura kuti varambe vachifara. Tichakurukurawo kuti vamwe vangabatsira sei hama nehanzvadzi dzakura dziri muungano mavo. Asi ngatitangei nekukurukura kuti nei zvakaoma kuti tirambe tichifara makore zvaanenge achipindana.

Mbuya nasekuru vaya vari pamufananidzo wekutanga, vakabatana vachinyemwerera vari pasi pemuti wakatumbuka maruva.

Kana ukaisa pfungwa pane zvinhu zvakanaka zvauri kuitirwa naJehovha, unogona kufara pasinei nematambudziko anouya nekukwegura (Ona ndima 4)


NEI ZVAKAOMA KUTI VANHU VAKWEGURA VARAMBE VACHIFARA?

5. Zvii zvinogona kuita kuti vamwe vanhu vakura vaore mwoyo?

5 Chii chinogona kuita kuti uore mwoyo? Pamwe unogona kuora mwoyo nekuti hauchakwanisa kuita zvawaimboita kare. Unogona kutanga kufunga kuti dai udiki hwaidzokerwa. (Mup. 7:10) Imwe hanzvadzi inonzi Ruby inoti: “Kupfeka ratova basa chairo nekuti ndinenge ndichirwadziwa muviri wese. Kunyange kusimudza gumbo rangu kuti ndipfeke masokisi kwakaoma. Maoko angu anenge aine chiveve uye ndine chirwere chearthritis, saka zvakaoma kuti ndiite kunyange tumabasa tudiki.” Uyewo Harold uyo aimboshanda paBheteri anoti: “Dzimwe nguva ndinogumbuka nekuti handichakwanisa kuita zvinhu zvandaimbonakidzwa nazvo. Ndaiva ndakasimba chaizvo pandaiva mudiki uye ndaifarira chaizvo kutamba baseball. Vamwe vaiwanzoti, ‘Kandirai Harold bhora nekuti haambopotsi.’ Asi iye zvino handifungi kuti ndichatombokwanisa chero kukanda bhora racho.”

6. (a) Zvii zvimwe zvinogona kuita kuti vanhu vakura vaore mwoyo? (b) Chii chinogona kubatsira munhu anenge akura kuti aone kuti omira kutyaira mota here kana kuti kwete? (Onawo nyaya iri mumagazini ino yakanzi “Ndomira kutyaira mota here?”)

6 Chimwewo chinogona kuita kuti uore mwoyo ndechekuti unenge usisakwanise kuzviitira zvimwe zvinhu wega. Izvi zvinonyanya kudaro kana wava kutofanira kugara nemumwe munhu anenge achikubatsira kana kuti wava kufanira kunogara nemwana wako. Unogonawo kuora mwoyo kana ukaona kuti utano hwako hwava kudzikira kana kuti hauchanyatsoona zvakanaka zvekuti hauchakwanisa kuenda kune dzimwe nzvimbo uri wega, kutyaira mota, kuchovha bhasikoro kana kuenda kumunda. Izvozvo zvinogona kukushayisa mufaro! Asi yeuka kuti chinoita kuti tikoshe kuna Jehovha uye kune vamwewo vanhu, haisi nyaya yekuti tichiri kukwanisa kutyaira mota, tichizviitira zvinhu zvedu tega kana kuti tichigara tega. Yeukawo kuti Jehovha anonyatsonzwisisa kuti uri kunzwa sei. Chaanonyanya kukoshesa ndechekuti unomuda uye unodawo hama nehanzvadzi dzako.—1 Sam. 16:7.

7. Chii chinogona kukubatsira kana uchinetseka nekuti unogona kutadza kuona mugumo?

7 Pamwe wakaorawo mwoyo nekuti uri kufunga kuti mugumo hausi kuzosvika uri mupenyu. Kana uchimbofunga izvozvo, chii chinogona kukubatsira? Yeuka kuti Jehovha ane chikonzero chiri kuita kuti ambomira kuparadza nyika ino. (Isa. 30:18) Asi nei Jehovha ari kuratidza mwoyo murefu? Anoda kuti vanhu vakawanda vawane mukana wekudzidza nezvake, vosarudza kumushumira. (2 Pet. 3:9) Saka paya paunoora mwoyo, yeuka kuti kumirira kuri kuita Jehovha kuri kupa vanhu vakawanda mukana wekuti vamuzive mugumo usati wasvika. Vamwe vacho vanogona kunge vatori hama dzako.

8. Kurwara kunogona kukanganisa sei vanhu vechikuru?

8 Pasinei nezera redu, kana tisiri kunzwa zvakanaka kana kuti tiine zvimwe zvinhu zviri kutirwadza, tinogona kutaura kana kuita zvimwe zvinhu zvatinozodemba. (Mup. 7:7; Jak. 3:2) Izvi ndizvo zvakaitika kuna Jobho. Aiva murume akatendeka, asi paaitambura akatanga kutaura ‘mashoko ekuvhurumuka.’ (Job. 6:​1-3) Uyewo zvimwe zvirwere kana kuti mimwe mishonga inenge ichinwiwa nevanhu vechikuru, inogona kuita kuti vataure kana kuita zvimwe zvinhu zvavaisazoita. Asi kunyange kana takura kana kuti tichirwara, hazvina kunaka kuti titaure mashoko anorwadzisa vamwe kana kungogara tichitarisira kuti vatiitire zvinhu. Uye kana tikaonawo kuti tataura zvinhu zvisina kunaka kune mumwe munhu, tinofanira kukurumidza kukumbira ruregerero.—Mat. 5:​23, 24.

ZVAUNGAITA KUTI URAMBE UCHIFARA

Bazi remuti wakatumbuka maruva; mifananidzo iri mumadenderedzwa iri kuratidza zvinhu zvakasiyana-siyana zvinogona kuitwa nehama nehanzvadzi dzakwegura kuti dzirambe dzichifara. Zviri kuratidzwa pamifananidzo iyi ndizvo zviri kutsanangurwa mundima 9-13.

Zvii zvaungaita kuti urambe uchifara pasinei nematambudziko anouya nekukwegura? (Ona ndima 9-13)


9. Nei uchifanira kubvuma kubatsirwa nevamwe? (Onawo mifananidzo.)

9 Bvuma kubatsirwa nevamwe. (VaG. 6:2) Pakutanga, zvinogona kunge zvakaoma kuti ubvume kubatsirwa nevamwe. Imwe hanzvadzi inonzi Gretl inoti: “Dzimwe nguva zvinondiomera kuti ndibvume kubatsirwa nevamwe nekuti ndinenge ndichifunga kuti ndiri kuvanetsa. Zvakanditorera nguva kuti ndichinje mafungiro angu uye ndibvume kuti ndinotodawo kubatsirwa nevamwe.” Paunobvuma kubatsirwa nevamwe, unoita kuti vawane mufaro unobva pakupa. (Mab. 20:35) Uye zvichaitawo kuti ufare nekuti uchaona kuti vamwe vanokuda uye vanoda kukubatsira.

Hanzvadzi yechikuru yakabata ruoko rwehanzvadzi yechidiki pavari kutenga zvinhu pamusika.

(Ona ndima 9)


10. Nei uchifanira kutenda zvaunoitirwa? (Onawo mifananidzo.)

10 Tenda zvaunoitirwa. (VaK. 3:15; 1 VaT. 5:18) Vamwe vanhu pavanotiitira zvinhu zvakanaka, mumwoyo medu tinogona kunge tichitenda zvavatiitira asi tokanganwa kuzvitaura. Asi kana tikanyemwerera tovaudza kuti ‘waita hako,’ vachabva vaziva kuti tinovakoshesa uye tinotenda zvavanotiitira. Leah, uyo anoita basa rekuchengeta vanhu vakwegura paBheteri anoti: “Imwe hanzvadzi yandinobatsira inondinyorera mashoko ekunditenda. Hainyori hayo zvakawanda, asi zvainonyora zvinondibaya mwoyo. Ndinofarira kuverenga zvainonyora, nekuti zvinoita kuti ndizive kuti inotenda zvandinoiitira.”

Hanzvadzi yechikuru ichinyora kadhi rekutenda mumwe munhu.

(Ona ndima 10)


11. Zvii zvaungaita kuti ubatsire vamwe? (Onawo mifananidzo.)

11 Edza kubatsira vamwe. Paunoshandisa nguva yako nesimba rako pakubatsira vamwe, zvichaita kuti usanyanya kufunga nezvenhamo dzako. Pane chimwe chirevo chinoti kuziva mbuya huudzwa. Izvi zvinoreva kuti munhu haakwanisi kuziva chimwe chinhu kana pasina munhu akamuudza nezvacho. Imi vechikuru mune ruzivo rwakawanda asi vechidiki havakwanisi kubatsirwa neruzivo rwamuinarwo kana musingatauri navo muchivaudzawo zvimwe zvinhu zvamunoziva. Saka kuti mukwanise kunyatsozivana nevechidiki, vabvunzei mibvunzo monyatsoteerera zvavanotaura. Izvozvo zvichakupai mukana wekuti muvaudzewo kuti Jehovha akakubatsirai sei muupenyu uye kuti kumuteerera kuchaita sei kuti vafare. Pamunonyaradza uye kukurudzira vechidiki, zvichaita kuti mufare.—Pis. 71:18.

Hama yechikuru iri kunyatsoteerera hama yechidiki ichiiudza zviri pamwoyo payo.

(Ona ndima 11)


12. Maererano naIsaya 46:​4, Jehovha anovimbisa kuti achaitirei vanhu vakwegura? (Onawo mifananidzo.)

12 Nyengetera kuti Jehovha akupe simba. Dzimwe nguva unogona kunzwa wakaneta kana kuti usina simba, uye izvozvo zvinogona kukuodza mwoyo. Asi yeuka kuti Jehovha ane simba risingagumi. Bhaibheri rinoti: “Haaneti kana kupera simba.” (Isa. 40:28) Saka anogona kukupa simba raunoda. (Isa. 40:​29-31) Jehovha anotovimbisa kuti achakubatsira. (Verenga Isaya 46:4.) Uye nguva dzese Jehovha anoita zvaanenge avimbisa. (Josh. 23:14; Isa. 55:​10, 11) Kana ukanyengetera, Jehovha achakubatsira. Uchabva waona kuti anokuda chaizvo uye izvozvo zvichaita kuti ufare.

Hama yechikuru ichinyengetera.

(Ona ndima 12)


13. Maererano na2 VaKorinde 4:​16-18, chii chatinofanira kuyeuka? (Onawo mifananidzo.)

13 Yeuka kuti uchadzokazve pakuva mudiki uye uine utano hwakanaka. Zviri nyore kuti titsungirire rimwe dambudziko kana tichiziva kuti richapera. Bhaibheri rinovimbisa kuti mune ramangwana vanhu havazomborwari kana kukwegura. (Job. 33:25; Isa. 33:24) Saka unogona kufara nekuti unoziva kuti upenyu hwauchararama mune ramangwana huchange hwakanaka nekure kupfuura hwawakararama kare. (Verenga 2 VaKorinde 4:​16-18.) Asi vamwe vangabatsirawo sei?

Hanzvadzi yechikuru yakagara pawiricheya ichiverenga Bhaibheri. Inofungidzira iri muParadhiso ichisimuka kubva pawiricheya isisina kuchembera.

(Ona ndima 13)


ZVINGAITWA NEVAMWE KUTI VABATSIRE VAKWEGURA

14. Nei zvichikosha kuti tifonere uye kuti tishanyire hama nehanzvadzi dzakwegura?

14 Gara uchishanyira uye uchifonera hama nehanzvadzi dzakwegura. (VaH. 13:16) Dzimwe nguva vanhu vakwegura vanogona kushaya mufaro nekuti vanongoswera vari vega. Izvi ndizvo zvinoitika kune imwe hama inonzi Camille. Inoti: “Dzimwe nguva ndinonetseka uye ndinogumbuka nekuti ndinongoswera ndiri pamba, ndisina zvekuita.” Patinoshanyira vanhu vakura, zvinoita kuti vaone kuti tinovakoshesa uyewo kuti tinovada. Asi pamwe tese zvedu pane patakamboronga kuti tichafonera kana kuti kushanyira munhu akura ari muungano medu, asi hatina kuzozviita. Izvi zvinonzwisisika nekuti tese zvedu tine zvakawanda zvekuita. Saka zvii zvingatibatsira kuti tiite zvinhu “zvinokosha kupfuura zvimwe,” izvo zvinosanganisira kushanyira hama nehanzvadzi dzakwegura? (VaF. 1:10) Unogona kunyora pasi mazita ehama nehanzvadzi dzakura dziri muungano menyu uyewo zuva rauchada kuvafonera kana kuvatumira meseji. Unogonawo kugara waronga zuva raunogona kuzovashanyira pane kungoti, ‘Ndichazozviita kana ndawana mukana.’

15. Vechikuru nevechidiki vanogona kuitei pavanenge vari pamwe chete?

15 Kana uri wechidiki, unogona kunetseka kuti inyaya dzipi dzaungataura nevanhu vechikuru kana kuti zvii zvaungaita navo. Asi usanyanya hako kunetseka. Chingovaratidza ushamwari. (Zvir. 17:17) Taura navo misangano isati yatanga uye painenge yapera. Unogona kuvabvunza kuti nderupi rugwaro rwavanonyanya kufarira kana kuvabvunza zvimwe zvinhu zvakaitika kwavari vachiri vadiki. Unogonawo kuvakoka kuti muone mese JW Broadcasting®. Uye unogonawo kuvabatsira nekuvaitira zvimwe zvinhu zvavasisakwanisi kuita vega, zvakadai sekuita kuti mafoni avo uye matablet avo agare achishanda zvakanaka uyewo kuvaisira mabhuku atinoshandisa kumisangano anenge achangobuda. Imwe hanzvadzi inonzi Carol inoti: “Kumbira vechikuru kuti muite mese zvinhu zvaunofarira kuita. Kunyange zvazvo ndakwegura, ndichiri kutodawo kunakidzwa neupenyu. Ndinofarira kuenda kunotenga-tenga, kuenda kune dzimwe nzvimbo kunodya neshamwari, uyewo kuona zvinhu zvakasikwa.” Imwewo hanzvadzi inonzi Maira inoti: “Imwe shamwari yangu ine makore 90. Takasiyana nemakore 57. Asi ndinotombokanganwa kuti takasiyana zvakadaro nekuti tinoseka tese uye tinotoona mafirimu tese. Uye patinosangana nematambudziko, tinopanana mazano.”

16. Nei dzimwe nguva zvichibatsira kuperekedza hama nehanzvadzi dzakura padzinoenda kunoona vanachiremba?

16 Vaperekedze pavanoenda kunoona chiremba. Unogona kuvaperekedza pavanoenda kunoona chiremba, asi zvakanakawo kuti uone kuti vari kubatwa zvakanaka here uye kuti vari kupiwa rubatsiro rwavanoda. (Isa. 1:17) Unogonawo kunyora pasi zvinenge zvichitaurwa nachiremba wacho. Imwe hanzvadzi yechikuru inonzi Ruth inoti: “Kazhinji pandinoenda ndega kunoona chiremba, kashoma kuti vanachiremba vacho vanyatsonditeerera. Vanogona kutaura zvinhu zvakadai sekuti, ‘Hamusi kurwara imimi, zviri mumusoro menyu.’ Asi pandinoenda nemumwe munhu, vanonyatsondibata zvakanaka. Ndinotenda chaizvo hama nehanzvadzi dzangu dzinondiperekedza pandinoenda kunoona vanachiremba.”

17. Zvii zvaungaita kuti uparidze nehama nehanzvadzi dzakura?

17 Shanda navo muushumiri. Dzimwe hama nehanzvadzi dzechikuru hadzichakwanisi kuenda kunoparidza paimba neimba. Saka unogona kuronga kuti muparidze mese pachingoro. Unotogona kuvatsvagira cheya yekuti vagare pamunenge muri pachingoro. Uyewo munogona kuronga kuti muende mese kuchidzidzo chako cheBhaibheri kana kuronga kuti chidzidzo chacho chiitirwe pamba pavo. Vakuru vanogonawo kuronga kuti misangano yebasa iitirwe pamba pehama nehanzvadzi dzakura kuitira kuti dzikwanisewo kupinda misangano yacho. Jehovha anofara chaizvo patinoratidza kuti tinoda uye tinoremekedza hama idzi dzakura.—Zvir. 3:27; VaR. 12:10.

18. Tichakurukurei munyaya inotevera?

18 Nyaya ino yatiyeuchidza kuti Jehovha anoda uye anokoshesa vanhu vakwegura. Uye nesuwo tese tiri muungano tinovada uye tinovakoshesa! Kuchembera kwakaoma, asi Jehovha anogona kukubatsira kuti urambe uchifara. (Pis. 37:25) Dai ukawana mufaro unobva pakuziva kuti upenyu hwauchararama mune ramangwana huchange hwakanaka nekure kupfuura hwawakararama kare! Asi kunewo dzimwe hama nehanzvadzi dzine rimwe dambudziko radziri kusangana naro. Vari kuchengeta mumwe munhu ari kurwara, angava mwana wavo, shamwari yavo, kana kuti mumwe munhu weukama akwegura. Zvii zvavangaita kuti varambe vachifara? Tichakurukura mhinduro yemubvunzo iwoyo munyaya inotevera.

UNGAPINDURA SEI?

  • Zvii zvinogona kuita kuti hama nehanzvadzi dzakwegura dzishaye mufaro?

  • Zvii zvingaitwa nevanhu vakwegura kuti varambe vachifara?

  • Zvii zvatingaita kuti tibatsire vanhu vakwegura vari muungano?

RWIYO 30 Baba Vangu, Mwari Wangu, Shamwari Yangu

a Ona vhidhiyo yakanzi, Vakwegura Vedu—Mune Basa Rinokosha iri pajw.org uyewo paJW Library®.

b KUTSANANGURWA KWESHOKO: Mufaro chibereko chemweya waMwari. (VaG. 5:22) Mufaro wechokwadi unobva pakuva neushamwari hwepedyo naJehovha.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe