RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w22 August pp. 26-31
  • Vanhu vaJehovha Vanoda Kururama

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vanhu vaJehovha Vanoda Kururama
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • CHII CHINONZI KURURAMA?
  • WEDZERA KUDA KWAUNOITA MIRAYIRO YAJEHOVHA
  • Ida Kururama Nemwoyo Wako Wose
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Kutsvakirei Kururama?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Rambai Muchitanga Kutsvaka “Kururama Kwake”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Farira Kururama kwaJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
w22 August pp. 26-31

NYAYA YEKUDZIDZA 36

Vanhu vaJehovha Vanoda Kururama

“Vanofara vaya vane nzara nenyota yekururama.”—MAT. 5:6.

RWIYO 9 Jehovha Ndiye Mambo Wedu!

ZVICHADZIDZWAa

1. Josefa akasangana nemuedzo upi, uye akaita sei?

JOSEFA mwanakomana waJakobho akasangana nemuedzo wakaoma. Mumwe mukadzi akati kwaari: “Rara neni.” Mukadzi uyu aiva mudzimai watenzi wake, Potifari. Josefa akaramba kurara naye. Mazuva ano, mumwe munhu anganetseka kuti, ‘Josefa akarambirei?’ Potifari akanga asipo. Sezvo Josefa aiva muranda pamba apa, mukadzi uyu aigona kuomesa upenyu hwake nemhaka yekuramba kwaaiita kurara naye. Kunyange zvakadaro, Josefa airamba achitsika madziro. Aizviitirei? Akati: “Ndingaitirei chivi chakakura kudaro ndichitadzira Mwari?”—Gen. 39:7-12.

2. Josefa aiziva sei kuti kuita upombwe kwaiva kutadzira Mwari?

2 Josefa aiziva sei kuti Mwari wake aiona upombwe ‘sechivi chakakura’? Mutemo waMozisi, uyo waisanganisira murayiro wakajeka wekuti “Usaita upombwe,” wakazonyorwa papera makore 200. (Eks. 20:14) Kunyange zvakadaro, Josefa ainyatsoziva Jehovha zvekuti akasvika pakunzwisisa kuti Jehovha aisada kuti vanhu vaite upombwe. Semuenzaniso, Josefa aiziva kuti Jehovha akaronga kuti wanano ive yemurume mumwe chete nemukadzi mumwe chete. Uye angangodaro akanzwa kuti kaviri Jehovha akapindira sei achidzivirira ambuya vake Sara pavaida kutorwa nevamwe varume. Mwari akapindirawo saizvozvo kuti adzivirire Ribheka mudzimai waIsaka. (Gen. 2:24; 12:14-20; 20:2-7; 26:6-11) Josefa paaifunga nezvenyaya idzodzo akanzwisisa kuti zvakarurama ndezvipi uye kuti zvakaipa ndezvipi mukuona kwaMwari. Sezvo Josefa aida Mwari, ainge aine chido chakasimba chekuita zvinhu zvaaiziva kuti ndizvo zvinodiwa naJehovha.

3. Tichakurukurei munyaya ino?

3 Unoda kururama here? Zviri pachena kuti unoda. Asi tese tine chivi, uye kana tikasangwarira tinogona kukanganiswa nemaonero anoita nyika nyaya yekururama. (Isa. 5:20; VaR. 12:2) Saka tichaona kuti chii chinonzi kururama uye kuti tinobatsirwa sei kana tikaita zvakarurama. Tichabva takurukura matanho matatu atingatora kuti atibatsire kuwedzera kuda kwatinoita mirayiro yaJehovha.

CHII CHINONZI KURURAMA?

4. Vanhu vakawanda vane maonero api panyaya yekururama?

4 Vamwe vanhu pavanofunga nezvemunhu akarurama, vanofunga nezvemunhu anodada, anotsoropodza vamwe, kana kuti anofunga kuti ari nani pane vamwe. Asi Mwari haatombodi unhu hwakadaro. Jesu paaiva panyika akatsiura zvakasimba vatungamiriri vechitendero vaidzika mitemo yavo pachavo yezvakarurama. (Mup. 7:16; Ruka 16:15) Kururama kwechokwadi kwakasiyana nekure nekuzviita akarurama.

5. Maererano neBhaibheri, chii chinonzi kururama? Taura mienzaniso.

5 Kururama unhu hwakanaka. Kunoreva kuita zvinonzi naJehovha Mwari zvakarurama. MuBhaibheri, mashoko anotaura ‘nezvekururama’ ane pfungwa yekurarama maererano nemirayiro yakanaka kupfuura mimwe yese, kureva mirayiro yaJehovha. Semuenzaniso, Jehovha akarayira kuti vatengesi vanofanira kushandisa ‘dombo rekuyeresa risiri rekubiridzira.’ (Dheut. 25:15) Shoko rechiHebheru rakashandurwa kuti “risiri rekubiridzira” rinogonawo kushandurwa kuti “rakarurama.” Saka muKristu anoda kuva akarurama mukuona kwaMwari achafanira kunge akatendeseka mune zvese zvaanoita panyaya dzebhizinesi. Munhu anoda kuita zvakarurama anovenga kuona mumwe munhu achibatwa zvisina kunaka. Uye achiitira kuti ‘anyatsofadza Jehovha,’ munhu akarurama anofunga nezvekuti zvisarudzo zvake zvinoonekwa sei naJehovha.—VaK. 1:10.

6. Nei Jehovha ari iye chete anokwanisa kutiudza kuti ichi chakarurama uye kuti ichi chakaipa? (Isaya 55:8, 9)

6 Bhaibheri rinotaura nezvaJehovha richiti ndiye Tsime rekururama. Ndosaka achinzi “nzvimbo inogarwa nekururama.” (Jer. 50:7) Sezvo ari iye Musiki, Jehovha ndiye chete ane kodzero yekusarudza kuti izvi zvakarurama uye kuti izvi zvakaipa. Jehovha akakwana, saka maonero aanoita zvakarurama uye zvakaipa anopfuura nekure edu, ayo anowanzokanganiswa nekusakwana kwatakaita uye nechivi chatiinacho. (Zvir. 14:12; verenga Isaya 55:8, 9.) Asi sezvo takasikwa nemufananidzo waMwari, tinokwanisa kuita zvaanoti zvakarurama. (Gen. 1:27) Uye tinoda kuita izvozvo. Kuda kwatinoita Baba vedu kunoita kuti tiite zvese zvatinogona kuti tivatevedzere.—VaEf. 5:1.

7. Nei tichida mitemo yatinogona kuvimba nayo? Taura mienzaniso.

7 Kuteerera mirayiro yaJehovha yezvaanoti zvakarurama uye zvakaipa kunotibatsira. Nei zvakadaro? Fungidzira zvaizoitika kudai bhengi rimwe nerimwe raizova nenzira yaro yekusarudza kukosha kwemari. Vanhu vaizovhiringidzika zvisingaiti. Uye kana vanachiremba nemanesi vakatadza kuteerera mitemo ine chekuita nekurapa, vamwe varwere vanogona kufa. Zviri pachena kuti vanhu vanodzivirirwa kana pakava nenzira inogamuchirika yemaitirwo ezvinhu. Saizvozvowo, mirayiro yaMwari yezvaanoti zvakarurama uye zvakaipa inotidzivirira.

8. Makomborero api achawanikwa nevaya vanoda kuita zvakarurama?

8 Jehovha anokomborera vaya vanoedza kurarama maererano nemitemo yake. Anovimbisa kuti: “Vakarurama vachagara nhaka yenyika, uye vachagara mairi nekusingaperi.” (Pis. 37:29) Chimbofungidzira kubatana, rugare, uye kufara kuchange kwavapo munhu wese paanenge ava kurarama maererano nemitemo yaJehovha. Jehovha anoda kuti uve neupenyu hwakadaro. Tese tine zvikonzero zvakanaka zvekuti tide zvinhu zvinonzi naJehovha zvakarurama. Tingaitei kuti tiwedzere kuda kwatinoita kururama? Ngatikurukurei matanho matatu atinogona kutora.

WEDZERA KUDA KWAUNOITA MIRAYIRO YAJEHOVHA

9. Chii chichatibatsira kuti tide kururama?

9 Danho rekutanga: Ida Munhu anogadza mirayiro yacho. Kuti tide kururama, tinofanira kuwedzera kuda uya anogadza mirayiro yekuti izvi zvakarurama uye izvi zvakaipa. Patinowedzera kuda Jehovha tinowedzerawo kuda kurarama maererano nemirayiro yake yakarurama. Semuenzaniso, dai Adhamu naEvha vaida Jehovha, vangadai vakaramba vachimuteerera.—Gen. 3:1-6, 16-19.

10. Abrahamu akaitei kuti awedzere kunzwisisa mafungiro Jehovha?

10 Hatitombodi kuita chikanganiso chakaitwa naAdhamu naEvha. Tinogona kuita kuti izvi zvisaitika kana tikaramba tichidzidza nezvaJehovha, tichida unhu hwake, uye tichiedza kunzwisisa mafungiro ake. Kana tikadaro, kuda kwatinoita Jehovha kunowedzera. Funga nezvaAbrahamu. Aida Jehovha zvechokwadi. Kunyange pazvaimuomera kunzwisisa zvainge zvasarudzwa naJehovha, Abrahamu aisaramba kuteerera. Asi aiedza kuwedzera kuziva Jehovha. Semuenzaniso, paakaziva kuti Jehovha akanga asarudza kuparadza Sodhomu neGomora, pakutanga Abrahamu aitya kuti “Mutongi wenyika yese” aizoparadza vakarurama pamwe chete nevakaipa. Abrahamu akaona izvozvo zvisingaiti, saka akabvunza Jehovha zvine ruremekedzo mibvunzo yaitevedzana. Jehovha akamupindura achiratidza mwoyo murefu. Abrahamu akazosvika pakuziva kuti Jehovha anoongorora mwoyo yevanhu vese uye kuti haamborangi vasina mhosva pamwe chete nevane mhosva.—Gen. 18:20-32.

11. Abrahamu akaratidza sei kuti aida Jehovha uye kuti aivimba naye?

11 Abrahamu akabayiwa mwoyo nekukurukura kwaakaita naJehovha nezvemaguta eSodhomu neGomora. Zviri pachena kuti akasvika pakuda uye kuremekedza Baba vake kutopfuura zvaaimboita. Asi papera makore, kuvimba kwaiita Abrahamu naJehovha kwakaedzwa zvakanyanya. Jehovha akamukumbira kuti ape mwanakomana wake waaida Isaka sechibayiro. Asi Abrahamu akanga ati wedzerei kuziva Mwari wake, saka panguva ino haana kumubvunza mibvunzo. Abrahamu akabva angogadzirira kuti aite zvaakanga akumbirwa naJehovha. Fungidzira kurwadziwa kwaaiitwa paaigadzirira kuita izvozvo. Abrahamu anofanira kunge akafungisisa zvaakanga adzidza nezvaJehovha. Aiziva kuti Jehovha haamboiti zvinhu zvisina kururama kana kuti zvisina rudo. Maererano nezvakataurwa nemuapostora Pauro, Abrahamu akaziva kuti Jehovha aizokwanisa kumutsa mwanakomana wake waaida Isaka. (VaH. 11:17-19) Jehovha akanga avimbisa kuti Isaka aizova baba vevanhu vakawanda, uye panguva iyoyo Isaka akanga asina vana. Abrahamu aida Jehovha, saka aiva nechokwadi chekuti Baba vake vaizoita zvakarurama. Kunyange zvazvo zvainge zvakaoma, kutenda kwake kwakaita kuti ateerere Jehovha.—Gen. 22:1-12.

12. Tingatevedzera sei Abrahamu? (Pisarema 73:28)

12 Tingatevedzera sei Abrahamu? Tinofanira kuramba tichidzidza nezvaJehovha sezvaakaita. Patinodaro, tinowedzera kuswedera pedyo naye uye tinotowedzera kumuda. (Verenga Pisarema 73:28.) Hana yedu ichadzidziswa kuti iratidze mafungiro aMwari. (VaH. 5:14) Saka kana mumwe munhu akatiedza kuti tiite zvinhu zvakaipa tinoramba. Hatizombovi nepfungwa yekuita chero chii zvacho chinorwadzisa Baba vedu kana kuti chinokanganisa ushamwari hwedu navo. Asi chii chimwe chatingaita kuti tiratidze kuti tinoda kururama?

13. Tingaitei kuti titevere kururama? (Zvirevo 15:9)

13 Danho rechipiri: Zuva rega rega wedzera kuda kwaunoita kururama. Kana tichida kuti mhasuru iwedzere kusimba, tinogara tichiita maekisesaizi. Tinofanirawo kushanda nesimba kuti tiwedzere kuda mirayiro yaJehovha yakarurama. Izvi zvinhu zvatinogona kuita zuva rega rega. Jehovha anonzwisisa, uye haambotarisiri kuti tiite zvinopfuura zvatinokwanisa. (Pis. 103:14) Anotivimbisa kuti “anoda uya anotevera kururama.” (Verenga Zvirevo 15:9.) Kana tiine chinangwa chatiri kuda kuzadzisa mubasa raJehovha, tinoramba tichishanda nesimba kuti tichizadzise. Tinofanirawo kushanda nesimba kuti tiite zvakarurama. Uye Jehovha achatibatsira nemwoyo murefu kuti tiwedzere kuva vanhu vakarurama nekufamba kwenguva.—Pis. 84:5, 7.

14. “Chinhu chinovharidzira chipfuva, chekururama” chii, uye nei tichifanira kuva nacho?

14 Jehovha anotiyeuchidza zvine rudo kuti kuita zvakarurama hausi mutoro unorema. (1 Joh. 5:3) Asi kunotidzivirira, uye tinoda kudzivirirwa kwakadaro zuva nezuva. Yeuka zvipfeko zvemurwi zvakatsanangurwa nemuapostora Pauro. (VaEf. 6:14-18) Chipfeko chipi chaidzivirira mwoyo wemusoja? Chaiva “chinhu chinovharidzira chipfuva, chekururama,” icho chinomiririra mirayiro yaJehovha yakarurama. Sezvo chinhu chinovharidzira chipfuva chichidzivirira mwoyo wemunhu, mirayiro yaJehovha yakarurama inogona kudzivirira mwoyo wako wekufananidzira, kureva zvauri nechemukati. Ndosaka zvichikosha kuti pazvipfeko zvako zvemurwi pange paine chinhu chinovharidzira chipfuva, chekururama!—Zvir. 4:23.

15. Ungaitei kuti upfeke chinhu chinovharidzira chipfuva, chekururama?

15 Ungaitei kuti upfeke chinhu chinovharidzira chipfuva, chekururama? Unogona kuita izvozvo nekufunga mirayiro yaMwari paunoita zvisarudzo zuva rimwe nerimwe. Pakusarudza zvekutaura nezvazvo, mimhanzi yekuteerera, varaidzo yekuona, kana kuti mabhuku ekuverenga, tanga wazvibvunza kuti: ‘Chii chandinenge ndichidyisa mwoyo wangu? Zvinhu zvacho zvinobvumirwa naJehovha here? Kana kuti hazvikurudziri here zvinhu zvinoonekwa naJehovha sezvisina kururama zvakadai seunzenza, kurwisana, makaro, uye kuita zvinhu zvakangondinakira?’ (VaF. 4:8) Kana zvisarudzo zvaunoita zvichiwirirana nekuda kwaJehovha, unenge uchibvumira mirayiro yake yakarurama kuti ichengetedze mwoyo wako.

Hanzvadzi iri kutarisa mafungu achiperera pamahombekombe pairi kufamba zuva rorereka.

Kururama kwako kunogona kuita “semafungu egungwa” (Ona ndima 16-17)

16-17. Isaya 48:18 inotibatsira sei kuti tive nechokwadi chekuti tinokwanisa kurarama maererano nemirayiro yaJehovha nekusingaperi?

16 Unombonetseka here kuti uchakwanisa kuramba uchirarama maererano nemirayiro yaJehovha yakarurama kweupenyu hwese? Funga nezvemuenzaniso wakashandiswa naJehovha uri pana Isaya 48:18. (Verenga.) Jehovha anovimbisa kuti kururama kwedu kunogona kuita “semafungu egungwa.” Fungidzira wakamira pamahombekombe egungwa rakakura, uchiona mafungu achingoramba achiuya kwauri achitevedzana. Paunenge uchiona mafungu iwayo, unganetseka here kuti rimwe zuva achangoerekana amira? Aiwa. Unoziva kuti mafungu iwayo ane zviuru zvemakore achiuya pamahombekombe ipapo uye acharamba achingodaro.

17 Kururama kwako kunogona kuita semafungu egungwa. Izvozvo zvingaitika sei? Kana uchida kuita chisarudzo, tanga wafunga kuti Jehovha anoda kuti uitei. Chibva waita zvinoenderana nekuda kwaJehovha. Pasinei nekuoma kwakaita chisarudzo chacho, Baba vako vane rudo vacharamba vachikupa simba uye vachikubatsira kuti urambe uchiita zvakarurama zuva rimwe nerimwe.—Isa. 40:29-31.

18. Nei tisingafaniri kutonga vamwe tichishandisa maonero edu?

18 Danho rechitatu: Siyira Jehovha basa rekutonga. Kunyange zvazvo tichishanda nesimba kuti tirarame maererano nemirayiro yaJehovha yakarurama, hatifaniri kutonga vamwe uye kuzviita vakarurama. Pane kuti titarisire vamwe pasi sekunge kuti tine kodzero yekuvatonga maererano nemaonero edu, tinoramba tichiyeuka kuti Jehovha ndiye “Mutongi wenyika yese.” (Gen. 18:25) Jehovha haana kutipa basa rekutonga vamwe saizvozvo. Jesu anototirayira kuti: “Regai kutonga kuti murege kutongwawo.”—Mat. 7:1.b

19. Josefa akaratidza sei kuti aivimba nematongero aJehovha?

19 Ngationei zvakare muenzaniso wemurume akarurama Josefa. Haana kutonga vamwe, kunyange vaya vakamubata zvisina kunaka. Vakoma vake vakamurwisa, vakamutengesa muuranda, uye vakaita kuti baba vavo vabvume kuti Josefa akanga afa. Papera makore, Josefa akazoonana zvakare nemhuri yake. Sezvo akanga ava mutungamiriri wenyika ane simba, Josefa aigona kunge akatonga vakoma vake zvisina kunaka, otsvaga kuvatsiva. Vakoma vaJosefa vaitya kuti angaita izvozvo, kunyange zvazvo vaidemba zvavakanga vaita. Asi Josefa akavaudza kuti: “Musatya. Ndini Mwari here kuti ndikutongei?” (Gen. 37:18-20, 27, 28, 31-35; 50:15-21) Achizvininipisa, Josefa akasiyira Jehovha nyaya yacho kuti aitonge.

20-21. Chii chingatibatsira kuti tisazviita vanhu vakarurama?

20 Sezvakaitwa naJosefa, tinosiyira nyaya yekutonga kuna Jehovha. Semuenzaniso, hatizvioni setinoziva zvinhu zvinoita kuti hama nehanzvadzi dzedu dziite zvadzinoita. Hatikwanisi kuziva zviri mumwoyo; ‘Jehovha chete ndiye anoongorora vavariro dzemunhu.’ (Zvir. 16:2) Anoda vanhu vese pasinei nekwavanobva uye tsika dzavo. Uye Jehovha anotikurudzira kuti ‘tizarure mwoyo yedu.’ (2 VaK. 6:13) Tinotsvaga nzira dzekuda hama nehanzvadzi dzedu dzese, kwete kudzitonga.

21 Izvi zvinorevawo kuti hatifaniri kutonga vaya vatisinganamati navo. (1 Tim. 2:3, 4) Ungatonga here hama yako isiri Chapupu uchiti, “Uya uya haafi akauya muchokwadi”? Aiwa, ikoko kunenge kuri kuzvikudza uye kuzviita akarurama. Jehovha achiri kupa “vanhu vese kwese kwese” mukana wekuti vapfidze. (Mab. 17:30) Gara uchiyeuka kuti kuzviita munhu akarurama kutori kusarurama.

22. Nei watsunga kuramba uchida kururama?

22 Kuda kwatinoita zvinonzi naJehovha zvakarurama kuchaita kuti tifare uye kuchatibatsira kuti tive muenzaniso wakanaka kune vamwe, uye zvichavabatsira kuti vaswedere pedyo nesu naMwari wedu. Ngatirambei tiine “nzara nenyota yekururama.” (Mat. 5:6) Ziva kuti Jehovha anofadzwa newe paunoita zvese zvaunogona kuti uite zvakarurama. Vanhu vari munyika vari kuwedzera kuva vanhu vasina kururama. Asi nyaradzwa nekuziva kuti “Jehovha anoda vakarurama.”—Pis. 146:8.

UNGAPINDURA SEI?

  • Chii chinonzi kururama?

  • Tinobatsirwa sei nekushandisa zvinonzi naJehovha ndizvo zvakarurama?

  • Tingawedzera sei kuda kwatinoita zvinotaurwa naJehovha panyaya yekururama?

RWIYO 139 Zvione Uripo Zvese Zvava Zvitsva

a Munyika ino yakaipa zvakaoma kuwana vanhu vakarurama. Asi mamiriyoni evanhu mazuva ano ari kufamba munzira yakarurama. Zviri pachena kuti uri mumwe wavo. Unofamba munzira iyoyo nekuti unoda Jehovha, uye Jehovha anoda kururama. Tingaitei kuti tiwedzere kuda kwatinoita kururama? Munyaya ino tichakurukura kuti chii chinonzi kururama uye kuti upenyu hwedu hunovandudzika sei patinoita zvakarurama. Tichakurukurawo matanho atingatora kuti tiwedzere kuda kwatinoita kururama.

b Dzimwe nguva vakuru vemuungano vanofanira kutonga nyaya dzine chekuita nezvivi zvakakura uye kuona kuti mutadzi apfidza here. (1 VaK. 5:11; 6:5; Jak. 5:14, 15) Asi vachizvininipisa vanoramba vachiyeuka kuti havakwanisi kuziva zviri mumwoyo uye kuti vari kutongera Jehovha. (Enzanisa na2 Makoronike 19:6.) Vanoita zvisarudzo vachizvitorera pamatongero aMwari anoratidza kunzwisisa, ane ngoni uye akarurama.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe