RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w22 August pp. 20-25
  • Rambai “Muchivakana”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Rambai “Muchivakana”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • PAURO AKABATSIRA HAMA NEHANZVADZI DZAKE KUTI DZITSUNGIRIRE MATAMBUDZIKO
  • PAURO AKARATIDZA HAMA NEHANZVADZI DZAKE ZVADZINGAITA KUTI DZIVE NERUGARE
  • PAURO AKASIMBISA KUTENDA KWEHAMA NEHANZVADZI DZAKE
  • “RAMBAI MUCHIKURUDZIRANA”
  • Vakuru—Rambai Muchitevedzera Muapostora Pauro
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
  • Shinga—Jehovha Ndiye Mubatsiri Wako
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2020
  • Vakuru vechiKristu ‘Vanoshanda Pamwe Nesu Kuti Tifare’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Tsigira Vakadzi vechiKristu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2020
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
w22 August pp. 20-25

NYAYA YEKUDZIDZA 35

Rambai “Muchivakana”

“Rambai muchikurudzirana uye muchivakana.”—1 VAT. 5:11.

RWIYO 90 Kurudziranai

ZVICHADZIDZWAa

1. Maererano na1 VaTesaronika 5:11, ibasa ripi ratinoita tese?

UNGANO yenyu yakambovaka kana kugadzirisa Imba yeUmambo here? Kana zvakadaro, zviri pachena kuti unoyeuka musangano wekutanga wamakapindira imomo. Wakatenda Jehovha chaizvo. Zvimwe wakafara zvekuti wakaita seuchachema uye zvainge zvakakuomera kuimba rwiyo rwekutanga. Dzimba dzedu dzeUmambo dzakavakwa zvakanaka uye dzinoita kuti Jehovha arumbidzwe. Asi pane rimwe basa rekuvaka ratinoita rinoita kuti arumbidzwe zvinotopfuura ipapo. Basa iroro rinosanganisira chimwe chinhu chinokosha kupfuura zvivakwa. Rinosanganisira kuvaka vanhu vanouya kunzvimbo idzodzo dzekunamatira. Muapostora Pauro aifunga nezvekuvaka uku kwekufananidzira paakanyora mashoko ari murugwaro rwedu rwuri kutungamirira rwa1 VaTesaronika 5:11.—Verenga.

2. Tichakurukurei munyaya ino?

2 Muapostora Pauro muenzaniso wakazonaka wemunhu aiziva kuvaka vamwe vaKristu. Aivanzwira tsitsi. Munyaya ino tichakurukura kuti akabatsira sei hama nehanzvadzi dzake kuti (1) dzitsungirire matambudziko, (2) dzive nerugare nemumwe nemumwe, uye (3) dzisimbise kutenda kwadzo muna Jehovha. Ngationei kuti tingamutevedzera sei mazuva ano, tovaka hama nehanzvadzi dzedu.—1 VaK. 11:1.

PAURO AKABATSIRA HAMA NEHANZVADZI DZAKE KUTI DZITSUNGIRIRE MATAMBUDZIKO

3. Pauro aiva nemaonero api akanaka?

3 Pauro aida hama dzake chaizvo. Akanga atombosanganawo nematambudziko. Saka aikwanisa kunzwira tsitsi vamwe vaKristu pavaiva mumatambudziko. Pane imwe nguva, Pauro akapererwa nemari, uye aitofanira kutsvaga basa kuti azviriritire iye nevaaifamba navo. (Mab. 20:34) Aiita basa rekugadzira matende. Paakasvika muKorinde, pakutanga akashanda nevamwe vaigadzira matende Akwira naPrisira. Asi “pamasabata ese” aiparidzira vaJudha nevaGiriki. Pakazosvika Sirasi naTimoti, “Pauro akabva anyura mubasa rekuparidza shoko.” (Mab. 18:2-5) Pauro haana kumbobvira akanganwa chinangwa chake chikuru muupenyu, chekushumira Jehovha. Sezvo Pauro aiva muenzaniso wakanaka kune vamwe pakushanda nesimba muushumiri uye pakuzviriritira, aikwanisa kukurudzira hama nehanzvadzi dzake. Akavayeuchidza kuti vasarega matambudziko eupenyu uye mabasa ekuriritira mhuri achiita kuti varegeredze ‘zvinhu zvinokosha kupfuura zvimwe,’ kureva zvese zvine chekuita nekunamata Jehovha.—VaF. 1:10.

4. Pauro naTimoti vakabatsira sei hama nehanzvadzi dzavo kuti dzitsungirire kutambudzwa?

4 Ungano yemuTesaronika ichangobva kutanga, hama nehanzvadzi dzemo dzakapikiswa zvakanyanya. Mhomho yevanhu vaipikisa payakashaya Pauro naSirasi, yakazvuzvurudzira “dzimwe hama kuvatongi veguta,” ichishevedzera kuti: “Varume ava vese vanoita zvinopesana nemirayiro yaKesari.” (Mab. 17:6, 7) Fungidzira kutya kwakaita vaKristu vatsva ava pavakaziva kuti varume veguta vakanga vava kuvarwisa. Izvi zvaigona kuita kuti vaderere pakushingaira kwavaiita mubasa raJehovha, asi Pauro aisada kuti izvozvo zviitike. Kunyange zvazvo iye naSirasi vaifanira kubvamo, vakava nechokwadi chekuti ungano itsva iyi iri kunyatsobatsirwa. Pauro akayeuchidza vaTesaronika kuti: “Takatuma Timoti, hama yedu . . . , kuti akusimbisei nekukunyaradzai pakutenda kwenyu, kuti parege kuva neanozununguswa nematambudziko aya.” (1 VaT. 3:2, 3) Timoti angangodaro akatambudzwa muRistra maaigara. Akanga aona Pauro achisimbisa hama dzeikoko. Sezvo akanga aona zvakanga zvaitwa naJehovha, Timoti aigona kuvimbisa hama nehanzvadzi dzake itsva kuti zvinhu zvese zvaizovafambirawo zvakanaka.—Mab. 14:8, 19-22; VaH. 12:2.

5. Imwe hama inonzi Bryant yakabatsirwa sei nemumwe mukuru?

5 Ndeipi imwe nzira iyo Pauro akasimbisa nayo hama nehanzvadzi dzake? Pavakashanyazve kuRistra, Ikoniyumu, neAndiyoki, Pauro naBhanabhasi ‘vakagadza vakuru muungano imwe neimwe.’ (Mab. 14:21-23) Zviri pachena kuti varume ivavo vakagadzwa vainyaradza ungano sezvinoita vakuru mazuva ano. Imwe hama inonzi Bryant inoti: “Pandaiva nemakore 15, baba vangu vakabva pamba uye amai vangu vakadzingwa muungano. Ndakanzwa kuti ndasiyiwa uye ndakaora mwoyo.” Chii chakabatsira Bryant kutsungirira nguva iyi yakaoma? Anoti: “Mumwe mukuru anonzi Tony aitaura neni pamisangano uye pane dzimwewo nguva. Akandiudza nezvevaya vaisangana nematambudziko asi vachifara. Akakurukura neni Pisarema 27:10 uye aigara achitaura nezvaHezekiya, uyo akashumira Jehovha akatendeka kunyange zvazvo baba vake vaisava muenzaniso wakanaka.” Izvi zvakabatsira sei Bryant? Bryant anoti: “Ndichikurudzirwa naTony, ndakazotanga basa rinogutsa rekushumira munguva yakazara.” Vakuru, garai makagadzirira kubatsira vaya vakaita saBryant vangada “shoko rakanaka” rinokurudzira.—Zvir. 12:25.

6. Pauro akashandisa sei nyaya dzeupenyu kuti akurudzire hama nehanzvadzi dzake?

6 Pauro akayeuchidza vaainamata navo kuti nesimba raJehovha, “gore guru rezvapupu” rakanga ratsungirira matambudziko. (VaH. 12:1) Pauro ainzwisisa kuti nyaya dzeupenyu dzevaya vakanga vabudirira pakutsungirira matambudziko akasiyana-siyana dzaigona kuita kuti hama nehanzvadzi dzake dzive neushingi uye dzirambe dzichifunga ‘nezveguta raMwari mupenyu.’ (VaH. 12:22) Ndizvo zviri kuitikawo mazuva ano. Tinosimbiswa patinoverenga nezvekuti Jehovha akabatsira sei Gidhiyoni, Bharaki, Dhavhidhi, Samueri, uye vamwe vakawanda. (VaH. 11:32-35) Tinosimbiswawo patinoverenga nezvemienzaniso yekutenda yemazuva ano. Kumahofisi makuru, tinowanzogamuchira tsamba dzinobva kuhama nehanzvadzi dzine kutenda kwakasimbiswa pashure pekuverenga nyaya dzeupenyu dzevamwe vashumiri vaJehovha vakatendeka vemazuva ano.

PAURO AKARATIDZA HAMA NEHANZVADZI DZAKE ZVADZINGAITA KUTI DZIVE NERUGARE

7. Unodzidzei pazano raPauro riri pana VaRoma 14:19-21?

7 Tinovaka hama nehanzvadzi dzedu patinotaura kana kuita zvinhu zvinoita kuti muungano muve nerugare. Hatibvumiri kusiyana kunoita maonero atinoita zvinhu kuchitiparadzanisa. Uye hatisimbiriri pakodzero dzedu kana zvinhu zvinenge zvichiitwa nevamwe zvisingapesani nezvinotaurwa neBhaibheri. Funga nezvemuenzaniso unotevera. Ungano yemuRoma yaiva nevaKristu vechiJudha uye veMamwe Marudzi. Mutemo waMozisi pawakanga usisashandi, zvimwe zvekudya zvairambidzwa mumutemo iwoyo zvakanga zvisisarambidzwi. (Mako 7:19) Kubva panguva iyoyo zvichienda mberi, vamwe vaKristu vechiJudha vainzwa vakasununguka kudya marudzi ese ezvekudya. Asi vamwe vaKristu vechiJudha vaisaona zvakakodzera kuti vaite izvozvo. Nyaya iyi yakaita kuti muungano muve nemapoka. Pauro akataura nezvekukosha kwekuchengetedza rugare ndokubva ati: “Zviri nani kurega kudya nyama kana kunwa waini kana kuti kuita chimwe chinhu chinogumbura hama yako.” (Verenga VaRoma 14:19-21.) Saka Pauro akabatsira vaKristu ivavo kuti vaone kuti kupesana kwakadaro kwaikanganisa zvakadii vamwe vanhu uye ungano yese zvayo. Aitodawo kuchinja maitiro ake kuti asagumbura vamwe. (1 VaK. 9:19-22) Tinogonawo kuvaka vamwe tochengetedza rugare kana tikasaitisana nharo panyaya dzekuti munhu ane kodzero yekusarudza zvaanoda.   

8. Pauro akaita sei pakamuka nyaya inokosha yaigona kukanganisa rugare rweungano?

8 Pauro akaratidza muenzaniso wakanaka pakuchengetedza rugare nevaya vaipesana naye panyaya dzinokosha. Semuenzaniso, vamwe vaiva muungano yechiKristu panguva iyoyo vaisimbirira pakuti vaKristu veMamwe Marudzi vaifanira kuchecheudzwa, zvimwe vachiitira kuti vasatsoropodzwa nevaJudha. (VaG. 6:12) Pauro akaramba zvakasimba maonero iwayo, asi pane kuti asimbirire kuti zvaaida zvitevedzerwe, akazvininipisa ndokuita kuti nyaya yacho iendeswe kuvaapostora nevakuru kuJerusarema. (Mab. 15:1, 2) Zvakaitwa naPauro zvakabatsira vaKristu ivavo kuti vaite kuti muungano murambe muine mufaro nerugare.—Mab. 15:30, 31.

9. Tingatevedzera sei muenzaniso waPauro?

9 Kana pakava nekupesana kwakakura, tinoita kuti pave nerugare nekutsvaga mazano kune vaya vakagadzwa naJehovha kuti vafudze ungano. Kakawanda kacho, mazano anobva muBhaibheri anogona kuwanika mumabhuku edu kana kuti mumirayiridzo yatinopiwa nesangano. Kana tikanyatsotevedzera mirayiridzo iyoyo pane kusimbirira pamaonero edu, tinoita kuti muungano muve nerugare.

10. Chii chimwe chakaitwa naPauro kuti muungano murambe muine rugare?

10 Pauro akaita kuti muungano murambe muine rugare nekutaura zvakanaka zvaiitwa nehama nehanzvadzi dzake, kwete zvadzaikanganisa. Semuenzaniso, paaipedzisa tsamba yake kuvaRoma, Pauro akataura nezvevanhu vakawanda nemazita uye kakawanda kacho akawedzera mashoko akanaka kana kuti zvaaiziva nezvevanhu vacho. Tinogona kutevedzera Pauro nekutaura nezvezvinhu zvakanaka zvinoitwa nehama nehanzvadzi dzedu. Patinoita izvozvo, tinoita kuti hama nehanzvadzi dzedu dzive nechikonzero chekuswedera pedyo nemumwe nemumwe, uye izvozvo zvinoita kuti ungano ivakwe murudo.

11. Tingaitei kuti tivezve nerugare nevamwe kana paine patinenge tapesana?

11 Dzimwe nguva, kunyange vaKristu vakakura pakunamata vanogona kusawirirana kana kuitisana nharo. Izvi ndizvo zvakaitika kuna Pauro neshamwari yake yepedyo Bhanabhasi. Varume vaviri ava vakaitisana nharo zvakasimba panyaya yekuenda naMako parwendo rwavo rweumishinari rwaitevera. ‘Vakapopotedzana zvikuru,’ uye vakati aziva kwake aziva kwake. (Mab. 15:37-39) Asi Pauro, Bhanabhasi, uye Mako vakavazve nerugare, zvichiratidza kuti vaikoshesa rugare rweungano uye kubatana kwayo. Pave paya, Pauro akataura zvakanaka nezvaBhanabhasi naMako. (1 VaK. 9:6; VaK. 4:10) Isuwo tinofanira kugadzirisa zvatingava tisiri kuwirirana nevamwe muungano tobva taramba tichitarisa zvakanaka zvavari kuita. Izvi zvichaita kuti muungano muve nerugare nekubatana.—VaEf. 4:3.

PAURO AKASIMBISA KUTENDA KWEHAMA NEHANZVADZI DZAKE

12. Ndeapi mamwe matambudziko ari kusangana nehama nehanzvadzi dzedu?

12 Tinovaka hama nehanzvadzi dzedu patinosimbisa kutenda kwadzinoita muna Jehovha. Vamwe vanosekwa nevemumhuri vasiri Zvapupu kana kuti nevanhu vekubasa kana vekuchikoro. Vamwe vane matambudziko akakura eutano kana kuti zviri kuvaomera kuti vakanganwe nezvekurwadziswa kwavakaitwa. Vamwe vane makore akawanda vabhabhatidzwa uye vamirira kwenguva yakareba kuti nyika ino igume. Zvese izvi zvinogona kuedza kutenda kwevaKristu mazuva ano. VaKristu vekutanga vakasanganawo nematambudziko akadaro. Pauro akaitei kuti asimbise hama nehanzvadzi dzake?

Baba vari kukurukura nemwanasikana wavo mudiki nyaya iri pajw.org. Mwanasikana wacho akabata kadhi rekrisimasi.

Tingavaka sei vamwe sezvakaitwa nemuapostora Pauro? (Ona ndima 13)b

13. Pauro akabatsira sei vaya vaisekerwa zvavaitenda?

13 Pauro akashandisa Magwaro kuti avake kutenda kwehama nehanzvadzi dzake. Semuenzaniso, vaKristu vechiJudha vangangodaro vaishaya kuti vopindura sei pavaitsoropodzwa nevemumhuri vaitaura kuti chiJudha chakanaka kupfuura chiKristu. VaKristu ivavo vanofanira kunge vakasimbiswa netsamba yaPauro yaakanyorera vaHebheru. (VaH. 1:5, 6; 2:2, 3; 9:24, 25) Vaigona kupindura vanhu vaivapomera vachishandisa zvakataurwa naPauro. Mazuva ano tinogona kubatsira vatinonamata navo kuti vashandise mabhuku edu pakutsanangura zvavanotenda kune vaya vanenge vachivaseka. Uye kana vechidiki vedu vakasekwa nekuti vanotenda kuti zvinhu zvakasikwa, tinogona kuvabatsira kuwana mashoko mumabhurocha edu anoti, Was Life Created? uye The Origin of Life—Five Questions Worth Asking kuti varatidze kuti nei vachitenda kuti upenyu hwakasikwa.

Murume nemudzimai vari kubatsira vamwe amai nemwanasikana wavo mudiki, pashure pekunge vaparadzirwa zvinhu zvavo nemoto.

Tingavaka sei vamwe sezvakaitwa nemuapostora Pauro? (Ona ndima 14)c

14. Kunyange zvazvo Pauro ainge akabatikana nekuparidza nekudzidzisa, zvii zvaaiita?

14 Pauro akakurudzira hama nehanzvadzi dzake kuti dziratidze rudo kuburikidza nekuita “mabasa akanaka.” (VaH. 10:24) Akabatsira hama nehanzvadzi dzake nezvaaitaura uyewo nezvaaiita. Semuenzaniso, vaKristu vaiva muJudhiya pavakapinda munzara, Pauro akavabatsira nekuvaendesera zvinhu zvekuyamura. (Mab. 11:27-30) Kunyange zvazvo Pauro ainge akabatikana nekuparidza uye kudzidzisa, aigara achitsvaga nzira dzekubatsira vaya vaida kubatsirwa nezvinhu zvekurarama nazvo. (VaG. 2:10) Nekuita izvozvo, akaita kuti hama nehanzvadzi dzake dziwedzere kuva nechivimbo chekuti Jehovha aizodzichengeta. Mazuva ano, patinozvipira kushandisa nguva yedu, simba redu, uye unyanzvi hwedu pakubatsira vanenge vawirwa nenjodzi, tinovakawo kutenda kwehama nehanzvadzi dzedu. Tinovakawo hama nehanzvadzi dzedu patinogara tichipa mari yekutsigira basa remunyika yese. Patinoita izvi nezvimwewo, tinobatsira hama nehanzvadzi dzedu kuti dzive nechivimbo chekuti Jehovha haazombodzisiyi.

Tingavaka sei vamwe sezvakaitwa nemuapostora Pauro? (Ona ndima 15-16)d

15-16. Tinofanira kubata sei vaya vane kutenda kunenge kusisina kusimba?

15 Pauro haana kurega kubatsira vaya vaiva nekutenda kwainge kusisina kusimba. Akaratidza kuti aiva nehanya navo uye akataura navo zvine ushamwari uye zvinokurudzira. (VaH. 6:9; 10:39) Semuenzaniso, mutsamba yaakanyorera vaHebheru, aiwanzoshandisa shoko rekuti “isu,” achiratidza kuti naiyewo aifanira kushandisa mazano aaipa. (VaH. 2:1, 3) Kufanana naPauro, hatiregi kukurudzira vaya vane kutenda kunenge kusisina kusimba. Asi tinovavaka nekuvaratidza kuti tine hanya navo zvechokwadi. Patinoita izvi, tinoratidza kuti tinovada. Mashoko edu anogona kuwedzera kuvaka vamwe kana tikataura zvine ushamwari uye zvine unyoro.

16 Pauro akayeuchidza hama nehanzvadzi dzake nezvemabasa akanaka adzakanga dzaita. (VaH. 10:32-34) Tinogona kuitawo izvozvo patinenge tichibatsira muKristu ane kutenda kunenge kusisina kusimba. Tinogona kumukumbira kuti atiudze kuti akawana sei chokwadi kana kumukurudzira kuti afunge nezvenguva dzaainzwa kuti Jehovha ari kumutsigira. Tinogona kushandisa mukana iwoyo kuti timubatsire kuti ave nechokwadi chekuti Jehovha haana kukanganwa mabasa aaiita achiratidza kuti anomuda, uye kuti Jehovha haazombomusiyi mune ramangwana. (VaH. 6:10; 13:5, 6) Kukurukura seizvi kunogona kuita kuti hama nehanzvadzi dzedu dzive nechido chekuramba dzichishumira Jehovha.

“RAMBAI MUCHIKURUDZIRANA”

17. Unyanzvi hupi hwatinogona kuramba tichiwedzera?

17 Sezvo munhu anovaka achiwedzera unyanzvi hwake nekufamba kwenguva, isuwo tinogona kuwedzera unyanzvi hwedu pakuvakana. Tinogona kubatsira vamwe kuti vawane simba rekutsungirira matambudziko kana tikavaudza nezvemienzaniso yevamwe vakambotsungirira. Tinogona kuita kuti muungano murambe muine rugare nekutaura zvakanaka zvatinoona mune vamwe. Tinogona kuchengetedza rugare kana pamuka chinhu chinogona kurukanganisa, uye tinogona kuita kuti rugare ruvepo zvakare kana tapesana nevamwe. Uye tinogona kuramba tichivaka kutenda kwehama nehanzvadzi dzedu nekukurukura navo chokwadi chinokosha cheBhaibheri, nekuvabatsira nezvinhu zvavanenge vachida, uye nekutsigira vaya vanenge vasisina kutenda kwakasimba.

18. Une chido chekuitei?

18 Vaya vanoita basa rekuvaka zvivakwa zvesangano vanofara uye vanogutsikana. Isuwo tinowana mufaro nekugutsikana patinobatsira pakuvaka kutenda kwehama nehanzvadzi dzedu. Kusiyana nezvivakwa zvinozopedzisira zvaparara, vanhu vatinovaka vanogona kurarama nekusingaperi! Ngativei nechido chekuramba ‘tichikurudzirana uye tichivakana.’—1 VaT. 5:11.

UNGAITEI KUTI . . .

  • ubatsire vamwe kuti vatsungirire matambudziko?

  • muungano murambe muine rugare?

  • usimbise vaya vane kutenda kunenge kusisina kusimba?

RWIYO 100 Vagamuchirei Nerudo

a Upenyu munyika ino hwakaoma. Hama nehanzvadzi dzedu dziri kusangana nematambudziko akawanda. Tinogona kuvabatsira kana tikatsvaga nzira dzekuvakurudzira nadzo. Saka zvakanaka kuti tikurukure nezvemuenzaniso wemuapostora Pauro.

b KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO : Baba vari kukurukura nemwanasikana wavo mudiki nyaya iri pajw.org. Mwanasikana wacho akabata kadhi rekrisimasi.

c KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO : Murume nemudzimai vari kubatsira vamwe amai nemwanasikana wavo mudiki, pashure pekunge vaparadzirwa zvinhu zvavo nemoto.

d KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO : (Nechepamusoro) Baba vari kuratidza mwanasikana wavo kuti angashandisa sei mazano ari mumabhuku edu kuti akunde muedzo wekupemberera Krisimasi. (Nechepakati) Murume nemudzimai vaenda kune imwe nzvimbo munyika mavo kunobatsira vaya vawirwa nenjodzi. (Nechepazasi) Mukuru ashanyira hama isisisina kutenda kwakasimba. Anoratidza hama yacho mamwe mapikicha eChikoro Chebasa Reupiyona chavakapinda vese makore adarika. Hama yacho painotarisa mapikicha aya inoyeuka nezvenguva inofadza yavakava nayo. Hama yacho inotanga kuda kuva nemufaro wayaiva nawo payaishumira Jehovha. Nekufamba kwenguva, inodzoka kuungano.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe