RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • wp22 nha. 1 pp. 4-5
  • Nei Vanhu Vachivengana Zvakanyanya Kudaro?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nei Vanhu Vachivengana Zvakanyanya Kudaro?
  • TNharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2022
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Chii Chinonzi Ruvengo?
  • RUVENGO RUNOTANGA SEI?
  • RUVENGO RUNOPARARIRA SEI?
  • BHAIBHERI RINOTIUDZA MATANGIRO AKAITA RUVENGO
  • Tinogona Kukurira Ruvengo!
    TNharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2022
  • Ruvengo Paruchapera Zvachose!
    TNharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2022
  • Nei Kune Kuvenga Kwakanyanya Kwazvo?
    Mukai!—1997
  • Nei Panyika Pakazara Ruvengo?—Bhaibheri Rinomboti Kudii?
    Dzimwe Nyaya
Ona Zvimwe
TNharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2022
wp22 nha. 1 pp. 4-5

Nei Vanhu Vachivengana Zvakanyanya Kudaro?

Nei munyika makazara kuvengana? Kuti tizive chikonzero chacho, tinofanira kutanga tanzwisisa kuti chii chinonzi ruvengo, runotanga sei uye kuti nei rwakazara kwese kwese.

Chii Chinonzi Ruvengo?

Ruvengo kusafarira zvakanyanya mumwe munhu kana kuti vamwe vanhu, uye izvi zvinoramba zviri mumwoyo memunhu kwenguva yakareba.

RUVENGO RUNOTANGA SEI?

Pane zvinhu zvakawanda zvinoita kuti vanhu vatange kuvenga vamwe. Kazhinji vanhu vanovengwa nekuda kwezvavari kwete nemhaka yezvavanoita. Vanhu vanovengwa vanogona kuonekwa sevanhu vakaipa, vanoda kukuvadza vamwe uye vasingakwanisi kuchinja kuti vaite zvinhu zvakanaka. Vanogona kunge vachitarisirwa pasi, vachifungidzirwa kuti vanogona kukanganisa vamwe, kana kuti ndivo vanokonzera matambudziko. Kazhinji vanhu vanoratidza ruvengo vanogona kunge vakamboitirwa zvakaipa, vasina kubatwa zvakanaka, kana kuti paine zvimwe zvinhu zvakaitika zvakakonzera kuti vatange kuva neruvengo mumwoyo mavo.

RUVENGO RUNOPARARIRA SEI?

Munhu anogona kutovenga vanhu vaasati atomboona. Semuenzaniso, munhu anogona kuva nemafungiro asiri iwo nezvevamwe vanhu nemhaka yekuti ndizvo zvinoitwa nehama neshamwari dzake. Saka kana vamwe vanhu vari mumhuri kana munharaunda vachivenga vamwe vanhu, zviri nyore kuti vese vapedzisire vava kuvengawo vanhu ivavo.

Kuziva kuti ruvengo runopararira sei kunotibatsira kunzwisisa kuti nei vanhu vakawanda vachivenga vamwe. Asi kuti tikunde ruvengo, tinofanira kuziva kuti rwakambotanga sei. Bhaibheri rinojekesa kuti rwakatanga sei.

BHAIBHERI RINOTIUDZA MATANGIRO AKAITA RUVENGO

Pikicha iri kuratidza zvimwe zvinokonzera ruvengo. 1. Mashoko enhema, kusanganisira zvinotaurwa nehama neshamwari, pasocial media, nemunhau. 2. Kusanzwisisa tsika, rudzi kana chitendero. 3. Kutya kuchinjirwa zvinhu, kurasikirwa nezvinhu kana zvimwewo zvinogona kuitika. 4. Ruvengo, kusanganisira kusarura, kutarisira vamwe pasi, uye kurwisana.

RUVENGO HARUNA KUTANGA NEVANHU. Rwakatangira kudenga imwe ngirozi payakapandukira Mwari, ichibva yazonzi Satani Dhiyabhorosi. Dhiyabhorosi ‘aiva muurayi paakatanga’ kupanduka. Sezvo ari “murevi wenhema nababa venhema,” ari kuramba achiita kuti vanhu vavengane uye vaitirane utsinye. (Johani 8:44; 1 Johani 3:11, 12) Bhaibheri rinomuti akaipa, anogara akatsamwa uye ane utsinye.—Jobho 2:7; Zvakazarurwa 12:9, 12, 17.

ZVIRI NYORE KUTI VANHU VANE CHIVI VATANGE KUVENGA VAMWE. Munhu wekutanga, Adhamu, akaita chivi paakapandukira Mwari sezvakaita Satani. Izvi zvakaita kuti vanhu vese vaberekwe vaine chivi. (VaRoma 5:12) Mwanakomana waAdhamu wekutanga ainzi Kaini akaponda munin’ina wake Abheri nemhaka yeruvengo. (1 Johani 3:12) Kunyange zvazvo kuine vanhu vakawanda vane rudo netsitsi, chivi chinoita kuti vanhu vakawanda vave neunhu hunokonzera ruvengo hwakadai seruchiva, kungozvifunga uye kuzvikudza.—2 Timoti 3:1-5.

KUSAFARIRA VAMWE KUNOKONZERA RUVENGO. Nyika inokonzera kuti vanhu vave neruvengo nekuita kuti vasava netsitsi uye vave nemafungiro neunhu hwakaipa. Kusafarira mafungiro nemaitiro evamwe, kusarura, kutuka, kusabata vamwe zvakanaka uye kuparadza zvinhu zvevamwe, zvakazara kwese kwese nekuti “nyika yese iri musimba reakaipa,” Satani Dhiyabhorosi.—1 Johani 5:19.

Asi Bhaibheri haringogumiri pakutiudza matangiro akaita ruvengo. Rinotiudzawo kuti ruchapera sei.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe