RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • wp22 nha. 1 p. 3
  • Tinogona Kukurira Ruvengo!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tinogona Kukurira Ruvengo!
  • TNharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2022
  • Mashoko Akafanana
  • Nei Vanhu Vachivengana Zvakanyanya Kudaro?
    TNharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2022
  • Sumo
    TNharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2022
  • Ruvengo Paruchapera Zvachose!
    TNharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2022
  • Ruvengo Rwakazara Pasi Rese
    TNharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2022
Ona Zvimwe
TNharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2022
wp22 nha. 1 p. 3
Mapikicha: Murume ari kushungurudzika neruvengo rwaari kusangana narwo. 1. Mukadzi akabata foni achimutsvinyira. 2. Mumwewo mukadzi ari kumutarisira pasi. 3. Murume ari kuverenga pepanhau achiratidza kusvotwa naye. 4. Mutori wenhau ari paTV.

Tinogona Kukurira Ruvengo!

Pane chawakamboitirwa here chairatidza kuti mumwe munhu aikuvenga?

Kana izvozvo zvisina kumboitika kwauri, unogona kunge wakamboona vamwe vanhu vachivengwa. Munhau makazara nyaya dzevanhu vari kuvengwa nemhaka yerudzi rwavo, chitendero chavo, kwavanobva kana kuti kutarisirwa pasi nemhaka yekuti vanhukadzi. Izvi zviri kuita kuti hurumende dzidzike mitemo yekuranga vese vanopara mhosva dzinokonzerwa neruvengo.

Kazhinji kana munhu akavengwa anogona kupedzisira ava kuvengawo vamwe nemhaka yekuti anenge achida kutsiva, uye izvi zvinoita kuti ruvengo rwacho rungoramba ruripo.

Ruvengo harungogumiri pakusarurwa, kutukwa, kusekwa kana kutyisidzirwa. Asi runogona kutoita kuti munhu apedzisire ava kuparadza zvinhu zvevamwe, kuvarova, kuvabata chibharo, kuuraya kana kuda kutotsakatisa rudzi rwese.

Tinogona kukunda ruvengo! Magazini ino ichatsanangura kuti tinozviita sei uye ichapindura mibvunzo inotevera:

  • Nei munyika makazara ruvengo?

  • Kuvengana kungapedzwa sei?

  • Kuvengana kuchazombopera zvachose here?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe