RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • wp21 nha. 2 pp. 10-12
  • Zvaungaita Kuti Uzorarama Munyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvaungaita Kuti Uzorarama Munyika Itsva
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2021
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • KUTI UZOPONA UNOFANIRA ‘KUSVIKA PAKUZIVA MWARI’
  • VERENGA SHOKO RAMWARI, BHAIBHERI, MAZUVA ESE
  • NYENGETERA KUTI MWARI AKUBATSIRE
  • Zvii Zvakaitwa naMwari?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2019
  • Ungaitei Kuti Urarame Nekusingaperi?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Nyika Itsva yaMwari Ine Rugare—Unogona Kurarama Mairi
    Dzidza Kumudzidzisi Mukuru
  • Kuraramazve Zvinoita!
    Mukai!—2008
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2021
wp21 nha. 2 pp. 10-12

Zvaungaita Kuti Uzorarama Munyika Itsva

Munyaya dzapfuura, taona kuti Mwari ava pedyo kubvisa vanhu vese vakaipa nematambudziko ese avanokonzera. Tine chokwadi chekuti izvi zvichaitika. Nemhaka yei? Nekuti Shoko raMwari Bhaibheri rakavimbisa kuti:

“Nyika iri kupfuura.”​—1 JOHANI 2:17.

Tine chokwadi chekuti pachava nevachapona nekuti vhesi iri pamusoro apa inovimbisawo kuti:

“Munhu anoita kuda kwaMwari anoramba aripo nekusingaperi.”

Saka kana tichida kupona, tinofanira kuita zvinodiwa naMwari. Kuti tizive zvaanoda, tinofanira kutanga tamuziva.

KUTI UZOPONA UNOFANIRA ‘KUSVIKA PAKUZIVA MWARI’

Mapikicha: 1. Nesi agara pasi arukutika. 2. Amboenda kunozorora achibva aona mumwe waanoshanda naye achiverenga magazini achifara. 3. Waanoshanda naye amuverengera vhesi yeBhaibheri uye amupa kadhi rejw.org.

Jesu akati: “Kuti vawane upenyu husingaperi, vanofanira kusvika pakukuzivai, imi Mwari mumwe chete wechokwadi.” (Johani 17:3) Kuti tizopona pachaparadzwa nyika, torarama nekusingaperi tinofanira ‘kusvika pakuziva Mwari.’ Izvi hazvingogumiri pakubvuma kuti ariko kana kungoziva zvinhu zvishoma nezvake. Asi tinofanira kuva neushamwari naye. Kana tichida kuti ushamwari hwedu nemumwe munhu husimbe, tinofanira kuzvipa nguva yekuti tinyatsozivana. Ndozvazvakaitawo neushamwari hwedu naMwari. Ona zvimwe zvinhu zvinokosha zvatinodzidza muBhaibheri, zvinotibatsira kuti tive neushamwari hwepedyo naMwari.

Chokwadi Chatinodzidza muBhaibheri

Nesi wacho anoenda pajw.org paanenge ava kumba.

Tinodzidza kuti Mwari aida kuti vanhu vagare muParadhiso.

Akasika vanhu vekutanga Adhamu naEvha akavaisa munzvimbo yakanaka yainzi munda weEdheni. Vakanga vasina chivi uye Mwari akavapa zvese zvavaida kuti vanakidzwe neupenyu. Vaigona kurarama nekusingaperi vasingafi chero bedzi vaizoramba vari shamwari dzaMwari. Asi vakasarudza kusateerera murayiro wakanga usina kumbooma wavakapiwa naMwari.

Tinodzidza kuti nei tiri kutambura.

Kusateerera kwakaita Adhamu, kwakaita kuti iye nevanhu vese vaizoberekwa varasikirwe nemukana wekurarama nekusingaperi. Bhaibheri rinoti: “Chivi chakapinda munyika nemunhu mumwe chete uye rufu rwakapinda nechivi, rufu rukabva rwapararira kuvanhu vese.” (VaRoma 5:12) Kana mubereki aine chirwere, chirwere ichocho chinogona kutapukirawo kumwana waanobereka. Ndozvazvakaitawo nechivi. Sezvo tese tiri vana vaAdhamu, uyo akanga aine chivi, tinoberekwawo tiine chivi. Chivi ichocho ndicho chinoita kuti tizochembera, tofa.

Tinodzidza zvakatoitwa naMwari kuti atibatsire.

Bhaibheri rinoti: “Mwari akada nyika kwazvo zvekuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga, kuti munhu wese anotenda maari arege kuparadzwa asi ave neupenyu husingaperi.” (Johani 3:16) Mwari akatuma Jesu panyika kuti atifire. Achitaura nezvekufirwa kwatakaitwa naJesu, mumwe murume wekuIndia ane makore 86 anonzi Prabhakar akati: “Zvinonyatsoratidza kuti Jehovhaa anondida zvikuru. Rudo rwake rwakaita kuti ndive netariro yekuzorarama nekusingaperi.”

Tinodzidza kuti tingaratidza sei kuti tinotenda zvatakaitirwa naMwari.

Bhaibheri rinoti tinoratidza kuti tinotenda zvatakaitirwa naMwari ‘nekuchengeta mirayiro yake.’ (1 Johani 2:3) Tinoonawo rudo rwaJehovha, nekutiudza kwaanoita zvatingaita kuti tinakidzwe neupenyu iye zvino. (Isaya 48:17, 18, mashoko emuzasi) Mwari haadi kuti titambure. Anotivimbisa kuti kana tikateerera mirayiro yake, tichararama upenyu hwakanaka iye zvino tovawo netariro yekurarama nekusingaperi mune ramangwana.

VERENGA SHOKO RAMWARI, BHAIBHERI, MAZUVA ESE

Nesi wacho akatarisa mudenga achifunga nezvezvaaverenga muBhaibheri paari kumbozorora.

Unogona kupona pachaguma nyika kana ukanyengetera kuti Mwari akubatsire uye ukaita kuda kwake

Kuti tirarame tinofanira kugara tichidya. Asi Jesu akati: “Munhu haararami nechingwa chete, asi nemashoko ese anobuda mumuromo maJehovha.”—Mateu 4:4.

Mazuva ano, mashoko aJehovha tinoawana muBhaibheri. Paunoridzidza, uchaona zvakaitwa naMwari kare, zvaari kuita iye zvino uye zvaachaita mune ramangwana.

NYENGETERA KUTI MWARI AKUBATSIRE

Ungaitei kana uchida kuita zvinodiwa naMwari, asi zvichikuomera kuti usiye zvinhu zvaanoti zvakaipa? Kana zvakadaro zviri kuitika kwauri, kunyatsoziva Mwari kunogona kukubatsira kukunda dambudziko rako.

Inzwa zvakaitika kune mumwe mukadzi watichati Sakura, uyo airarama upenyu hwechipfambi. Paakatanga kudzidza Bhaibheri, akadzidza nezvemurayiro waMwari wekuti “tizai upombwe.” (1 VaKorinde 6:18) Akanyengetera kuti Mwari amubatsire uye akakwanisa kusiya mararamiro akaipa aaiita. Asi achiri kufanira kuramba achirwisa miedzo. Anoti: “Kana pfungwa dzisina kuchena dzikangouya mandiri, ndinonyengetera ndichinyatsoudza Jehovha zvese. Ndinoziva kuti handingambokundi hondo iyi ndiri ndega. Munyengetero une simba, wandiswededza pedyo naJehovha.” Vanhu vakawanda vari kusvikawo pakuziva Mwari sezvakaita Sakura. Mwari ari kuvapa simba rekuti vachinje upenyu hwavo, vorarama upenyu hunomufadza.—VaFiripi 4:13.

Kana ukawedzera kuziva Mwari, uchawedzerawo ‘kuzivikanwa naye’ seshamwari yaanokoshesa. (VaGaratiya 4:9; Pisarema 25:14) Izvozvo zvichaita kuti upone, wopinda munyika itsva yaMwari. Asi nyika itsva iyoyo ichange yakaita sei? Nyaya inotevera ichapindura mubvunzo iwoyo.

a Jehovha ndiro zita raMwari rinotaurwa muBhaibheri.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe