RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwb26 March pp. 12-13
  • April 20-26

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • April 20-26
  • Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2026
Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2026
mwb26 March pp. 12-13

APRIL 20-26

ISAYA 54-55

Rwiyo 86 Nemunyengetero | Mashoko Ekusuma (1 min.)

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI

1. Uchabvuma Kurasikirwa Nei Kuti Udzidziswe naJehovha?

(10 min.)

Jehovha akavimbisa kudzidzisa vanhu vake (Isa 54:13; w09 9/15 21 ¶3)

Tinofanira kuva nenguva yekudzidza chokwadi chiri muBhaibheri (Isa 55:​1, 2; w18.11 4 ¶6-7)

Tinofanira kushanda nesimba kuti tinyatsoteerera zvatinenge tichidzidziswa naJehovha nekuti zvichatiponesa (Isa 55:3; be 14 ¶2-4)

Hama yakasimudza ruoko kuti ipindure pamusangano weungano.

ZVIBVUNZE KUTI, ‘Ndingaitei kuti ndiwedzere kubatsirwa nezvandiri kudzidza uye ndigare ndichidzidza?’

2. Kuchera Pfuma muShoko raMwari

(10 min.)

  • Isa 54:17—Chikamu chekutanga chevhesi iyi chinotiyeuchidza zvinhu zvipi zvitatu zvinokosha? (w19.01 6 ¶14-15)

  • Ndezvipi zvawakawana pakuverenga Bhaibheri kwevhiki rino?

3. Kuverenga Bhaibheri

(4 min.) Isa 54:​1-10 (th chidzidzo 11)

SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI

4. Kutanga Kukurukura Nevanhu

(2 min.) PAIMBA NEIMBA. Shandisa imwe yenyaya dziri mumashoko ekuwedzera A ebhurocha raIva Nerudo Nevanhu. (lmd chidzidzo 1 pfungwa 4)

5. Kutanga Kukurukura Nevanhu

(2 min.) KUPARIDZA MUNZVIMBO DZINOWANIKA VANHU VAKAWANDA. Shandisa imwe yenyaya dziri mumashoko ekuwedzera A ebhurocha raIva Nerudo Nevanhu. (lmd chidzidzo 2 pfungwa 3)

6. Kudzokera Kuvanhu Vakaratidza Kufarira

(2 min.) KUPARIDZA MUNZVIMBO DZINOWANIKA VANHU VAKAWANDA. Ipa munhu wacho kadhi rejw.org. (lmd chidzidzo 9 pfungwa 3)

7. Hurukuro

(5 min.) be 28 ¶3–31 ¶2—Musoro: Kudzidza Kwatingaita. (th chidzidzo 14)

KURARAMA KWECHIKRISTU

Rwiyo 97

8. Kukurira Zvinhu Zvinogona Kukutadzisa Kudzidza Uri Wega

(15 min.) Kukurukura nevateereri.

Amai vari kuverenga Bhaibheri mangwanani-ngwanani mwana wavo achiri akarara.

Pane zvinhu zvakawanda zvinoita kuti tiomerwe nekuva nepurogiramu yakarongeka yekudzidza tiri tega. Ngatitii uri kuedza kukurudzira mumwe muKristu ari kuomerwa nekuva nepurogiramu yakarongeka yekudzidza uye kuverenga Bhaibheri. Anokuudza kuti zvinhu zvinotevera ndizvo zvakamuomera. Pachinhu chimwe nechimwe chaanokuudza, nyora chinhu chimwe chete kana kupfuura chaangaita chinogona kumubatsira, kana kuti nyora pfungwa iri mune imwe vhesi yeBhaibheri, kana kuti iri mune imwe nyaya kana vhidhiyo yakabudiswa nesangano.

  • “Handigoni kunyatsoverenga”

  • “Handinakidzwi nekudzidza”

  • “Handizivi kuti ndotangira papi kuverenga Bhaibheri, uye kuti ndoverenga zvakawanda sei pazuva”

  • “Pane zvinhu zvakawanda zvekuverenga! Ndoedza kutanga kudzidza chii vhiki rega rega?”

  • “Ndine zvakawanda zvekuita saka zvakaoma kuti ndiwane nguva yekudzidza”

  • “Ndinotadza kuisa pfungwa dzangu pachinhu chimwe chete uye dzimwe nguva ndinokanganwa zvandinenge ndichangobva kuverenga”

Ratidzai VHIDHIYO inonzi Kunyatsodzidza Uri Wega, mobvunza vateereri kuti:

  • Mazano api awafarira anogona kukubatsira kuti unakidzwe nekudzidza uri wega?

9. Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano

(30 min.) lfb chidzidzo 78 ne79

Mashoko Ekugumisa (3 min.) | Rwiyo 70 Nemunyengetero

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe