APRIL 27–MAY 3
ISAYA 56-57
Rwiyo 12 Nemunyengetero | Mashoko Ekusuma (1 min.)
1. Tinofara Kuti Jehovha Ndiye Mwari Wedu
(10 min.)
Zvidhori hazvigoni kubatsira vaya vanozvinamata (Isa 57:13; ip-2 269 ¶14-16)
Vanhu vasinganamati Jehovha havana rugare uye havana kubatana (Isa 57:20; w18.06 7 ¶16; it “Nyika” ¶21-mwbr)
Vakaipa havana rugare (Isa 57:21; it “Rugare” ¶3-mwbr)
ZVIBVUNZE KUTI, Kuva neushamwari naMwari kungandibatsira sei kuti ndive neupenyu hwakanaka?
2. Kuchera Pfuma muShoko raMwari
(10 min.)
Isa 56:6, 7—Uprofita uhwu huri kuzadziswa sei? (w07 1/15 10 ¶3; w06 11/1 27 ¶1)
Ndezvipi zvawakawana pakuverenga Bhaibheri kwevhiki rino?
3. Kuverenga Bhaibheri
(4 min.) Isa 56:4-12 (th chidzidzo 5)
4. Kutanga Kukurukura Nevanhu
(3 min.) KUPARIDZA ZVISINA KURONGWA. Udza munhu wacho chimwe chinhu chawakadzidza pamusangano uchangobva kupfuura. (lmd chidzidzo 2 pfungwa 4)
5. Kutsanangura Zvaunotenda
(5 min.) Hurukuro. ijwbq nyaya 90—Musoro: Zvine Basa Here Kuti Munhu Ave Nechechi Yaanopinda? (th chidzidzo 16)
6. Kuita Kuti Vanhu Vave Vadzidzi
Rwiyo 58
7. Usarega Kutaura nezvaJehovha
(15 min.) Kukurukura nevateereri.
Vanhu vasingazivi Jehovha havana munhu anovatungamirira wavanogona kuvimba naye, havana chinangwa muupenyu uye havana tariro. Asi chinorwadza ndechekuti vakawanda vavo vanoramba mashoko eUmambo vasingazivi kuti chokwadi chinovabatsira zvakadii. Pazasi apa pane zvikonzero zvinoita kuti tisaora mwoyo uye tirambe tichiparidza vanhu pavanoramba kuteerera.—Mup 11:6.
Vanhu vari mundima yedu vanoramba vachichinja. Vanhu vasingafariri vanogona kutama uye vatsva vanenge vauya vanogona kunge vachida kuteerera
Tinogona kuona munhu akasiyana newatakamboona. Padhoo panogona kuuya munhu akwegura, mwana wataiziva ari mudiki asi iye zvino akura, munhu anenge ava kugarawo pamba ipapo, kana kuti panogona kuuya munhu ashanya
Vanhu vanochinja. (1Ti 1:13) Kuoma kuri kuita upenyu munyika kana kuti zvinhu zvinorwadza zvinoitika muupenyu hwemunhu zvinogona kuita kuti ade kuteerera
Kuramba tichiparidza kunoratidza kuti tinoda Jehovha.—Ru 6:45; 1Jo 5:3
Ratidzai VHIDHIYO inonzi Jehovha ‘Haasi Kure,’ mobvunza vateereri kuti:
Wadzidzei nezvekuramba uchiparidza pasinei nekuti vanhu havafariri?
8. Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano
(30 min.) lfb chidzidzo 80 ne81