RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwb26 March pp. 11-16
  • April 13-19

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • April 13-19
  • Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2026
Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2026
mwb26 March pp. 11-16

APRIL 13-19

ISAYA 52-53

Rwiyo 18 Nemunyengetero | Mashoko Ekusuma (1 min.)

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI

[Mufananidzo uri pakavha]

Jesu achienda kunourayiwa

1. Jesu Akaratidza Rudo Rukuru

(10 min.)

Isaya akaprofita kuti Jesu aizozvidzwa (Isa 53:3; Mt 26:​67, 68; w10 11/15 7 ¶2)

Jesu ainge akagadzirira kutambudzwa (Isa 53:7; ip-2 205 ¶25)

Jesu aida Baba vake uye vanhu. Izvi ndizvo zvakaita kuti azvipire kutambura kuti aite kuda kwaJehovha uye atakure zvivi zvedu (Isa 53:​10-12; Joh 14:31; 15:13)

Jesu akavharwa kumeso uye akaunganirwa nevatungamiriri vechitendero. Mumwe wevatungamiriri wacho ari kumurova nechibhakera, vamwe vachimutsvinyira.

2. Kuchera Pfuma muShoko raMwari

(10 min.)

  • Isa 52:11—Tsanangura kuti murayiro uyu wairevei kuvaJudha uye unorevei kuvaKristu. (it “Midziyo” ¶2-mwbr)

  • Ndezvipi zvawakawana pakuverenga Bhaibheri kwevhiki rino?

3. Kuverenga Bhaibheri

(4 min.) Isa 53:​3-12 (th chidzidzo 10)

SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI

4. Kutanga Kukurukura Nevanhu

(4 min.) PAIMBA NEIMBA. Muudze nezvezvidzidzo zveBhaibheri zvatinoitisa womubvunza kuti anoda kudzidza Bhaibheri here. (lmd chidzidzo 4 pfungwa 4)

5. Kutanga Kukurukura Nevanhu

(3 min.) PAIMBA NEIMBA. Shandisa imwe yenyaya dziri mumashoko ekuwedzera A ebhurocha raIva Nerudo Nevanhu. (lmd chidzidzo 3 pfungwa 3)

6. Kudzokera Kuvanhu Vakaratidza Kufarira

(5 min.) PAIMBA NEIMBA. Udza munhu akauya kuChirangaridzo nezvezvidzidzo zveBhaibheri zvatinoitisa womubvunza kuti anoda kudzidza Bhaibheri here. (lmd chidzidzo 8 pfungwa 3)

KURARAMA KWECHIKRISTU

Rwiyo 20

7. Iva Shamwari yaJehovha—Chipo Chinopfuura Zvese Chawakapiwa naJehovha

(15 min.) Kukurukura nevateereri.

Mufananidzo wakabva muvhidhiyo inonzi “Iva Shamwari yaJehovha​—⁠Chipo Chinopfuura Zvese Chawakapiwa naJehovha.” Jesu ari Mambo kudenga.

Ratidzai VHIDHIYO yacho. Kana yapera, bvunzai vateereri kuti:

  • Jesu akatiitirei, uye nei zvaakatiitira izvozvo chiri chipo?

  • Tingaratidza sei kuti tinotenda zvatakaitirwa naJesu?

8. Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano

(30 min.) lfb chidzidzo 76 ne77

Mashoko Ekugumisa (3 min.) | Rwiyo 57 Nemunyengetero

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe