RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwb22 September p. 13
  • Zvinhu Zvinobatsira Zviri Mubhuku ‘raRarama Nekusingaperi Uchifara!’

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvinhu Zvinobatsira Zviri Mubhuku ‘raRarama Nekusingaperi Uchifara!’
  • Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2022
  • Mashoko Akafanana
  • Shandisa Mavhidhiyo Paunoitisa Zvidzidzo zveBhaibheri
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2019
  • Nharireyomurindi Itsva Yokudzidza
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Iyi Ndiyo Magazini Yokudzidza!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Nei Zvichikosha Kuti Vana Vagare Vachiverenga?—Chikamu 2: Chii Chiri Nani: Bhuku Repafoni Kana Kuti Rakaprindwa?
    Mazano Ekubatsira Mhuri
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2022
mwb22 September p. 13

KURARAMA KWECHIKRISTU

Zvinhu Zvinobatsira Zviri Mubhuku raRarama Nekusingaperi Uchifara!

Unonakidzwa nekushandisa mavhidhiyo uye mibvunzo inoita kuti munhu ataure zviri mumwoyo make iri mubhuku raRarama Nekusingaperi Uchifara! here? Ko zvikamu zvakanzi “Vamwe Vanoti,” “Edza Izvi,” uye “Wedzera Pane Zvawadzidza” unozviona sei? Zvii zvimwe zviri mubhuku iri zvinogona kukubatsira paunenge uchiitisa chidzidzo cheBhaibheri?—Mt 28:19, 20.

Bhuku ‘raRarama Nekusingaperi Uchifara!’ rakavhurwa paJW Library. Pikicha iri kuratidza panowanikwa “Mavhidhiyo Nemabhuku zveChikamu 1.”

Mavhidhiyo Nemabhuku: Kana uchiitisa chidzidzo cheBhaibheri uchishandisa bhuku rakaprindwa, ungawana sei mavhidhiyo nemabhuku zviri nyore uye zviri panzvimbo imwe chete? Mubhuku repafoni, baya chikamu chamuri kudzidza pazvikamu 4 zviri mubhuku racho. Panobva pabuda misoro yezvidzidzo zviri muchikamu chawabaya. Nechekuzasi chibaya pakanzi mavhidhiyo nemabhuku. (Ona pikicha 1.)

Kuona Zvakaita Bhuku Rakaprindwa: Kana uri kudzidza nemunhu uchishandisa bhuku repafoni dzimwe nguva unenge uchida kuona zvakaita bhuku rakaprindwa pamunenge muchidzidza. Vhura chidzidzo chamuri kuita, wobaya pane tumadodzi 3 twuri kurudyi nechekumusoro wozobaya pakanzi “Rakaprindwa” kana kuti pakanzi “Printed Edition.” Kuona zvakaita bhuku rakaprindwa kunokubatsira kuti urambe uchifunga nezvekuti zvamuri kukurukura zvinopindirana sei nemusoro wechidzidzo chacho. Kuti uone zvakaita bhuku repafoni, baya madodzi 3 aya zvakare wozobaya pakanzi “Repafoni” kana kuti “Digital Edition.”

Bhuku ‘raRarama Nekusingaperi Uchifara!’ rakavhurwa paJW Library. Pikicha iri kuratidza bhokisi rakanzi “Ndava Kukwanisa Here?” uye “Mamwe Mashoko.”

“Ndava Kukwanisa Here?”: Mabhokisi aya ari kunoperera bhuku anotaura zvimwe zvinodiwa kuti munhu azokwanisa kuparidza neungano uye kubhabhatidzwa. (Ona pikicha 2.)

Mamwe Mashoko: Muchikamu ichi tinowana mashoko anowedzera kutsanangura dzimwe nyaya. Mubhuku repafoni, panoperera tsanangudzo imwe neimwe panenge paine link inokudzosera pawanga uchiverenga. (Ona pikicha 2.)

Kunyange kana mudzidzi wako akabhabhatidzwa musati mapedza bhuku raRarama Nekusingaperi Uchifara! rambai muchidzidza kusvika maripedza. Unogona kuramba uchishuma nguva yamunenge maita, dzokerero uye chidzidzo cheBhaibheri kunyange kana mudzidzi wacho abhabhatidzwa. Muparidzi waunenge wabuda naye anogonawo kushuma nguva yamaita muri pachidzidzo chacho

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe