KURARAMA KWECHIKRISTU | RONGA ZVAUNODA KUZOITA MUGORE REBASA RIRI KUUYA
Batsira Pakuvaka Zvivakwa Zvesangano
Kana ukabatsira pakuvaka zvivakwa zvesangano, unenge uchitoitira Jehovha basa dzvene. (Eks 36:1) Kana uchikwanisa kumbopota uchibatsira pamabasa ekuvaka anenge achiitwa pedyo nekwaunogara, unogona kuzadza fomu rakanzi Local Design/Construction Volunteer Application (DC-50). Uye kana uchikwanisa kubatsira pamabasa anenge achiitwa kure nekwaunogara kwemavhiki akati kuti kana kuti kwemwedzi inoverengeka unogona kuzadza fomu rakanzi Application for Volunteer Program (A-19). Haufaniri hako kunge uine unyanzvi hwekuita mabasa ekuvaka kuti uzozvipira kubatsira. (Ne 2:1, 4, 5)
ONA VHIDHIYO INONZI PINDA SUO REBASA UINE KUTENDA—BATSIRA PAKUVAKA ZVIVAKWA ZVESANGANO, WOZOPINDURA MUBVUNZO UNOTEVERA:
Sarah ainetseka nezvei, uye chii chakamubatsira kuti azive zvekuita?