RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwb22 July p. 16
  • Kushandisa Kwatingaita Mharidzo Dzekuenzanisira

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kushandisa Kwatingaita Mharidzo Dzekuenzanisira
  • Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2022
  • Mashoko Akafanana
  • Kushandisa Kwatingaita Mharidzo Dzekuenzanisira
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2020
  • Mharidzo Dzekuenzanisira
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2018
  • Kutanga Kukurukura Nevanhu Tichishandisa Maturakiti
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2020
  • Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Kunyora Mharidzo Yako Yemagazini
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa (2016)
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2022
mwb22 July p. 16
Mapikicha: 1. Mumwe murume nemudzimai vari kuparidzira mumwe mukadzi pamba pake vachimupa bhurocha rinonzi “Rarama Nekusingaperi Uchifara!” 2. Hanzvadzi iya yava kupa hurukuro yevadzidzi pamusangano wepakati pevhiki ichishandisa bhurocha rinonzi “Rarama Nekusingaperi Uchifara!”

KURARAMA KWECHIKRISTU

Kushandisa Kwatingaita Mharidzo Dzekuenzanisira

Hama dzinoshanda nesimba kuti dzinyore mharidzo dzekuenzanisira uye vaparidzi vakawanda vari kuona kuti mharidzo dzacho dzinoshanda chaizvo mundima dzavo. Asi sezvo mamiriro ezvinhu akasiyana munyika dzakawanda, vaparidzi vanogona kuchinja mubvunzo, rugwaro, pekuzotangira kana kutochinja nyaya iri mumharidzo yacho kuti zvienderane nendima yavo pavanenge vari muushumiri. Asi kana paine mushandirapamwe unokosha, vaparidzi vanofanira kutevedzera mirayiridzo yezvinenge zvichiitwa pamushandirapamwe wacho. Chinangwa chedu ndechekuparidza mashoko akanaka eUmambo sezvakarayirwa naJesu.—Mt 24:14.

Pavanenge vachiita hurukuro dzevadzidzi, vaparidzi vanofanira kutaura nyaya iri mumharidzo yekuenzanisira iri muPurogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa. Semuenzaniso, muna July naAugust, nyaya iri mumharidzo yekuenzanisira iri kutaura nezvechinangwa chaMwari. Asi vakasununguka kuchinja mubvunzo, rugwaro kana kuti pekuzotangira kuti zvienderane nendima yavo kunze kwekunge paine mimwe mirayiridzo inenge yataurwa. Izvi zviri kuchinja mirayiridzo yaiva papeji 8 muPurogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa yaJune 2020.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe