RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwb22 March p. 5
  • Zvinhu Zvitatu Zvinotibatsira Kuti Tivimbe naJehovha

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvinhu Zvitatu Zvinotibatsira Kuti Tivimbe naJehovha
  • Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2022
  • Mashoko Akafanana
  • Chipo Chatakapiwa naMwari Chemunyengetero
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
  • Swedera Pedyo naMwari Nekunyengetera
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Unosarudza Sei Zvinhu Zvine Chekuita Neupenyu Hwako?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
  • Ita Zvisarudzo Zvinokudza Mwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2022
mwb22 March p. 5

KURARAMA KWECHIKRISTU

Zvinhu Zvitatu Zvinotibatsira Kuti Tivimbe naJehovha

Dhavhidhi akakunda Goriyati nekuti aivimba naJehovha. (1Sa 17:45) Jehovha anoda kuratidza simba rake achibatsira vashumiri vake. (2Mak 16:9) Tingaratidza sei kuti tinovimba naye pane kuvimba neuchenjeri hwedu kana kuti nesimba redu? Pane zvinhu zvitatu zvatinogona kuita:

  • Gara uchinyengetera. Usangonyengetera uchikumbira ruregerero paunenge wakanganisa, asi nyengeterawo uchikumbira kuti Jehovha akupe simba paunenge uchisangana nemiedzo. (Mt 6:12, 13) Usangonyengetera uchikumbira kuti Jehovha akomborere zvaunenge wasarudza kuita, asi nyengeterawo uchikumbira kuti akutungamirire usati wasarudza zvekuita.—Jak 1:5

  • Iva nepurogiramu yakarongeka yekuverenga uye kudzidza Bhaibheri. Verenga Bhaibheri mazuva ese. (Pis 1:2) Zvipe nguva yekudzamisa pfungwa nezvevanhu vaunenge uchiverenga muBhaibheri uye shandisa zvaunodzidza. (Jak 1:23-25) Gadzirira usati wabuda muushumiri kwete kungovimba neruzivo rwauinarwo. Kuti unyatsobatsirwa nemisangano, wana nguva yekugadzirira

  • Tsigira zvinotaurwa nesangano raJehovha. Fambirana nemirayiridzo mitsva inobva kusangano uye kurumidza kuita zvinenge zvataurwa. (Nu 9:17) Teerera mazano nemirayidzo zvinobva kuvakuru.—VaH 13:17

Hama yakasungwa nemapurisa, uye vatori venhau nedzimwe hama vari kuona zviri kuitika.

ONA VHIDHIYO INONZI NEI PASINA CHIKONZERO CHEKUTI TITYE KUTAMBUDZWA?, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:

• Zvii zvaityiwa nehama nehanzvadzi?

• Chii chakavabatsira kuti vakurire kutya ikoko?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe