RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwb21 July p. 9
  • Taura Zvinobaya Mwoyo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Taura Zvinobaya Mwoyo
  • Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2021
  • Mashoko Akafanana
  • Wedzera Mufaro Wako Muushumiri—Bvunza Mibvunzo
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2021
  • Wedzera Mufaro Wako Muushumiri—Shandisa Shoko raMwari
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2021
  • Bvuma Kubatsirwa naJehovha Kuburikidza Nekunyengetera
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2021
  • Batsira Vadzidzi Vako veBhaibheri Kukurira Tsika Dzisina Kuchena
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2022
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2021
mwb21 July p. 9

SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI | WEDZERA MUFARO WAKO MUUSHUMIRI

WEDZERA MUFARO WAKO MUUSHUMIRI Taura Zvinobaya Mwoyo

Kuteerera Mwari kunobva mumwoyo. (Zvi 3:1) Saka patinenge tichidzidzisa, tinofanira kusvika pamwoyo yevateereri vedu. Tingazviita sei?

Usangodzidzisa mudzidzi wako chokwadi chiri muBhaibheri, asi mubatsire kuona kuti zvaari kudzidza zvinoshanda sei muupenyu hwake uye kuti zvingamubatsira sei kuti ave neushamwari naJehovha. Mubatsire kuti anzwisise kuti zvinodzidziswa neBhaibheri zvinoratidza sei kuti Jehovha ndiMwari ane rudo, akanaka uye akarurama. Taura naye zvakanaka, uchimubvunza mibvunzo inomubatsira kuti azviongorore kuti ari kunzwa sei nezvaari kudzidza. Mubatsire kuti aone kunaka kunogona kuita upenyu hwake kana akachinja maonero aanoita zvimwe zvinhu zvisingadiwi naMwari. Paunoona mudzidzi wako achida Jehovha nemwoyo wese, mufaro wako uchawedzera.

ONA VHIDHIYO INONZI WANA MUFARO PAKUITA KUTI VANHU VAVE VADZIDZI—VANDUDZA UNYANZVI HWAKO—KUTAURA ZVINOBAYA MWOYO, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:

  • Chikamu chevhidhiyo inonzi ‘Wana Mufaro Pakuita Kuti Vanhu Vave Vadzidzi—Vandudza Unyanzvi Hwako—Kutaura Zvinobaya Mwoyo.’ Neeta ari kubvunza Jade mubvunzo pavari kudzidza Bhaibheri.

    Nei Neeta akabvunza Jade kuti: “Pane zvatakakurukura musi weMonday pane zvawakazombofunga here?”

  • Chikamu chevhidhiyo inonzi ‘Wana Mufaro Pakuita Kuti Vanhu Vave Vadzidzi—Vandudza Unyanzvi Hwako—Kutaura Zvinobaya Mwoyo.’ Neeta ari kubatsira mudzidzi kuti anzwisise Magwaro.

    Neeta akabatsira sei Jade kunzwisisa kuti mitemo yaMwari inoratidza sei kuti Jehovha anomuda?

  • Chikamu chevhidhiyo inonzi ‘Wana Mufaro Pakuita Kuti Vanhu Vave Vadzidzi—Vandudza Unyanzvi Hwako—Kutaura Zvinobaya Mwoyo.’ Jade ari kuteerera Neeta achitaura.

    Kana tikataura zvinosvika pamwoyo wemudzidzi wedu, zvichamubatsira kuti ave neushamwari naJehovha

    Neeta akabatsira sei Jade kuti angaratidza sei kuti anoda Mwari?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe