RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwb21 July p. 3
  • Nzwira Vanhu Tsitsi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nzwira Vanhu Tsitsi
  • Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2021
  • Mashoko Akafanana
  • Tsitsi—Musimboti Womutsa Netsiye Nyoro
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • Mwari Ane Tsitsi Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2018
  • Nzwira Vamwe Tsitsi
    Mukai!—2020
  • Wedzera Mufaro Wako Muushumiri—Bvunza Mibvunzo
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2021
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2021
mwb21 July p. 3

SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI | WEDZERA MUFARO WAKO MUUSHUMIRI

Nzwira Vanhu Tsitsi

Kunzwira tsitsi zvinoreva kukwanisa kunzwisisa mafungiro evamwe, manzwiro avo, zvavanokoshesa uye kuziva zvavanenge vachida kubatsirwa nazvo. Vamwe vanhu vanozviona kana tichivanzwira tsitsi. Kunyatsoda kuvabatsira kunoita kuti tivanzwire tsitsi. Kana tikanzwira vanhu tsitsi muushumiri, tinenge tichitevedzera Jehovha pakuratidza rudo uye pakuva nehanya nevanhu. Izvi zvinoita kuti vanhu vade kuziva nezvaMwari.—VaF 2:4.

Kunzwira vamwe tsitsi hakungogumiri mupfungwa dzemunhu; kunooneka nekuteerera kwatinoita mudzidzi, matauriro edu, uye zvatinoita chiso chedu nemuviri wedu. Tinoratidza kuti tinonzwira tsitsi patinova nehanya nemumwe munhu. Tinocherechedza zvaanofarira, zvaanotenda uye kuti zvinhu zvakamumirira sei. Tinomupa mazano uye tinomubatsirawo pane zvimwe zvinhu asi hatimumanikidzi kuti achinje. Kana vanhu vatinoparidzira vakatibvumira kuti tivabatsire, tinowedzera kufara muushumiri.

ONA VHIDHIYO INONZI WANA MUFARO PAKUITA KUTI VANHU VAVE VADZIDZI—VANDUDZA UNYANZVI HWAKO—KUNZWIRA VANHU TSITSI, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:

  • Mufananidzo wakatorwa muvhidhiyo inonzi ‘Wana Mufaro Pakuita Kuti Vanhu Vave Vadzidzi—Vandudza Unyanzvi Hwako—Kunzwira Vanhu Tsitsi.’ Pavari muchitoro chinotengesa kofi, Jade ari kutsanangura kuti nei asiri kukwanisa kudzidza Bhaibheri zuva iroro.

    Neeta akaratidza sei kunzwira tsitsi, Jade paakanonoka?

  • Mufananidzo wakatorwa muvhidhiyo inonzi ‘Wana Mufaro Pakuita Kuti Vanhu Vave Vadzidzi—Vandudza Unyanzvi Hwako—Kunzwira Vanhu Tsitsi.’ Neeta ari kuteerera achinzwira tsitsi.

    Neeta akaratidza sei kunzwira tsitsi, Jade paakati aiva nezvaimunetsa zvekuti aisakwanisa kudzidza?

  • Mufananidzo wakatorwa muvhidhiyo inonzi ‘Wana Mufaro Pakuita Kuti Vanhu Vave Vadzidzi—Vandudza Unyanzvi Hwako—Kunzwira Vanhu Tsitsi.’ Neeta anobatsira Jade kurongedza mumba make makati nyangarara.

    Kana tikanzwira vanhu tsitsi vachada kudzidza nezvaJehovha

    Neeta akaratidza sei kunzwira tsitsi, Jade paakati akanga asina kurongeka?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe