PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | EKSODHO 17-18
Kudzidzisa Vamwe Mabasa Uye Kuvapawo Zvekuita
Hama dzagara nebasa dzinoratidza kuti dzine mwero, rudo uye dzinofunga zviri mberi nekudzidzisa kwadzinoita vechidiki kuita mabasa muungano uye kuvapawo zvekuita. Vangazviita sei?
Sarudzai vamunoona kuti vanogona kuita zvakawanda musangano raJehovha
Vapei mirayiridzo yakajeka yezviri kuda kuitwa
Vapei zvekushandisa zvingadiwa pakuita basa racho
Potai muchiona kuti basa racho riri kufamba sei uye ratidzai kuti munovimba navo
ZVIBVUNZEI KUTI, ‘Ndeapi mamwe mabasa andingapawo vamwe kuti vaite?’