August 24-30
EKSODHO 19-20
Rwiyo 88 Nemunyengetero
Mashoko Ekusuma (1 min.)
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI
“Zvaunodzidza paMitemo Gumi”: (10 min.)
Eks 20:3-7—Namata Jehovha uye zvipire kwaari zvakazara (w89 11/15 5 ¶6)
Eks 20:8-11—Isa zvinhu zvekunamata pekutanga muupenyu hwako
Eks 20:12-17—Remekedza vamwe (w89 11/15 6 ¶1-2)
Kuchera Pfuma muShoko raMwari: (10 min.)
Eks 19:5, 6—Nei vaIsraeri vakarasikirwa nemukana wekuva “umambo hwevapristi”? (it-2-E 687 ¶1-2)
Eks 20:4, 5—Zvinorevei kuti Jehovha anoranga zvizvarwa zvinotevera “nekuda kwekukanganisa kwemadzibaba avo”? (w04 3/15 27 ¶1)
Ndezvipi zvawakawana pakuverenga Bhaibheri kwevhiki rino zvine chekuita naJehovha, ushumiri nezvimwewo?
Kuverenga Bhaibheri: (4 min. zvichidzika) Eks 19:1-19 (th chidzidzo 10)
SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI
Paunoona Munhu Kekutanga: (3 min. zvichidzika) Tanga nemharidzo yekuenzanisira. Mupe kadhi rejw.org. (th chidzidzo 1)
Paunodzokera: (4 min. zvichidzika) Tanga nemharidzo yekuenzanisira. Ipa saimba chimwe chezviri muBhokisi reMaturusi Ekudzidzisa. (th chidzidzo 15)
Chidzidzo cheBhaibheri: (5 min. zvichidzika) bhs 67-68 ¶17-19 (th chidzidzo 8)
KURARAMA KWECHIKRISTU
Ndingawana Sei Rusununguko Rwakati Wedzerei?: (6 min.) Kukurukurirana. Ratidzai vhidhiyo. Kana yapera bvunzai vechidiki mibvunzo inotevera: Ungaita sei kuti vabereki vako vavimbe newe? Kana wakanganisa unofanira kuita sei? Nei zvichikosha kuti uremekedze vabereki kana uchida kuwedzerwa rusununguko?
Remekedza Vabereki Vako Vakwegura: (9 min.) Kukurukurirana. Ratidzai vateereri vhidhiyo. Kana yapera bvunzai mibvunzo inotevera: Matambudziko api anovapo kana vabereki vakura? Nei vemumhuri vachifanira kutaurirana pavanenge vachifunga kuti vochengeta sei vabereki vavo vakwegura? Vana vangaratidza sei kuti vanoremekedza vabereki vavo pavanenge vachivachengeta?
Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano: (30 min.) jy chits. 129, bhokisi “Kuzvambura”
Mashoko Ekugumisa (3 min. zvichidzika)
Rwiyo 13 Nemunyengetero