KURARAMA KWECHIKRISTU
Ramba Wakavimbika Sezvo Mugumo Unoswedera Pedyo
NEI ZVICHIKOSHA? Pane zviitiko zvava pedyo kuitika zvichada kuti tive neushingi uye tiratidze kuti tinovimba naJehovha. Kutambudzika kukuru kuchatanga pachaparadzwa chitendero chenhema. (Mt 24:21; Zva 17:16, 17) Panguva iyi tinogona kunge tava kuparidza mashoko anorwadza ekutongwa. (Zva 16:21) Ticharwiswa naGogi wenyika yeMagogi. (Eze 38:10-12, 14-16) Kuti adzivirire vanhu vake, Jehovha achabva aunza “hondo yezuva guru raMwari Wemasimbaose.” (Zva 16:14, 16) Tinofanira kuva nekutenda kwakasimba iye zvino patinosangana nemiedzo, kuitira kuti tizokwanisa kuva neushingi panguva iyi.
MAITIRWO AZVO:
Iva neushingi hwekutsigira mitemo yaMwari panyaya yetsika uye kuzvibata.—Isa 5:20
Ramba uchinamata Mwari pamwe chete nevamwe vaKristu.—VaH 10:24, 25
Teerera mirayiridzo inopiwa nesangano raJehovha.—VaH 13:17
Funga nezvekuponeswa kwakaitwa vashumiri vaJehovha vekare.—2Pe 2:9
Nyengetera kuna Jehovha, uye vimba naye.—Pis 112:7, 8
ONA VHIDHIYO INONZI ZVINHU ZVICHAITIKA MUNE RAMANGWANA ZVICHADA KUTI TIVE NEUSHINGI—CHIDIMBU, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:
Vaparidzi vakasangana nemuedzo upi pakabatanidzwa ungano?
Ushingi nekuteerera zvakabatana papi?
Nei tichifanira kuva neushingi pachatanga Amagedhoni?
Gadzirira iye zvino kuti uzova neushingi mune ramangwana
Inyaya ipi iri muBhaibheri inoita kuti tivimbe kuti Jehovha anogona kutiponesa?—2Mak 20:1-24