KURARAMA KWECHIKRISTU
Mhuka Dzinotidzidzisei Nezveushingi?
Jehovha anotidzidzisa kuti tive neunhu hwakaita sehwake. Imwe nzira yatinodzidza nayo ndeyekuverenga nezvevarume nevakadzi vanotaurwa muBhaibheri. Anotidzidzisawo achishandisa zvinhu zvaakasika. (Job 12:7, 8) Tinodzidzei nezveushingi kubva pashumba, bhiza, chidzvororo, tsodzo uye nzou?
ONA VHIDHIYO INONZI DZIDZA USHINGI KUBVA KUMHUKA, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:
Shumba hadzi dzinoratidza sei ushingi padzinenge dzichidzivirira vana vadzo?
Mabhiza anodzidziswa sei kuti ave neushingi muhondo?
Nei chidzvororo chisingatyi nyoka dzine uturu?
Shiri diki dzinonzi tsodzo dzinoratidza sei ushingi?
Nzou dzinoratidza sei ushingi pakudzivirira dzimwe nzou dzinenge dziri muboka radzo?
Mhuka idzi dzinokudzidzisei nezveushingi?