KURARAMA KWECHIKRISTU
Ita saJosefa—Tiza Upombwe
Tinofanira kutevedzera zvakaitwa naJosefa kana tikaedzwa kuti tiite upombwe. Pese paiedza mudzimai watenzi wake kurara naye, airamba. (Ge 39:7-10) Mhinduro yake yekuti: “Saka ndingaitirei chivi chakakura kudaro ndichitadzira Mwari?” inoratidza kuti akanga agara achikoshesa maonero aMwari ekuti vakaroorana vave vakavimbika kune wavakaroorana naye. Zvinhu pazvakazooma, akabva atiza pane kunonozeka achipa mukadzi wacho mukana wekumunyengedza.—Ge 39:12; 1VaK 6:18.
ONA VHIDHIYO INONZI TIZA UPOMBWE, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:
Mamiriro api ezvinhu akasangana naJin?
Jin akazvibvunza kutii Mee-Kyong paakamukumbira kuti amubatsire kuita homuweki yesvomhu?
Zvakakumbirwa naMee-Kyong zvakaita kuti Jin anzwe sei?
Jin akabatsirwa sei?
Jin akaitei kuti atize upombwe?
Wadzidzei kubva muvhidhiyo iyi?