KURARAMA KWECHIKRISTU
Kuvaitira Zvakanaka Nekuvaremekedza Kunoita Kuti Vade Chokwadi
Zvinhu zvakanaka zvinoitwa nemadzimai anenge aine varume vasingatendi zvinogona kuzoita kuti varume vacho vade chokwadi. Asi kazhinji zvinotoda kuti vatsungirire kwemakore akawanda. (1Pe 2:21-23; 3:1, 2) Kana uri mumariro ezvinhu akaoma, ramba uchikunda zvakaipa nezvakanaka. (VaR 12:21) Murume wako anogona kusateerera zvaunotaura nezvaJehovha, asi zvakanaka zvaunoita zvinogona kumubatsira kuti achinje mafungiro ake.
Edza kunzwisisa maonero aanoita zvinhu. (VaF 2:3, 4) Iva munhu ane hanya uye ita zvese zvaunogona kuti uve mudzimai akanaka. Nyatsoteerera paanenge achitaura. (Jak 1:19) Iva nemwoyo murefu, uye ita kuti murume wako azive kuti unomuda. Kunyange kana wawakaroorana naye asingakuratidzewo rudo kana kukuremekedza, ziva kuti Jehovha anokoshesa zvaunoita.—1Pe 2:19, 20.
ONA VHIDHIYO INONZI JEHOVHA ANOTIPA SIMBA REKUTAKURA MUTORO WEDU, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:
Zvinhu zvainge zvakamira sei muupenyu hwahanzvadzi Grace Li pavakanga vachangoroorwa?
Chii chakaita kuti vade chokwadi?
Hanzvadzi Grace Li vakatsungirira sei matambudziko avakasangana nawo pavakabhabhatidzwa?
Hanzvadzi Li vakanyengetera vachitii nezvemurume wavo?
Hanzvadzi Li vakawana makomborero api nemhaka yezvakanaka zvavaiita uye kuremekedza kwavaiita murume wavo?
Kuita zvakanaka nekuremekedza kunobatsira!