PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | 1 PETRO 3-5
“Kuguma Kwezvinhu Zvese Kwava Pedyo”
Munguva pfupi iri kutevera tichasangana nekutambudzika kukuru kusati kwamboitika panyika. Tingaita sei kuti tirambe takasimba pane zvekunamata iye zvino uye mune ramangwana?
Gara uchinyengetera, uchishandisa nzira dzese dzekunyengetera, dzakadai sekurumbidza, kuonga uye kuteterera
Ramba uchiwedzera kuda kwaunoita hama nehanzvadzi dzako dzechiKristu
Gamuchira vaenzi zvakanaka
ZVIBVUNZE KUTI, ‘Zvii zvandingaita kuti ndiratidze kuti ndinoda uye ndinogamuchira zvakanaka hama nehanzvadzi dzekwandinogara uye dziri munyika yese?’